Mapikicha nemavhidhiyo anobatsira kunzwisisa zvinhu zvakasiyana-siyana zviri muBhaibheri.
Bhetifage, Gomo reMiorivhi Uye Jerusarema
Vhidhiyo iyi inoratidza mugwagwa unoenda kuJerusarema uchibva nechekumabvazuva, uko kune nzvimbo inonzi et-Tur inofungidzirwa kuti ndiyo yainzi Bhetifage. Mugwagwa wacho unopfuura nechepamusoro peGomo reMiorivhi. Bhetani iri kumabvazuva kweBhetifage uye kweGomo reMiorivhi. Jesu nevadzidzi vake pavaiva muJerusarema, vaiwanzorara kuBhetani, iyo yava kunzi el-ʽAzariyeh (El ʽEizariya) muchiArabic, zvichireva kuti “Nzvimbo yaRazaro.” Jesu anofanira kunge ainorara kumba kwanaMarita, Mariya naRazaro. (Mt 21:17; Mk 11:11; Ru 21:37; Joh 11:1) Paainge ava kuenda kuJerusarema, Jesu anogona kunge aifamba nemugwagwa uri kuratidzwa muvhidhiyo. Paakatasva mwana wembongoro achipfuura nepaGomo reMiorivhi musi waNisani 9, 33 C.E., anogona kunge akashandisa mugwagwa uyu achibva kuBhetifage.
Mugwagwa unobva kuBhetani uchienda kuBhetifage
Bhetifage
Gomo reMiorivhi
Mupata weKidroni
Paiva neTemberi
Chipikiri Pabhonzo Repachitsitsinho
Pikicha iyi ndeyechitsitsinho chekugadzira chakarovererwa chipikiri chakareba 11,5 cm. Chitsitsinho chacho chaicho chakawanikwa muna 1968, paicherwa matongo nechekuchamhembe kweJerusarema, uye ndechemunguva yaitonga vaRoma. Chitsitsinho ichi chinoratidza kuti vanhu vanogona kunge vaiurayiwa vachirovererwa nezvipikiri padanda. Chipikiri chacho chinogona kunge chakafanana nezvipikiri zvakashandiswa nevaRoma pakuroverera Jesu Kristu padanda. Chitsitsinho chakawanikwa muna 1968 chaiva mubhokisi redombo, iro raiiswa mabhonzo echitunha anenge aoma. Izvi zvinoratidza kuti munhu airovererwa padanda aigona kuzovigwa.—Mt 27:35.