RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 8/15 p. 30
  • Iwe Unoyeuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iwe Unoyeuka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Wakawana Rudzidziso Rwakarurama Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
  • Ndokupi Kwaunogona Kuwana Nhungamiro Yakavimbika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vave ‘Vakachenjera Kuti Vawane Ruponeso’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 8/15 p. 30

Iwe Unoyeuka Here?

Wakarangarira nokungwarira zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi here? Kana zvakadaro, uchawana kuchifadza kuyeuka zvinotevera:

▫ Ndoupi uri musiyano mukuru pakati pomunhu nemhuka?

Musiyano mukuru uri pamugadzirirwo, mano, uye mabasa zvouropi. Mumhuka anodokuva mabasa ose ouropi akarongwa muhwakasvika pakunzi uchenjeri hwokuberekwa nahwo. Ikoku hakuna kudaro navanhu. Mwari akapa vanhu mano okuita zvavanoda. (Zvirevo 30:24-28)—4/15, peji 5.

▫ Kuimba kwakaita rutivii mukunamata kwapatembere kwavaIsraeri?

Nziyo, zvikurukuru vaimbi, dzaiva nenzvimbo inokosha mukunamata, kwete hazvo kuroverera nhau dzinokosha zvikuru dzoMutemo, asi kugovera mudzimu wakarurama wokunamata. Dzakabetsera vaIsraeri kunamata Jehovha nenzira yokushingaira. (1 Makoronike 23:4, 5; 25:7)—5/1, mapeji 10, 11.

▫ Rudzii rwengwariro urwo vana vanoda kubvira paucheche?

Vabereki vanofanira kupa ngwariro inodokuva yenguva dzose kuachangobva kuberekwa. Pauro akanyora, kuti: “Kubvira paucheche hwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa.” (2 Timotio 3:15) Naizvozvo ngwariro yavabereki iyo Timotio akagamuchira, kunyange kubvira paucheche, yakanga iriwo yorudzi rwomudzimu.—5/15, peji 11.

▫ Mitsarai mina youfakazi inobvumikisa kuti Bhaibheri rine shoko raMwari nokuda kworudzi rwose rwomunhu?

(1) Kuwanika. Bhaibheri rinowanika ku 98 muzana yechiverengero chavagari venyika. (2) Kuva renhau. Bhaibheri rine maidi enhau, panzvimbo pengano dzisingabvumikiswi. (3) Kushanda. Mirayiro yaro nenheyo zvinoratidzira mararamire anounza betsero kuavo vanonamatira kwazviri. (4) Uporofita. Ibhuku rinotaura muudzame zvichaitika munguva yemberi.—6/1, mapeji 8, 9.

▫ Mutoroi unova pamwe chete nokuziva rudzidziso rwakarurama?

Kana tangoziva rudzidziso rwakarurama chete, tinofanira kuvakira upenyu hwedu parwuri. Mararamire. (Pisarema 119:105; Isaya 2:3)—6/1, peji 13.

▫ Neiko fundo yomunhu oga yeBhaibheri ichikosha kwazvo?

Vose vavabatiri vaMwari vanofanira kuita kuti mufaro wavo nesimba zvimutsidzirwe zuva nezuva kupfurikidza nokuwana mativi matsva kana kuti makuru zvikuru ezvokwadi yeShoko raMwari. Neiyi nzira vanozvichengeta vamene vachinyandurwa mumudzimu.—6/15, peji 8.

▫ Chii chinorehwa neshoko rokuti “chivi” sezvarinoshandiswa muBhaibheri?

Muzvimiro zvawo zvechiito, mashoko echiHebheru neechiGiriki anoshandiswa kazhinji kazhinji muBhaibheri kuratidzira “chivi” anoreva kuti “potsa,” mupfungwa yokupotsa kana kuti kusasvika nharidzano, chiratidzo, kana kuti chipfuro. Vaviri vokutanga vohunhu vakakundikana kusvika mbiri yaMwari, vachipotsa donzo rokuva kwavo vakasikwa mumufananidzo waMwari. Namamwe mashoko, vakatadza. (Genesi 2:17; 3:6)—6/15, peji 12.

▫ Neiko kuri kusachenjera zvikuru kurava mabhuku avawi pakutenda?

Mamwe amabhuku avawi pakutenda anopa nhema kupfurikidza no“kunyengera kwomwoyo” uye “mashoko amanomano.” (VaRoma 16:17, 18; 2 Petro 2:3) Manyoro ose avawi pakutenda anongotsoropodza nokuparadza bedzi. Hapana chinovaka.—7/1, peji 12.

▫ Girisi yakanga iri mavambo ehurumende inosarudzwa navanhu here?

MuGirisi yakare, hurumende inosarudzwa navanhu yakashandiswa bedzi mumaguta enyika mashomanene, uye kunyange muna iwaya varume bedzi ndivo vaivhota. Ikoku kwakareva kuti zvikamu zvina zvezvishanu zvavagari vemo zvaisiyiwa. Hwakanga husitongori uchangamire hwakakurumbira kana kuti hurumende inosarudzwa navanhu!—7/1, peji 16.

▫ Chii chinoparira kuti roorano yechiKristu ibudirire?

Apo murume nomudzimai vanoremekedza murangariro waMwari weroorano ndokuedza kurarama mukuwirirana nemipimo yeShoko rake. (VaEfeso 5:21-33)—7/15, peji 10.

▫ Fundo yenyu yemhuri inogona sei kuva inofarikanywa?

Edza kuchengeta vana vose vachibatanidzwa. Iva akananga naanovaka, uchirumbidza noushamwari vana vako nokuda kwokutora rutivi kwavo. Usangofukidza mashoko chete asi edza kusvika mwoyo yavana vako.—7/15, peji 18.

▫ Chii chinorehwa nokutaura, kwokuti: “Panguva ipi kana ipi yavanenge vachiti: ‘Rugare nechengeteko!’” (1 VaTesaronika 5:3, NW)

Cherekedza kuti Bhaibheri harisati richitaura kuti marudzi achawana “rugare nechengeteko.” Asi achave hawo achitaura pamusoro parwo uye nenzira yechienzi, achiratidzira kuva netariro nokupwiswa kusina kunzwika kusvikira panguva iyoyo. Mabanza okuwana rugare nechengeteko acharatidzika kuva ari pedyo zvikuru kupfuura nakare kose.—8/1, peji 6.

▫ Dudza nzira nhatu umo Jehovha anoratidzira kuva nomufungo.

Jehovha akaratidzira kuva kwake akagadzirira kukanganwira. (Pisarema 86:5) Ave achidisa kuchinja nzira yakarangarirwa yechiito sezvo migariro mitsva yakamuka. (Ona Jona, ganhuro 3.) Uyewo, Jehovha akazviratidza amene kuva ane mufungo mukushandiswa kwechiremera. (1 Madzimambo 22:19-22)—8/1, mapeji 12-14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe