Munhu Wose Anokokwa Nechinangwa
“PANOMBOITWEIKO ipapa?” Vakawanda vanopfuura vari mumotokari nepazvivako zveZvapupu zvaJehovha zviri kuMogale City (kuKrugersdorp), pedyo neJohannesburg, kuSouth Africa, vanobvunza mubvunzo iwoyu. Saka Zvapupu zvakasarudza kukoka vanhu vose kuti vazoona zvivako zvebazi musi waOctober 12 na13, 2007. Zvakaitirwa zvinangwa zviviri—kupedza runyerekupe rwenhema rwakanga rwafambiswa uye kuratidza vanhu zviri kuitwa nehofisi yebazi pakutsigira basa rakarayirwa naJesu Kristu.—Mateu 28:19, 20.
Vanoshanda pahofisi yebazi vakamisa zvikwangwani zvikuru pagedhi zvaichingamidza vaenzi, uye vakakoka vavakidzani. Vakakokawo vavanoitirana navo zvebhizimisi nemhuri dzavo. Zvakaguma nei? Vaenzi vanopfuura 500 vakanga vasiri Zvapupu vakafamba vachiratidzwa zvivako izvi.
Chainyanya kunakidza kuona muchina unonzi MAN Roland Lithoman unodhinda magazini 90 000 muawa imwe chete. Nzvimbo huru inoshandiswa kurongedza nokutumira matani 14 emabhuku zuva nezuva yakashamisa vashanyi, uye vakashamiswawo nomuchina unogadzira mabhuku. Zvapupu zvaishanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana zvakagadzira zvinhu zvinokwezva zvokuratidza, zvaisanganisira nhoroondo yaiva muchidimbu yokudhinda nemichina, kubvira pamuchina weGutenberg kusvika pane wavapo mazuva ano. Vakaratidzawo kuti bazi rinochengetedza sei mamiriro ezvinhu okunze. Somuenzaniso, imwe nzvimbo yakagadzirwa kuti iparadze magasi ane muchetura nemhepo inonhuwa yomumapaipi omuchina wacho, uye mafirita anobata huruva inobva pamapepa kuti inoraswa.
Rimwe pepanhau raiva nenyaya yaiti vazvipiri 700 vanogara panzvimbo yacho “vashumiri vakagadzwa vakazvitsaurira kuna Jehovha.” Rakataurawo nezve“kuchena kwemandorokwati uye maitirwe anoitwa zvinhu nenguva yazvo” muimba yacho yokudhinda. Mumwe murume aishora Zvapupu zvaJehovha akauyawo kuzoona nzvimbo iyi. Apedza kuiona akanyora tsamba yaiti: “Makorokoto. Hazviwanzoitiki kuti munhu aome mate mukanwa zvikuru kudaro.”
Vashanyi vakawanda vakayemura kuratidzwa kwavakaitwa zvivako izvi uye vakashamiswa kuona kuti bazi rine mabhuku eBhaibheri mumitauro 151 uye kuti rinodhindira mabhuku nyika 18 dziri kumaodzanyemba nepakati peAfrica. Vanhu vose vakasununguka kuenda kunoona zvivako zvebazi zveZvapupu zvaJehovha panguva yebasa. Wadii kubvunza bazi romunyika yenyu nguva inogona kushanyirwa zvivako zvebazi.
[Mufananidzo uri papeji 14]
Vashanyi vanosvika pazvivako zvebazi
[Mufananidzo uri papeji 14]
Pepa rokukoka vanhu
[Mifananidzo iri papeji 15]
Zvivako zvebazi rokuSouth Africa muMogale City
[Mufananidzo uri papeji 15]
Muchina wokudhinda unonzi MAN Roland Lithoman
[Mufananidzo uri papeji 15]
Muchina wokugadzira mabhuku
[Mufananidzo uri papeji 15]
Panorongedzerwa mabhuku