Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—India
INDIA! Ichi chikamu chekondinendi chikuru musha wemunhu 1 pavanhu 6 voga voga vari panyika pano. Pamwe chete, inopfuura mitauro netwumitauro 1 000 inotaurwa muiyi nyika ine mhatsa. Vanhu vacho zvikurukuru vaHindu, 83 muzana vavo, nepo 11 muzana vaMuslim, navaSikh, vaBuddha, vaJain, uye vaKristu vezita vachiumba vasara.
Zvapupu zvaJehovha zvave zvichifarikanya budiriro yakatanhamara muIndia mumakore achangobva kupfuura. Zvakawana vanhu vakafanana namakwai avo vari kudisa kutsigira zvakasimba kurutivi rwoUmambo hwaJehovha, pasinei zvapo nemitoo yose yedzvinyiriro nechishoro.
Somuenzaniso, mumwe musikana mumhuri inogamuchirika yavaHindu chaivo akanga aremadzwa neporiyo kubvira pauduku. Marwadzo aakatambura akamuita kuti afunge pamusoro paMwari nechinangwa choupenyu. Akanzvera marudzidziso akawanda nokuda kwemhinduro asi haana kuwana nyaradzo. Somugumisiro, akarasikirwa nokutenda kwake rudzidziso, kunyange zvazvo kwete muna Mwari.
Panenge panguva ino Zvapupu zviviri zvakasangana nouyu musikana muushumiri hwazvo hwapaimba neimba. “Ndakasundwa kuchema apo ndakazvinzwa zvichirava Zvakazarurwa 21:4,” anoyeuka kudaro. Akagamuchira zvakawanda zvezvinyorwa zveWatch Tower Society ndokubvuma fundo yeBhaibheri yapamusha pasinei zvapo nokushora kwaamai vake. Musikana wacho akaita chinjo dzakawanda muupenyu hwake, akanangana noushingi nokushora kwaibva kuhama dzokunyama, ndokuva Chapupu chakabhapatidzwa. Anoti: “Ndakabva kure, uye yave iri nzira yakaoma zvikuru. Asi Jehovha Mwari ave aneni nguva dzose uye akandipa rugare rukuru nomufaro.”
Kusimba nokuda Kwokunamata Kwakachena Muchikoro
Imwe hanzvadzi duku yakakumbirwa nomudzidzisi wayo kuenda kuchechi yeKaturike pamwe chete navasara vekirasi yacho. Hanzvadzi yacho yakaramba nenzira yakapfava, ichiti yakanga iri mumwe weZvapupu zvaJehovha uye yaisazonamata munhu upi noupi kana kuti chinhu chipi nechipi kunze kwaJehovha. Mudzidzisi wacho akataura kuti apo vamwe vose vaienda kuchechi, aifanira kuendawo. Asi hanzvadzi yacho yakamira yakatsiga ndokutaura kuti sezvo vaienda kuchechi kwacho vaisazove vachinyengetera kuna Jehovha, aisagona kuona kuti aigona sei kuva muvapindi ikoko.
Nemhaka yokutsiga kwomusikana wacho, mudzidzisi wake aida kuziva zvakawanda. Nokudaro zuva rakatevera hanzvadzi yacho yakamupa nyaya yeNharireyomurindi pamusoro pokunamatwa kwaJehovha. Aororwa nezvaakanga arava, mudzidzisi wacho ipapo akamuhesvura pamibato yose yorudzidziso pachikoro. Hanzvadzi yacho yakakwanisa kumugovera iye navamwe vadzidzi magazini gumi.
Kuteerera Mutemo waMwari Pamusoro Peropa Kunotuswa
Nguva pfupi yapfuura fivha inotapukira yakava muchimiro chomurakatira mumamwe mativi enyika yeKerala. Ichi chirwere chinokuvadza zvikuru itsvo uye chinotungamirira kukudikanwa kwedialysis. Kuisirwa ropa kunowanzoitwa. Mune rimwe guta vanhu 14 vakapinzwa muchipatara nemhaka yeichi chirwere. Mumwe waava varwere akanga ari Chapupu, mukuru muungano yomunzvimbomo. Akaudzwa kuti kuisirwa ropa ndiko kwakanga kuri kurapa bedzi kwaiwanika. Mukuru wacho akatsanangura zvitendero zvake zvapaMagwaro ndokuramba ropa zvakasimba. (Mabasa 15:28, 29) Mushure mekurukurirano huru vanachiremba vakataura kuti aizofa nemhaka yokuramba kwake kuisirwa ropa.
Vamwe varwere 13 vakagamuchira ropa. Nenzira yengwavaira, vose zvavo vakafa mumazuva mashomanene. Hama yacho yakanga iri mupukunyuki bedzi! Zviremera zvechipatara zvakashamiswa zvikuru. Vashandi vokurapa vakaororwa zvikuru neshanyo dzenguva dzose dzaiitwa nemitezo yeungano. Mushure mokunge yabudiswa muchipatara, hama yacho yakaenda kunotenda vanachiremba, asi vakati: “Unotitenderei? Tenda Mwari wako, Jehovha. Ndiye akakuponesa. Tapota tinyengetererewo kuna Mwari wako, Jehovha.”
[Bhokisi riri papeji 24]
KUKAMURANISWA Kwenyika
Gore Rebasa ra1994
NHA. YAPAMUSORO INOPUPURA: 14 271
RESHIYO: Chapupu 1 ku65 266
VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 38 192
AVH. YAVAPARIDZI MAPIYONA: 1 780
AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 12 453
NHAMBA YAKABHAPATIDZWA: 1 312
NHAMBA YEUNGANO: 410
HOFISI YEBAZU: LONAVLA
[Mufananidzo uri papeji 25]
Hofisi yebazu, Lonavla
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kupupura kune chokuita nekokorodzano ye“Mashoko Akanaka Asingaperi” muna 1963
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kuparidzira mutengesi kunze kweRed Fort muDelhi