RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 9/15 pp. 20-23
  • Mhuri Dzoumwari Dzomunguva Yakapfuura—Muenzaniso Womuzuva Redu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhuri Dzoumwari Dzomunguva Yakapfuura—Muenzaniso Womuzuva Redu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Umusoro—Chinetso Here?
  • Kuita Chiito Chakasimba
  • Kurayira Kwoubaba muMutemo waMosesi
  • Vanamai Navana Munzanga yechiJudha
  • Muenzaniso Wanhasi
  • Gadziriro Yorudo Yemhuri yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Shandirai Zvakaoma Ruponeso Rwemhuri Yenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mhuri Huru Dzakabatana Mubasa raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 9/15 pp. 20-23

Mhuri Dzoumwari Dzomunguva Yakapfuura—Muenzaniso Womuzuva Redu

MHURI—Chibatanwa chaMarudzi chakaedza kuiita chinhu chinopiwa ngwariro yenyika. Sei? Kupfurikidza nokuzivisa 1994 se“Gore Renyika Yose Remhuri.” Kunyange zvazvo vatungamiriri venyika, nyanzvi dzamagariro avanhu, uye vapizano vemhuri vave vachikurumidza kuchema pamusoro pezvinhu zvakadai sokukwira mukubereka kusiri kwapamutemo uye mwero yechatanuro iri kukwira, vave vachinonoka kuwana mhinduro dzinoshanda, chaidzoidzo kuzvinetso zvakadaro.

Kungagona here kuva kuti Bhaibheri rine mhinduro kuzvinetso zvemhuri? Kuvamwe kungaratidzika kuva kwechinyakare kukarakadza kuti Bhaibheri ringagona kuva rebetsero mumhuri dzanhasi. Mushure mokurangarira zvose, rakanyorwa mazana amakore apfuura mumamiriro ezvinhu uye tsika dzeMiddle East. Mumativi akawanda zvikuru enyika, upenyu hwakachinja zvikuru chibviro chenguva dzeBhaibheri. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rakafuridzirwa naJehovha Mwari, uyo mhuri iri yose inowana zita rayo kwaari. (VaEfeso 3:14, 15; 2 Timotio 3:16) Bhaibheri rinotii pamusoro pezvinetso zvemhuri?

Jehovha anoziva chaizvoizvo chinodikanwa kuita kuti upenyu hwemhuri hufadze uye hugutse. Shoko rake, Bhaibheri, naizvozvo, rine zvakawanda zvikuru zvokutaura pamusoro poupenyu hwemhuri, zvimwe muchimiro chezano. Bhaibheri rinewo mienzaniso yemhuri idzo dzakashandisa nheyo dzoumwari. Somugumisiro, dzakafarikanya kuva pedyo chaikoiko uye gutsikano. Ngatirangarirei upenyu hwemhuri munguva dzeBhaibheri ndokuona kuti zvidzidzoi zvinogona kudzidzwa.

Umusoro—Chinetso Here?

Rangarira, somuenzaniso, nhau youmusoro hwemhuri. Munguva dzamadzitateguru, varume vakadai saAbrahama, Isaka, naJakobho vakanga vari “misoro yemhuri” isingapokanidzwi. (Mabasa 7:8, 9; VaHebheru 7:4, NW) The New Manners and Customs of Bible Times, rakanyorwa naRalph Gower, rinoti: “Mhuri yakanga iri . . . ‘kaumambo’ kaitongwa nababa. Aitonga mudzimai, vana, vazukuru, uye varanda—munhu ari wose mumhuri.” Zvirokwazvo, madzitateguru aiwanzova nechiremera pamhuri dzavanakomana vavowo.—Enzanisa naGenesi 42:37.

Ikoku kwaisapa varume mvumo yokudzvinyirira vadzimai vavo navana here? Nyangwe napaduku zvapo. Chokwadi, Mwari akaudza mukadzi wokutanga, Evha, kuti: “Kuda kwako kuchava kumurume wako, iye uchava ishe wako.” (Genesi 3:16) Mashoko iwayo akaratidzira nzira iyo vakadzi vakawanda vakaroorwa vaiita nayo, asi haana kurondedzera nzira iyo zvinhu zvaizofanira kuva pakati pavanamati vechokwadi vaMwari. Varume vaitya Mwari vaifanira kurangarira chinangwa chaJehovha chapakuvamba. Jehovha akaita mukadzi kuti ave “mubatsiri wakamukwanira,” womurume kwete muranda wake. (Genesi 2:20) Nemhaka yokuti varume voumwari vemunguva dzapakuvamba vaiziva kuzviisa pasi kwavo vamene uye kuzvidavirira kuna Mwari, havana kushandisa zvisina kufanira chiremera chavo. Vasingatongobati vadzimai vavo navana savarandawo zvavo, madzitateguru aitya Mwari akavaratidzira rudo rwechokwadi nechidakadaka.

Kurangarirwa kupfupi kwechidakadaka icho vana vaiwanzogamuchira kunopiwa pana Genesi 50:23. Ipapo panoti nezvavazukuru chibvi vaJosefa: “Vakaberekerwa pamabvi aJosefa.” Nepo ikoku kwaigona kureva bedzi kuti Josefa akabvuma vana vacho savazukuru vake, kungagonawo kuratidzira kuti aitamba nechidakadaka navana vacho, achivarezva pamabvi ake. Madzibaba nhasi anoita zvakanaka kuratidza vana vavo chidakadaka chakafanana.

Semisoro yemhuri, madzitateguru aitya Mwari aitarisirawo zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri dzavo. Paakabuda muareka mushure meMafashamo enyika yose, “Noa akavakira Jehovha artari . . . akapisira zvipiriso zvinopisirwa paartari.” (Genesi 8:20; enzanisa naJobho 1:5.) Tateguru akatendeka Abrahama akagadza muenzaniso wakanaka kupfurikidza nokupa mitezo yemhuri mirayiridzo yomunhu oga. A‘karayira vanakomana vake nemhuri yake yaimutevera kuti vachengete nzira yaJehovha kuti vaite zvakarurama uye chisarudzo.’ (Genesi 18:19) Umusoro hworudo nokudaro hwakaparira garikano yemirangariro neyomudzimu yemhuri.

Varume vechiKristu nhasi vanotevera uyu muenzaniso. Vanoshandisa umusoro munhau dzokunamata kupfurikidza nokubetsera mhuri dzavo kuteerera zvinodikanwa zvaMwari uye kupfurikidza nokugadza muenzaniso wakanaka ivo vamene. (Mateo 28:19, 20; VaHebheru 10:24, 25) Kufanana namadzitateguru, varume navanababa vechiKristu vanowanawo nguva yokupa murayiridzo womunhu oga kumitezo yemhuri dzavo.

Kuita Chiito Chakasimba

Apo pakupedzisira akabhadhara chikwereti chikuru kuna tezvara vake, tateguru Jakobho akabvunza kuti: “Zvino ndichabatira imba yangu riniko?” (Genesi 30:30) Kufanana navanababa vose, Jakobho akanzwa dzvinyiriro yokugovera zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri yake, uye akashanda zvakaoma kuti aite ikoku. Genesi 30:43, inoti: “Murume uyu akava mukuru kwazvo, akava nezvipfuwo zvizhinji, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.”

Makore akati gare gare, zvisinei, mushure mokunge Jakobho atamira munyika yeKanani, sezviri pachena akanga asingazivi kuti mwanasikana wake Dhina akanga atanga tsika ine ngozi yokusonganirana navaKanani vechihedheni.a (Genesi 34:1) Akakundikanawo kuita chiito apo akaziva nezvekuvapo kwezvinhu zvevahedheni zvaiva mumba make. Zvisinei, mushure mokubatwa chibharo kune ngwavaira kwaDhina nomuKanani, Jakobho akaita chiito chakasimba. “Bvisai vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu, zvinatsei,” akarayira kudaro.—Genesi 35:2-4.

Vanababa vechiKristu vanofanira kusvinurira pakunouya kuumudzimu hwemhuri dzavo. Kana kune tyisidziro dzakakomba kugarikano yomudzimu yemhuri, zvakadai sokuvapo kwamabhuku ounzenza kana kuti nziyo dzisina kunaka mumusha, vanofanira kuita chiito chakasimba.

Nenzira inofadza, vakadzi vokutenda vakadai saSara, Rebheka, uye Rakeri vakashandisawo pesvedzero inokosha mumhuri. Kunyange zvazvo vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo, vakanga vasina kuganhurirwa kutanga kuita chiito apo kwakanga kwakakodzera uye kuri madikanwa. Somuenzaniso, Eksodho 4:24-26 inotiudza kuti apo Mosesi nemhuri yake vakanga vachienda kuEgipita, “Jehovha [“ngirozi yaJehovha,” Septuagint] akasongana naye, akatsvaka kumuuraya [mwanakomana waMosesi].” Sezviri pachena, mwanakomana waMosesi akanga ari mungozi yokuurawa nemhaka yokuti Mosesi akanga akundikana kumudzingisa. Zipora akaita chiito chokukurumidzira ndokudzingisa mwanakomana wake. Somugumisiro, ngirozi yakamurega. Vakadzi vechiKristu nhasi vanogona kutanga kuita chiito apo mamiriro ezvinhu anokuita kuti ikoku kuve kwakakodzera.

Kurayira Kwoubaba muMutemo waMosesi

Muna 1513 B.C.E., zera ramadzitateguru rakaguma sezvo Israeri akava rudzi. (Eksodho 24:3-8) Vanababa vakapfuurira kubatira semisoro yemhuri. Zvisinei, mutemo wemhuri wakava muduku kuMutemo werudzi wakapiwa Mosesi naMwari uye uchitarisirwa navatongi vakagadzwa. (Eksodho 18:13-26) Uprista hwavaRevhi hwakatsiva rutivi rwezvibayiro rwokunamata. Zvisinei, baba akapfuurira kuita basa rinokosha. Mosesi akakurudzira, kuti: “Zvino mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:6, 7.

Mutemo waigovera nhambo, dzakadai sePaseka, iyo mukati mayo murayiro waigona kupiwa munzira dzose dziri mbiri yakarongwa uye isina kurongwa. Sezvo musi wePaseka, Nisani 14, waisvika, mhuri dzechiJudha dzaivamba kugadzirira rwendo rwadzo rwetsika kuenda kuJerusarema. (Dheuteronomio 16:16; enzanisa naRuka 2:41.) Mwana upi aigona kukundikana kubatwa namanyemwe okugadzirira kwakadaro? Rwendo rwacho rumene rwaifadza. Paisvika nguva iyoyo mwaka wemvura wakanga wapera, uye zuva rechirimo rakanga ravamba kubvisa mumhepo kakutonhora kechando. Sezvo sinou yeGomo reHermoni yainyunguduka, Rwizi rwaJoridhani rwaifashamira mahombekombe arwo.

Vari munzira, vanababa vaigona kudzidzisa vana vavo kwete bedzi jogirafi yenyika yavo asiwo nhau inokosha ine chokuita nenzvimbo dzavaipfuura. Idzodzi dzingabatanidza Makomo eEbhari neGerizimi, uko kutuka nezvikomborero zveMutemo zvakaraviwa. Vaigonawo kupfuura Bheteri, apo Jakobho akava nechiono chake chemanera. Ikurukurirano dzinofadza zvakadini dzaitevera! Sezvo rwendo rwacho rwaifambira mberi uye mapoka emhuri aikumbanirwa navafambi vaibva mumamwe mativi enyika, vose vaifarikanya songaniro inovaka.

Pakupedzisira mhuri yaipinda muJerusarema, “rakanaka-naka kwazvo.” (Pisarema 50:2) Nyanzvi Alfred Edersheim inoti: “Vakawanda vaava vanoenda kunzvimbo tsvene vanofanira kuve vakadzika misasa kunze kwamasvingo eguta. Avo vaigara mukati memasvingo vaipiwa pokugara pachena.” Hungu, pwere dzechiHebheru dzaigamuchira chidzidzo nenzira yakananga murudo rwouhama uye mutsa. Kokorodzano dzegore negore dzeZvapupu zvaJehovha dzinobatira chinangwa chakafanana nhasi.

Nisani 14 aisvika pakupedzisira. Mhuka yePaseka yaiurawa ndokugochwa kwamaawa anoverengeka. Pedyo nepakati pousiku mhuri yaidya gwayana, chingwa chisina mbiriso, uye mirivo inovava. Mukuwirirana netsika mwanakomana aibvunza, kuti: “Basa iri rinoti kudiniko?” Vanababa ipapo vaipa murayiro wakarongwa, vachiti: “Ndicho chibayiro chepaseka yaJehovha, wakadarika dzimba dzavana vaIsraeri paEgipita nomusi waakarova vaEgipita, akaponesa dzimba dzedu.”—Eksodho 12:26, 27; 13:8.

Mambo Soromoni waIsraeri akati: ‘Pane nguva yokuseka nenguva yokupembera.’ (Muparidzi 3:4) Vana vavaIsraeri vaibvumirwa nguva yenhandaro. Jesu Kristu sezviri pachena akacherechedza vana vachitamba mumisika. (Zekaria 8:5; Mateo 11:16) Uye kwaisava kwechienzi kuti vabereki vakapfuma varonge kuungana kwemhuri kunofadza uko kwaitanhamarisa kuimba, kutamba, uye kufara. (Ruka 15:25) Vabereki vechiKristu nhasi nenzira yakafanana vanotanga kugovera vana vavo nhandaro nesonganiro zvakanaka.

Vanamai Navana Munzanga yechiJudha

Ibasai iro vanamai vaiita muMutemo waMosesi? Zvirevo 1:8 yakarayira, kuti: “Mwanakomana wangu, inzwa kurayirira kwababa vako; usarasha kudzidzisa kwamai vako.” Mukati megadziriro yechiremera chomurume wake, mudzimai wechiJudha aizoshandisa zvinodikanwa zvakapiwa naMwari muupenyu hwemhuri. Aifanira kukudzwa navana vake, kunyange mushure mokunge akwegura.—Zvirevo 23:22.

Mai vaivawo negoverano huru mukurovedza vana vavo. Vaitarisira mucheche zvikurukuru vari voga kutozosvikira akura zvakakwana kuti arumurwe, pasina kupokana kuchiguma nechisungo chapedyo chamai nemwana. (Isaya 49:15) Apo vanababa vakanga vachidzidzisa vanakomana vavo rimwe basa, vanamai vaidzidzisa vanasikana mabasa omumba. Vanamai vaivawo nepesvedzero huru pavanakomana vavo. Somuenzaniso, Remueri mambo akabetserwa ne“zvirevo zvaakadzidziswa namai vake.”—Zvirevo 31:1.

Mudzimai anokwanisa wechiJudha aifarikanyawo rusununguko rwakati muku“tarira zvakanaka kufamba kwemhuri yake.” Mukuwirirana naZvirevo 31:10-31, aigona kutenga migove yemhuri, kutenga zvivako, kunyange kutarisira kabhizimisi. Kumurume anoonga, ukoshi hwake hwakanga huchi“kunda kwazvo mutengo wamaparera”!

Muenzaniso Wanhasi

Munguva dzeBhaibheri gadziriro yemhuri yakashanda nokuda kwokukura kwemirangariro uye kwomudzimu kwemitezo yayo yose. Vanababa vaifanira kushandisa chiremera chavo nenzira yorudo kuti vabetsere mhuri dzavo. Vaifanira kutungamirira mukunamata. Vose vari vaviri vanababa navanamai vairatidza fariro muvana vavo—vachivadzidzisa nokuvarovedza, vachinamata navo, uye vachivagovera nhandaro. Vanamai voumwari vakabvumikisa kuva vabetseri vanokosha, vachiremekedza umusoro hwavarume vavo vachitanga kuita chiito nokuda kwemhuri dzavo. Vana vaiteerera vaiunza mufaro kuvabereki vavo naJehovha Mwari. Zvirokwazvo, mhuri dzaitya Mwari dzenguva dzeBhaibheri dzakanga dziri muenzaniso wakaisvonaka wezuva redu.

[Mashoko Omuzasi]

a Kunofanira kucherechedzwa kuti ikoku kusati kwaitika, Jakobho akanga aita matanho akasimba kuti ataviridze mhuri yake papesvedzero yavaKanani. Akavaka atari, pasina panikiro yechimiro chaimutsauranisa navavakidzani vechiKanani. (Genesi 33:20; Eksodho 20:24, 25) Uyezve, akadzika musasa wake kunze kweguta raShekemi ndokuchera tsime rake amene. (Genesi 33:18; Johane 4:6, 12) Dhina nokudaro aizove aisanoziva nezvechishuvo chaJakobho chokuti asasonganirane navaKanani.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mhuri yako inogona kuva inofara semhuri dzainamata Jehovha munguva dzeBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe