RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 11/15 pp. 21-24
  • Ungadzima Tambo Yemwenje Inopwititika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungadzima Tambo Yemwenje Inopwititika Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurangarira Uporofita Hwacho
  • Tapuro Dzokutsoropodza
  • Zvakadiniko Nokuenzanisa?
  • Nzira Dzokuvaka Nadzo
  • Iva Anovaka Nguva Dzose
  • Anozadzisa Uprofita hwaIsaya
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Mupristi Wedu Mukuru Ane Tsitsi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Chinhu Chitsva Pamusangano Wepakati Pevhiki
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Tevedzera Kuzvininipisa Uye Unyoro hwaJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 11/15 pp. 21-24

Ungadzima Tambo Yemwenje Inopwititika Here?

JESU KRISTU akazivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kumarudzi ose avanhu. Vakawanda vavo vakanga vakadzvinyirirwa, vakaodzwa mwoyo. Asi Jesu akavapa shoko rinokurudzira. Ainzwira tsitsi vanhu vaitambura.

Mateo munyori weEvhangeri akasimbisa tsitsi dzaJesu kupfurikidza nokukwevera ngwariro kuuporofita hwakanyorwa naIsaya. Achinokora mashoko akazadzikwa naKristu, Mateo akanyora, kuti: “Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopwititika haangaudzimi, kusvikira achituma kutonga kuti kukunde.” (Mateo 12:20; Isaya 42:3) Chii chinorehwa naaya mashoko, uye Jesu akazadzika sei uhwu uporofita?

Kurangarira Uporofita Hwacho

Tsanga inowanzokura munharaunda ine mvura uye haisati iri chinomera chakasimba uye chakatsiga. “Rutsanga rwakapwanyika” rwaizova rusina kusimba zvirokwazvo. Naizvozvo runoratidzika kuva runomirira vanhu vakadzvinyirirwa kana kuti vanotambura kufanana nomurume aiva noruoko rwakawunyana uyo Jesu akaporesa paSabata. (Mateo 12:10-14) Asi zvakadini nenongedzero youporofita kutambo yemwenje?

Mwenje womumba unozivikanwa navose vezana rokutanga ramakore C.E. wakanga uri mudziyo wevhu wakaita sechokudirisa mvura chine mubato wakakombama. Mwenje wacho waiwanzozadzwa namafuta emiorivhi. Kupfurikidza nokukweva, tambo yakaitwa neflax yaidhonza mafuta kuti rimi rirambe riripo. Chokwadika, ‘tambo inopwititika’ yaizova iyo yodokudzima.

Jesu akazivisa mashoko ake anonyaradza kuvakawanda avo nenzira yokufananidzira vakanga vakafanana netsanga yakapwanyika, yakakombamiswa uye yakavhuniwa. Vanhu ava vakanga vakafananawo netambo yemwenje yeflax inopfungaira nemhaka yokuti pfarivari rokupedzisira roupenyu rakanga rava pedyo nokudzimwa. Vakanga vakadzvinyirirwa chaizvoizvo uye vakaodzwa mwoyo. Zvisinei, Jesu haana kupwanya tsanga yakapwanyika yokufananidzira kana kuti kudzima tambo yemwenje inopwititika yokufananidzira. Mashoko ake orudo, manyoro, etsitsi haana kuwedzera kusakurudzira uye kuodza mwoyo vanhu vaitambura. Panzvimbo pezvo, tsinhiro dzake nokubata kwake navo zvaiva netapuro inokurudzira.—Mateo 11:28-30.

Nhasiwo, vakawanda vanoda tsitsi nekurudziro nemhaka yokuti vanotarisana nezvinetso zvinoodza mwoyo. Kunyange vabatiri vaJehovha havasati vari nhare dzesimba. Padzimwe nguva vamwe vanofanana netambo yemwenje inopwititika. VaKristu naizvozvo vanofanira kuva vanokurudzira—vachiwedzera rimi, sokunge zvakadaro—nokudaro vachisimbaradzana.—Ruka 22:32; Mabasa 11:23.

SavaKristu tinoda kuva vanovaka. Hatisati tichizonetesa namaune upi noupi ari kutsvaka betsero yomudzimu. Zvirokwazvo, tinoshuva kutevedzera muenzaniso waJesu mukusimbaradza vamwe. (VaHebheru 12:1-3; 1 Petro 2:21) Idi rokuti tinogona kukuvadza tisingazivi upi noupi anotarira kwatiri nokuda kwekurudziro chikonzero chakanaka chokuti tirangarire zvakakomba nzira yedu yokubata nayo navamwe. Zvirokwazvo hatidi ku‘dzima tambo yemwenje inopwititika.’ Inhungamiroi dzapaMagwaro dzinogona kutibetsera muna ikoku?

Tapuro Dzokutsoropodza

Kana muKristu ‘akaita chikanganiso, avo vane zvikwaniriso zvomudzimu vanofanira kuedza kugadziridza munhu akadaro nechimiro chendangariro chounyoro.’ (VaGaratia 6:1) Zvisinei, kwaizova kwakafanira here kutsvaka zvikanganiso muna vamwe uye kushandisa mukana uri wose kuvaruramisa? Kana kuti kwaizova kwakarurama here kuvagombedzera kuita zviri nani kupfurikidza nokuratidzira kuti nhamburiko dzavo dzazvino hadzina kukwana, zvichida kuvaita kuti vave nemirangariro yokuva nemhaka? Hapana ufakazi hwokuti Jesu akaita chinhu chipi nechipi chorudzi irworwo. Kunyange zvazvo iri vavariro yedu kuti tibetsere vamwe kuti vavandudze, avo vanotsoropodzwa nenzira isiri yemutsa vanganzwa vaneteswa panzvimbo pokusimbiswa. Kunyange kutsoropodza kunovaka kunogona kuva kunoodza mwoyo zvikuru kana kukanyanyoitwa. Kana nhamburiko dzakanakisisa dzomuKristu anongwarira dzaisazotenderwa bedzi, angatorega ndokuti, ‘Kumboedzerei?’ Zvirokwazvo, angarega zvachose.

Nepo kupiwa kwezano rapaMagwaro kuchikosha, hakufaniri kuzivisa chimiro chendangariro chavakuru vakagadzwa kana kuti vamwe vari muungano. Misangano yechiKristu haiitirwi zvikurukuru kupa nokugamuchira zano. Panzvimbo pezvo, tinosangana pamwe chete nguva dzose kuti tivakane nokukurudzirana kuitira kuti vose vagone kufarikanya songaniro yavo uye basa rinoera ravo kuna Mwari. (VaRoma 1:11, 12; VaHebheru 10:24, 25) Kunofadza sei apo tinonzwisisa musiyano uri pakati pechikanganiso chakakomba uye kusakwana zvokuti kunova kuchenjera uye kuva norudo kufuratira!—Muparidzi 3:1, 7; VaKorose 3:13.

Vanhu vanodavidza nokukurumidza zvikuru kukurudziro kupfuura zvavanoita kutsoropodzo. Kutaura idi, apo vanhu vamwe navamwe vanonzwa vatsoropodzwa zvisina kufanira, vangabatira zvakasimba kumufambiro wacho unotsoropodzwa! Asi apo vanorumbidzwa nenzira yakarurama, vanokurudzirwa, uye vanosundwa kuvandudza. (Zvirevo 12:18) Kufanana naJesu, naizvozvo ngative vanokurudzira uye tisatongo‘dzime tambo yemwenje inopwititika.’

Zvakadiniko Nokuenzanisa?

Kunzwa zvakaitika zvakaisvonaka zvavamwe vaKristu kunogona kuva kunokurudzira zvikuru. Jesu amene akafara apo akanzwa pamusoro pebudiriro yavadzidzi vake mukuparidza mashoko oUmambo. (Ruka 10:17-21) Nenzira yakafanana, apo tinonzwa nezvebudiriro, muenzaniso wakanaka, kana kuti kuperera kwavamwe mukutenda, tinokurudzirwa uye tinonzwa tatsunga zvikuru kurambira munzira yedu yechiKristu.

Bva, zvakadiniko kana mushumo ukapiwa nenzira yokuti unokarakadza kuti, ‘Hamuna kunaka savaKristu ava, uye munofanira kuve muchiita zviri nani zvikuru kupfuura zvamuri kuita’? Muteereri wacho sezvingabvira achatanga purogiramu yakasimba yokuvandudza here? Kune bviro yokuti achaodzwa mwoyo uye zvichida kurega, zvikurukuru kana kuenzanisa kuchigaroitwa kana kuti kuratidzirwa. Ikoku kungava kwakafanana zvikuru nomubereki ari kubvunza mwana wake kuti, ‘Neiko usingaiti zvikuru samukoma wako?’ Tsinhiro yakadaro ingaparira pfundepfunde uye kuodzwa mwoyo, asi haina bviro yokusimudzira mufambiro uri nani. Kuenzanisa kungava netapuro yakafanana pavakuru, kunyange kuvaita kuti vati ivei vanoitira pfundepfunde avo vari kuenzaniswa navo.

Hatigoni kukarira vose kuita chitsama chakafanana mubasa raMwari. Muumwe wemienzaniso yaJesu, mumwe tenzi akapa varanda vake zvimwe tarenda resirivha rimwe, maviri, kana kuti mashanu. Ivava vakapiwa “mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake.” Varanda vaviri avo vakatengesa nouchenjeri ndokuwedzera matarenda avo vakarumbidzwa nemhaka yokuti vakanga vakatendeka, kunyange zvazvo basa ravo rakava nemigumisiro yakasiyana.—Mateo 25:14-30.

Muapostora Pauro nenzira yakakodzera akanyora, kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.” (VaGaratia 6:4) Kuti tive vanokurudzira zvechokwadi kuvamwe, ipapo, tinofanira kuedza kudzivisa kuita kuenzanisa kwakashata.

Nzira Dzokuvaka Nadzo

Chii chatinogona kuita kuti tivake vakaodzwa mwoyo uye kudzivisa ‘kudzima tambo yemwenje inopwititika’? Eya, kupa kurudziro haisati iri nhau yokutevedzera mumwe mutoo wakananga. Zvisinei, pane bviro yokuti mashoko edu achavaka vamwe kana tikashandisa nheyo dzeBhaibheri. Ndedzipi dzimwe dzaidzodzi?

Zvininipise. Pana VaFiripi 2:3, Pauro akatirayira ku‘saita chinhu nokukakavara kana kuti kuzvikudza.’ Panzvimbo pezvo, tinofanira kutaura uye kuita nokuzvininipisa. ‘Nokuzvininipisa kwendangariro tinofanira kurangarira vamwe kuva vanotipfuura.’ Pauro haana kutaura kuti hapana chatinofanira kufunga pamusoro pedu timene. Bva, tinofanira kuziva kuti munhu ari wose anotipfuura munzira yakati. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “pfuura” rinokarakadza kuti mumwe munhu “anofuratira ropafadzo dzake amene, uye anofungisisa nokushingaira mano omumwe aanomupfuura.” (New Testament Word Studies, rakanyorwa naJohn Albert Bengel, Vhoriyamu 2, peji 432) Kana tikaita izvozvi ndokurangarira vamwe kuva vanotipfuura tichabata navo nomutoo wokuzvininipisa.

Ratidza ruremekedzo. Kupfurikidza nokutaura kwedu kwapachokwadi, tinogona kukuita kuti kuve kwakajeka kuti tinovimba navatendi biyedu vakatendeka, tichivarangarira savanhu vari kushuva kufadza Mwari. Asi ngatimboti vanoda betsero yomudzimu. Ipapo ngatigoverei yamuro nomutoo wokuremekedza, une chiremera. Pauro akataura neiyi nzira: “Pakukudzana tungamiriranai.”—VaRoma 12:10.

Iva muteereri akanaka. Hungu, kuitira kuti tikurudzire avo vangatarisana nezvinetso zvinoodza mwoyo, tinofanira kuva vateereri vakanaka, kwete vaparidzi. Panzvimbo pokupa zvikarakadzo zvokukurumidza, zvisina udzame, ngatitorei nguva inodikanwa kuti tigovere nhungamiro yapaMagwaro iyo inogutsa zvirokwazvo zvinodikanwa zvinenge zviripo. Kana tisingazivi chokutaura, kunzvera Bhaibheri kuchatibetsera kutaura nenzira inonyaradza ndokusimbisa vamwe.

Iva ane rudo. Tinofanira kuda avo tinoshuva kukurudzira. Apo runoratidzirwa kuvabatiri biyedu vaJehovha, rudo rwedu runofanira kupfuura kungoitawo mufariro dzavo dzakaisvonaka. Kunofanira kubatanidza kunzwa kukuru. Kana tichida zvakadaro vanhu vose vaJehovha, mashoko edu achava ekurudziro yechokwadi kwavari. Kunyange kana tichida kupa chikarakadzo nokuda kwevandudziko, hapana bviro yokuti zvatinotaura zvicharega kunzwisiswa kana kuti zvichaparira kuvadziko apo vavariro yedu inenge isiri kungodudza murangariro wedu asi kupa betsero yorudo. Seizvo Pauro anotaura nenzira yakarurama kuti, “rudo runosimbisa.”—1 VaKorinte 8:1; VaFiripi 2:4; 1 Petro 1:22.

Iva Anovaka Nguva Dzose

Muaya “mazuva okupedzisira” akaoma, vanhu vaJehovha vanotarisana nemiedzo yakawanda. (2 Timotio 3:1-5) Hakushamisi kuti pane dzimwe nguva vanotambura kusvika kuunoratidzika kuva mugumo wetsungiriro yavo. Savabatiri vaJehovha, zvirokwazvo hatingadi kutaura kana kuti kuita zvinhu izvo zvingaparira upi noupi wavanamati biyedu kunzwa setambo dzemwenje dzinopwititika idzo dzodokudzima.

Kunokosha sei, ipapoka, kuti tikurudzirane! Ngatiitei nhamburiko iri yose kuti tive vanovaka kupfurikidza nokuva vanozvininipisa uye vanoremekedza kuvanamati biyedu vakaodzwa mwoyo. Ngatisanoteererei apo vanotivimba uye kutsvaka kuvabetsera nguva dzose kupfurikidza nokunangidzira ngwariro kuShoko raMwari, Bhaibheri. Kupfuura zvose, ngatiratidzirei rudo, nokuti ichi chibereko chomudzimu mutsvene waJehovha chichatibetsera kusimbisana. Ngatisatongotaura kana kuti kuita nenzira ipi neipi iyo inga‘dzima tambo yemwenje inopwititika.’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe