Unotevera Jehovha Zvizere Here?
“VAKARURAMA vanotsunga mwoyo seshumba.” (Zvirevo 28:1) Vanoshandisa kutenda, nenzira ine chivimbo vanovimba neShoko raMwari, uye vanopfuurira mberi noushingi mubasa raJehovha mukutarisana nengozi ipi neipi.
Apo vaIsraeri vakanga vari muSinai pashure pokunge Mwari avanunura muusungwa hweEgipita muzana ramakore rechi 16 P.N.V., varume vaviri zvikurukuru vakaratidza kuti vakanga vane chivimbo seshumba. Vakaratidzirawo kutendeka kuna Jehovha mumigariro yakaipa. Mumwe waava varume akanga ari Joshua muEfraimi, uyo akanga ari murindiri waMosesi uye uyo gare gare akagadzwa somutsivi wake. (Eksodho 33:11; Numeri 13:8, 16; Dheuteronomio 34:9; Joshua 1:1, 2) Mumwe akanga ari Karebhi, mwanakomana waJefune worudzi rwaJudha.—Numeri 13:6; 32:12.
Karebhi nenzira yokuvimbika uye nenzira yokushingaira akaita kuda kwaJehovha. Upenyu hwake hurefu hwebasa rokutendeka kuna Mwari hwakamugonesa kutaura kuti akanga a‘tevera Jehovha zvizere.’ (Joshua 14:8) “Ndakanga ndakavimbika chose chose kuna ISHE, Mwari wangu,” rinodaro The New American Bible. Karebhi “akateerera nenzira yokutendeka,” kana kuti “nenzira yokuvimbika akaita donzo ra,” Jehovha Mwari. (Today’s English Version; The New English Bible) Kukataurwa neimwe nzira, Karebhi akazivisa, kuti: “Ini . . . ndakatevera ISHE Mwari wangu nomwoyo wose.” (New International Version) Zvakadiniko newe? Uri kutevera Jehovha zvizere here?
Kutsora Nyika
Zvifungidzire umene uri pakati pavaIsraeri chinguvana pashure pokunge Jehovha avasunungura muuranda kuvaEgipita. Ona kuti muporofita Mosesi anotevera sei miraidzo yakapiwa youMwari nenzira yokutendeka. Hungu, uye cherechedza chivimbo chaKarebhi chokuti Jehovha ane vanhu Vake.
Igore rechipiri pashure poKubuda muEgipita, uye vaIsraeri vari mumusasa paKadheshi-bhanea murenje reParani. Vakaterama vari pamuganhu weNyika Yakapikirwa. Pamurairo waMwari, Mosesi odokutuma tsori 12 muKanani. Anoti: “Endai nenzira iyi ye[Negebhu, NW], mukwire mumakomo; mundoone nyika, kuti yakadiniko, navanhu vageremo, kana vane simba, kana vasina, kana vari vashoma, kana vari vazhinji; nenyikawo yavageremo, kuti yakadiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta mavagere, kuti akadiniko, kana vagere mumisasa kana munhare; nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasine miti; tsungai mwoyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo.”—Numeri 13:17-20.
Varume 12 vanovamba rwendo rwavo rwune ngozi. Rwendo rwavo rwunotora mazuva 40. PaHebroni vanoona varume vahombe. Mumupata weEshkori, vanocherechedza kubereka kwenyika uye vanosarudza kudzokera nezvimwe zvezvibereko zvayo. Sumbu rimwe ramazambiringa rinorema zvikuru zvokuti rinofanira kutakurwa padanda pakati pavarume vaviri!—Numeri 13:21-25.
Dzichidzokera kumusasa wavaIsraeri, tsori dzinoshuma, kuti: “Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo. Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaona ipapo vana vaAnaki. VaAmareki vagere munyika [yeNegebhu, NW], navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKanani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJoridhani.” (Numeri 13:26-29) Tsori gumi hadzina kugadzirira kugamuchira mirairo yaMwari ndokupinda muNyika Yakapikirwa.
“Jehovha Unesu”
Nokutenda muna Jehovha Mwari, zvisinei, tsori isingatyi Karebhi inokurudzira, kuti: “Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda.” Asi tsori gumi dzinoramba, dzichitaura kuti vagari veKanani vakasimba zvikuru kupfuura vaIsraeri. Tsori dzakatyiswa nedzisina kutenda dzinozvirangarira dzimene semhashu zvadzo nokuenzanisa.—Numeri 13:30-33.
“Jehovha unesu, regai kutya,” vanokurudzira kudaro Karebhi naJoshua. Mashoko avo anowira panzeve dzisingateereri. Apo vanhu vanotaura nezvokuvataka namabwe, Mwari anopindira uye anotaura tongero pavanyunyuti, achiti: “Zvirokwazvo, imi hamungapindi munyika yandakakupikirai, ndichiti, ndichakugarisaimo, asi Karebhi, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni. Asi vana venyu . . . ndivo vandichapinza; ivo vachaziva nyika yamakaramba imi. . . . Vana venyu vachadzungaira savafudzi murenje makore ana makumi mana, . . . kusvikira zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje. Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva ana makumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore ana makumi mana.”—Numeri 14:9, 30-34.
Vachiri Vakatendeka Makore Gare Gare
Tongero yamakore 40 inoitika, uye rufu runouraya chizvarwa chose chavanyunyuti. Asi Karebhi naJoshua vachiri vakatendeka kuna Mwari. Pamapani eMoabhi, Mosesi noMuprista Mukuru Ereazari vaverenga varume vezera rehondo vane makore 20 okukura zvichikwira. Mwari anodudza munhu mumwe murudzi rumwe norumwe rwaIsraeri kuti aronzeswe chikamu cheNyika Yakapikirwa. Karebhi, Joshua, uye Ereazari vari pakati pavo. (Numeri 34:17-29) Kunyange zvazvo zvino ava namakore 79 okukura, Karebhi achine simba, akavimbika, uye ane ushingi.
Apo Mosesi naAroni vakaverenga vanhu paSinai chinguvana vasati varamba nenzira yokutya kupinda munyika yeKanani, varume vanorwa vaIsraeri vaisvika 603 550. Pashure pamakumi mana amakore vari murenje, pakanga pane hondo duku zvikuru yavane 601 730. (Numeri 1:44-46; 26:51) Bva, naJoshua achivatungamirira uye Karebhi akatendeka munzvimbo dzavo, vaIsraeri vakapinda muNyika Yakapikirwa uye vakafarikanya rukundo rumwe pashure porumwe. Seizvo Joshua naKarebhi vakanga vakarira nguva dzose, Jehovha akanga achikurira hondo nokuda kwavanhu vake.
Vachiyambuka Rwizi rwaJoridhani navarume vanorwa vaIsraeri, Joshua naKarebhi vakwegura vanotakura mitoro yavo muhondo dzinotevera. Pashure pemakore matanhatu ehondo, zvisinei, nyika huru inosara kuti igarwe. Jehovha achadzinga vagari vemo asi zvino anoraira kuti nyika ikamuraniswe nemijenya pakati pamarudzi aIsraeri.—Joshua 13:1-7.
Akatevera Jehovha Zvizere
Senyanzvi yehondo zhinji, Karebhi anomira pamberi paJoshua uye anoti: “Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMosesi muranda waJehovha paKadheshi-bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini. Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza mwoyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu [zvizere, NW].” (Joshua 14:6-8) Hungu, Karebhi atevera Jehovha zvizere, achiita kuda kwaMwari nenzira yokuvimbika.
“Somuuyo,” (NW) Karebhi anowedzera, “Mosesi akapika nomusi uyo, akati: ‘Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu [zvizere, NW].’ Zvino tarirai, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mosesi, vaIsraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu. Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda. Naizvozvo zvino chindipa nyika iyi yamakomo yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga vari ipapo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.” Karebhi zvino unowana Hebroni senhaka.—Joshua 14:9-15.
Mukweguru Karebhi agamuchira wakaoma zvikurusa wemigove—nharaunda yakazadzwa navarume voukuru hwechienzi. Asi uyu hauna kunyanyoomera uyu murwi ana makore 85 okukura. Pashure penguva yakati vavhundutsiri vanogara muHebroni vanokurirwa. Otinieri, mwanakomana womunun’una waKarebhi uye mutongi muna Israeri, anotapa Dhebhiri. Maguta ose ari maviri gare gare anogarwa navaRevhi, uye Hebroni rinova guta routiziro nokuda kwomuurayi asiri wamaune.—Joshua 15:13-19; 21:3, 11-16; Vatongi 1:9-15, 20.
Nguva Dzose Tevera Jehovha Zvizere
Karebhi naJoshua vakanga vari vanhu vasina kukwana. Kunyanguvezvo, vakaita kuda kwaJehovha nenzira yokutendeka. Kutenda kwavo hakuna kuderera mukati memakore 40 enhamo murenje akavapo somuuyo wokukundikana kwaIsraeri kuteerera Mwari. Nenzira yakafanana, vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino uno havaregi chinhu chichidzongonyedza basa ravo kurumbidzwo yaMwari. Vachiziva kuti kurwa kuripo pakati pesangano raMwari neiro raSatani Dhiabhorosi, vakatsiga, nguva dzose vachitsvaka kufadza Baba wavo wokudenga muzvinhu zvose.
Somuenzaniso, vazhinji vavanhu vaJehovha vakapinda mungozi yokubatwa noutsinye uye kunyange rufu kuti vachengete Chidyo chaShe chaMadekwana, kana kuti Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu. (1 VaKorinte 11:23-26) Muna ikoku mumwe mukadzi wechiKristu akaganhurirwa mumusasa wechibharo weNazi mukati meHondo yeNyika II akashuma, kuti:
“Munhu ari wose akaudzwa kuva muimba yokugezera mbatya na 11 p.m. Pa 11 p.m. chaipoipo takaunganidzwa, vane 105 muchiverengero. Takamira tiri pedyo nepedyo pamwe chete mudenderedzwa, pakati [paro paiva] nechitsiko chetsoka chaiva nejira jena rine zviratidziro. Kanduru rakavhenekera kamuri, sezvo chiedza chamagetsi chingave chakatishambadza. Takanzwa samaKristu akare aiva mumapako. Waiva mutambo wakakomba. Takataura patsva mhiko dzedu dzakasimba kuna Baba wedu dzokushandisa simba redu rose nokuda kwokurevererwa kwezita Rake dzvene, kumira nenzira yokutendeka nokuda kwoUbati Ushe hwaMwari.”
Pasinei zvapo nemiedzo yedu savabatiri vaJehovha vanotambudzwa, tinogona kuvimba nesimba rinopiwa naMwari kuti timubatire nenzira youshingi ndokuunza rukudzo kuzita rake dzvene. (VaFiripi 4:13) Sezvatinoedza kufadza Jehovha, kuchatiitira zvakanaka kuyeuka Karebhi. Muenzaniso wake mukutevera Jehovha zvizere wakaorora zvikuru murume muduku akapinda mubasa rokuparidzira renguva yakazara shure muna 1921. Akanyora, kuti:
“Kunyange zvazvo kuva piona kwakareva kusiya basa rangu rakanaka panzvimbo yebasa rokutsikirira yazvino uno muCoventry [England], pakanga pasina kuzvidemba. Kuzvitsaurira kwangu kwakanga kwatogadzikisa nhau yacho; upenyu hwangu hwakanga hwakatsaurirwa kuna Mwari. Ndakayeuka Karebhi, akapinda muNyika Yakapikirwa naJoshua uye uyo nezvake kwakanzi, ‘Akatevera Jehovha zvizere.’ (Josh. 14:8) Ichocho chakaratidzika kwandiri kuva chimiro chendangariro chakanaka. Ndaiziva kuti kubatira Mwari ‘zvizere’ kwaizoita kuti upenyu hwangu hwakatsaurirwa huve hunokosha zvikuru; kwaizondipa banza guru zvikuru rokubereka zvibereko zvinoratidzira muKristu.”
Karebhi akakomborerwa zvirokwazvo nokuda kwokutevera Jehovha nenzira yokuvimbika zvizere, achitsvaka nguva dzose kuita kuda kwoumwari. Kufanana naye, vamwe vakava nomufaro mukuru nezvikomborero zvakapfuma mubasa raMwari. Ikoko ngakuve chinoitika chako somunhu anotevera Jehovha zvizere nguva dzose.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Karebhi naJoshua vakanga vakatendeka kuna Jehovha mukuedzwa. Wakadaro here?