RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 11/15 p. 20
  • Vamwarikadzi Voruzvaro uye Vehondo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vamwarikadzi Voruzvaro uye Vehondo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 11/15 p. 20

Vamwarikadzi Voruzvaro uye Vehondo

MUKATI mebasa rokuchera matongo paEbla, Syria, chisaririra chinoratidzira Ishtar, mwarikadzi weBhabhironi weruzvaro nowehondo, chakawanwa. Wezvokuchera matongo Paolo Matthiae anochirondedzera se“chisimbiso chakatenderera chine chiono chokunamata chinoratidzira mupristakadzi akafukidzwa ari pamberi pemufananidzo mumwe woumwari . . . nomusoro wacho wakabatanidzwa nechitsigiso chirefu chakatetepa.”

Kuwanwa kwacho kunokosha, nokuti mufananidzo wacho ndowemusi unosvika kumavambo ezana ramakore rechi18 B.C.E. Maererano naMatthiae, ikoku kunopa “chibvumikiso chinopwisa” chokuti kunamatwa kwaIshtar kwakasvika makore 2 000.

Kunamatwa kwaIshtar kwakavamba muBhabhironi uye mumazana amakore akatevera kwakapararira muUmambo hwose hweRoma. Jehovha akaraira vaIsraeri kuparadza chisaririra chiri chose chorudzidziso rwenhema muNyika Yakapikirwa, asi nemhaka yokuti vakakundikana kuita saizvozvo, kunamatwa kwaAshtaroti (mubiyake wechiKanani waIshtar) kwakava musungo kwavari.—Dheuteronomio 7:2, 5; Vatongi 10:6.

Kunyange zvazvo Ishtar nomubiyake Ashtaroti vasati vachiripo, mavara avakamiririra—unzenza namasimba masimba—zvakapararira. Tingasanobvunza kana nzanga yazvino uno iri chaizvoizvo yakasiyana zvikuru kwazvo nepepuko idzodzo dzakare dzainamata ava vamwarikadzi voruzvaro uye vehondo.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Vana vakabayirwawo kuna Tanit

[Kwazvakatorwa]

Ralph Crane/Bardo Museum

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe