RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 3/15 pp. 8-9
  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Zambia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Zambia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Kuongorora Mapopoma Anoshamisa
    Mukai!—2004
  • Kusimbiswa Noukama Hwedu Hwomunyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • AIDS muAfrica—Itariroi Iripo Nokuda kweMireniyumu Itsva?
    Mukai!—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 3/15 pp. 8-9

Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Zambia

MAPANI akafara, ane makadzika nemakakwira pamusoro perwenze rukuru, rwakareba mamita 1 200—iyi ndiyo Zambia, nyika iri pakati pepakati pokumaodzanyemba kweAfrica. Kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva, Makomo eMuchinga anosvika kumamita 2 100. Rwizi rukuru rwaZambezi, urwo runotinhira nenzira inoshamisa paVictoria Falls yakakurumbira munyika yose, runoumba mukurusa womuganhu wokumaodzanyemba weiyi nyika yakakombwa nedzimwe nyika. Pakati pavanhu vacho pane mhatsa huru, namapoka edzinza akasiyana-siyana anopfuura 70. Mitauro mikuru misere inotaurwa muno, asi kune mimwe yakawanda.

Muna 1911 mutauro wakasiyana wakavamba kusimba ndokupararira muZambia. Vashanyi vakapinza makopi eStudies in the Scriptures, uye Zvapupu zvaJehovha kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi zvakaedza kuparadzira “mutauro wakachena” wezvokwadi yeBhaibheri muZambia. (Zefania 3:9, NW) Zvinodenha zvikuru zvitendero zvisiri zvapaMagwaro pamusoro pomugariro wavakafa. Apo vanhu vanodzidza zvokwadi ndokuona kuti kutenda mashura kwakavapinza sei muuranda, mugumisiro wacho unosunungura!—Johane 8:32.

Somuenzaniso, hanzvadzi imwe yakatendeka inoshuma, kuti: “Apo sekuru vangu vakafa kamwe kamwe, amai vangu, mutezo wakasimba weUnited Church of Zambia, vakavhiringidzwa. Pashure pomuitiro wokuviga wevhiki yose, ndakadzokera kumusha kwacho kuti ndione kuti vakanga vachirarama sei. Pakusvika, ndakawana murume akwegura ari mumba, uye apo akaenda, ndakabvunza ambuya vangu kuti akanga ari ani. Vakataura kuti yakanga iri n’anga. Amai vangu vairangarira kuishandisa kutsiva rufu rwehanzvadzi yavo kuti mweya wayo ugozokwanisa kuzorora. Ivo vaidavira kuti nguva ino wakanga ‘uchingodzungaira,’ sokutaura kwavakaita.

“Ambuya vakatsanangurazve kuti shanyo yangu chakanga chiri chikomborero nemhaka yokuti mhuri yakanga ichitsvaka mari yokubhadhara n’anga yacho. Vakandikumbira kupa, asi ndakatsanangura nokungwarira pakutaura kuti somuKristu, ndakanga ndisingakwanisi kutora rutivi. Ndakarangarira navo Pisarema 146:4, iro rinoratidza kuti vakafa havana mifungo—naizvozvo hakuna mweya ‘uri kudzungaira.’ Ndakarangarirawo VaRoma 12:19, rinoonesa kuti kutsiva ndokwaJehovha ndizvo kwete kwedu. Pashure paikoko, ndakaudza amai vangu pamusoro petariro yorumuko iyo Jesu akataura nezvayo, sezvakanyorwa pana Johane 5:28, 29. Vakaororwa nokutenda kwangu kwakasimba muzvipikirwa zvaMwari. Nokukurumidza vakatanga kufunda nechimwe Chapupu ndokuita fambiro mberi yokukurumidza. Vakagura batano dzose norwaichimbova rudzidziso rwavo ndokuratidzira tsauriro yavo kuna Mwari kupfurikidza norubhapatidzo. Zvino ivo ndimumwe weZvapupu zvaJehovha.”

Imwe hanzvadzi inoshuma, kuti: “Ndakaenda kumariro omudzimai wasekuru vangu. Pakusvika, ndakawana sekuru vangu nomwana wavo vangu vachiziya nenzara. Ivo vakanga vasina kudya chinhu chipi nechipi chibviro chezuva iro ambuya vangu vakafa. Apo ndakabvunza chikonzero nei, vakapindura kuti maererano negamuchidzanwa, havabvumirwi kubatidza mwoto kuti vabike. Ndakazvipira kubika, asi mimwe mitezo yemhuri yacho yakatya kuti kana ndikapunza iyi tsika yechihedheni, munhu ari wose aizopenga!

“Ndakatsanangura kuti somumwe weZvapupu zvaJehovha, ndinoremekedza chinotaura Bhaibheri pana Revhitiko 18:30 uye handiteveri magamuchidzanwa asiri apaMagwaro. Ipapo ndakavaratidza bhurocha raMidzimu Yavakafa. Pana ikoko nyanduko yakaderera, uye ndakapfuurira ndokugadzirira zvokudya babamukuru vangu navamwe vanhu vose. Hama dzokunyama dzanyakufa dzakaororwa noushingi hwangu ndokubvuma kufundazve Bhaibheri. Ivo vanotova vaparidzi vasina kubhapatidzwa, uye mhuri yose inokarira kubhapatidzwa nokukurumidza.”

Tinofara sei apo mutauro wakachena wezvokwadi unopidigura nyongano yenhema dzorudzidziso, zvikurukuru kurangarira kuya kwakasimba zvikuru kunopinza muuranda vanhu vasina mhaka! Nechikomborero chaJehovha, mutauro wakachena uri kupararira muZambia, kunyange sezvauri kuita mupasi rose.—2 VaKorinte 10:4.

[Bhokisi riri papeji 9]

KUKAMURWA Kwenyika

Gore Rebasa ra 1994

NHA. YAPAMUSORO INOPUPURA: 82 926

RESHIYO: Chapupu 1 ku 107

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 363 372

AVH. YAVAPARIDZI MAPIYONA: 10 713

AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 108 948

NHAMBA YAKABHAPATIDZWA: 3 552

NHAMBA YEUNGANO: 2 027

HOFISI YEBAZU: LUSAKA

[Mufananidzo uri papeji 9]

Nzvimbo yebazu reWatch Tower kunze kweLusaka

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kuparidza muShimabala, kumaodzanyemba kweLusaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe