RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 8/1 pp. 3-4
  • Nguva Dzachinja

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Dzachinja
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Soromoni Anotonga Nouchenjeri
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Zviri Kuitwa Kupedza Urombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 8/1 pp. 3-4

Nguva Dzachinja

UNOFANIRA kuva wakanga uri mufaro wakadini kurarama muna Israeri wakare muudzori hune mbiri hwaMambo Soromoni akatendeka! Yakanga iri nhambo yorugare, budiriro, uye mufaro. Mukati menguva iyo Soromoni akatsigira zvakasimba kunamata kwechokwadi, Jehovha akakomborera zvikuru rudzi rwacho. Kuna Mambo Soromoni, Mwari akapa kwete bedzi pfuma yakawanda asiwo “mwoyo wakangwara, unonzwisisa” kuitira kuti Soromoni atonge mukururama nomurudo. (1 Madzimambo 3:12) Bhaibheri rinoti: “Madzimambo ose enyika aiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naMwari mumwoyo make.”—2 Makoronike 9:23.

Kuvanhu, Jehovha akapa chengeteko, rugare, uye zvinhu zvakanaka zvakawanda. Shoko raMwari rinoti: “VaJudha navaIsraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara.” Mose muri muviri munzira chaiyoiyo uye munzira yokufananidzira, vanhu “vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake . . . mazuva ose aSoromoni.”—1 Madzimambo 4:20, 25.

Nguva dzachinja. Upenyu nhasi hwakasiyana zvikuru namazuva iwayo anofadza ekare kare. Mukusiyana nenguva yaSoromoni, chinetso chikuru nhasi urombo. Kunyange munyika dzakapfuma, mune urombo. Somuenzaniso, mose muri muviri muUnited States nomuEuropean Union, inenge 15 muzana yavanhu inorarama muurombo, inodaro United Nations Development Program.

Pamusoro pechiono chenyika yose, The State of the World’s Children 1994, mumwe mushumo wakaitwa neUNICEF (United Nations Children’s Fund), unoti mumwe muvashanu venhamba yavagari vapasi anorarama muurombo chaihwo, uchiwedzera kuti upenyu nokuda kwevakawanda zvikuru vavarombo venyika “huri kuva hwakaoma nenzira inowedzera uye husina tariro.”

Mune dzimwe nyika, kukwira kwomutengo kukuru zvikuru kunowedzera zvinetso zvavarombo. Mumwe mukadzi mune imwe nyika yeAfrica akati: “Unoona chimwe chinhu pamusika, uye unoti, ‘Zvakanaka, regai ndiende kumba ndinotora mari yokuchitenga.’ Unodzokera mushure meawa kuzongoudzwa bedzi kuti haugoni kuchitenga nemhaka yokuti mutengo wacho uchangobva kuwedzerwa. Chii icho munhu achaita? Zvinokangaidza zvikuru.”

Mumwe mukadzi ikoko akati: ‘Kuti tipfuurire kurarama, tinokanganwa nezvezvimwe zvinodikanwa. Kuti tingawana sei zvokudya ndicho zvino chava chinotibatikanisa chedu.’

Mukuwirirana neUnited Nations, nguva yemberi inoratidzika kuva isina tariro. UNICEF, somuenzaniso, inofungidzira kuti kana miitiro yazvino yenhamba yavagari vemunyika ikapfuurira, nhamba yavarombo munyika yose ichawedzera kakapetwa kana “mukati menduramo imwe.”

Bva, pasinei zvapo nemamiriro emari uye emagariro avanhu ari kushata, vabatiri vaMwari vane chikonzero chokunzwa vane tariro. Kunyange zvazvo vachirarama pakati paavo vanorangarira nguva yemberi nokusava netariro kunowedzera, vabatiri vaMwari vanokarira nguva yemberi nomufaro nechivimbo. Nyaya inotevera ichanzvera zvikonzero nei.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

De Grunne/Sipa Press

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe