Uri Kudzidza kuMurayiridzi Wedu Mukuru Here?
“NDAKAFUNDA mutemo kwamakore mashanu paimwe yeyunivhesiti dzakanakisisa muSpania,” akatsanangura kudaro Julio. “Asi zvandakadzidza apo ndakavamba kufunda Bhaibheri zvakanga zviri zvikuru zvikuru. Yunivhesiti yakandidzidzisa nzira yokufunda nayo; Bhaibheri rakandidzidzisa nzira yokurarama nayo.”
Kupfurikidza neBhaibheri tinowana mifungo yaMwari, nheyo dzake, uye mirayiridzo yake. Magwaro anorondedzera Jehovha so“Murayiridzi Mukuru” nemhaka yokuti mudzidzisi akanakisisa muchisiko chose. (Isaya 30:20, NW) Nenzira chaiyoiyo, rugwaro rwechiHebheru runoMudana kuti “varayiridzi”—vakawanda kuchiratidzira kuisvonaka. Ikoku kunofanira kutiyeuchidza kuti kudzidziswa naJehovha kukuru zvikuru kupfuura kufunda pasi pomumwe mudzidzisi upi noupi.
Uchenjeri HunoshandaHunobva Kuna Jehovha
Neiko kudzidzisa kwoumwari kuchibetsera kwazvo? Kutanga, nemhaka yezviri mukati mako zvinokosha. Kudzidzisa kwaJehovha kunotipa “uchenjeri chaihwo.” Uyezve, uchenjeri hunopiwa naMwari “hunochengeta upenyu” hwaavo vanohushandisa.—Zvirevo 3:21, 22; Muparidzi 7:12.
Munyori wePisarema 119 akaziva kuti uchenjeri hwaJehovha hwakanga hwamutaviridza muupenyu hwake hwose. Somuenzaniso, akaimba, kuti: “Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri kukunda zviuru zvamazana zvendarama nesirivheri. Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu. Mirayiro yenyu inondiita wakachenjera kupfuura vavengi vangu; nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa.”—Pisarema 119:72, 92, 98, 99.
Wezvamapisarema haasiriye bedzi angadai ‘akaparara munhamo yake,’ kudai kwaisava nokuda kwomutemo waJehovha. Rosa, mumwe mukadzi muduku wokuSpania, anopwiswa kuti upenyu hwake hwakaponeswa nemhaka yokuti akashandisa nheyo dzoumwari. “Pandakasvika zera ramakore 26, ndakanga ndatoedza kuzviuraya kaviri,” anoyeuka kudaro.
Rosa akanga ava anobatanidzwa muupfambi, pamwe chete nokushandiswa kusina kufanira kwezvinodhakisa nemirimo. “Rimwe zuva, apo ndakanga ndakapera mwoyo zvikuru,” anodaro, “vachati vaviri vari Zvapupu vakataura kwandiri pamusoro penzira iyo Bhaibheri rinogona kutibetsera nayo kupedza zvinetso zvedu. Ndakavamba kufunda Shoko raMwari, iro ndakawana richifadza. Mukati momwedzi mumwe ndakava nesimba rokuita kutanga kwakachena, kutsva muupenyu hwangu. Zvino zvandakanga ndava nechinangwa muupenyu, ndaisadazve tsigiro yezvinodhakisa kana mirimo. Uye sezvo ndaida zvikuru kwazvo kuva shamwari yaJehovha, ndakatsunga kurarama maererano nemipimo yake. Kudai kwakanga kusiri nokuda kwouchenjeri hunoshanda hweShoko raMwari, ndine chokwadi kuti pari zvino ndingadai ndakagumisa upenyu hwangu.”
Zvirokwazvo, uchenjeri hunobva kuna Jehovha hunoponesa upenyu. Naizvozvo, tinogona kubetserwa kwete bedzi nezviri mukati mokudzidzisa kwoumwari zvinokosha asiwo nomutoo Jehovha anoshandisa kurayiridza vabatiri vake. Sezvo Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akatirayira kuva vadzidzisi navaiti vavadzidzi, tinoda kudzidza mitoo inobudirira zvikurusa yokupa nayo mirayiridzo.—Mateo 28:19, 20.
Kushandisa kwaJehovha Mienzanisiro
Evhangeri yaMarko inotaura kuti “pasina muenzanisiro [Jesu] aisazotaura kwavari.” (Marko 4:34, NW) Rutivi urwu runozivisa rwokudzidzisa kwaJesu harushamisi. Akangotevedzerawo zvake imwe yenzira idzo mashoko ouporofita aJehovha aipiwa nadzo kurudzi rwaIsraeri. Idzodzi dzine chiverengero chakati chemienzanisiro yakajeka.—Isaya 5:1-7; Jeremia 18:1-11; Ezekieri 15:2-7; Hosea 11:1-4.
Cherekedza, somuenzaniso, nzira iyo Jehovha anoshandisa nayo muenzanisiro une simba kutidzidzisa kuti zvidhori hazvibetseri. Isaya 44:14-17 inoti: “Zvino unozvitemera misidhari, ndokutora misipuresi nemiouki, . . . unosima mupaini . . . Zvino dzava huni dzomunhu, unotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, unobatidza mwoto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, unoveza mwari, ndokumunamata; unoita mufananidzo wakavezwa, ndokuufugamira. Rumwe rutivi rwawo unopisa nomwoto, norumwe rutivi unodya nyama; unogocha nyama, nokuguta; zvirokwazvo, unozvidziyisa. . . . Nezvakasara unoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; unoufugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti: Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu.” Mienzanisiro yakafanana naiyoyi zvishandiswa zvine simba mukubetsera vane mwoyo yakatendeseka kuramba kunamata zvidhori uye dzidziso dzenhema.
Mibvunzo Inonzvera
Bhaibheri rinewo mienzaniso yenzira idzo Jehovha akagadziridza nadzo kufunga kwavamwe vavabatiri vake kupfurikidza nemibvunzo inonyandura kufunga. Tateguru Jobho akanga ari mumwe waivava. Jehovha akamubetsera nenzira yokushivira kuyera uduku hwake naMwari. Ikoku kwakaitwa kupfurikidza nenhevedzano yemibvunzo, iyo Jobho akanga asingakwanirisi nenzira isina tariro kupindura.
“Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika?” Jehovha akabvunza Jobho. “Ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, . . . Ko iwe ungasunga sumbu reChinyamutanhatu, kana kusunungura zvisungo zveOrioni here? . . . Une ruoko rwakafanana norwaMwari here?” Iyi bvunzurudzo inoninipisa yakabatanidza mubvunzo unokosha zvikuru: “Unoda kundipa [Jehovha] mhosva, kuti iwe ururamiswe here?”—Jobho 38:4, 8, 31; 40:8, 9.
Iyi mibvunzo inonzvera yakaita kuti Jobho azive kuti akanga ataura asina kunzwisisa. Nokudaro, akazvidemba ndokupfidza. (Jobho 42:6) Somuchinoitika chino, mibvunzo inosanosarudzwa ingabetsera kugadziridza kufunga kusina kururama kwavana vedu kana vadzidzi veBhaibheri.
Kuvaka Chivimbo
Zvakadini kana tichida kubatsira mumwe munhu anonzwa asingafaniri kana asingakwanisi? Inobetsera muna ikoku ikurukurirano pakati paJehovha nomuporofita wake Mosesi. Apo Mwari akagovera Mosesi kuva mutauriri wake pamberi paFarao navaIsraeri, muporofita akanzwa asingakwanisi kuita basa racho. “Ndiri munhu une muromo usingagoni norurimi rusingagoni,” akadaro. Zvisinei, Mwari akapindura, kuti: “Ndianiko wakaita muromo womunhu? . . . Ko handizini Jehovha here? Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.”—Eksodho 4:10-12.
Jehovha akagovera mukoma waMosesi Aroni somutauriri wake, uye vakapfuurira kuita basa ravo muEgipita. (Eksodho 4:14-16) Zvapupu zvaJehovha zvisiri zvishoma zvakagoverana mirangariro yaMosesi yokusakwanisa pakutanga kupinda muushumiri hwapaimba neimba kana mukupupura kwomumugwagwa. Somuchinoitika chaMosesi, kuziva kwedu kuti tine tsigiro yaJehovha uye kuti tichaperekedzwa nomushumiri ane ruzivo rwokuzviwanira kunogona kutigonesa kukurira kuzengurira kwedu. Kunyange sezvo Mosesi akakwanisa kusakurira chivimbo kusvika papfundo rokuita hurukuro dzine simba dzinowanwa mubhuku rose reBhaibheri raDheuteronomio, nebetsero yaJehovha isuwo tinogona kuvaka mano edu okutaura.
Muenzanisiro Unoshanda
Chishuvo chapachokwadi chokubetsera vamwe chinokoshawo. Iroro rakanga riri vara iro muporofita Jona akanga asina. Jehovha akagovera Jona kunyevera vanhu veNinevhe pamusoro poruparadziko rwaiswedera rweguta. Nenzira inoshamisa, vaNinevhe vakapfidza. (Jona 3:5) Somugumisiro, Jehovha akasundira mberi ngwavaira yacho. Panzvimbo pokufarira zvikuru budiriro yenhimbe yake yokuparidza, zvisinei, Jona akashatirwa kuti kudeya kuzivisa kwake kwaisazozadzikwa. Jehovha akamubetsera sei kuwana murangariro wakarurama?
Jehovha akashandisa muchindwe kudzidzisa Jona ukoshi hwokuitira vamwe hanya. Muti wacho wakakura nenzira yenenji muusiku humwe ndokugovera mubvuri unofadza nokuda kwaJona, uyo akanga avaka dumba kunze kweNinevhe. Jona akavamba ku“farira kwazvo” uyu muti muduku. Asi ipapo Jehovha akaparira gonye kuruma muti wacho zvokuti wakaoma. Aratidzirwa kuzuva uye kumhepo inoomesa, Jona akatsamwa ndokuti: “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.” (Jona 4:5-8) Chii chakanga chiri chifundo muna ikoku kwose?
Jehovha akataura kuna Jona ndokuti: “Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwe wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera nousiku humwe, ukapararazve nousiku humwe; ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinevhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?”—Jona 4:9-11.
Muenzanisiro unoshanda zvakadini! Jona akanga achifarira zvikuru muchindwe kupfuura zviuru zvavanhu. Kunyange zvazvo kuitira hanya rutivi rupi norupi rwechisiko chaMwari kuchirumbidzwa, kubetsera kuponesa upenyu hwavanhu ibasa redu rinokosha zvikurusa.
Kurayiridza Neshiviro
Seizvo Jona akawana, hakusiri nyore nguva dzose kuita ushumiri hwedu. (2 Timotio 4:5) Zvisinei, chimiro chokushivira kuna vamwe chichabetsera.
Unoita sei apo mumwe wavadzidzi vako veBhaibheri anononoka kana anoti ivei asina mufungo? Murayiridzi wedu Mukuru anotidzidzisa nzira yokubata nayo nechinetso chakadaro. Akaratidza shiviro yechienzi apo Abrahama akamufasa nemibvunzo pamusoro porutongeso rwaiuya paSodhoma neGomora. “Muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here?” Abrahama akabvunza. “Zvimwe vangavapo vakarurama vana makumi mashanu muguta;” Abrahama akateterera. “Muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vana makumi mashanu varimo here?” Mhinduro yaJehovha yakasunda Abrahama kuramba achiteterera kutozosvikira chiverengero chacho chaderedzwa kusvika kugumi. Jehovha aiziva kuti mhuri yaRoti yoga yaifanirwa nokuponeswa, uye gadziriro yakanga yaitwa kuchinangwa ichocho. Asi Mwari akabvumira nenzira yeshiviro Abrahama kuramba achimubvunza kutozosvikira anzwisisa ukuru hwengoni dzaJehovha.—Genesi 18:20-32.
Jehovha akarangarira kunzwisisa kwakaganhurirwa kwaAbrahama uye mirangariro yake yokuitira hanya. Kana tikanzwisisawo miganhu yavadzidzi vedu, kuchatibetsera kuratidza shiviro apo anoparapatika kuti anzwisise dzidziso yakati kana kukurira tsika yakasimba.
Ramba Uchidzidza Kuna Jehovha
Jehovha Mwari nenzira isingapanikirwi Murayiridzi Mukuru. Kupfurikidza nemitoo yakadai semienzanisiro, mibvunzo, uye mienzanisiro inoshanda, anopa kunzwisisa nenzira yokushivira. Kusvikira kutambanuko iyo tinotevedzera mitoo yake yokudzidzisa, isu timene tichava vadzidzisi vari nani.
Sezvo avo vanodzidzisa vamwe vasingafaniri kuregeredza kuzvidzidzisa vamene, tinofanira kupfuurira ku“dzidziswa naJehovha.” (Isaya 54:13) Isaya akanyora kuti: “Meso enyu achaona vadzidzisi venyu; nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:20, 21) Kupfurikidza nokupfuurira kufamba munzira yaJehovha uye kubetsera vamwe kuita saizvozvo, tinogona kuva neropafadzo yechienzi yokudzidza kuMurayiridzi wedu Mukuru nokusingaperi.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Jehovha akabvunza Jobho, kuti: “Ko gondo rinokwira nokurayira kwako, richindovaka dendere raro pakakwirira here?”
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kupfurikidza nomuchindwe, Jehovha akadzidzisa Jona kuitira hanya vanhu zvikuru