RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 8/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anosarudza Dhavhidhi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Munhu Anodiwa Nomwoyo waJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raIsaya—I
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Dhavhidhi naGoriyati
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 8/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Sezvo Jesu akabva kuna vose vari vaviri Jese naDhavhidhi, neiko achinzi “mudzi” wavakare vake Jese naDhavhidhi?

Unowanzofunga nezvomudzi womuti kana kuti wechisimwa sounotangira hunde kana kuti mapazu acho. Naizvozvo kwaizoratidzika kuti Jese (kana kuti mwanakomana wake Dhavhidhi) aizotaurwa nezvake somudzi uyo Jesu akabuda kwauri pakupedzisira. Zvisinei, Isaya 11:10 yakadeya kutaura kuti Mesia anouya aizova “mudzi waJese,” uye VaRoma 15:12 yakashandisa uhu uporofita kuna Jesu Kristu. Gare gare Zvakazarurwa 5:5 yakamudana kuti “Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi.” Kune zvikonzero zveaya mazita.

Bhaibheri kazhinji kazhinji rinoshandisa chisimwa, zvakadai somuti, nenzira yokuenzanisira. Pane dzimwe nguva ikoku kunobva muidi rokuti sezvo mbeu inotungira ndokukura, midzi inokura matavi, mamwe mapazu, kana kuti michero zvinotsigirwa nemidzi zvisati. Somuenzaniso, Isaya 37:31 inorava, kuti: “Zvino vakasara vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.”—Jobho 14:8, 9; Isaya 14:29.

Kana kuvadziko ikauya kumudzi, muti wose wasara unonzwa tapuro yacho. (Enzanisa naMateo 3:10; 13:6.) Nenzira inowirirana, Maraki akanyora, kuti: “Zuva, rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Maraki 4:1) Revo yacho yakajeka—kuparadza chose chose. Vabereki (midzi) vaizoparadzwa, pamwe chete navana vavo (matavi).a Ikoku kunosimbisa mutoro une vabereki kuvana vavo vaduku; nguva yemberi isingagumi yavana vaduku ingagona kusarudzwa nechimiro chavabereki vavo pamberi paMwari.—1 VaKorinte 7:14.

Mutauro uri pana Isaya 37:31 naMaraki 4:1 unobva muidi rokuti matavi (uye zvibereko zviri pamapazu maduku) zvinowana upenyu hwazvo kumudzi. Ikoku ndechinokosha kukunzwisisa kuti Jesu “mudzi waJese” uye “mudzi waDhavhidhi” sei.

Nenzira yokunyama, Jese naDhavhidhi vakanga vari vakare vaJesu; vakanga vari midzi, iye ari bukira kana kuti davi. Isaya 11:1 yakati nezvaMesia anouya: “Pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko.” Nenzira yakafanana, pana Zvakazarurwa 22:16, Jesu anozvidana amene kuti “worudzi rwaDhavhidhi.” Asi anozvidanawo amene kuti “mudzi waDhavhidhi.” Neiko?

Imwe nzira iyo Jesu ari nayo “mudzi” waJese naDhavhidhi ndeyokuti kupfurikidza naye mutsara wavo wedzinza unoramba uri mupenyu. Hakuna munhu nhasi anogona kubvumikisa kuti ndeworudzi rwaRevhi, Dhani, kana kuti kunyange Judha, asi tinogona kuva nechokwadi chokuti mutsara waJese naDhavhidhi unopfuurira kurarama nemhaka yokuti Jesu zvino mupenyu mudenga.—Mateo 1:1-16; VaRoma 6:9.

Jesu akagamuchirawo nzvimbo yaMambo wokudenga. (Ruka 1:32, 33; 19:12, 15; 1 VaKorinte 15:25) Ikoku kune chokuita noukama hwake kunyange navakare vake. Nenzira youporofita, Dhavhidhi akadana Jesu kuti Ishe wake.—Pisarema 110:1; Mabasa 2:34-36.

Pakupedzisira, Jesu Kristu akapiwa simba soMutongi. Mukati meMireniyumu inouya, betsero dzorudzikinuro rwaJesu dzichatambanukirawo kuna Jese naDhavhidhi. Upenyu hwavo pasi pano panguva iyoyo huchatsamira pana Jesu, uyo achabatira sa“Baba [vavo] vokusingaperi.”—Isaya 9:6.

Naizvozvo, kunyange zvazvo Jesu akabva mumutsara waJese naDhavhidhi, zvaazova nezvaachigere kuita zvinomukwanirisa kudanwa kunzi “mudzi waJese” no“Mudzi waDhavhidhi.”

[Mashoko Omuzasi]

a Rumwe runyoro rwapamariro rwakare rwePhoenicia rwakashandisa mutauro wakafanana. Rwakati nezvavapi navapi vaizarura nzvimbo yokuviga, kuti: “Ngavarege kuva nomudzi pasi kana zvibereko kumusoro!”—Vetus Testamentum, April 1961.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe