Uya ku“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa
VABATIRI vaJehovha munguva dzakare vaidikanirwa muMutemo waMosesi kuungana katatu gore rimwe nerimwe nokuda kwemitambo yakati. Idzi dzakanga dziri nhambo dzinofadza nedzinovaka mumudzimu.—Dheuteronomio 16:16.
Munguva dzazvino uno vabatiri vaJehovha vanounganawo katatu gore rimwe nerimwe: nokuda kwezuva chairo regungano, nokuda kwegungano redunhu ramazuva maviri, uye nokuda kwekokorodzano yoruwa yamazuva matatu kana kuti mana. Mukati megore rebasa ra 1994, Zvapupu zvaJehovha zvichaungana nokuda kwo“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa.
Shoko raMwari harisiyi panikiro pamusoro poukoshi hworutyo rwoumwari. Rudzi irworwo rworutyo rwunodudzwa imomo ka 200. Rutyo rwoumwari idziviriro, sezvinogona kuonekwa muna Zvirevo 16:6: “Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.” Chokwadi, tinoudzwa paPisarema 111:10 kuti rutyo rwoumwari ndiwo mavambo amene ouchenjeri!
Kungataurwa kuti kune mativi maviri orutyo rwoumwari. Kutanga, rutyo rwakadaro rwunonyandurwa norudo. Tinotya kusafadza Mwari nemhaka yokumuda kwedu zvikuru. (Zvirevo 27:11) Ipapo zvakare, uchenjeri hwedu huchabetsera kuroverera rutyo rwoumwari matiri, sezvo tichiziva kuti Mwari “mwoto unoparadza” kuna vose vanoita zvakaipa.—VaHebheru 12:29.
Pa“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano yedu Yoruwa, tichagamuchira murairidzo wakawanda nekurudziro kuti tikure murutyo rwoumwari. Kudzidzisa kwakadaro kuchapiwa kupfurikidza nehurukuro, mienzaniso, uye chinoitika, pamwe chete nokurondedzerwa kwezvinoitika.
Kunyange sezvo vaIsraeri vekare vakarairwa kusauya kumagungano avo vasina chinhu, naizvozvo tinofanira kuda kupa rutivi rwedu kumufaro nebudiriro zvekokorodzano dzedu. (Dheuteronomio 16:17) Tinogona kuita ikoku kupfurikidza nokuratidzira kuremekedza tafura yaJehovha. Seiko? Kupfurikidza nokusvika panguva, kupfurikidza nokusanopa ngwariro kune zvinotaurwa pachikuva, kupfurikidza nokukumbanira nomwoyo wose mukuimbwa kwenziyo. Hatisati taizopinda mukurukurirano kana kuti kufamba-famba mukati mepurogiramu. Tichadawo kubetsera kusvikira kutambanuko yatinogona kupfurikidza nokupa betsero dzedu. Kurongwa kwekokorodzano kunobatanidza mapato akawanda, ose anoda vashandi kuti vashande maari. Tichadawo kuita mipiro yemari kusvikira kutambanuko iyo Jehovha akatikomborera.
Mubatiri mumwe nomumwe waJehovha ngaaite rongedzero zvino dzokuvapo kwamazuva ose matatu o“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa, kubvira parwiyo rwokuzarura paChishanu mangwanani kusvikira kumunyengetero wokupfiga paSvondo masikati.