Unogona Sei Kunatsa Minyengetero Yako?
MUNYENGETERO wakasiyana pakati pegadziriro dzorudo dzaJehovha Mwari. Vashori vangabvuta Bhaibheri rako kana kuti kukudzivisa kusongana navanamati biyako, asi hakuna munhu anogona kukutorera munyengetero. Kutaura zvinopfuurezvi pamusoro poukoshi hwomunyengetero hakubviri. Kunokosha sei, ipapoka, kuti mumwe nomumwe wedu akoshese ndokushandisa zvakazara iyi ropafadzo. Chii chinogona kukubetsera kunatsa minyengetero yako?
Bhaibheri harisati riri bhuku reminyengetero. Bva, ringagona kurondedzerwa sebhuku rinoshandiswa zvikurusa rorudzi rwomunhu pamusoro pomunyengetero. Magwaro echiHebheru oga ane minyengetero inopfuura 150. Mimwe mipfupi; mimwe mirefu. Iyo yakataurwa pachena kana kuti pachivande, namadzimambo kana kuti nenhapwa, murukundo kana kuti mudambudziko. Seizvo Dhavhidhi akaimba muPisarema 65:2, “vanhu vose” vanotendeukira kuna Jehovha, “[w]okunzwa munyengetero.” Nei Mwari akafuridzira vanyori veBhaibheri kunyora mhatsa huru yakadaro yeminyengetero?
Kupindura mubvunzo iwoyo, rangarira 2 Timotio 3:16. Rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira.” Nokudaro, minyengetero yeBhaibheri irimo kuti ititungamirire, sezvakaita uporofita, nheyo, uye nhau zvapaMagwaro. Iyi minyengetero inogona sei kuva yebetsero kwatiri?
Kupfurikidza nokusanonzvera minyengetero yapaMagwaro, tinogona kuziva iyo yakataurwa mumamiriro ezvinhu akafanana needu timene. Tinogona kudzidza kuti minyengetero inosiyana sei muchinangwa namamiriro ezvinhu. Uyezve, tichawana kutaurwa kutsva kwerumbidzo nokuonga uye tichawana mashoko matsva eteterero dzedu nemikumbiro. Mukupfupikisa, minyengetero yeBhaibheri inogona kutibetsera kunatsa minyengetero yedu timene.
Maria, uyo akava amai vaJesu, akanga ari munhu uyo sezviri pachena akabetserwa nokutaura kwakashandiswa mumunyengetero wakanyorwa muBhaibheri. Iye akashanyira hama yake yokunyama Erisabhete pashure pokunge mumwe nomumwe wavo anamba mwanakomana norubatsiro rwoumwari. Maria akapa rumbidzo nokuonga kuna Mwari, uye mamwe amashoko ake akafanana zvinoshamisa naayo ari mumumwe munyengetero uri muMagwaro echiHebheru. Kunoratidzika kuva kungabvira kuti Maria akanga akarovedzana nomunyengetero wakataurwa naHana, amai vaSamueri muporofita. Hana akanga anambawo mwanakomana nebetsero yaMwari, anopfuura makore 1 000 nguva iyoyo isati yasvika. Kungagona kuva kuti here Maria akafungisisa uyu munyengetero nemhaka yokuti wakaratidzira mirangariro yake amene?—1 Samueri 2:1-10; Ruka 1:46-55.
Zvakadiniko newe? Unogona here kuyeuka munyengetero weBhaibheri wakataurwa mumamiriro ezvinhu akafanana neako umene? Kuwana, kurava, uye kufungisisa minyengetero yakadaro kuchakubetsera kunatsa kurukurirano yako umene naMwari. Munyaya inotevera, tinokukumbira kunzvera minyengetero mitatu inobva muMagwaro Matsvene. Yakapiwa mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, zvichida akafanana naako.