RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 4/15 pp. 4-7
  • Ndokupi Kwaunogona Kuwana Nhungamiro Yakavimbika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndokupi Kwaunogona Kuwana Nhungamiro Yakavimbika?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Akagadzirwa kuti Agamuchire Nhungamiro Youmwari
  • Kunyorwa Kwoumwari kweBhaibheri
  • Inobetsera Nguva Dzose—Haitongokuvadzi
  • Nguva Yemberi Yakachengeta Yeavo Vanotevera Nhungamiro yaMwari
  • Tsvaka Kutungamirirwa naMwari Muzvinhu Zvose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Chii Chingatibatsira Kuva Neramangwana Rakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
  • Zivo Inotitungamirira Zviri Nani Pane Uchenjeri Hwokusikwa Nahwo
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 4/15 pp. 4-7

Ndokupi Kwaunogona Kuwana Nhungamiro Yakavimbika?

“HAIWA, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu.”—Jeremia 10:23, 24.

Munyori weBhaibheri Jeremia akanyora mashoko iwayo mazana amakore 25 apfuura. Mugariro unosiririsa worudzi rwomunhu pashure pezviuru zvamakore zvokushandisa nhungamiro yavanhu unobvumikisa uzvokwadi husingarambiki hwokutaura ikoku. Asi ungabvunza kuti, ‘Ndokupi kunogona kuwanikwa nhungamiro yakavimbika?’

Rugwaro rwanokorwa mashoko pamusoro apa runonongedzera kumanyuko enhungamiro yakavimbika noutungamiriri huri hukuru zvikuru kumunhu—Musiki womunhu, Jehovha Mwari. Zvirokwazvo hakuna munhu anoziva mugadzirirwo womunhu nezvinodikanwa zvake zviri nani kupfuura Musiki wedu. Kunyanguvezvo, Mwari anofarira kutigovera nhungamiro yakadaro noutungamiriri here? Anokuita sei? Inoshanda here nokuda kwenguva dzedu?

Akagadzirwa kuti Agamuchire Nhungamiro Youmwari

Kunosanozivikanwa kuti musiano mukuru unoparadzanisa munhu nemhuka uri pamugadzirirwo, mano, uye mabasa zvouropi hwomunhu. Mumhuka anodokuva mabasa ose ouropi akarongwa muhwakasvika pakunzi uchenjeri hwokuberekwa nahwo. Ikoku hakuna kudaro navanhu.—Zvirevo 30:24-28.

Kusafanana nouropi hwemhuka, rutivi rukuru rwouropi hwomunhu hahuna gadziriro dzakagadzwa. Mwari akapa vanhu mano okuita zvavanoda, achivagonesa kuita zvisarudzo zvoungwaru nokuratidzira mavara makuru, akadai sorudo, rupo, kusava noudyire, ruramisiro, uye uchenjeri.

Kune mufungo here kufunga kuti Mwari aizosika munhu ane mano akadaro endangariro asingagoveri rudzi rwakati rwenhungamiro pamusoro pokuti anogona kushandiswa zvakanakisisa sei? Mwari akapa nhungamiro yakananga kuvanhu vokutanga. (Genesi 2:15-17, 19; 3:8, 9) Kunyange pashure pokuwira kwomunhu muchivi, Jehovha akapfuurira kutungamirira varume navakadzi vakatendeka, zvinocherechedzwa zvikurusa kupfurikidza neShoko rake amene rakafuridzirwa, Bhaibheri. (Pisarema 119:105) Ikoku kwakabvumidza vanhu kutarisana nebudiriro zvinetso zvezuva nezuva zvoupenyu sezvavanoshandisa rusununguko rwavo rwokuita zvavanoda nenzira yokuchenjera.

Kunyorwa Kwoumwari kweBhaibheri

Chii chinoita Bhaibheri manyuko akavimbika enhungamiro? Kutanga, rinopa mashoko ayo bedzi Musiki angagona kugovera. Iro rinoratidzira nhau yezvinoitika zvakaitika kare kare pamberi pamavambo oupenyu hwavanhu. Somuenzaniso, rinogovera nhau yokuti pasi rakagadzirwa sei mumatanho anotevedzana kutozosvikira rava rakakodzera kutsigira upenyu hwavanhu. (Genesi, maganhuro 1, 2) Kunyange zvazvo iyoyi yakanyorwa muBhaibheri anopfuura makore 3 000 apfuura, iri mutsinhirano nemirangariro yesayenzi yazvino uno.

Kare kare rudzi rwomunhu rwose zvarwo rusati rwabvuma kuti pasi rakanga rakaurungana, Bhaibheri rakazivisa, kuti: “[Mwari] unotatamura rutivi rwokumusoro pasine chiro, unoturikira nyika pasine chinhu.” (Jobho 26:7) Kupfuurirazve, Bhaibheri rinozivisa kuti “ndiye ugere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu.” (Isaya 40:22) Mwari bedzi, Musiki, aigona kuva akagovera udzame ihwohwu.

Mano okudeya kuona chichauya hachisi chipo chakapiwa kumunhu. Panzvimbo pezvo, Musiki anodeya kutaura nguva yemberi kupfurikidza namapeji eBhaibheri. Mwari akafuridzira muporofita Isaya kunyora neZvake, kuti: “Ndini Mwari, hakuno mumwe, ndini Mwari, hakuna wakafanana neni; iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare kare zvinhu zvichigere kuitwa.”—Isaya 46:9, 10.

Bhaibheri rakaratidzira kuti rinogona kudeya kutaura mugumo kuvambira pamavambo noururami hunoshamisa. Somuenzaniso, iro rakadeya kutaura kumuka, kuwa, uye mavara zvamasimba makuru enyika mukati mezviuru zvamakore zvenhau yavanhu. Uporofita ihwohwu hunoshamisa hwakanyorwa mazana makore pamberi pezadziko yahwo, muzvinoitika zvakati zviuru zvamakore pamberi. Nokudaro Bhaibheri rinodeya kutaura nenzira yakarurama zvinoitika zvomuzuva razvino uno, pamwe chete nomuuyo wazvo wokupedzisira. Bhaibheri rakasiyanawo nemhaka yokuti rinonongedzera kunzira yokupukunyuka nayo mukati moruparadziko rwehurumende dzisina kukwana dzakaitwa nomunhu paArmagedhoni, “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba Ose.” Umambo hwaMwari musimba roMwanakomana wake, Jesu Kristu, huchaita chiito ichocho chikuru.—Zvakazarurwa 16:14, 16, NW; Zvak. 17:9-18; Dhanieri, maganhuro 2, 8.

Inobetsera Nguva Dzose—Haitongokuvadzi

Uchenjeriwo zvahwo hwavanhu hahuna kukwana; nokudaro, zano ravanhu haribetseri nguva dzose, kunyange zvazvo ringapiwa nevavariro dzakanaka. Ikoku hakuna kudaro nezano reBhaibheri. Mwari amene anoti: “Ndini Jehovha . . . unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! Dai wakateerera hako mirairo yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa.”—Isaya 48:17, 18.

Nhungamiro youmwari inotibetsera kuisa zvinokosha pakutanga ndokunamatira kuzvinokosha zvikuru muupenyu. Nepo chaunga chazvino uno chichisimbisa zviitwa nenharidzano zvokunyama, Bhaibheri rinosimbisa kuti kunokosha sei kuti tive “tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.” (2 VaKorinte 4:18) Neiyi nzira tinokurudzirwa kuva nenharidzano dzakaisvonaka zvikurusa muupenyu, ndiko kuti, nharidzano dzomudzimu pamusoro pokuita kuda kwaMwari, nharidzano hurusa ichiva iya youpenyu husingaperi mutsika itsva yakarurama.

Sezvo muKristu achizvishandisa amene kuronda idzi nharidzano huru, zano reBhaibheri rinomubetsera kurarama rudzi rwakanakisisa rwoupenyu runobvira mutsika ino yakaipa yezvinhu. Uchenjeri hwavanhu hwazvino uno hunokurudzira uzivi hwokushanda zvishomanene ndokuwana mari yakawanda zvikurusa. Pano rumwe rutivi, Bhaibheri rinotiudza kuti “unobata noruoko rusine hanya, uchava murombo; asi ruoko rwousine usimbe runopfumisa.” Muapostora Pauro akanyorera vaKristu veHebheru, kuti: “Tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.”—Zvirevo 10:4; VaHebheru 13:18.

Bhaibheri rinopawo zano rinoshanda pagadziriro yemhuri. Rinosimbisa zvakananga basa ravose vari vaviri murume nomudzimai mugadziriro yeroorano, pamwe chete nenzira yakarurama yokurera nayo nokudzidzisa vana. Rinoti: “Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. . . . Nomukadzi ngaatye murume wake. Imi vana, teererai vabereki venyu . . . nemi madzibaba regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwa[Jehovha, NW].” Kutevera zano guru roMusiki kunobetsera zvikuru kukuterama nomufarwa zvemhuri.—VaEfeso 5:21–6:4.

Nguva Yemberi Yakachengeta Yeavo Vanotevera Nhungamiro yaMwari

Shoko rakanyorwa raMwari rinoonesa mhinduro iyo Mwari anayo yezvinetso zvose zvorudzi rwomunhu. Nokukurumidza zvikuru Jehovha Mwari achabvisa tsika yazvino yezvinhu, namarwadzo ayo ose, kusaruramisira nokutambura, uye achaitsiva netsika itsva yake yakarurama. Bhaibheri rinorondedzera ikoku pana 2 Petro 3:7-10, richiwedzera 2 Pet. 3 pandima 13, kuti: “Sezvaakapikira tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” Ikoku kunoumba zvikuru mashoko akanakisisa angagona kupiwa kumhuri yavanhu. Chaizvoizvo ishoko iro Bhaibheri rinopa uye iro Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira munyika dzinopfuura 200 nezvitsuwa zvegungwa.

Apo kuda kwaMwari kunoshandiswa mupasi rose, mhuri yose yavanhu ichabetserwa nokutevera nhungamiro yakaisvonaka yoMusiki wayo, Jehovha. Hakusati kuchizovazve nezvinetso zvourombo, utsotsi, uye mirimo. Rudzi rwomunhu harusati ruchizotambudzwazve nechirwere, ukweguru, uye rufu. Mhuri yavanhu ichasimudzirwa kukukwana uko vabereki vedu vokutanga vaiva nako vasati vapandukira nhungamiro yaMwari.

Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinosanopeta sei mugariro unofadza waavo vanoisa chivimbo chavo munhungamiro youmwari! Zvakazarurwa 21:4, 5 inoti: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” Musiki wedu akapikira izvozvo, achiti: “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Iye anowedzera, kuti: “Mashoko awa angatendwa, ndeazvokwadi.”

Kana tichizogamuchira zvikomborero izvozvi, chii icho Mwari anokarira kwatiri? Muapostora Pauro anotsanangura kuti kuda kwaMwari ndiko kuti “marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa ndokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.” (1 Timotio 2:4, NW) Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuwana zivo yakarurama iyoyo yezvokwadi kupfurikidza nefundo yakakwana yeBhaibheri. Kupfurikidza nokudzidza nokushingaira pamusoro pokuda kwoumwari, iwewo unogona kuwana kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira kuti uchenjeri hwoumwari ndihwo nhungamiro bedzi yakavimbika munguva dzino dzine ngozi. Ukoshi hwenguva hunokuita kuti kuve kunokosha zvikuru kupfuura nakare kose kuitevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe