Minyengetero Iri muBhaibheri Yakafanirwa Nokusanonzverwa
MUMWE mukadzi ainetseka, mumwe mambo, uye Mwanakomana waMwari amene vakataura minyengetero yatichasanonzvera zvino. Munyengetero mumwe nomumwe wakasundwa namamiriro ezvinhu akasiyana. Bva, mamiriro ezvinhu akadaro angagona kutitapura nhasi. Chii chatinogona kudzidza muiyi mienzaniso?
“Mukava Nehanya Kwazvo Nokutambudzika Kwomurandakadzi Wenyu”
Iwe uri kurwisana nechinetso chinopfuurira here? Kana kuti waremerwa nefunganyo here? Ipapo une zvakafanana nezvaHana asati abereka mwana wake wokutanga, Samueri. Iye akanga asina mwana uye akanga achishorwa nomumwe mukadzi. Kutaura idi, mamiriro ezvinhu zvaHana akamutambudza kwazvo uye akamunetsa zvokuti aisadya. (1 Samueri 1:2-8, 15, 16) Akakumbira kuna Jehovha ndokupa teterero inotevera:
“Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakanganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungavevurwi nechisvo.”—1 Samueri 1:11.
Cherekedza kuti Hana haana kutaura asinganangi. Iye akataura kuna Jehovha nechikumbiro chakananga (chomwanarume) ndokubatanidza ichochi nechisarudzo chaicho (chokumuita kuti) ashandiswe naMwari. Ikoku kunotiudzei?
Apo unenge uri munhamo, iva akananga mumunyengetero. Pasinei zvapo nechiri chinetso chako—angava ari mamiriro ezvinhu zvemhuri yako, ushoma, kana kuti utano hwakaipa—nyengetera kuna Jehovha pamusoro pacho. Rondedzera kwaari rudzi chairwoirwo rwechinetso chako uye kunzwa kwaunoita. “Madekwana ari ose ndinoronza zvinetso zvangu zvose kuna Jehovha,” inodaro imwe chirikadzi inonzi Louise. “Pane dzimwe nguva kune zvakawanda zvikuru, asi ndinodudza zvakajeka chimwe nechimwe.”
Kutaura kuna Jehovha namashoko akananga kunounza betsero. Kuita saizvozvo kunotibetsera kurondedzera chinetso chedu, icho panguva iyeyo chingaratidzika kuva chinotyisa zvishoma. Kutaura minyengetero yakananga kunotibvisira funganyo. Kunyange munyengetero wake usati wapindurwa, Hana akanzwa anyaradzwa, uye “chiso chake chikashanduka.” (1 Samueri 1:18) Uyezve, kuva akananga kunoita kuti tisvinurire kuziva mhinduro kumunyengetero wedu. “Kana ndikataura minyengetero yangu zvakananga zvikuru,” anodaro Bernhard, mumwe muKristu ari muGermany, “mhinduro dzacho dzinova dzakajeka zvikuru.”
“Asi Ndiri Mwanana Hangu”
Zvisinei, mumwe munhu anganzwa rudzi rwakasiyana rweitiro hanya kana akagamuchira mugove uyo anonzwa asina kufanirwa nawo. Iwe pane dzimwe nguva unokurirwa here nebasa raunopiwa naJehovha? Kana kuti vamwe vanhu vanokurangarira saasina kukodzera mugove wako here? Soromoni muduku akanga ari mumamiriro iwayo ezvinhu apo akagadzwa samambo waIsraeri. Vamwe varume vakati vakatanhamara vaida kuti mumwe munhuwo zvake ave pachigaro choumambo. (1 Madzimambo 1:5-7, 41-46; 2:13-22) Pakuvamba mukutonga kwake, Soromoni akaita chikumbiro mumunyengetero, achiti:
“Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo . . . asi ndiri mwanana hangu, handizivi mutoo wokubuda nawo kana kupinda nawo. . . . Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa.”—1 Madzimambo 3:7-9.
Soromoni akanangidzira munyengetero wake paukama hwake naJehovha, paropafadzo yaakanga apiwa, uye pamano ake okuita mugove wacho. Nenzira yakafanana, nguva ipi kana ipi apo tinopiwa basa ratinonzwa kuti rinopfuura mano edu, tinofanira kukumbira Mwari kuti atishongedzere kuita basa racho. Rangarira zvakaitika zvinotevera:
“Apo ndakakumbirwa kutarisira basa guru zvikuru pahofisi yebazu yeWatch Tower Society,” anotsanangura kudaro Eugene, “ndakanzwa ndisingakwanirisi chose chose. Kwaiva navamwe vakanga vakakwaniriswa zviri nani uye vaiva noruzivo rwokuzviwanira rwakawanda zvikuru. Ndakavata zvishomanene zvikuru kwousiku huviri hwakatevera, ndichipedza yakawanda zvikurusa yenguva yacho ndichinyengetera, uko kwakandipa simba nevimbiso iri madikanwa.”
Roy akakumbirwa kukurukura hurukuro yamariro pashure porufu rwakamwe kamwe norune ngwavaira rweshamwari duku yakanga yave yakakurumbira zvikuru. Mazana akanga ane chokwadi chokupinda. Roy akaitei? “Handina kuwanzonyengetera zvikuru kudaro nokuda kwesimba uye nokuda kwamano okuwana mashoko akarurama okutaura mifungo inovaka nokupa nyaradzo.”
Sezvo Musiki ‘achikurumidzisa zvinhu’ uye sezvo sangano rake richikura, mugumisiro womuzvarirwo ndowokuti vakawanda vavabatiri vake vari kuronzwa basa. (Isaya 60:22) Kana ukakumbirwa kuva negoverano yakawedzerwa, iva nechokwadi chokuti Jehovha anogona kutsiva perevedzo ipi neipi muruzivo rwokuzviwanira, rovedzo, kana kuti mano ako. Svika Mwari nomutoo mumwe chetewo sezvakaita Soromoni, uye Iye achakushongedzera kuti uite mugove wacho.
“Kuti Vose Vave Vamwe”
Mamiriro ezvinhu echitatu ayo anomuka nhasi ndiwo aye okudikanirwa kumirira boka mumunyengetero. Apo tinokumbirwa kunyengeterera vamwe, chii chatinofanira kunyengeterera? Rangarira munyengetero waJesu wakanyorwa muna Johane ganhuro 17. Iye akataura uyu munyengetero vadzidzi vake varipo pamadekwana ake okupedzisira somunhu. Rudzii rwezvikumbiro rwaakanangidzira kuna Baba vake vokudenga?
Jesu akasimbisa nharidzano dzinozivikanwa navose netariro inogoveranwa zvaavo vaivapo. Akadudza kurumbidzwa kwezita raJehovha Mwari nokuziviswa kwoUmambo. Jesu akasimbisa ukoshi hwoukama hwomunhu oga naBaba noMwanakomana, hwakavakirwa pazivo yaMagwaro. Akataura nezvokuparadzana nenyika, uko kwaizogadzirira vateveri vake nokuda kwechishoro. Kristu akakumbirawo Baba vake kudzivirira vadzidzi nokuvabatanidza mukunamata kwechokwadi.
Hungu, Jesu akasimbisa chinzwano. (Johane 17:20, 21) Pakuvamba madekwana iwayo, vadzidzi vakanga vapinda mukuita nharo kwokusakura mumudzimu. (Ruka 22:24-27) Mumunyengetero, zvisinei, Kristu haana kutsvaka kutsiura asi kubatanidza. Nenzira imwe cheteyo, minyengetero yemhuri neyeungano inofanira kusimudzira rudo ndokutsvaka kukurira rwisano pakati pavanhu vamwe navamwe. Avo vari kumirirwa vanofanira kukweverwa pamwe chete muchinzwano.—Pisarema 133:1-3.
Ichi chinzwano chinoratidzirwa apo avo vanoteerera vanoti, “Ameni,” kana kuti “Ngazvive zvakadaro,” mumhedziso. Kuti ikoku kubvire, vanofanira kunzwisisa ndokubvumirana nechinhu chiri chose chinotaurwa. Kwaizova kusina kukodzera, naizvozvo, kududza mumunyengetero nhau isingazivikanwi kuvamwe varipo. Somuenzaniso, mukuru ari kumirira ungano mumunyegetero angatsvaka chikomborero chaJehovha pahama yomudzimu kana kuti hanzvadzi iri kurwara zvakakomba. Asi kazhinji kazhinji kwaizova kwakanakisisa kana akaita saizvozvo bedzi kana voruzhinji zvikuru vaavo ari kumirira vachiziva munhu wacho uye vakanzwa nezvechirwere chacho.
Cherekedzawo kuti Jesu haana kuronga zvinodikanwa zvomunhu oga zvomutezo mumwe nomumwe weboka. Kuita saizvozvo kungadai kwakabatanidza kududza zvinhu zvomunhu oga zvinozivikanwa bedzi kuvanhu vakati. Itiro hanya dzomunhu oga inhau yakakodzera nokuda kwomunyengetero womunhu oga, uyo unogona kuva murefu uye sowomunhu oga sezvinoshuviwa.
Munhu anofanira kuzvigadzirira amene sei kuti amirire boka guru ravanamati mumunyengetero? MuKristu mumwe ane ruzivo rwokuzviwanira anotsanangura, kuti: “Ndinorangarira pachine nguva mberi chokuonga, zvikumbiro izvo hama dzingava nazvo, uye zvikumbiro zvandingagona kududza nokuda kwavo. Ndinoisa pfungwa dzangu, kubatanidza kutaurwa kwerumbidzo, munhevedzano yakarurama mundangariro mangu. Ndisati ndataura munyengetero wavose, ndinotaura munyengetero wechinyararire, ndichikumbira betsero yokumirira hama nomutoo une chiremera.”
Api kana api ari mamiriro ezvinhu zvako, sezvingabvira uchawana munyengetero muBhaibheri wakataurwa nomumwe munhu aiva mumamiriro ezvinhu akafanana neako. Minyengetero yakawanda iri muMagwaro ufakazi hwomutsa worudo waMwari. Kurava iyi minyengetero nokuifungisisa kuchakubetsera kupfumisa minyengetero yako.
[Bhokisi riri papeji 5]
MINYENGETERO INOKOSHA IRI MUBHAIBHERI
Vabatiri vaJehovha vakapa minyengetero mumamiriro ezvinhu akawanda. Unogona kuzviwana uri mumamwe kana kuti akawanda amamiriro ezvinhu anotevera here?
Unoda nhungamiro inobva kuna Mwari, sezvakaita Eriezeri here?—Genesi 24:12-14.
Uri pedyo nengozi, sezvakanga zvakaita Jakobho here?—Genesi 32:9-12.
Unoda kuziva Mwari zviri nani, sezvakaita Mosesi here?—Eksodho 33:12-17.
Wakanangana navavengi, sezvakaita Eria here?—1 Madzimambo 18:36, 37.
Kuparidza kwakakuomera, sezvakwakanga kuri nokuda kwaJeremia here?—Jeremia 20:7-12.
Unofanira kureurura zvivi ndokutsvaka kanganwiro, sezvakaita Dhanieri here?—Dhanieri 9:3-19.
Unotarisana nechitambudzo, sezvakaita vadzidzi vaJesu here?—Mabasa 4:24-31.
Onawo Mateo 6:9-13; Johane 17:1-26; VaFiripi 4:6, 7; Jakobho 5:16.
[Bhokisi riri papeji 6]
CHOKUNYENGETERERA PAKURWISA MUITIRO WAKASIMBA
Uri kurwisana noutera hunoitika hwaitikazve here? Minyengetero yakanyorwa muBhaibheri inogona sei kuva yebetsero? Dzidza kuna Dhavhidhi, uyo akanyengetera panguva dzakasiyana-siyana pamusoro poutera hwake amene.
Dhavhidhi akaimba, kuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei muzive ndangariro dzangu.” (Pisarema 139:23) Chakanga chiri chishuvo chaDhavhidhi kuti Jehovha Mwari anzvere zvishuvo zvisina kufanira, mirangariro, kana kuti vavariro. Namamwe mashoko, Dhavhidhi akateterera betsero yaJehovha mukudzivisa chivi.
Asi utera hwaDhavhidhi hwakamukurira, uye akatadza zvikuru. Pano zvakare, munyengetero wakamubetsera—nguva ino kudzorera ukama hwake naMwari. Maererano nePisarema 51:2, Dhavhidhi akateterera achiti: “Ndisukei zvakaipa zvangu zvose, ndinatsei chivi changu.”
Isuwo tinogona kunyengeterera betsero yaJehovha nokuzvininipisa kuti tidzivise zvimiro zvendangariro zvisina kururama. Ikoku kuchatisimbisa kukurira utera hwakasimba uye kunogona kutibetsera kudzivisa chivi. Kana kudzokorora kukaitika, tinofanira kusvika Jehovha zvakare nemikumbiro yokuti atibetsere kupfuuridzira kurwisa kwacho.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Minyengetero inotaurwa nokuda kweboka inofanira kusimbisa tariro dzapaMagwaro uye nharidzano dzomudzimu dzinozivikanwa navose