RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 12 pp. 62-65
  • Akaramba Akavimbika Kuna Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akaramba Akavimbika Kuna Mwari
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Unotevera Jehovha Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vasori 12
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Tevera Jehovha Nemwoyo Wese
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 12 pp. 62-65

12 KAREBHI

Akaramba Akavimbika Kuna Mwari

Rakaprindwa
Rakaprindwa

MOZISI paakatiza achibuda muIjipiti, mumwe murume nemudzimai wechiIsraeri vakasara vakabereka mwana ainzi Karebhi. Mwana wacho akakurira muuranda, asi akararama kusvikira pakutoona kusunungurwa kwevaIsraeri. Karebhi paakanga ava nemakore 40, Mozisi akadzoka kuIjipiti, asi panguva ino akanga atumwa naJehovha kuti asunungure vanhu vake, vaIsraeri. Karebhi anofanira kunge akafara chaizvo uye akashamiswa paaiona Jehovha achiratidza simba rake paakaunza matambudziko 10 pavaIjipiti, paakapatsanura Gungwa Dzvuku nepakati, uye paakakunda vaIjipiti zvine mutsindo achinunura vanhu vake.

Karebhi haana kuzombofa akanganwa zviitiko izvozvo zvakasimbisa kutenda kwake. Papera mwedzi mishomanana, vaIsraeri vakawanda vakanga vasina kutenda vakapanduka paGomo reSinai, asi Karebhi akaramba akavimbika. Nguva pfupi izvi zvaitika, Karebhi akapiwa basa rinokosha chaizvo rekuenda kunosora Nyika Yakapikirwa pamwe chete naJoshua nemamwe machinda gumi eIsraeri.

Varume vacho 12 vakashinga kupinda muKenani, vakaita mazuva 40 vachiongorora maguta emo, vanhu vacho, uye zvibereko zvenyika yacho. Vakadzoka vaine zvinhu zvekuratidza vamwe vaIsraeri, kusanganisira sumbu remazambiringa rakanga rakakura chaizvo zvekuti raitoda varume vaviri kuti varitakure. Asi pakazosvika nguva yekuti vataure kuti vakanga vafamba sei, Karebhi anofanira kunge akapedzwa simba nezvakataurwa nevamwe vasori 10 vaakanga aenda navo. Bhaibheri rinoti: “Vakaramba vachiudza vaIsraeri mashoko anopedza simba.” Vakachema-chema vachiti vaKenani vaisakundika nekuti vakanga vakanyanya kusimba uye vari varume vakakura. Vakatotaurawo nhema dzekuti vakanga vaona vazukuru vevaNefirimu, asi vaNefirimu vakanga vatoparadzwa kare pamafashamo. Vanhu vese vakabva vaora mwoyo, uye vakatanga kufunga zvekugadza mumwe mutungamiriri kuti avatungamirire vachidzokera kuIjipiti.

Karebhi achitaura nevamwe vaIsraeri, achivaratidza zvimwe zvibereko zvavakawana kuNyika Yakapikirwa. Joshua, Mozisi naAroni vakamirawo ipapo asi vamwe vaIsraeri vese vari kuratidza kuti vagumbuka.

Asi Karebhi naJoshua vakaramba vakavimbika kuna Jehovha. Vakaedza kusimbisa vamwe vaIsraeri avo vakanga vasisina kutenda kwakasimba vachiti: “Jehovha anesu. Musavatya.” Asi izvozvo zvakatoita kuti vaIsraeri vatutume nehasha. Vakatotaura kuti vaida kutema Karebhi naJoshua nematombo kusvikira vafa!

Izvi zvakagumbura Jehovha chaizvo. Nezvese zvaakanga avaitira, achivarwira parudzi rwaiva nesimba chaizvo rweIjipiti, vaIsraeri vakanga vatorasa kutenda kwavo munguva pfupi pfupi. Asi Jehovha akacherechedza ushingi uye kutenda kwaiva naKarebhi naJoshua. Jehovha akatotaura nezvaKarebhi achiti: “Muranda wangu Karebhi akaratidza kuti akasiyana nevamwe uye akaramba achinditevera nemwoyo wese.” Jehovha akasarudza kuti chizvarwa chese chevaIsraeri ivavo vakanga vasina kutenda chifire murenje imomo.a Asi Karebhi naJoshua, vaizova pakati pevanhu vashoma vaizoramba vari vapenyu kusvikira vaIsraeri vapinda muNyika Yakapikirwa.

Karebhi akaramba akavimbika kuna Jehovha vamwe vaIsraeri pavakamugumbukira vachiratidza kuti vakanga vasina kutenda

Mumakore ese 40 vaIsraeri pavaidzungaira vari murenje, Karebhi akaramba achiratidza kuti aiva nekutenda uye ushingi. Akaramba akavimbika kuna Mozisi. Mozisi paakafa, Jehovha akagadza Joshua kuti atungamirire vanhu vake kuti vayambuke Rwizi rwaJodhani vachinopinda muNyika Yakapikirwa, uye Karebhi akaramba akavimbikawo kuna Joshua. Kunyange zvazvo akanga akura, Karebhi akaratidza kuti aiva murwi ane unyanzvi uye ane ushingi achirwisa vavengi vaMwari muKenani.

Papera makore 6 kubva pavakayambuka Rwizi rwaJodhani, vaIsraeri vakanga vatotora maguta akawanda muNyika Yakapikirwa. Nguva yakanga yazosvika yekuti Karebhi asarudze kwaaida kuzogara. Akasarudza Hebroni, nzvimbo iya yakanga yambotaurwa nevasori vaya vakanga vasina kutenda kuti yaiva nemazirume akakura asingakundike. Kunyange zvazvo Karebhi akanga ava nemakore 85, aiva nechokwadi chakazara chekuti Jehovha aizomubatsira. Akati: “Jehovha achava neni, uye ndichavadzinga, sezvakavimbiswa naJehovha.” Ndizvo chaizvo zvakaitika. Karebhi akatora guta racho, akatanga kugara mariri. Bhaibheri rinobva ratiudza kuti: “Uye nyika yakazorora pahondo.”

Makore akawanda chaizvo izvi zvisati zvaitika, Mozisi akanga amboudza Karebhi kuti: “Wakatevera Jehovha Mwari wangu nemwoyo wako wese.” Zviri pachena kuti mararamiro akaita Karebhi upenyu hwake kusvikira paakazofa anonyatsoenderana nemashoko iwayo. Uye tine chokwadi chekuti paachazorarama zvakare acharamba achitevera Jehovha nemwoyo wake wese!

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Numeri 13:1–14:​12, 20-38

  • Joshua 14:​6-15

Mubvunzo wekukurukura:

Karebhi akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Nei tingati mashoko ari pana Numeri 13:23 anenge asiri kuwedzeredza paanotaura nezvezvibereko zvemuNyika Yakapikirwa? (w06 6/15 16 ¶1-2-wcgr)

  2. 2. Ichokwadi here kuti Nyika Yakapikirwa yaiva “nyika inoyerera uchi nemukaka,” sezvakataurwa naKarebhi naJoshua? (Num. 14:8; w11 3/1 15-wcgr) Ona mufananidzo A

    Munhu anoita basa rekuchera matongo ari kuongorora mikoko yenyuchi yakawanikwa kuIsrael.

    Institute of Archaeology/Hebrew University © Tel Rehov Excavations

    Mufananidzo A: Mikoko yenyuchi yakawanikwa kuIsrael inofanira kunge iri yemakore ekuma800 B.C.E. kana kuti 900 B.C.E.

  3. 3. Mozisi paakatuma vasori 12 kubva kuKadheshi vaIsraeri vakanga vari kure zvakadini neNyika Yakapikirwa? (w04 10/15 17 ¶11-12-wcgr) Ona mufananidzo B

    Mepu inoratidza rwendo rurefu chaizvo rwevaIsraeri vachibva kuIjipiti vachipfuura nepaGomo reSinai vachienda kuKadheshi uye mepu yacho inoratidzawo rwendo rupfupi rwekubva kuKadheshi kuenda kuBheeri-shebha nekuHebroni muNyika Yakapikirwa.

    Mufananidzo B

  4. 4. Jehovha akakomborera sei Karebhi nekuratidza kwaakanga aita kutenda uye ushingi? (w06 10/1 18 ¶11-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Kunyange zvazvo Karebhi akaratidza kuti aiva nekutenda, aitofanirawo kudzungaira pamwe chete nevaIsraeri vese murenje. Asi pasinei naizvozvo, akaramba achiratidza kuzvininipisa uye achivimba naJehovha. Ndepapi patingatevedzera zvakaitwa naKarebhi?

  • Zvakaitwa naKarebhi zvingatibatsira sei patinosangana nemuedzo wekuda ‘kutevera vanhu vazhinji’? (Eks. 23:2) Ona mufananidzo C

    Mifananidzo: 1. Hanzvadzi yakabata foni iri kuratidza mufananidzo uri kushambadzira firimu richangoburwa rinonzi “Death Destiny.” Pane Bhaibheri rakavhurwa riri pamberi pake. 2. Pafoni pake pari kubuda mameseji akanyorwa mashoko ekuti: “Firimu iri rakafita kunakidza! Muri kuda kunoriona here musi weChishanu?” “Ehe! Ndatononokerwa!,” neimwe meseji yakanzi “Isu tiri kutoda!” Hanzvadzi yacho inopindura kuti: “Regai ndione. Zvinoita here kuti titange tambokurukura?” 3. Hama yechidiki, mumwe murume nemudzimai wake, neimwe hanzvadzi vari kuverenga meseji yavawana pafoni vachiratidza kufara. Hanzvadzi iya yambobuda pane mumwe mufananidzo iri kuverenga meseji yacho ichiratidza kunetseka.

    Mufananidzo C

  • Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwaiva naKarebhi?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Karebhi paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ongorora kuti kutenda kwaiva naKarebhi kwakamubatsira sei kuti aratidze ushingi.

“Shingiswa Nekutenda Uye Nekutya Mwari” (w06 10/1 16-19 ¶1-12-wcgr)

Paakanga ava nemakore 85, nei Karebhi akakwanisa kutaura kuti “ndakatevera Jehovha Mwari nemwoyo wangu wese”? (Josh. 14:8)

“Unotevera Jehovha Zvizere Here?” (w93 5/15 26-29-wcgr)

a Mashoko aya akataurwa naJehovha akanga asiri kubatanidzira vaRevhi kana vamwe vaIsraeri vakanga vasati vasvika makore 20 panguva iyoyo.—Num. 14:29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe