Nguva Dziri Nani Dziri Mberi
“TINOITA one-zero-one,” anodaro mumwe mukadzi.
“Zvinhu zvakatondiipira zvikuru,” inopindura kudaro shamwari yake. “Ndiri pazero-zero-one.”
Mune mamwe mativi eWest Africa, kurukurirano pfupi yakadaro haidi tsananguro. Panzvimbo pokudya katatu pazuva (one-one-one), munhu ari paone-zero-one anogona kudya kaviri bedzi pazuva—kamwe mangwanani uye kamwe manheru. Jaya riri pazero-zero-one rinotsanangura mamiriro aro ezvinhu, richiti: “Ndinodya kamwe pazuva. Ndinozadza firiji yangu nemvura. Ndinodya gari [mufarinya] usiku ndisati ndaenda kundorara. Ndiyo nzira ndave ndichigonana nayo.”
Akadaro ndiwo mamiriro ezvinhu akaipa enhamba dzinowedzera dzavanhu nhasi. Mitengo inokwira, uye simba rokutenga remari rinoderera.
Kuperevedza Kwezvokudya Kwakafanotaurwa
Munhevedzano yezviono zvakapiwa muapostora Johane, Mwari akafanotaura nezvemamiriro ezvinhu akaoma ayo vakawanda vanotarisana nawo nhasi. Pakati pawo paizova neperevedzo yezvokudya. Johane anorondedzera, kuti: “Ndikatarira, ndikaona bhiza dema; wakanga akaritasva akanga ane chiyereso muruoko rwake.” (Zvakazarurwa 6:5) Iri bhiza rakaipa nomutasvi zvinomirira nzara—zvokudya zvaizova zvishoma kwazvo zvokuti zvaizoyerwa pazviyero.
Tevere muapostora Johane anoti: “Ndikanzwa inzwi . . . richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenari.” Muzuva raJohane, chiyero chegorosi chakanga chiri mugove wezvokudya wezuva nezuva womurwi, uye dhenari yakanga iri mari inoripirwa nokuda kwebasa rezuva rose. Nokudaro, shanduro yaRichard Weymouth inoshandura ndima yacho, ichiti: “Muripo wezuva rose nokuda kwerofu rechingwa, muripo wezuva rose nokuda kwezvingwa zvebhari zvitatu.”—Zvakazarurwa 6:6.
Chii chiri muripo wezuva rose nhasi? Mushumo weState of World Population, 1994 unoti: “Vanhu vanenge 1,1 bhiriyoni, inenge 30 muzana yenhamba yavagari vomunyika dziri kubudirira, vari kurarama nemari inenge $8,00 pazuva.” Nokudaro, nokuda kwavarombo venyika, muripo wezuva rimwe chaizvoizvo unotenga rinenge rofu rechingwa.
Ikoku, chokwadika, hakushamisi avo vari varombo zvikuru. “Chingwa!” akadaro mumwe murume. “Ndiani anodya chingwa? Mazuva ano chingwa kudya kwoumbozha!”
Nenzira inopesana, hapana kuperevedza kwezvokudya. Mukuwirirana nemanyuko eUN, mukati memakore gumi apfuura, kuwanwa kwezvokudya zvenyika kwakawedzera ne24 muzana, uko kwakanga kuchipfuura kukura kwenhamba yavanhu vomunyika. Zvisinei, uku kuwedzera mune zvokudya hakuna kufarikanywa navose. MuAfrica, somuenzaniso, kuwanwa kwezvokudya chaizvoizvo kwakaderera ne5 muzana, nepo nhamba yavanhu yakawedzera ne34 muzana. Naizvozvo pasinei zvapo nokuwanda kwezvokudya munyika yose, kuperevedza kwezvokudya kunopfuurira munyika dzakawanda.
Kuperevedza kwezvokudya kunoreva mitengo yakakwirira zvikuru. Kushayikwa kwamabasa, miripo yakaderera, uye kukwira kwemitengo kunowedzera kunokuita kuti kuve kwakaoma zvikuru kuwana mari yokutenga zvinowanika. Human Development Report 1994 inoti: “Vanhu vanova nenzara kwete nemhaka yokuti zvokudya hazviwaniki—asi nemhaka yokuti havagoni kuzvitenga.”
Nenzira inowedzera, kune kushayikwa kwetariro, kangaidziko, uye kupera mwoyo. “Vanhu vane murangariro wokuti nhasi akaipa, asi mangwana achava akaipa zvikuru,” akadaro Glory, uyo anogara muWest Africa. Mumwe mukadzi akati: “Vanhu vanonzwa kuti vari kusvika ngwavaira yakati. Vanonzwa kuti zuva richauya apo kusati kuchizova nechinhu chinosara mumusika.”
Jehovha Akatarisira Vabatiri Vake Munguva Yakapfuura
Vabatiri vaMwari vanoziva kuti Jehovha anotusa vakatendeka vake kupfurikidza nokugovera zvinodikanwa zvavo uye kupfurikidza nokuvapa simba rokugonana nemamiriro ezvinhu akaoma. Chivimbo chakadaro mumano aMwari okugovera, kutaura idi, rutivi runokosha rwokutenda kwavo. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.”—VaHebheru 11:6.
Nguva dzose Jehovha akatarisira vabatiri vake vakatendeka. Mukati mekusanaya kwemvura kwamakore matatu nehafu, Jehovha akagovera muporofita Eria zvokudya. Pakutanga, Mwari akarayira makunguo kuti avigire Eria chingwa nenyama. (1 Madzimambo 17:2-6) Gare gare, Jehovha nenzira inoshamisa akaita kuti mugove weupfu nemafuta zvechirikadzi iyo yakagovera Eria zvokudya usapere. (1 Madzimambo 17:8-16) Mukati menzara imwe cheteyo, pasinei zvapo nokutambudza kukuru kworudzidziso kwakaunzwa pavari naMambokadzi akaipa Jezebheri, Jehovha akava nechokwadi chokuti vaporofita vake vakagoverwa chingwa nemvura.—1 Madzimambo 18:13.
Gare gare, apo mambo weBhabhironi akakomba Jerusarema rakaramba kutenda, vanhu vaifanira ku“dya zvokudya zvakayerwa vachitya.” (Ezekieri 4:16) Mamiriro ezvinhu acho akava akakomba kwazvo zvokuti vamwe vakadzi vakadya nyama yevana vavo vamene. (Mariro 2:20) Bva, kunyange zvazvo muporofita Jeremia akanga ari mutorongo nemhaka yokuparidza kwake, Jehovha akava nechokwadi chokuti “vakamupa [Jeremia] zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta.”—Jeremia 37:21.
Jehovha akakanganwa Jeremia here apo mugove wechingwa wakapera? Sezviri pachena kwete, nokuti apo guta rakawira kuvaBhabhironi, Jeremia akapiwa ‘mvumiro yezvokudya nechipo ndokusunungurwa.’—Jeremia 40:5, 6; onawo Pisarema 37:25.
Mwari Anotsigira Vanamati Vake Nhasi
Kungofanana nokutsigira kwakaita Jehovha vabatiri vake muzvizvarwa zvakapfuura, naizvozvo anodaro nhasi, achivatarisira mose muri muviri munyama uye mumudzimu. Rangarira, somuenzaniso, chakaitika chaLamitunde, uyo anogara muWest Africa. Anorondedzera, kuti: “Ndaiva nepurazi guru zvikuru rokuchengetera huku. Rimwe zuva, makororo aiva nezvombo akauya kupurazi ndokuba dzakawanda zvikurusa dzehuku dzacho, gwenya ramagetsi rinoshandiswa munguva dzekurumidziro, uye mari yataiva nayo. Nokukurumidza mushure macho, huku shomanene dzakanga dzasara dzakafa nechirwere. Ikoku kwakakuvadza bhizimisi rangu rehuku. Kwamakore maviri ndakaedza pasina kubudirira kuwana basa. Zvinhu zvakanga zvakaoma chaizvoizvo, asi Jehovha akatitsigira.
“Chakandibetsera kugonana nenguva dzacho dzakaoma kwakanga kuri kuziva kwangu kuti Jehovha anobvumira zvinhu kuti zviitike kwatiri kuti tinatswe. Mudzimai wangu neni takapfuurira nomuitiro wedu wefundo yeBhaibheri yemhuri, uye ikoku kwakatibetsera chaizvoizvo. Munyengetero wakangawo uri manyuko makuru esimba. Pane dzimwe nguva ndaisanzwa ndichida kunyengetera, asi apo ndainyengetera, ndainzwa zviri nani.
“Mukati menhambo iyoyo yakaoma, ndakadzidza ukoshi hwokufungisisa Magwaro. Ndaifunga zvikuru pamusoro paPisarema 23, iro rinotaura nezvaJehovha soMufudzi wedu. Rumwe rugwaro rwakandikurudzira rwakanga rwuri VaFiripi 4:6, 7, urwo runonongedzera ku‘rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose.’ Chimwe chikamu chakandisimbisa chakanga chiri 1 Petro 5:6, 7, icho chinoti: ‘Naizvozvo, zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.’ Ndima idzi dzose dzakandibetsera mukati menguva dzose dzakaoma idzodzo. Apo unofungisisa, unokwanisa kutsiva zvinhu zviri mundangariro mako izvo zvinoparira kuora mwoyo.
“Zvino ndava kushanda zvakare, asi kuva akatendeseka, hakusati kuri kuti zvinhu zviri nyore. Kungofanana neizvo Bhaibheri rakafanotaura pana 2 Timotio 3:1-5, tiri kurarama mu‘mazuva okupedzisira,’ anoratidzirwa ne‘nguva dzokutambudzika.’ Hatigoni kuchinja izvo rugwaro rwacho runotaura. Naizvozvo handikariri upenyu kuva huri nyore. Bva, ndinonzwa kuti mudzimu waJehovha uri kundibetsera kugonana.”
Pasinei zvapo nenguva dzakaoma dzatiri kurarama madziri, avo vanovimba naJehovha neMwanakomana wake ari Mambo, Jesu Kristu, havasati vachizoodzwa mwoyo. (VaRoma 10:11) Jesu amene anotivimbisa, kuti: “Saka ndinoti kwamuri: Regai kufunganya pamusoro poupenyu hwenyu, muchiti, ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichafukeiko? Upenyu haupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokufuka here? Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzicheki, hadziunganidziri mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here? Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti rimwe puurefu hwake nokufunganya? Munofunganyireiko pamusoro pezvokufuka?”—Mateo 6:25-28.
Zvirokwazvo iyoyo mibvunzo yokuzvinzvera muidzi nguva dzakaoma. Asi Jesu akapfuurira naaya mashoko anopa chivimbo: “Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here? Naizvozvo musafunganya muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukeiko? Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:28-33.
Nguva Dziri Nani Dziri Mberi
Kune chiratidzo chiri chose chokuti mumativi akawanda enyika, mamiriro ezvinhu ari kuderera ezvemari uye emagariro avanhu achapfuurira kuipa zvikuru. Bva, vanhu vaMwari vanoziva kuti aya mamiriro ezvinhu ndeechinguvana. Kutonga kune mbiri kwaMambo Soromoni kwakafanomirira kutonga kwakarurama kwaMambo mukuru zvikuru kupfuura Soromoni uyo achatonga pasi rose. (Mateo 12:42) Mambo iyeyo ndiKristu Jesu, “MAMBO WAMADZIMAMBO, NASHE WAMADZISHE.”—Zvakazarurwa 19:16.
Pisarema 72, iro rakava nokuzadzikwa kwokutanga pamusoro paMambo Soromoni, rinorondedzera kutonga kwakaisvonaka kwaJesu Kristu. Rangarira zvimwe zvezvinhu zvakaisvonaka zvarinofanotaura pamusoro penguva yemberi yapasi muudzori hwaKristu saMambo.
Mamiriro Ezvinhu Orugare Munyika Yose: “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma. Uchabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.”—Pisarema 72:7, 8.
Kuitira Hanya Vakaderera: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:12-14.
Zvokudya Zvakawanda: “Jehovha Mwari, iye Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye oga unoita zvinoshamisa. Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu.”—Pisarema 72:18, 19.
Naizvozvo zvirokwazvo kune nguva dziri nani mberi.