RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 1/15 pp. 21-23
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Vamwe Vachipayona
  • Vamwe Vanogona Kubetsera
  • Kunamatira Kuchisarudzo Chako
  • Mifaro Yakawanda Nezvikomborero
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • “Unogona Kuva Piyona Akanaka!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Kupayona Kunosimbisa Ukama Hwedu naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 1/15 pp. 21-23

Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero

“KUPAYONA kunokosha zvikuru kwazvo kupfuura basa rokunyika rinobudirira. Hakuna chinhu chinogutsa zvikuru kupfuura kubetsera vanhu kusvika pakuziva Jehovha nezvokwadi yake.” Akadaro mumwe mukadzi wechiKristu uyo akasarudza kupayona—kuparidzira Umambo nguva yakazara—sebasa rake. Ndimamwe mabasa mangani anogona kupa mufarwa wakadaro?

Kupayona inharidzano iri zvose zviri zviviri inokudzwa uye ropafadza inokosha. Munhu anogona sei kusarudza upenyu hwakadaro? Chii chinodikanwa kunamatirana nokupayona nguva refu yakakwana kuwana zvikomborero izvo hunopa?

Zvinhu zviviri zvinokosha. Chokutanga, migariro yakarurama. Vakawanda vanogara mumigariro inoita zvakajeka kuti kupayona kusabvire. Uye chechipiri, zvikwaniriso zvakafanira zvomudzimu nechimiro chendangariro. Chokwadika, kana migariro yazvino ichibvumidza munhu kupayona kana kuti kwete, vose vanogona kushanda kukudziridza mavara oukuru echiKristu.

Chikonzero Nei Vamwe Vachipayona

Ndezvipi zviri zvikwaniriso zvokupayona kunobudirira? Eya, mano okuparidzira anokosha. Mapiona anofanira kuziva nzira yokupa nayo mashoko akanaka kuvaenzi, kuita shanyo dzedzokerero pavanofarira, uye kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Kushaikwa kwaaya mano kunogona kuodza mwoyo piona. Kunyanguvezvo, zvimwe zvinhu zvinokoshawo.

Somuenzaniso, chinhu chiri chose chine chokuita nokunamata kwedu chakabatanidzwa noukama hwedu naJehovha nesangano rake. Ikoku kunobatanidza kupayona. Mumwe piona muduku anonzi Rado akatsanangura, kuti: “Nokuda kwomunhu muduku, hapana chinhu chakaisvonaka zvikuru kupfuura kurangarira Jehovha uye kufamba munzira yezvokwadi.” Hungu, kupayona inzira yakaisvonaka yokuti pwere dziratidzire nayo rudo rwadzo nokuda kwaJehovha uye kuva pedyo naye.—Muparidzi 12:1.

Zivo nokunzwisisa zvinokoshawo. (VaFiripi 1:9-11) Chaizvoizvo, izvozvi ndizvo mafuta anochengeta injini yedu yomudzimu ichifamba. Fundo yomunhu oga yenguva dzose iri madikanwa kudzivisa kuva akaneta mumudzimu, kurasikirwa nembavarira yedu uye kupwiswa. Chokwadika, zivo yatinopinza inofanira kutapura kwete bedzi ungwaru asiwo mwoyo. (Zvirevo 2:2) Mukuwedzera kufundo yomunhu oga, naizvozvo, tinoda nguva yomunyengetero neyokufungisisa kuti zivo yatinowana itapure mwoyo. Ipapoka, kana migariro yedu ichibvumidza, tichada kupayona.—Enzanisa naEzra 7:10.

Kutora basa roupiona kunorairawo mudzimu wokuzvibaira. Mumwe murume muduku anonzi Ron akanga aita gadziriro dzake dzose dzokupayona. Akanga achingomirira migariro yakarurama kuti agogona kupfuurira. Zvakananga, aida basa raizomubvumira kupayona uye panguva imwe cheteyo kufarikanya zvimwe zvezvinhu zvakaisvonaka zvikuru zvoupenyu. Apo akadudza izvi kune hanzvadzi yakura, mhinduro yayo yakamukatyamadza. Iyo yakati: “Jehovha anokomborera mabasa, kwete zvipikirwa.” Uyu murume muduku akawana basa rine mubhadharo wakaderera iro rakabvumira nguva yokupayona. Kushandisa Mateo 6:25-34 kuchabetsera munhu kurarama nemari shomanene.

Kudisa kwokuzvininipisa kutevera zvikarakadzo zvakanaka kungasanobetsera kukupinda kwedu mubasa roupiona. Pakuvamba muupenyu hwake somuKristu, Hanna akasakurira chishuvo chokupayona. Asi haana kupayona apo airera mhuri, uye gare gare akabatanidzwa mubasa rebhizimisi. Achitetekera zano rakanaka rinobva kuvakuru vakasvinura, akarega basa rake rokunyika rinofadza ndokutora basa roupiona. Hanna zvino anowana mufaro mukuru mukusvitsa vamwe kutsauriro nokubetsera vasingaiti basa.

Kuonga izvo zvokwadi yakaita muupenyu hwomunhu kunogonawo kuva kurudziro yokupayona. Rangarira chinoitika chomumwe mukadzi akaodzwa mwoyo zvikuru ane roorano yakanga ichiputsika. Uyu mugariro wakachinja zvikuru apo akadzidza zvokwadi yeShoko raMwari ndokuishandisa. Afadzwa neizvo zvokwadi yakanga yamuitira, akasarudza kuti nzira yakanakisisa yokuti aratidze kuonga yaizova kupayona ndokubetsera vamwe. Akaita ikoku, uye zvino anowana zvikomborero zvefundo dzakawanda dzeBhaibheri uye upenyu hwemhuri hunofadza.

Vamwe Vanogona Kubetsera

Mapiona kazhinji kazhinji anoita mamwe mapiona. Rado, adudzwa pakuvamba, akanga ane makore matanhatu okukura apo mapiona maviri akafunda Bhaibheri navabereki vake. Apo akanga achiri muduku zvikuru, nguva dzose aiperekedza ava vaparidziri venguva yakazara muushumiri hwomumunda. Rado amene akava piona wenguva dzose pazera ramakore 17. Mumwe murume muduku, Arno, akarerwa mumusha wechiKristu asi akava akaneta mumudzimu. Gare gare, akavamba kudzorera simba rake romudzimu, uye zvino anoti: “Ndakagamuchira kurudziro yakawanda kumapiona. Ndaisonganirana navo zvikurukuru mukati mamazororo echikoro uye padzimwe nguva ndaishuma akawanda samaawa 60 pamwedzi mubasa romumunda. Pashure paikoko, danho rokubasa roupiona hwenguva dzose [rinoda maawa 90 mwedzi nomwedzi] rakanga risina kukura kwazvo.” Kufungisisa pazano ra 1 VaKorinte 7:29-31 rokusashandisa nyika zvakazara rakabetsera chaizvoizvo vanhu vaduku vakadaro.

Mudzimu woupiona unogona kusimba nyore nyore zvikuru mumusha umo fariro dzomudzimu dzine nzvimbo yokutanga uye vabereki vachikurudzira vana vavo kupinda muushumiri hwenguva yakazara. Philo, uyo akakurira mumusha wakadaro, anotsinhira, kuti: “Vakawanda vakandipa zano rokupfuuridzira dzidzo yangu, kushandira nguva yemberi yenyika. Asi vabereki vangu vakandibetsera kuita chisarudzo chokuchenjera zvikuru. Vakandiudza kuti kana ndaida chaizvoizvo kuvaka nokuda kwenguva yemberi, chokutanga changu chinofanira kuva kukudziridza ukama naJehovha.”

Mumwe mukadzi muduku anonzi Thamar anotiwo basa rake roupiona rakaparirwa nomuenzaniso uye nhamburiko dzavabereki vake. Anoti: “Handigoni chaizvoizvo kutaura apo ndakakudziridza murangariro womudzimu woupenyu, asi ndinoziva kuti handina kuberekwa ndinawo. Muitiro wavabereki vangu wokugoverana nguva dzose mubasa romumunda nokupinda misangano, pamwe chete norudo rwavo rukuru nokuda kwezvokwadi, zvakandibetsera zvikuru kukudziridza murangariro wangu womudzimu.”

Kunamatira Kuchisarudzo Chako

Pashure pokunge munhu apinda mubasa roupiona, kutsungirira mariri kunomugonesa kuwana betsero huru yechisarudzo ichocho chokuchenjera. Zano rinoshanda rakawanda ringagona kupiwa nedonzo iroro. Somuenzaniso, mapiona anoita zvakanaka kudzidza nzira yokuronga nayo nguva yavo kuiita ive ine muuyo sezvinobvira. Bva, chinhu chinokosha zvikurusa chinoramba chiri ukama hwomunhu oga naJehovha nesangano Rake.

Chinowirirana naichochi ndicho chimiro chendangariro chokunyengetera. “Apo ndakapinda muzvokwadi, ndaida kupayona zvikuru kwazvo,” anodaro Cor. Zvisinei, baba vake vakaraira kuti atange kupedza kosi paAgricultural University. Pashure pacho, Cor akatanga kupayona. Pashure penguva yakati akaroora, uye mudzimai wake akamukumbanira mubasa roupiona. Apo akava napamuviri, akatarisana nebviro yokusiya basa roupiona. “Ndakanyengetera kazhinji kazhinji kuna Jehovha ndokuisa pamberi pake chishuvo chomwoyo wangu chokupfuurira kupayona,” anodaro Cor. Pakupedzisira Cor akawana rudzi rwebasa urwo rwakamugonesa kupayona achirera mhuri.

Kuva anogutswa nezvinodikanwa zvokunyama ndichimwe chinhu icho kazhinji kazhinji chinobetsera munhu kuramba ari muushumiri hwoupiona. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: ‘Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.’” (VaHebheru 13:5) Kuva anogutswa nezvinhu zviripo kwakabetsera Harry naIrene kupfuurira kupayona. Irene, uyo ari bofu, ave ari piona kwamakore masere. “Hatina kutongorangarira mugariro wedu wezvemari sechinetso,” anodaro. “Taingongwarira chete kusatongotora mitoro yezvemari isiri madikanwa. Takaverenga ndyiko nguva dzose. Upenyu hwedu hwave huri hwakapfava nguva dzose, kunyange zvazvo huchifadza zvikuru, uye hwave hwakapfuma muzvikomborero.”

Mifaro Yakawanda Nezvikomborero

Achitarira shure pamakore mapfumbamwe oupiona, Thamar anoti: “Unosvika pakuva pedyo zvikuru naJehovha, sokunge akanga abata zvomenemene ruoko rwako.” (Pisarema 73:23) Miedzo inouyawo kundangariro. “Kusakwana kwangu ndimene kuchibatanidzwa nouko kwavamwe kwakandinetsa nguva dzose,” anowedzera kudaro Thamar. “Uyezve, ndaitarira kuhama nehanzvadzi dzakasarudza mararamire anotusa zvikuru mune zvokunyama, uye chisarudzo chadzo chairatidzika kuva chinotifadzei apo ndakanga ndiri kunze ikoko ndichifamba paimba neimba mumvura nomuchando. Asi pasi pomwoyo wangu, ndaisatongoda kuchinja nzvimbo. Chiizve kunze kwokupayona chaigona kuunza mufaro wakadaro, gutsikano yomudzimu yakadaro, uye zvikomborero zvakadaro?” Waizokoshesa zvikuru kwazvo mifaro nezvikomborero zvakafanana here?

Nemhaka yokuti mapiona anopedza nguva yakawanda ari muushumiri hwechiKristu, anokwanisa kubetsera chiverengero chavanhu kuwana zivo yezvokwadi yeBhaibheri. Harry naIrene, vadudzwa kare, vanoti: “Kune ropafadzo dzakawanda dzokuva nadzo musangano raJehovha, asi kubetsera munhu achangobva kufarira kuita fambiro mberi kupfundo rokuva mubatiri waJehovha ndiyo hurusa yadzose.”

Mumwe piona akataura zvinhu zvakanaka apo akati: “Mashoko aZvirevo 10:22 akabvumikisa kuva echokwadi muchinoitika changu: ‘Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri marwadzo nacho.’ Nguva nenguva, urwu rugwaro rwakazadzikwa nokuda kwangu mukati mamakore andabatira Jehovha.”

Vabereki, muri kuroverera muvana venyu here chishuvo chokupayona? Mapiona, munoedza here kunyandura ichi chishuvo muvamwe? Vakuru, munotsigira mapiona ari muungano yenyu ndokubetsera kuvaka mudzimu woupiona muvamwe here? Vanhu vaJehovha vakawanda zvikuru ngavasundwe kusvasvavirira zvikomborero zvakapfuma zvakadaro sezvavanopinda mubasa roupiona.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe