RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 9/15 pp. 25-26
  • Manyuko Oushingi Husingakundikani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Manyuko Oushingi Husingakundikani
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chidzidzo nokuda kwavaKristu
  • Rudzidziso Rumwe Ruchasara
    Mukai!—1996
  • Shingai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ndipeiwo Ushingi
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • “Shinga, Usimbe Kwazvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 9/15 pp. 25-26

Manyuko Oushingi Husingakundikani

“KUSHINYIRA kwakatiparira kumira kamwe kamwe munzira dzedu. Ipapo, dzichibva mugwenzi raiva kuruboshwe kwedu, shiri mbiri dzakamhanya dzakananga kwatiri dzakatambanudza mapapiro. Pamberi pedu, mazai maviri aiva mukakomba muvhu. Shiri dzacho dzakanga dzatidzivisa kutsika netsaona dendere radzo. Nguva imwe neimwe taiedza kusvika pedyo ndokutora mufanikiso wemazai ane madoidoi mashava akaisvonaka, shiri dzacho dzakadzokorora ratidziro yadzo yokutyisidzira. ‘Dzakashinga sei,’ takafunga kudaro.”

Ichocho chakanga chiri chinoitika chavakuru vana pakusvika dendere redikkop ine mavara mavara. Shiri duku zvikuru iblacksmith plover. Mubhuku rinonzi Everyone’s Guide to South African Birds, nyanzvi mukudzidza nezveshiri Sinclair naMendelsohn vanotsanangura, kuti: “Shiri mbiri dzinobereka dzinodzivirira dendere radzo navana nesimba uye dzinova noukono zvikuru pakusvika kwomuvhozhokeri upi noupi. Hadzityiswi noukuru hwomuvhozhokeri uye dzinobhururuka mudenga dzichidanidzira nehasha, dzichisvetukira nokusatya kunyange vanhu mukuedza kuvanyevera kuti vabve.”

Vamwe vakatarira nzou huru dzimwe nedzimwe dzichifamba dzisingazivi dzakananga kudendere reblacksmith plover, kungotanga bedzi ratidziro yeshiri yacho. Nzou dzinowanzobetsera kupfurikidza nokunyenyeredza.

Shiri dzinowana kupi ushingi hwakadaro huri pachena? Hunobva kune Uyo akadzisika. Jehovha Mwari akaronga izvi zvisikwa zviduku zvine migadzirirwo yokuziva nomusikirwo kuti zvidzivise mhuka huru zvikuru kukuvadza matendere adzo kana manyana.

Chidzidzo nokuda kwavaKristu

VaKristu vanogona kudzidza chidzidzo muna ikoku, kunyange zvazvo vachida kupfuura ushingiwo zvahwo hwomusikirwo. Vanokumbirwa kutevedzera Tenzi wavo, Jesu Kristu, uyo akateerera nokusatya mirayiro yaMwari. (VaHebheru 12:1-3) Bhaibheri rinoshurikidza mbwende dzinorega kubatira Mwari. (VaHebheru 10:39; Zvakazarurwa 21:8) Panguva imwe cheteyo, Jehovha anonzwisisa mugadzirirwo wedu usina kukwana uye anoziva kuti tingatadza padzimwe nguva kana kushayiwa ushingi hunodikanwa kuita kuda kwake zvizere. (Pisarema 103:12-14) Chii icho munhu anogona kuita kana rutyo rwuchimuparira kurega kuita chiri chakarurama?

MuKristu anofanira kutendeukira kuna Mwari nenzira yokunyengetera nokuda kwesimba rokutarisana nemiedzo ndokuramba achiita kuda kwoumwari. Bhaibheri rine ichi chipikirwa chinonyaradza chebetsero yaJehovha: “Vanoziya unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba rake. Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose; asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.” (Isaya 40:29-31) Vanhu vasina kukwana vakawanda vakawana zvokwadi yaaya mashoko uye ‘kubva mumugariro wokusava nesimba vakaitwa vane simba.’ (VaHebheru 11:34) Muenzaniso wakanaka akanga ari muapostora wechiKristu Pauro, uyo akanyora, kuti: “Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe.”—2 Timotio 4:17.

Kunyange vanhu vachangobva kufarira avo vanoda kuva vateveri vaJesu Kristu vanogona kuwana yamuro inosimbisa yakadaro. Rangarira mumwe murume weSouth Africa anonzi Henry, uyo akanga ari mubati wehomwe wechechi yake uye aigara pedyo nomufudzi wake. Henry akanga achitsvaka zvokwadi. Pasinei hapo nebatano yake nechechi, rimwe zuva akabvuma chikarakadzo chefundo yeBhaibheri yapamusha neZvapupu zvaJehovha. Pashure penguva yakati, akataura chishuvo chokuva Chapupu uye akabvunza kuti matanhoi aaifanira kuita kuti asvike nharidzano iyoyo. Kwakatsanangurwa kuti aizofanira kutanga kubuda muchechi yake. (Zvakazarurwa 18:4) Sezvo mufudzi akanga ari muvakidzani wake uye shamwari, Henry akarangarira kuti aisagona kungonyora chete tsamba yokubuda asi aizoda kutsanangura nhau vakatarisana. Akaita ikoku nenzira youshingi.

Mufudzi wacho akakatyamadzwa uye gare gare akatora modhareta nemimwe mitezo yechechi kuti vashanyire Henry. Vaida kuziva chikonzero nei akanga asiya chechi yavo kuti ave mutezo worudzidziso urwo, maererano navo, rusina mudzimu mutsvene waMwari. “Pakutanga, ndakatya kuvapindura,” akatsanangura kudaro Henry, “nemhaka yokuti nguva dzose vakanga vava nepesvedzero huru pandiri. Asi ndakanyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero, uye akandigonesa kuita uku kuzvidzivirira: ‘Pamarudzidziso ose amarudzi ose, ndorupi bedzi runoshandisa zita raMwari, Jehovha? Hazvisiri Zvapupu zvaJehovha here? Munofunga kuti Mwari aizozvibvumira kutakura zita rake ndokusazvipawo mudzimu mutsvene wake here?’” Vakuru vakuru vechechi vakanga vasingakwanisi kuramba kurangarira kwakadaro. Achionga zivo nesimba izvo Mwari anogovera, Henry zvino anogoverana nenzira youshingi neZvapupu zvaJehovha muushumiri hwapasuo nesuo.

Hungu, kuva muKristu wechokwadi kunoda ushingi. Sezvo mugumo wenyika ino unoswedera pedyo, miedzo yokutenda ichawedzera. Satani anoda kubira vabatiri vaMwari tariro yavo inoshamisa youpenyu husingaperi kupfurikidza nokuedza kuputsa perero yavo kuna Jehovha. (Enzanisa naZvakazarurwa 2:10.) Asi hatitongofaniri kurega. Kunyange kana tikatambura mhinganidzo yechinguvana nemhaka yorutyo, Jehovha anogona kutibetsera kudzoka mumugariro wakanaka. Ramba uchitarira kwaari nokuda kwesimba rokuramba uchiita kuda kwake. Yeuka, iye uyo akasika shiri dzisingatyi Manyuko oushingi husingakundikani. Zvamazvirokwazvo, vaKristu vechokwadi vanofanira ku“tsunga mwoyo, [va]chiti: Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; munhu ungandiiteiko?”—VaHebheru 13:6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe