RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 5/15 p. 30
  • Dzivisa Mudzimu Wokuzvikudza!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzivisa Mudzimu Wokuzvikudza!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 5/15 p. 30

Dzivisa Mudzimu Wokuzvikudza!

Chirevo chokuchenjera cheBhaibheri chinoti: “Unokurisa suo rake, unotsvaka kuparadzwa.” (Zvirevo 17:19) Chiiko chakaipa nesuo guru? Uye chii chiri donzo guru reichi chirevo?

MUNGUVA dzakare vanhu namapoka anopamba vakatasva mabhiza vakanga vachizivikanwa navose. Misha isina kudzivirirwa munyika yaidenhwa nembavha. Kudzivisa kubiwa kwezvinhu zvavo, vamwe varidzi vemisha vaivaka rusvingo rune suo chairo. Rusvingo rwakanga rwakareba, asi suo rakanga rakaderera. Kutaura idi, mamwe akanga asingapfuuri mita imwe kureba—akaderera zvikuru zvokusapindwa nebhiza nomutasvi waro. Avo vaisaita kuti suo rokupinda mudzimba dzavo riderere vaiva nengozi yokuita kuti vanhu vakatasva mabhiza vapinde ndokupamba zvinhu zvavo.

Mumaguta masuo omuruvazhe aiwanzova akaderera neasingakwezvi, asingapi ratidziro youpfumi hungave hwaiva mukati mekomboni ine rusvingo. Zvisinei, muPersia suo refu raiva chimwe chezviratidzo zvoumambo, iro vamwe vadzorwi vakaedza kutevedzera nengozi huru. Munhu upi noupi aiita kuti suo rirebe nokuda kweimba yake akanga achikoka umbavha nemhaka yokuratidza kwake budiriro.

Zvirevo 17:19 nokudaro inoratidza kuti avo vanoita kuti suo ravo rirebe vari kukwezva ngwavaira kupfurikidza nokuzviisa vamene pamusoro poukoshi hwavo chaihwoihwo. Ichi chirevo chingagonawo kunongedzera kumuromo sesuo rakarebeswa kupfurikidza nokutaura kwokuganza kana kuti kwokuzvitutumadza. Kutaura kwakadaro kunosimudzira gakava uye kunogona pakupedzisira kutungamirira munhu anozvikudza kungwavaira. Kuchenjera sei, ipapoka, kudzivisa mudzimu wokuzvikudza!

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Picturesque Palestine, Sinai and Egypt, Volume 1, rakanyorwa naColonel Wilson (1881)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe