RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 5/15 pp. 12-17
  • “Ngaadane Varume Vakuru”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ngaadane Varume Vakuru”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Betsero Iri Pedyo
  • “Zvipo Muvarume”
  • Kutanga
  • Nzira Iyo “Varume Vakuru” Vanobetsera Nayo
  • Mutoro Womunhu Oga Nomunyengetero
  • “Zvipo Zviri Varume” Kuti Zvitarisire Makwai aJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Shevedza Vakuru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kuonga “Zvipo Zviri Varume”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Teererai Avo Vanotungamirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 5/15 pp. 12-17

“Ngaadane Varume Vakuru”

“Kune munhu upi noupi anorwara pakati penyu here? Ngaadane varume vakuru veungano kwaari.”—JAKOBHO 5:14, NW.

1, 2. (a) Mumugariroi une ngozi umo vabatiri vaJehovha vanozviwana vamene zvino vari mauri, uye vanganzwa sei? (b) Mibvunzoi zvino inoda mhinduro?

“NGUVA dzinotambudza dzakaoma kubatana nadzo” dzasvika. Vanhu vari kuita nenzira youdyire, nenzira yokudisa zvenyika, nenzira yokuzvikudza, kazhinji kazhinji vachinyandura kusagadzikana muano “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5, NW) SamaKristu ari kurarama mutsika yakaipa iripoyi yezvinhu, tinozviwana timene tichityisidzirwa nengozi nhatu huru: Satani Dhiabhorosi, nyika yorudzi rwomunhu rusina umwari, uye kombamiro dzedu timene dzokutadza dzakagarwa nhaka.—VaRoma 5:12; 1 Petro 5:8; 1 Johane 5:19.

2 Tichityisidzirwa neidzi ngozi, pane dzimwe nguva tinganzwa takurirwa. Ndokupi, ipapoka, kwatinogona kuwana tsigiro yokutibetsera kutsungirira nenzira yokutendeka? Ndikunaani kwatinogona kutendeukira nokuda kwenhungamiro apo tinotarisana nezvisarudzo pamusoro pemibato yedu yechiKristu nokunamata kwedu?

Betsero Iri Pedyo

3. Ndikunaani kwatinogona kuwana kurudziro inonyaradza, uye sei?

3 Kuziva kuti Jehovha ndiye Manyuko esimba redu kunotipa kurudziro inonyaradza. (2 VaKorinte 1:3, 4; VaFiripi 4:13) Wezvamapisarema Dhavhidhi, uyo akawana betsero youmwari, akazivisa, kuti: “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye, iye uchazviita.” “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 37:5; 55:22) Tinogona kuva vanoonga sei nokuda kwetsigiro yakadaro!

4. Vose vari vaviri Petro naPauro vanopa sei nyaradzo?

4 Tinogonawo kuwana nyaradzo mukuziva kuti hatisi toga mukutarisana nemiedzo nengozi. Muapostora Petro akakurudzira maKristu biyake, kuti: “Mumudzivisei [Satani Dhiabhorosi], makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.” (1 Petro 5:9) Zvirokwazvo, maKristu ose anoshuva kumira akatsiga mukutenda. Chokwadi, kazhinji kazhinji tinganzwa ta“tambudzika pamativi ose,” sezvakaita muapostora Pauro. Bva, akanga asinga“manikidzwi.” Kufanana naye, tingakatyamadzwa “asi hatina kurasha mwoyo.” Kunyange kana tikatambudzwa, asi “hatina kusiiwa.” Kana tika“wisirwa pasi,” “hatina kuparadzwa.” Somuuyo, “hatineti.” Tinovavarira “kuchengeta maziso edu, kwete pazvinhu zvinoonekwa, asi pazvinhu zvisingaonekwi.” (NW) (2 VaKorinte 4:8, 9, 16, 18) Tinogona sei kuita ikoku?

5. Iyamuroi yakapetwa katatu iyo Jehovha anogovera?

5 Jehovha, “Munzwi womunyengetero,” anogovera yamuro yakapetwa katatu. (Pisarema 65:2, NW; 1 Johane 5:14) Yokutanga, anopa nhungamiro kupfurikidza neShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri. (Pisarema 119:105; 2 Timotio 3:16) Yechipiri, mudzimu mutsvene wake unotipa simba rokuita kuda kwake. (Enzanisa naMabasa 4:29-31.) Uye yechitatu, sangano raJehovha rapasi rinodisa kutibetsera. Chii chatinofanira kuita kuti tigamuchire rubatsiro?

“Zvipo Muvarume”

6. Ibetseroi iyo Jehovha akagovera paTabhera, uye sei?

6 Chinoitika muzuva romuporofita Mosesi chinotibetsera kunzwisisa itiro hanya yorudo yaJehovha mukugovera betsero nokuda kwavabatiri Vake. Chakaitika paTabhera, rinoreva kuti “kupisa; mwoto mukuru; mwoto.” Paiyi nzvimbo iri murenje reSinai, Mwari akaparira mwoto kupisa vaIsraeri vanonyunyuta. “Boka rakavhengana” (NW) iro rakaperekedza vanhu vaIsraeri kubuda muEgipita rakanga ravakumbanira mukutaura kusagutsikana pamusoro pezvokudya zvakagoverwa nenzira youmwari. Achicherechedza kutsamwa kwaMwari uye achinzwa akurirwa nomutoro wavanhu nezvinodikanwa zvavo, Mosesi akachema, kuti: “Handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo. Kana muchida kundiitira saizvozvo, chindiurayai henyu kamwe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege hangu kuona urombo hwangu.” (Numeri 11:1-15) Jehovha akapindura sei? Akagadza “varume vana makumi manomwe vavakuru vaIsraeri” uye akaisa mudzimu wake pavari kuti vagogona nenzira yakakodzera kugoverana basa rokutarisira naMosesi. (Numeri 11:16, 17, 24, 25) Aine varume vakadaro vakakwaniriswa vakagoverwa, betsero yakava inowanika nyore nyore kuvaIsraeri uye “boka guru rakavhengana.”—Eksodho 12:38, NW.

7, 8. (a) Jehovha akagovera sei “zvipo muchimiro chavarume” muna Israeri wakare? (b) Kushandai kwomuzana rokutanga ramakore kwePisarema 68:18 Pauro akaita?

7 Pashure pokunge vaIsraeri vava vari muNyika Yakapikirwa kwamakore akawanda, Jehovha nenzira yokufananidzira akakwira muGomo reZioni ndokuita Jerusarema dzimbahwe roumambo hwokufananidzira naDhavhidhi samambo wahwo. Mukurumbidza Mwari, “Wamasimba ose,” Dhavhidhi akasimudza inzwi rake kuti aimbe: “Makakwira kumusoro, mukatapa vatapwa venyu; makagamuchira zvipo pakati pavanhu.” (Pisarema 68:14, 18) Zvamazvirokwazvo, varume vakatapwa mukati mokukurirwa kweNyika Yakapikirwa vakava vanowanika kuti vabetsere vaRevhi namabasa avo.—Ezra 8:20.

8 Muzana rokutanga ramakore N.V., muapostora wechiKristu Pauro akadanira ngwariro kuzadziko youporofita yamashoko owezvamapisarema. Pauro akanyora, kuti: “Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu. Naizvozvo unoti: ‘Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, akapa vanhu zvipo.’ (Zvino kuti: ‘Wakakwira’ chinyiko, asi kuti, wakaburukawo kumativi ari pasi penyika? Wakaburuka ndiye wakakwirawo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose).” (VaEfeso 4:7-10) Ndiani ari uyu “waka”? Haasati ari mumwe kunze kwomumiriri waJehovha, Dhavhidhi Mukuru naMambo wouMesia, Jesu Kristu. Iye ndiye uyo Mwari akamutsa ndokukwidza ku“nzvimbo yakakwirira.”—VaFiripi 2:5-11, NW.

9. (a) Ndivanaani vaiva zvipo muvarume muzana rokutanga ramakore? (b) Ndivanaani vari zvipo muvarume muzuva razvino uno?

9 Ndivanaani, ipapoka, vari izvi “zvipo muvarume” (kana kuti, “zvakaumbwa navarume”)? Pauro anotsanangura kuti Mumiriri Mukuru waMwari “wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaevhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi; kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu.” (VaEfeso 4:11, 12) Vose vavateveri vaKristu avo vakabatira savaapostora, vaporofita, vaevhangeri, vafudzi, uye vadzidzisi vakaita kudaro munhungamiro youbati ushe hwaMwari. (Ruka 6:12-16; Mabasa 8:12; 11:27, 28; 15:22; 1 Petro 5:1-3) Muzuva redu, varume vakuru vakakwaniriswa mumudzimu vanogadzwa nomudzimu mutsvene vanobatira savatariri muungano 70 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose. Ivo zvipo zvedu muvarume. (Mabasa 20:28) Nokukura munyika yose kwebasa rokuparidzira Umambo kunopfuurira nokukurumidza, hama dzakawanda zvikuru dziri “kusvasvavirira” nokutakura mitoro yakabatanidzwa ne“basa romutariri.” (1 Timotio 3:1) Pakugadzwa, ivowo vanova zvipo muvarume.

10. Rondedzero yaIsaya ya“machinda” inokodzera sei basa ravakuru vechiKristu nhasi?

10 Ava vakuru vechiKristu, kana kuti zvipo muvarume, vanokodzera rondedzero muporofita Isaya akapa pakudeya kutaura basa ra“machinda,” vatariri mukutonga kwoUmambo. Mumwe nomumwe anofanira kuva “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:1, 2) Ikoku kunozivisa kuti tarisiro yorudo yaava varume vakagadzwa inofanira kuva inotsigira. Unogona sei kubetserwa nayo kumwero uzere zvikurusa?

Kutanga

11. Patinenge taderera mumudzimu, tinogona sei kugamuchira betsero?

11 Munhu ari kunyura nenzira yomuzvarirwo anochemera betsero. Hapana kuzengurira. Apo upenyu hunenge huri mungozi, hapana munhu anoda kusunda kuti adane nokuda kworubatsiro. Mambo Dhavhidhi haana kudana adanazve here nokuda kwebetsero inobva kuna Jehovha? (Pisarema 3:4; 4:1; 5:1-3; 17:1, 6; 34:6, 17-19; 39:12) Apo tinenge taderera mumudzimu, zvichida tichinyura mukupera mwoyo, nenzira yakafanana tinotendeukira kuna Jehovha mumunyengetero ndokumuteterera kuti atitungamirire kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake. (Pisarema 55:22; VaFiripi 4:6, 7) Tinotsvaka nyaradzo muMagwaro. (VaRoma 15:4) Tinonzvera zvinyorwa zvechiKristu zveWatch Tower Society nokuda kwezano rinoshanda. Ikoku kazhinji kazhinji kunotigonesa kupedza zvinetso zvedu timene. Kana tichiratidzika setakurirwa nezvinetso, kunyanguvezvo, tinogonawo kutsvaka zano ravakuru vakagadzwa veungano. Kutaura idi, pangava nenguva apo tinoda chaizvoizvo ku“dana varume vakuru.” Kudanireiko vakuru vechiKristu? Vanogona sei kubetsera avo vari kuda rubatsiro rwomudzimu?

12-14. (a) Ndeipi iri nzira yokuchenjera yokutevera apo mumwe anenge achirwara? (b) Mukuwirirana naJakobho 5:14, maKristu ano“rwara” anopiwa zano rokuitei? (c) Kurudzii rwokurwara uko Jakobho 5:14 inonongedzera, uye nei uchipindura kudaro?

12 Apo tinorwara, tinozorora kuti tipe masimba omuviri okunaya banza rokuita chiito. Asi kana kurwara kwedu kukapfuurira, nenzira yokuchenjera tinotsvaka betsero yakakwaniriswa yokurapwa. Hatifaniriwo kuita zvimwe chetezvo kana tikava vakaneta mumudzimu here?

13 Cherechedza izvo mudzidzi Jakobho anotipa zano muna ikoku. Anoti: “Kune munhu upi noupi anorwara pakati penyu here? Ngaadane varume vakuru veungano kwaari, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta muzita raJehovha.” (Jakobho 5:14, NW) Kurudzii rwokurwara uko Jakobho anonongedzera kwakuri pano? Vamwe vatsinhiri veBhaibheri vanogumisa kuti kurwara kwomuviri, vachirangarira kuti kuzora namafuta kwaiva muitiro wokurapa waizivikanwa navose muzuva iroro. (Ruka 10:34) Vanodavirawo kuti Jakobho airangarira kurapa kwenenji kupfurikidza nechipo chokuporesa. Chii, kunyanguvezvo, icho mashoko akapoteredza anoratidzira?

14 “Kufara” kunosianiswa no“kutambudzika.” Ikoku kunoreva kuti Jakobho aikurukura kurwara kwomudzimu. (Jakobho 5:13) “Varume vakuru [vakuru, King James Version] veungano,” kwete vanachiremba kana kuti kunyange avo vaiva nechipo chenenji chokuporesa, vaifanira kudanwa. Uye chii chavaifanira kuita? Jakobho akati: “Ngavamunyengeterere. . . . Uye munyengetero wokutenda uchaporesa unorwara.” (Jakobho 5:14, 15, NW; enzanisa nePisarema 119:9-16.) Rinobvumikisa chose chose kuti Jakobho ari kunongedzera kukurwara kwomudzimu iidi rokuti anokurudzira kureururwa kwezvivi mubatano nokuporesa kunokarirwa. Anonyora, kuti: “Naizvozvo reururanai zvivi zvenyu, munyengetererane kuti muporeswe.” Kana chivi chakakomba chiri chisakiso chokurwara kwomudzimu, munhu anorwara anogona kukarirwa kupora bedzi kana akadavidza nenzira yakanaka kuzano rakavakirwa paShoko raMwari, kupfidza, uye akatendeuka panzira yake yokutadza.—Jakobho 5:16; Mabasa 3:19.

15. Rudzii rwechiito rwunorumbidzwa pana Jakobho 5:13, 14?

15 Pane chimwe chinhuzve chokucherechedza muzano iro Jakobho anopa. Pakutambura chakaipa, muKristu anofanira “kunyengetera.” Kana achifara, “ngaaimbe mapisarema.” Mugariro mumwe nomumwe—munhu angava ari kutambura chakaipa kana kuti ari kufara—unoda chiito. Munyengetero unodiwa kuno rumwe rutivi, kutaura kwokufara kuno rumwe. Naizvozvo, ipapoka, chii chatinofanira kukarira apo Jakobho anobvunza, kuti: “Kune munhu upi noupi anorwara pakati penyu here?” Zvakare anorumbidza chiito chakanaka, hungu, kutanga. “Ngaadane varume vakuru veungano kwaari.”—Pisarema 50:15; VaEfeso 5:19; VaKorose 3:16.

Nzira Iyo “Varume Vakuru” Vanobetsera Nayo

16, 17. Varume vakuru vanotibetsera sei kushandisa nheyo dzeBhaibheri?

16 Pane dzimwe nguva kwakatiomera kuziva nzira yokushandisa nayo nheyo dzeBhaibheri kumigariro yedu yomunhu oga. Pano vakuru vechiKristu vanogona kubvumikisa kuva manyuko anokosha ebetsero. Somuenzaniso, vanonyengeterera anorwara mumudzimu ndoku‘muzora mafuta muzita raJehovha’ kupfurikidza nokushandisa nenzira younyanzvi murairidzo unonyaradza unobva muShoko raMwari. Vakuru nokudaro vanogona kubetsera zvikuru kukupora kwedu kwomudzimu. (Pisarema 141:5) Kazhinji kazhinji, chatinongoda bedzi isimbiso yokuti tiri kurangarira munzira yakarurama. Kutaura zvinhu nomukuru wechiKristu ano ruzivo rwokuzviwanira kuchasimbisa kutsunga kwedu kuita chiri chakarurama.—Zvirevo 27:17.

17 Apo vanokokwa kuti vashanye, vakuru vechiKristu vanodikanirwa kuti va“simbise vanopera mwoyo.” Ivo vacha“tsigira[wo] vakaneta, [uye] kuva nomwoyo murefu kuna vose.” (1 VaTesaronika 5:14, NW) Ukama hwakadaro hwapedyo, hwokunzwisisa pakati pa“varume vakuru” na“vakaneta” hunowedzera bviro yokunaya zvizere kwoutano hwomudzimu.

Mutoro Womunhu Oga Nomunyengetero

18, 19. Ibasai rinoita vakuru vechiKristu mukuwirirana naVaGaratia 6:2, 5?

18 Vakuru vechiKristu vanofanira kutakura mutoro wavo kuboka raMwari. Vanofanira kuva vanotsigira. Somuenzaniso, Pauro akati: “Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa pano kumwe kudarika, imi [mune zvikwaniriso zvomudzimu, NW] mudzose wakadai nomwoyo wounyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo.” Muapostora Pauro akanyorawo, kuti: “Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.”—VaGaratia 6:1, 2, 5.

19 Tinogona sei kutakurirana mitoro bva tichitakura mutwaro wedu timene? Musiano murevo yamashoko echiGiriki anoshandurwa kuti “mitoro” na“mutwaro” unogovera mhinduro. Kana muKristu akapinda muchitambudzo chomudzimu chinorema zvikuru kwaari, vakuru navamwe vatendi biyake vaizomuyamura, nokudaro vachimubetsera kutakura “mitoro” yake. Zvisinei, munhu wacho amene anokarirwa kutakura “mutwaro” wake amene womutoro kuna Mwari.a Vakuru nenzira yomufaro vanotakura “mitoro” yehama dzavo kupfurikidza nekurudziro, zano rapaMagwaro, uye munyengetero. Bva, vakuru havatori “mutwaro” wedu womunhu oga womutoro womudzimu.—VaRoma 15:1.

20. Neiko munyengetero usingafaniri kuregeredzwa?

20 Munyengetero unokosha uye haufaniri kuregeredzwa. Asi maKristu mazhinji anorwara mumudzimu anowana kunyengetera kwakaoma. Apo vakuru vanopa minyengetero yokutenda nokuda kweanorwara mumudzimu, chii chiri donzo racho? “[Jehovha, NW] uchamumutsa,” sokunge kubva mukushaya tariro, uye achamusimbisa kuronda nzira yezvokwadi nokururama. MuKristu anorwara mumudzimu angava nechimiro chendangariro chisina kururama asi angave asina hake kuve akaita chivi chakakomba, nokuti Jakobho anoti: “Kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa.” Zano ravakuru rapaMagwaro pamwe chete nomunyengetero wechokwadi pane dzimwe nguva rinosunda munhu akaneta mumudzimu kureurura zvivi zvakakomba zvaangave akaita uye kuratidzira mudzimu wokupfidza. Ikokuwo kunoparira kanganwiro yaMwari.—Jakobho 5:15, 16.

21. (a) Neiko mamwe maKristu achizengurira kudana varume vakuru? (b) Chii chicharangarirwa munyaya inotevera?

21 Vatarisana nedenho yokutarisira mapoka avatsva vari kupinda muungano yechiKristu, varume vakuru vanongwarira vane zvakawanda zvokuita mukugovera tarisiro yakakwana. Zvirokwazvo, izvi zvipo muvarume igadziriro yakaisvonaka inobva kuna Jehovha yokutibetsera kutsungirira muidzi nguva dzinotambudza. Bva, mamwe maKristu anorega kudana nokuda kwebetsero yavo, achifunga kuti idzi hama dzakabatikana zvikuru kana kuti dzakaremerwa nezvinetso. Nyaya inotevera ichatibetsera kunzwisisa kuti ava varume vanofara kuva vorubatsiro, nokuti vanobatira nenzira yokudisa savafudzi vaduku muungano yechiKristu.

[Mashoko Omuzasi]

a A Linguistic Key to the Greek New Testament, rakanyorwa naFritz Rienecker, rinorondedzera phor·tiʹon so“mutwaro uyo munhu anokarirwa kutakura” uye rinowedzera, kuti: “Raishandiswa seshoko rehondo nokuda kwebutwa romunhu kana kuti bhegi romurwi.”

Waizopindura Sei?

◻ Apo tinoda betsero, iyamuroi yakapetwa katatu iyo Jehovha anogovera?

◻ Ndivanaani vari zvipo muvarume vomuzuva razvino uno?

◻ Ndirini patinofanira kudana varume vakuru?

◻ Ibetseroi yatinogona kukarira kuvakuru vechiKristu?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Unofarikanya here betsero dzomudzimu dzomunyengetero, fundo yeBhaibheri, uye betsero inobva kuvakuru vechiKristu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe