RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 6/8 pp. 9-15
  • Pwere Idzo Dzine“simba Rinopfuura Renguva Dzose”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pwere Idzo Dzine“simba Rinopfuura Renguva Dzose”
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Lenae Martinez
  • Crystal Moore
  • Lisa Kosack
  • Ernestine Gregory
  • Famba Sezvinoraidzwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Ndakachengeta Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mwana Wako Anogona Kusarudza Somunhu Mukuru Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Mukai!—1994
g94 6/8 pp. 9-15

Pwere Idzo Dzine“simba Rinopfuura Renguva Dzose”

URI muduku. Makore 12 bedzi. Une mhuri yaunoda. Une shamwari dzokuchikoro dzaunofarikanya nadzo. Wakava nemibvakacho pamhenderekedzo yegungwa nomumakomo. Unonzwa kutya pakutarira denga rousiku rakazadzwa nenyeredzi. Une upenyu hwako hwose mberi kwako.

Uye zvino une kenza. Mashoko akadaro ingwavaira apo unenge uine makore 60. Kuparadza chose chose apo unenge uine makore 12.

Lenae Martinez

Kwakaratidzika kudaro nokuda kwaLenae Martinez ane makore 12 okukura. Tariro yake yakanga iri yokurarama nokusingaperi paparadhiso yapasi. Iyi tariro yakatsigirwa kupfurikidza nerovedzo yeBhaibheri yaakanga agamuchira kubva kuvabereki vake, avo vari Zvapupu zvaJehovha. Haana kuzviravira amene here muBhaibheri kuti pasi raizopfuurira nokusingaperi, kuti rakasikirwa kugarwa nokusingaperi, uye kuti vanyoro vaizorigara nhaka nokusingaperi?—Muparidzi 1:4; Isaya 45:18; Mateo 5:5.

Zvino akanga ari muValley Children’s Hospital muFresno, California, U.S.A. Akanga aiswa imomo nokuda kweicho chairatidzika kuva chirwere cheitsvo. Nzvero dzakaratidzira, zvisinei, kuti akanga aine leukemia. Vanachiremba vakanga vachirapa Lenae vakasarudza kuti masero matsvuku eropa akachengetwa namaplatelet zvaifanira kuisirwa uye chemotherapy ndokutangwa nokukurumidza.

Lenae akataura kuti akanga asingadi ropa kana kuti zvinhu zvinogadzirwa neropa, kuti akanga adzidziswa kuti Mwari anorambidza ikoko, sezvinoratidzwa mumabhuku eBhaibheri aRevhitiko naMabasa. “Nokuti Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kune zvinhu izvi zvakafanira, zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.” (Mabasa 15:28, 29) Vabereki vake vakamutsigira muichi chimiro, asi Lenae akasimbisa kuti chakanga chiri chisarudzo chake uye chakanga chichikosha zvikuru kwaari.

Vanachiremba vakataura kanoverengeka naLenae navabereki vake. Kunyange zvakadaro, vakadzokazve mamwe masikati. Lenae akati nezveiyi shanyo: “Ndakanga ndichinzwa ndakaneta zvikuru kubva mumarwadzo ose uye ndave ndichirutsa ropa rakawanda. Vakandibvunza mibvunzo mimwe cheteyo, bedzi munzira yakasiyana. Ndakavaudzazve, kuti: ‘Handidi ropa ripi neripi kana kuti zvinhu zvinogadzirwa neropa. Ndingasva hangu ndagamuchira rufu, kana kuri madikanwa, pane kuputsa chipikirwa changu kuna Jehovha Mwari chokuita kuda kwake.’”

Lenae akapfuurira, kuti: “Vakadzoka mangwanani akatevera. Maplatelet akanga achiderera, uye fivha yangu yakanga ichiri yakakwirira. Ndaigona kuona kuti chiremba wacho akanditeerera zvikuru nguva ino. Kunyange zvazvo vakanga vasingadi chimiro changu, vakataura kuti ndakanga ndiri akura zvikuru ane makore 12 okukura. Gare gare chiremba wangu wezvirwere zvavana akapinda ndokundiudza kuti akanga aine urombo asi hapana chaizondibetsera asi chemotherapy nokuisira bedzi. Akabuda ndokutaura kuti aizodzoka gare gare.

“Apo akabuda, ndakatanga kuchema zvikuru nemhaka yokuti akanga anditarisira upenyu hwangu hwose, uye zvino ndakanzwa sokunge akanga achindipandukira. Apo akauya gare gare, ndakamuudza nzira yaakanga andiita kuti ndinzwe nayo—kuti akanga asingandiitirizve hanya. Ikoku kwakamushamisa, uye akati akanga aine urombo. Akanga asingadi kundikuvadza. Akanditarira ndokuti: ‘Eya, Lenae, kana zviri ndizvo zvakunofanira kuva, ipapo ndichakuona mudenga.’ Akabvisa magirazi ake uye, nemisodzi mumaziso ake, akati aindida ndokundimbundira. Ndakamuonga ndokuti: ‘Mazvita. Ndinokudaiwo, Dr. Gillespie, asi ndinokarira kurarama paparadhiso yapasi murumuko.’”

Ipapo vanachiremba vaviri negweta vakauya, vakaudza vabereki vaLenae kuti vakanga vachida kutaura naye ari oga, ndokukumbira vabereki vacho kubuda, uko vakaita. Mukati mekurukurirano iyi yose, vanachiremba vacho vakanga vari vanoitira hanya zvikuru nevane mutsa uye vakaororwa nenzira yakajeka yokutaura nayo yaLenae uye kupwiswa kwake kukuru.

Apo vaiva voga naye, vakamuudza kuti akanga achifa neleukemia ndokuti: “Asi kuisira ropa kuchatambanudza upenyu hwako. Kana ukaramba ropa, uchafa mumazuva mashomanene.”

“Kana ndikaisirwa ropa,” Lenae akabvunza kudaro, “ikoko kuchatambanudza upenyu hwangu kusvikira rini?”

“Inenge mwedzi mitatu kusvikira kumitanhatu,” vakapindura kudaro.

“Chii chandinogona kuita mumwedzi mitanhatu?” akabvunza kudaro.

“Uchasimba. Unogona kuita zvinhu zvizhinji. Unogona kushanyira Disney World. Unogona kuona dzimwe nzvimbo zhinji.”

Lenae akafunga zvishomanene, ipapo akapindura, kuti: “Ndakabatira Jehovha upenyu hwangu hwose, makore 12. Akandipikira upenyu husingaperi muParadhiso kana ndikamuteerera. Handisati ndichizobva kwaari zvino nokuda kwemwedzi mitanhatu youpenyu. Ndinoda kuva akatendeka kusvikira ndichifa. Ipapo ndinoziva kuti munguva yake yakafanira achandimutsa kubva murufu ndokundipa upenyu husingaperi. Ipapo ndichava nenguva yakawanda nokuda kwechinhu chiri chose chandinoda kuita.”

Vanachiremba negweta vakaororwa nomutoo wakajeka. Vakamurumbidza ndokubuda ndokuudza vabereki vake kuti anofunga nokutaura somukuru uye anokwanisa kuita zvisarudzo zvake amene. Vakarumbidza kudare retsika reValley Children’s Hospital kuti Lenae arangarirwe somuduku akura. Iri dare, raiumbwa navachiremba nedzimwe nyanzvi dzokutarisira utano, pamwe chete napurofesa wetsika anobva kuFresno State University, vakaita chisarudzo chokubvumira Lenae kuita zvisarudzo zvake amene pamusoro pokurapwa kwake. Vakarangarira Lenae somuduku akura. Hapana murairo wedare wakatsvakwa.

Pashure pousiku hurefu, hwakaoma, pana 6:30 a.m., September 22, 1993, Lenae akarara murufu mumaoko aamai vake. Chiremera norunyararo zvousiku ihwohwo zvinorangarirwa mundangariro dzaavo vakanga varipo. Pakanga paine 482 avo vakapinda chirangaridzo, kubatanidza vanachiremba, vakoti, uye vadzidzisi, avo vakanga vaororwa nokutenda neperero zvaLenae.

Vabereki neshamwari vaLenae vakanga vachionga zvikuru kuti vanachiremba navakoti navatariri veValley Children’s Hospital vakanga vachinzwisisa zvikuru mukucherekedza ukuru hwouyu muduku uye kuti hapana nhau yedare yakanga iri madikanwa kuita chisarudzo ichocho.

Crystal Moore

Kurangarira kwakadaro hakuna kupiwa Crystal Moore ane makore 17 okukura apo akaiswa kuColumbia Presbyterian Medical Center muNew York City. Akanga achirwara hosha yeinflammatory bowel. Pakuiswa kwake muchipatara, Crystal, pamwe chete navabereki vake, vakasimbisa vasimbisazve kuramba kwake kugamuchira ropa. Akanga asingadi kufa; panzvimbo pezvo, akanga achida kurapa kunowirirana nomurairo weBhaibheri wokurega ropa.—Mabasa 15:28, 29.

Boka rezvokurapa raitarisira Crystal rakanga rine chokwadi chokuti mugariro wake wakanga uchida kuisira ropa. Mumwe chiremba akadudza nomutoo wakajeka, kuti: “Kana Crystal asingavi nokuisira ropa pakuzosvika paChina, June 15, ipapo paChishanu, June 16, achave afa!” Pana June 16, Crystal akanga asina kufa, uye chipatara chakaisa kumbiriso kuDare Rapamusoro Zvikuru reGuta reNew York kuti chiremera chimanikidzire kuisira.

Padare racho, iro rakaungana nomutoo wokukurumidzira pachipatara mangwanani iwayo, mumwe wavanachiremba vacho akapupurira kuti Crystal aida mayuniti maviri eropa nokukurumidza uye aizoda mamwe mayuniti okuwedzera anenge gumi. Akapfuurira kududza kuti kana Crystal akaedza kudzivisa kuisira kwacho, aizomusungirira kumubhedha nezvisungo zvezviziso zvamaoko namakumbo kuti aite kuisira kwacho. Crystal akaudza vanachiremba vacho kuti aizo“ridza mhere nokuzhamba” kana vakaedza kumuisira uye kuti somumwe weZvapupu zvaJehovha, airangarira kupa ropa kupi nokupi kwokumanikidzira kuva sokusingafadzi sokubata chibharo.

Pasinei zvapo nezvikumbiro zvinodzokororwa zvomureri wake padare racho, Crystal akarambirwa banza rokuzvitaurira pamberi pedare kuratidzira kukwanisa kwake kuita chisarudzo. Kunyange zvazvo Crystal akanga achangobva kugamuchira mubairo muSuper Youth Program mukuzivikanwa kwokuisvonaka kwedzidzo yake uye utungamiriri pachikoro chake chapamusoro, mutongi anotonga akaramba kumubvumira kupupurira zvapamutemo pamusoro pokuramba kwake ropa. Ikoku kwakaparira kurambwa kwamaruramiro aCrystal omuitiro wakafanira womutemo, chisarudzo chokusarudza chinoitika kumuviri wako umene, chakavanzika chomunhu oga, uye rusununguko rworudzidziso.

Kunyange zvazvo dare rinotonga raisazobvumira Crystal kupupurira zvapamutemo, dare rakashanyira Crystal ari oga mukamuri rake kwaanenge maminiti 20. Pashure peshanyo yacho mutongi anotonga akataura kuti Crystal akanga “akangwara zvikuru sezvinooneka” uye “akajeka zvikuru” ndokutsanangura kuti Crystal “sezvinobvira akanga akanaka mumurangariro” uye “akanga achikwanisa kuzvitaurira amene zvakazara.” Pasinei zvapo neidzi cherekedzo, dare rinotonga rakaramba nomutoo wakasimba kubvumira Crystal banza rokusarudza pamusoro petarisiro yake yokurapa.

PaSvondo mangwanani, June 18, Crystal akanga achida kuvhiya kwokukurumidzira, uko akabvumira, asi akapfuurira kuramba ropa. Maaunzi matatu bedzi eropa akarasika mukati momuitiro wacho. Bva, vanachiremba vacho vakataura kuti kuisira ropa kwapashure pokuvhiya kungadikanwa. Mumwe chiremba akapupurira kuti hapana kuisira kwakanga kuchidikanwa. Akanga arapa somuitiro zvirwere zvakafanana pasina ropa kwamakore 13 akapfuura, uye hapana kuisira kwapashure kwakanga kuchitongodikanwa.

Pana June 22, 1989, dare rinotonga rakapa tarisiro yechinguvana yaCrystal kuchipatara nokuda kwamadonzo okuisira ropa kuti ripiwe bedzi kana “kuri madikanwa kudzivirira ndokuraramisa upenyu hwake.” Iyi tarisiro yakaguma apo Crystal akabudiswa muchipatara. Crystal haana kutongoda ropa, uye hapana rakatongoisirwa, asi kunokatyamadza kuona nzira yakabata nayo dare Crystal.

Chibviro chokubudiswa muchipatara, Crystal akapedza chikoro chapamusoro nokubudirira kwedzidzo. Chinguvana pashure, akava mushumiri wenguva yakazara somumwe weZvapupu zvaJehovha. Akava mutungamiriri wavashanyi paJersey City Assembly Hall of Jehovah’s Witnesses ndokuzvipira somutezo weboka rinovaka nokuvandudza Horo dzoUmambo.

Nepo, vanachiremba paColumbia Presbyterian Medical Center vakataura kuti kana akasaisirwa pana June 15, aizova afa pana June 16 uye kuti kana akadzivisa kuisira kwacho, aizosungwa nezviziso zvamaoko namakumbo. Apo vanachiremba vanoda mirairo yedare yokupa ropa vanozivisa zvakajeka kuti kana mutongi akarega kubvuma nokukurumidza, murwere achafa, vaitei kuti vayeuke chinoitika chaCrystal Moore.

Lisa Kosack

Usiku hwokutanga hwaLisa muToronto’s Hospital for Sick Children hwakanga hwakashata kupfuura chiroto chinotyisa. Akanyoresa somurwere nenguva yechina mumasikati uye akakurumidza kupiwa nzvero dzakatevedzana. Haana kupiwa kamuri rake rapachipatara kutozosvikira nenguva dza 11:15 madekwana iwayo. Pakati pousiku—eya, regai Lisa ataure izvo zvakaitika. “Pakati pousiku mukoti akapinda ndokuti: ‘Ndinofanira kukupa ropa.’ Ndakachema: ‘Handigoni kuisirwa ropa nemhaka yokuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha! Ndinokarira kuti munoziva ikoko! Ndinokarira kuti munoziva ikoko!’ ‘Eya, hungu, ndinozviziva,’ akadaro, uye nokukurumidza akadhonza IV yangu ndokuisa ropa nenzira youtsinye. Ndakanga ndichichema uye ndichichema nomutoo usingadzoreki.”

Kurapa kwokusakendenga nokwoutsinye kwakadini kwokupa kumusikana anorwara naanotyiswa ane makore 12 okukura pakati pousiku mumhoteredzo yechienzi! Vabereki vaLisa vakanga vamuendesa kuToronto’s Hospital for Sick Children vachikarira kuwana vanachiremba vane mutsa navanobatira pamwe. Panzvimbo pezvo, mwanasikana wavo akava nyajambwa wokuisira ropa kwokumanikidzira kwapakati pousiku, pasinei zvapo nechimiro chavose vari vaviri Lisa navabereki vake chokuti ropa kana kuti zvinhu zvinogadzirwa neropa kuputswa kwomutemo waMwari uye hazvifaniri kushandiswa.—Mabasa 15:28, 29.

Mangwanani akatevera chipatara chakatsvaka murairo wedare kuti vape kuisira. Kutonga kwacho kwakapedza mazuva mashanu, kuchitungamirirwa naJudge David R. Main. Kwakaitirwa mukamuri riri pachipatara, Lisa aripo mazuva ose mashanu. Lisa akanga aine myeloid leukemia yakakomba, mugariro uri unouraya nguva dzose, kunyange zvazvo vanachiremba vakapupurira kuti mwero wokurapa wakanga uri 30 muzana. Vakanyorera kuisira ropa kunoverengeka uye chemotherapy yakanyanya—kurapa kunobatanidza marwadzo akanyanyisa uye tapuro dzinoparira urema.

Pazuva rechina rokutonga kwacho, Lisa akapa chipupuriro. Mumwe wemibvunzo yaakabvunzwa wakanga uri nzira yaakaitwa kuti anzwe nayo nokuisira kwokumanikidzira kwapakati pousiku. Akatsanangura kuti kwakamuita kuti anzwe sembwa iri kushandiswa nokuda kwokuedza, kuti akanzwa kuti akanga achibatwa chibharo, uye kuti kuva muduku kwakaita kuti vamwe vanhu vafunge kuti vaigona kuita chinhu chipi nechipi kwaari. Aivenga kuona ropa romumwe munhu richipinda maari, achishamisika kana aizowana AIDS kana kuti kuzvimba chiropa kana kuti zvimwe zvirwere zvinotapukira kubva mariri. Uye zvikurusa, akanga achiitira hanya pamusoro peizvo Jehovha aizofunga pamusoro pokuputsa kwake mutemo wake mukurwisana nokupinza ropa romumwe munhuwo zvake mumuviri wake. Akati kudai kwaitongozoitikazve, a“izorwisa ndokuwisira danda reIV pasi ndokubvarura IV yacho pasinei zvapo namakuvadzire akwaizoita, ndokuboora-boora ropa racho.”

Mumiririri wake akabvunza, kuti, “Kunokuita kuti unzwe sei, Children’s Aid Society ikumbire kuti tarisiro itorwe kubva kuvabereki vako ndokupiwa kwavari?”

“Eya, kunondiita akatsamwa, akatsamwa zvikuru; kunondiita kuti ndinzwe kuti vane utsinye nemhaka yokuti vabereki vangu havana kutongondirova, vakandida uye ndinovada, uye papi napapi pandairwara namaronda apahuro kana kuti dzihwa kana kuti chinhu chipi nechipi, vainditarisira. Upenyu hwavo hwose hwakanga hwakanangidzirwa pandiri, uye zvino kungova nomumwe munhu, nemhaka bedzi yokuti haabvumirani, kuuya ndokungondibvisa bedzi kwavari ndinofunga utsinye hukuru zvikuru, uye kunonditsamwisa zvikuru.”

“Unoda kufa here?”

“Aiwa, handifungi kuti munhu upi noupi anoda kufa, asi kana ndikafa handisati ndichizotyiswa, nemhaka yokuti ndinoziva kuti ndine tariro youpenyu husingaperi muparadhiso pasi pano.”

Vazhinji vakanga vachichema sezvo Lisa akakurukura noushingi rufu rwake rwakanga ruchiswedera pedyo, kutenda kwake muna Jehovha, uye kutsunga kwake kuramba achiteerera mutemo wake pautsvene hweropa.

“Lisa,” mumiririri wake akapfuurira, “kwaizoita musiyano upi noupi here kwauri kuziva kuti dare rinokuraira kugamuchira kuisira?”

“Aiwa, nemhaka yokuti ndicharamba ndakatendeka kuna Mwari wangu ndokuteerera mirairo yake, nemhaka yokuti Mwari mukuru zvikuru kupfuura dare ripi neripi kana kuti munhu upi noupi.”

“Lisa, waizoda kuti mutongi asarudzei muiyi mhaka?”

“Eya, chandaizoda kuti mutongi asarudze muiyi mhaka ndechokuti ndidzoserwe bedzi kuvabereki vangu uye kuvaita kuti vave netarisiro zvakare neni naizvozvo ndinogona kuva anofara, uye naizvozvo ndinogona kuenda kumba ndokuva mumhoteredzo dzinofara.”

Uye izvozvo ndizvo izvo Judge Main akasarudza. Kunokora mashoko kubva muchisarudzo chake kunotevera.

“L. audza dare rino zvakajeka nomumutoo wamaidi kuti, kana kuedza kukaitwa kumuisira ropa, acharwisa kuisira ikoko nesimba rake rose iro anogona kuwana. Ataura kuti, uye ndinomudavira, acharidza mhere ndokurwisa uye kuti achadzura jekiseni kubva muruoko rwake uye achaedza kuparadza ropa riri muchubhu pamusoro pomubhedha wake. Ndinoramba kuita murairo uipi nouipi uyo waizopinza uyu mwana nomuchinoitika ichocho.”

Pamusoro pokuisira ropa kwokumanikidzira kwapakati pousiku, akati:

“Ndinofanira kutsvaka kuti akasarurwa pahwaro hworudzidziso rwake uye zera rake mukuwirirana nechikamu 15(1). Muiyi migariro, pakupiwa kuisira ropa, maruramiro ake kudziviriro yake amene mukuwirirana nechikamu 7 hazvina kuteererwa.”

Kuororwa kwake pamusoro paLisa amene kunofadza:

“L. munhu akaisvonaka, akangwara zvikuru, anotaura zvakajeka, anoremekedza, anotapurika uye, chinokosha zvikuru, ane ushingi. Ane uchenjeri noukuru zvinopfuura zvikuru makore ake uye ndinofunga kwaizova kwakarurama kutaura kuti ane ose amavara akanaka ayo mubereki upi noupi aizoda mumwana. Ane chitendero chorudzidziso chine mufungo zvikuru, chakasimba uye chakajeka. Mukurangarira kwangu, hapana ukuru hwokupa zano hunobva mumanyuko api naapi kana kuti dzvinyiriro kubva kuvabereki vake kana kuti kumunhu upi noupiwo zvake, kubatanidza murairo wedare rino, chaizozunungusa kana kuti kuchinja zvitendero zvake zvorudzidziso. Ndinodavira kuti L. K. anofanira kupiwa banza rokurwisa iyi hosha nechiremera norugare rwendangariro.”

“Kumbiriso yabviswa.”

Lisa nemhuri yake vakabva pachipatara zuva iroro. Lisa, zvamazvirokwazvo, akarwisa hosha yake nechiremera norugare rwendangariro. Akafa norugare pamusha, mumaoko aamai nababa vake vane rudo. Mukuita kudaro akakumbanira mitsara yedzimwe pwere zhinji Zvapupu zvaJehovha idzo dzakaisa Mwari pakutanga. Somuuyo, achafarikanya, pamwe nadzo, zadziko yechipikirwa chaJesu, chinoti: “Iye unorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.”—Mateo 10:39 (NW), mashoko omuzasi.

Ernestine Gregory

Pamakore 17 ezera, Ernestine akanzverwa seanorwara leukemia. Pakuiswa muchipatara, akaramba kubvuma kukushandiswa kwezvinhu zvinogadzirwa neropa kutsigira chemotherapy vanachiremba vakanga vachida kupa. Nemhaka yokuramba kwaErnestine uye netsigiro yaamai vake yechisarudzo chake chokurapa kusina ropa, chipatara chakashuma nhau yacho kuzviremera zvewelfare muChicago, Illinois, U.S.A., izvo zvakatsvakawo murairo wedare wokushandisa ropa. Dare rakarongwa, panova apo dare rinotonga rakanzwa chipupuriro kubva kuna Ernestine, chiremba wezvokurapa, chiremba wendangariro, uye mumiriri, uyewo kubva kuvamwe vanhu vakanga vachibatanidzwa.

Ernestine akaudza chiremba wake kuti akanga asingadi ropa. Kuti chakanga chiri chisarudzo chake amene chakavakirwa pakurava kwake Bhaibheri. Kuti kuisira kwokumanikidzira kunopiwa pasi pomurairo wedare kwakanga kuchiri kunozvidza mutemo waMwari uye kwakashata mumeso ake, pasinei zvapo nechiremera chedare. Kuti akanga asingashori kurapa uye akanga asingadi kufa. Kuti chisarudzo chake chakanga chisati chiri chokuda kufa, kwete kuzviuraya; zvisinei, akanga asingatyi rufu.

Stanley Yachnin, M.D., akapupurira kuti aka“ororwa noukuru hwaErnestine, pfungwa yake amene,” uye uchokwadi hwezvitendero zvake zvorudzidziso. Akatiwo Ernestine ainzwisisa rudzi nemiuyo zvokurwara kwake. Nemhaka yenzwisiso yake, Dr. Yachnin akaona pasina dikanwo yokudana chiremba wendangariro kana kuti chiremba wokushanda kwendangariro.

Kunyanguvezvo, mumwe akashevedzwa, Ner Littner, M.D., chiremba wendangariro, uyo pashure pokutaura naErnestine akanga aine pfungwa yokuti akanga aine ukuru hwomumwe munhu wapakati pamazera ramakore e 18 ne 21. Akadudza kuti Ernestine akaratidzira kunzwisisa miuyo yokugamuchira kana kuti kuramba kuisira ropa. Akati akagamuchira izvi, kwete nemhaka yokuti akanga ari pasi poudzori hwomumwe, asi nemhaka yokuti aidavira izvi iye amene. Dr. Littner akataura kuti Ernestine aifanira kubvumirwa kuita zvisarudzo zvake amene muiyi nhau.

Jane McAtee, mumiririri wechipatara, akapupurira kuti pashure pokubvunzurudza Ernestine, aidavira kuti Ernestine ainzwisisa rudzi rwokurwara kwake uye kuti a“iratidzika kuva anokwanisa zvizere kunzwisisa chisarudzo chake nokugamuchira miuyo yacho.”

Darewo rakaororwa zvikuru nechipupuriro chaErnestine. Dare rakawana kuti Ernestine akanga ari akura ane makore 17 okukura, kuti zvisarudzo zvaErnestine zvakaitwa nokuzvimirira, uye kuti akanga achinzwisisa mugariro une ngozi waakanga ari mauri. Zvisinei, kunyange zvazvo akaratidzira kuti akanga ari mukadzi muduku akura anokwanisa kuzviitira zvisarudzo zvokuziva, zvokurapa zvoungwaru zvinowirirana netsika nokupwiswa zvikuru, dare rinotonga, nomutoo unokatyamadza, rakapa murairo wokubvumira kuisira ropa.

Murairo wedare rinotonga wakakwirirwa kutanga kuIllinois Appellate Court. Muchisarudzo chinobvira zvikuru kupiwa, Appellate Court yakataura kuti Ernestine aisagona kumanikidzirwa kubvuma kuisira ropa mukurwisana nokuda kwake. Dare rakarangarira kuti maruramiro eFirst Amendment aErnestine maruramiro okuita rudzidziso norusununguko pamwe chete namaruramiro omuitiro wokuvanzika zvaidzivirira maruramiro ake somuduku akura kuramba kuisira ropa nokuda kwezvikonzero zvorudzidziso.

Zviremera zvewelfare yavana ipapo zvakakwirira chisarudzo cheAppellate Court kuDare Rapamusoro Zvikuru reIllinois. Dare Rapamusoro Zvikuru reIllinois rakasimbisa, richitonga kuti kunyange zvazvo Ernestine akanga ari muduku, akanga aine maruramiro okuramba kurapa uko kwakanga kuchirambwa kwaari. Iri dare rapamusoro zvikuru rakavakira chisarudzo charo pamaruramiro omutemo unozivikanwa navose okuzvisarudzira ake amene uye mutemo womuduku akura. Mupimo unofanira kushandiswa mumhaka dzavaduku vakura muIllinois wakapetwa neDare Rapamusoro Zvikuru reIllinois mumashoko anotevera:

“Kana ufakazi hwacho hwakajeka uye huchipwisa kuti muduku akura zvokugona kunzwisisa miuyo yezviito zvake, uye kuti muduku wacho akura zvakaringanira kushandisa chisarudzo chomukuru, ipapo dzidziso yomuduku akura inomupa maruramiro omutemo unozivikanwa navose kubvuma kana kuti kuramba kurapa.”

“Ernestine haana kuva nechemotherapy kana kuti kuisira, bva haana kufa neleukemia seizvo vanachiremba vaizodai vakaita kuti dare ridavire kuti aizoita. Ernestine akamira akatsiga ndokuisa Mwari pakutanga, kufanana navamwe vanhu vaduku vambodudzwa. Mumwe nomumwe akagamuchira “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinte 4:7, NW.

[Bhokisi riri papeji 13]

Ngozi Dzokuisira Ropa

The New England Journal of Medicine, chinyorwa chaDecember 14, 1989, chakashuma kuti yuniti imwe chete yeropa ingatakura utachiona hweAIDS hwakaringanira kuparira tapuro dzinosvika kumamirioni 1,75!

Muna 1987, pashure pokunge kwazivikanwa kuti AIDS yakanga ichipfuudzwa nomugove weropa rinopiwa nokuzvidira, bhuku rinonzi Autologous and Directed Blood Programs rakati: “Uku ndiko kwakanga kuri kwakakasharara zvikuru kwezvinetso zvose zvokurapa; kuti chipo chinopa upenyu chinokosha cheropa chaigona kuchinja kuva chishandiso chorufu.”

Dr. Charles Huggins, mutarisiri wamabasa okuisira ropa pachipatara cheMassachusetts, U.S.A., akati: “Ndiro chinhu chine ngozi zvikuru chatinoshandisa mumushonga.”

Surgery Annual yakagumisa, kuti: “Nomutoo wakajeka, kuisira kwakakotsekana zvikuru ndiko kusingapiwi.”

Nemhaka yokuti pane kuitikazve kwekenza kwakakwirira zvikuru pashure pokuvhiya uko kuisira ropa kwave kuchishandiswa, Dr. John S. Spratt akati muThe American Journal of Surgery, chinyorwa chaSeptember 1986: “Chiremba wekenza anofanira kuva chiremba asingashandisi ropa.”

Magazini yeEmergency Medicine yakati: “Ruzivo rwedu rwokuzviwanira neZvapupu zvaJehovha rungagona kutsanangurwa kureva kuti hatifaniri kutsamira pakuisira ropa, nemiuyo yako yose inobvira, seizvo takambofunga zvikuru.”

Magazini yePathologist yakanongedzera kukuramba kweZvapupu zvaJehovha kupinza ropa ndokuti: “Pane ufakazi hune mwero hwokutsigira nharo dzavo, pasinei zvapo nokuramba kunobva kuvachengeti veropa mukusiyana.”

Dr. Charles H. Baron, purofesa womutemo paBoston College Law School, akati pamusoro pokuramba kuisirwa ropa kweZvapupu zvaJehovha: “Chaunga chose cheAmerica chakabetserekana. Kwete bedzi Zvapupu zvaJehovha, asi varwere vose zvavo, nhasi sezvingabvira vangapiwa kuisira ropa kushoma kusiri madikanwa nemhaka yebasa raMatare Okubatana Nezvipatara eZvapupu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe