Chii Chiri Kutya Jehovha Kwatinofanira Kuva Nako?
BHAIBHERI rinoratidza kuti kune kutya kwakafanira nokutya kusakafanira. Nokudaro, kutya kungava kwakanaka ndokuparira munhu wacho kupfuurira nengwariro yakafanira mukutarisana nengozi, nomutoo iwoyo achidzivisa ngwavaira, kana kuti kungava kwakashata, kuchiparadza tariro nokunetesa simba rendangariro romumwe munhu, kunyange kusvikira kupfundo rokuparira rufu. Kutya Mwari kwakanaka; iko ruremekedzo norukudzo rukuru nokuda kwoMusiki nokutya kwakanaka kwokumutsamwisa. Uku kutya kuwana kusafara kwake muuyo wokunzwisiswa kwomutsa wake worudo norunako pamwe chete nokuziva kuti iye ndiye Mutongi Mukurusa uye Wamasimba ose, uye ane simba rokuranga kana kuti kuuraya avo vasingamuteereri.
Kutyiwa kwakafanira kwaJehovha Mwari kunokosha kuavo vangamubatira. Uku kutyiwa kukuru kwaJehovha ndiko “kutanga kwouchenjeri” (Pisarema 111:10), “kuvamba kwouchenjeri.” (Zvirevo 9:10) Hakusati kuri kutya kwakashata kunoparadza; “kutya Jehovha kwakanaka.” (Pisarema 19:9) Uku kutya kunorondedzerwa zvakadai pana Zvirevo 8:13: “Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa.” Kuchadzivisa munhu kutevera nzira yakaipa, nokuti “nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.”—Zvirevo 16:6.
Adhama naEvha vakakundikana kushandisa kutyiwa kwakafanira, kwakanaka kwaMwari uye naizvozvo havana kumuteerera. Ikoku kwakaparira mavari kutya kunorwadza kana kuti rutyo, urwo rwakavaparira kuvanda kuvapo kwaMwari. Adhama akati: “Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya.” (Genesi 3:10) Mwanakomana waAdhama Kaini akanzwa kutya kwakafanana pashure pokuponda munun’una wake Abheri, uye uku kutya kungave kwakava chinhu chinoparira mukusarudza kwake kuvaka guta.—Genesi 4:13-17.
Pana VaHebheru 12:28 maKristu anoraidzwa kuva norutyo rwoumwari: “Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza [norutyo rwoumwari, NW].” Imwe ngirozi iri pakati pedenga, ine mashoko akanaka asingaperi okuzivisa, yakatanga ziviso yayo namashoko, okuti: “Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) Jesu akasianisa kutyiwa kwakanaka kwaMwari nokutyiwa kwomunhu, achiti, sezvakanyorwa pana Mateo 10:28: “Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo unogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena.” Pana Zvakazarurwa 2:10 anopawo zano maKristu, achiti: “Usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhorosi wodokuisa vamwe vanyu mutorongo, kuti muidzwe; muchatambudzika mazuva ane gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona youpenyu.” Kuda chaikoiko Jehovha kunodzinga kutyiwa kwoumbwende kwomunhu uko kunotungamirira kukubvumirana pane zvisina kufanira.
Kutya kwakafanira, zvisinei, kunobatanidza ruremekedzo rwakafanira nokuda kwechiremera chenyika, nemhaka yokuti muKristu anoziva kuti chirango chakarurama chinobva kuchiremera nokuda kwemhaka kwaizova kuratidzirwa kusina kunanga kwokutsamwa Mwari. VaRoma 13:3-7, inoti: “Nokuti vabati havatyisi unobate basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro; nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kuno unoita zvakaipa. Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanawo. Nokuti nemhaka iyo munoripawo mutero; nokuti ndivo varanda vaMwari, vanoramba vachingobatira chinhu icho. Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa; Mutero kuna vanofanira kutererwa; muripo kuna vanofanira kuripirwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa.”
Jesu akadeya kutaura kuti pa“mhedziso yetsika yezvinhu” mugariro wokutya waizofukidza pasi. Iye akataura kuti kwaizova ne“zviono zvinotyisa” uye kuti vanhu vaizo“pera simba nokutya nokukarirwa kwezvinhu zvinouya papasi rinogarwa.” (Ruka 21:11, 26, NW) Nepo vanhu vose zvavo vaizotapurwa neiyi nzira, vabatiri vaMwari vanofanira kutevera nheyo inoratidzirwa pana Isaya 8:12, inoti: “Musati: Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka.” Muapostora Pauro anotsanangura, kuti: “Nokuti Mwari haana kutipa [mudzimu, NW] wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora.”—2 Timotio 1:7.
Munhu akachenjera, pashure pokuita kufundwa kwokungwarira kworudzi rwomunhu pamwe chete namabasa omunhu nezvinoitika zvine ngwavaira, akati: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.