RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 9/15 pp. 20-25
  • Teererai Avo Vanotungamirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Teererai Avo Vanotungamirira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvateererei?
  • Kuongerei Basa Ravo?
  • Kurumidza Kushandisa Zano
  • Ruremekedzo Kunyange Muzvinhu Zviduku
  • Ramba Uchigamuchira Tarisiro Yorudo
  • “Mukudze Vakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Remekedzai “Vaya Vari Kushanda Nesimba Pakati Penyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Marongerwo Akaitwa Ungano
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuzviisa Pasi Pevafudzi Vane Rudo Tichizvininipisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 9/15 pp. 20-25

Teererai Avo Vanotungamirira

“Teererai vanotungamirira pakati penyu uye zviisei pasi pavo, nokuti vanoramba vachirinda mweya yenyu saavo vachazozvidavirira.”​—VAHEBHERU 13:17, “NW.”

1. Tinobetserwa sei nebasa ravatariri vechiKristu?

JEHOVHA akagovera vatariri nokuda kwesangano rake muino “nguva yomugumo.” (Dhanieri 12:4, NW) Ivo vanotungamirira mukutarisira vakafanana namakwai, uye tarisiro yavo inozorodza. (Isaya 32:1, 2) Uyezve, utarisiri hworudo hunoitwa navakuru vanobata boka raMwari nounyoro hunobatira sedziviriro pana Satani netsika ino yakaipa yezvinhu.​—Mabasa 20:28-30; 1 Petro 5:8; 1 Johane 5:19.

2. Vamwe vakarangarira sei muapostora Pauro, asi chimiroi kuvakuru chakakodzera?

2 Asi iwe unorangarira sei vakuru? Mumwoyo mako, unoti here: ‘Ini handisati ndichizotongoenda kumumwe mukuru muungano ino kana ndine chinetso, nokuti handina chivimbo muno upi noupi wavo’? Kana ikoko kuriko kufunga kwako, ungagona here kuva uchinyanyosimbisa kusakwana kwavo? MuKorinte yakare, vamwe vakati nezvomuapostora Pauro: “[Tsamba, NW] dzake dzine mashoko makuru, dzine simba, asi muviri wake kana aripo, uno utera, nokutaura kwake kunozvidzwa.” Bva, Mwari akagovera Pauro kuushumiri uye akamushandisa so“muapostora kumarudzi.” (2 VaKorinte 10:10; VaRoma 11:13; 1 Timotio 1:12, NW) Kunokarirwa, ipapoka, kuti iwe unonzwa zvikuru kufanana nehanzvadzi yakati: “Isu tine mutumbi wakanakisisa wavakuru munyika. Ivo vakanga vari pano chaipo kuti vabetsere pavaidikanwa.”

Kuvateererei?

3. Kana Ishe achizova nomudzimu watinoratidza, tinofanira kurangarira sei vafudzi vaduku vechiKristu?

3 Sezvo vafudzi vaduku vechiKristu vakagoverwa noMufudzi Mukuru, Jehovha Mwari, unofunga kuti iye anoda kuti tivarangarire sei? Zvirokwazvo, Mwari anotikarira kutevera nhungamiro yakavakirwa paBhaibheri inogamuchirwa kupfurikidza navatariri vane rudo mutarisiro yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Ipapo ‘Ishe achava nomudzimu wamunoratidza,’ tichafarikanya rugare, uye tichavakwa mumudzimu.—2 Timotio 4:22; enzanisa naMabasa 9:31; 15:23-32.

4. Isu tinogona sei kushandisa somunhu oga VaHebheru 13:7?

4 Pauro akakurudzira, kuti: “Rangarirai avo vanotungamirira pakati penyu, vakakutaurirai shoko raMwari, uye sezvamunocherekedza matsaukire anoita mufambiro wavo tevedzerai kutenda kwavo.” (VaHebheru 13:7, NW) Pakati pamaKristu apakuvamba, vaapostora zvikurukuru vaitungamirira. Nhasi, tinogona kucherechedza avo vanoumba Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, vamwe vatariri vakazodzwa, varume ve“boka guru” avo vanotungamirira pakati pedu. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Kunyange zvazvo tisingakurudzirwi kutevedzera vara renzwi ravo, chimiro, kana kuti mamwe mavara omunhu, tinofanira kuva vanokwanisa kuita kuti mufambiro wedu uite zvakanaka kupfurikidza nokutevedzera kutenda kwavo.

5. Pasi pano nhasi, mutoro mukuru wokutarisira ungano yechiKristu wakaronzeswa kuna vanaani, uye ivo vanofanirwa nei?

5 Pasi pano nhasi, mutoro mukuru wokutarisira zvinodikanwa zvedu zvomudzimu wakaronzeswa ku“muranda akatendeka nowakachenjera.” Mumiriri wake Mutumbi Unodzora unotungamirira uye unotsinhiranisa basa rokuparidzira Umambo munyika yose. (Mateo 24:14, 45-47, NW) Zvikurukuru ava vakuru vakazodzwa nomudzimu vangarangarirwa savanagavhuna vomudzimu, nokuti VaHebheru 13:7 inogona kushandurwa, kuti: “Imi rangarirai vanotonga . . . imi” (Kingdom Interlinear) Neungano dzinopfuura 60 000 uye vazivisi voUmambo vanopfuura 3 500 000, vakuru 12 vanoumba Mutumbi Unodzora vane ‘zvakawanda zvokuita mubasa raShe.’ (1 VaKorinte 15:58) Nemhaka yomugove wavo wakapiwa naMwari, ivo vanofanirwa nebatira pamwe yedu yakazara, kunyange seizvo mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore waiva nebatira pamwe yamaKristu apakuvamba.—Mabasa 15:1, 2.

6. Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvinoitwa navakuru nokuda kwebetserwo yavanhu vaJehovha?

6 Vatariri vakazodzwa nomudzimu kuti vatarisire zvinodikanwa zvomudzimu zveungano. (Mabasa 20:28) Ivo vanova nechokwadi chokuti shoko roUmambo rinoparidzirwa mundima yeungano yomunzvimbomo. Ava varume vanokwaniriswa paMagwaro vanogoverawo nhungamiro yomudzimu nomutoo worudo. Ivo vanopa zano, vanonyaradza, uye vanopupurira kuhama nehanzvadzi dzavo dzomudzimu, nedonzo rokuti ivava vagoramba vachifamba zvakafanira Mwari. (1 VaTesaronika 2:7, 8, 11, 12) Kunyange apo mumwe munhu anoita nhano yakaipa asati aziva nezvayo, ava varume vanotsvaka kumugadziridza “nomudzimu wounyoro.”—VaGaratia 6:1, NW.

7. Izanoi rakapa Pauro pana VaHebheru 13:17?

7 Mwoyo yedu inosundwa kubatira pamwe navatariri vane rudo vakadaro. Ikoku kwakakodzera, sezvo Pauro akanyora, kuti: “Teererai vanotungamirira pakati penyu uye zviisei pasi pavo, nokuti vanoramba vachirinda mweya yenyu saavo vachazozvidavirira; kuti vagoita izvozvi nomufaro vasingaiti nokunyunyuta, nokuti ikoku kungava kunokukuvadzai.” (VaHebheru 13:17, NW) Tonzwisisa seiko iri zano?

8, 9. (a) Nemhaka yaVaHebheru 13:17, neiko tichifanira kuva vanoteerera avo vanotungamirira? (b) Teerero yedu nokuzviisa pasi zvinogona kuva nemiuyoi yakanaka?

8 Pauro anotikurudzira kuteerera avo vanotitonga mumudzimu. Isu tinofanira “kuva vanozviisa pasi,” kuzviisa pasi paava vafudzi vaduku. Neiko? Nemhaka yokuti ‘ivo vanoramba vachirinda mweya yedu,’ kana kuti upenyu hwakatsaurirwa kuna Mwari. Uye ivo “vanoramba vachirinda” sei? Pano chimiro chechiito chazvino chinotaura chiito chechiito chechiGiriki a·gru·pneʹo chinoreva chaizvoizvo kuti vakuru vari “kurega kurara.” Ikoku kunotiyeuchidza nezvomufudzi ari oga anorega kurara kuti adzivirire boka rake pangozi dzousiku. Vakuru pane dzimwe nguva vanopedza usiku hwokusarara muitiro hanya yokunyengetera nokuda kweboka raMwari kana kuti mukupa yamuro yomudzimu kuvatendi biyavo. Tinofanira kuonga sei basa ravo rokutendeka! Zvirokwazvo, hatidi kuva vakafanana na“varume vasina umwari” vomuzuva raJudhasi avo ‘vakazvidza ushe ndokutuka vane mbiri,’ vakuru vechiKristu vakazodzwa vane mbiri yakapiwa naMwari, kana kuti rukudzo, zvakapiwa pavari.—Judhasi 3, 4, 8.

9 Jehovha aizotsamwiswa kana tikakundikana kuteerera nokuzviisa pasi pavatariri vechiKristu. Ikoku kwaizobvumikisawo kuva kunovaremera uye kwaizotikuvadza mumudzimu. Kudai tisingabatiri pamwe, vakuru vangatarisira mabasa avo nokugomera, zvichida nomudzimu wokuora mwoyo uyo ungagona kuguma nokurasikirwa nomufaro mumibato yedu yechiKristu. Asi teerero yedu nokuzviisa pasi zvinosimudzira mufambiro woumwari ndokusimbisa kutenda kwedu. ‘Ishe ane mudzimu watinoratidza,’ uye mufaro unotekeshera mumugariro wakadaro webatira pamwe, rugare, uye chinzwano.—2 Timotio 4:22; Pisarema 133:1.

10. Mukuwirirana na 1 Timotio 5:17, neiko avo vanotungamirira nenzira yakaisvonaka vachifanirwa norukudzo?

10 Kuva kwedu vanoteerera navanozviisa pasi pavakuru veungano hakurevi kuti tiri vafadzi vavanhu. Ikoko kwaizova kusiri kwapaMagwaro, nokuti varanda vechiKristu vomuzana rokutanga ramakore vakaudzwa kuteerera vanatenzi vavo, “rega kubata pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomwoyo wakarurama muchitya [Jehovha, NW].” (VaKorose 3:22; VaEfeso 6:5, 6) Vatariri ‘vanotungamirira nenzira yakaisvonaka ndokushanda zvakaoma mukutaura nokudzidzisa’ vanofanirwa norukudzo zvikurukuru nemhaka yokuti kudzidzisa kwavo kwakavakirwa paShoko raMwari. Pauro akanyora, kuti: “Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata paShoko napakudzidzisa. Nokuti rugwaro runoti: ‘Usasunga muromo wenzombe inopura’; uyezve: ‘Mubati wakafanirwa nomubairo wake.’”—1 Timotio 5:17, 18.

11. “Kukudzwa kaviri” kungauya sei kumukuru, asi chii chaanofanira kudzivisa?

11 Mashoko aPauro achangobva kunokorwa anoratidzira kuti betsero yokunyama inogona kupiwa nenzira yakarurama kuavo vanotsvaka fariro dzomudzimu dzavamwe. Zvisinei, ikoku hakurevi kuti vakuru vanofanira kugamuchira mubhadharo, uye “kukudzwa kaviri” zvirokwazvo hakusi chimwe chinhu chinorairwa nomukuru. Kungabva kumitezo yeungano nokuzvidira, asi iye anofanira kusatongoshandisa mugove wake kuwana simba kana kuti zvinhu zvokunyama. Iye haafaniri kutsvaka mbiri yake amene kana kuti kusonganirana zvikurukuru navakabudirira zvikuru nokuda kwemhindu yokunyama kukuregeredzwa kwavamwe. (Zvirevo 25:27; 29:23; Judhasi 16) Panzvimbo pezvo, mutariri anofanira kufudza boka raMwari ‘nokudisa, kwete nokuda kworudo rwemhindu yokusatendeseka, asi nomwoyo unoda.’—1 Petro 5:2.

12. Tichabetserwa kuteerera avo vanotungamirira pakati pedu kupfurikidza nokurangarirei?

12 Tichabetserwa kuteerera nokukudza avo vanotungamirira kana tikayeuka kuti Mwari amene akagovera vakuru. (VaEfeso 5:7-13) Sezvo ava varume vakagadzwa nomudzimu uye sangano raMwari rine nzvimbo inokosha muupenyu hweZvapupu zvaJehovha, zvirokwazvo tinoda kuratidzira kuonga kwedu noruremekedzo nokuda kwegadziro dzoubati ushe hwaMwari. Uyezve, tinogona kubetsera vatsva kukudziridza ichi chimiro kana tikagadza muenzaniso wakaisvonaka weteerero nokuzviisa pasi paavo vanotungamirira pakati pedu.

Kuongerei Basa Ravo?

13. (a) Mirangariroi inosiana youtungamiriri iripo munyika nomusangano raMwari? (b) Tine zvikonzeroi zvakanaka zvechivimbo muvarume vanotungamirira pakati pedu? (c) Panzvimbo pokukudza kusakwana kwavakuru vanoshanda zvakaoma, chii chatinofanira kuita?

13 Munyika, mune kombamiro yokuramba utungamiriri. Mumwe mudzidzisi akati: “Mwero wedzidzo unowedzera wakavandudza dura ramano zvakadaro zvokuti vateveri vazova vanotsoropodza kwazvo zvokuti vanodokutova vasingabviri kutungamirira.” Asi mudzimu wokufunga kwokuzvimirira hauna kutekeshera musangano raMwari, uye tine zvikonzero zvakanaka zvechivimbo muvarume vanotungamirira pakati pedu. Somuenzaniso, avo bedzi vanosvitsa zvinodikanwa zvapaMagwaro vanogadzwa savakuru. (1 Timotio 3:1-7) Ivo vanorovedzwa kuva vane mutsa, vane rudo, vanobetsera, bva vakasimba mukutsigira mipimo yakarurama yaJehovha. Vakuru vanonamatira kuzvokwadi yapaMagwaro, ‘vanobatirira zvakasimba kushoko rakatendeka, kuti vagokwanisa kupa zano kupfurikidza nedzidziso yakanaka.’ (Tito 1:5-9) Chokwadika, hatifaniri kukudza kusakwana kwavo kwohunhu, nokuti tose zvedu hatina kukwana. (1 Madzimambo 8:46; VaRoma 5:12) Panzvimbo pokunzwa takangaidzwa neganhuriro dzavo nokurerutsa zano ravo, ngationgei nokugamuchira nhungamiro yakavakirwa paBhaibheri yavakuru seinobva kuna Mwari.

14. Nemhaka ya 1 Timotio 1:12, mukuru anofanira kurangarira sei ushumiri hwakamugoverwa?

14 Pauro, murume anoonga, akati: “Ndinoonga kuna Kristu Jesu Ishe wedu, uyo akandipa simba, nemhaka yokuti akandirangarira kuva akatendeka kupfurikidza nokundigovera kuushumiri.” (1 Timotio 1:12, NW) Ushumiri ihwohwo, kana kuti basa, hwakabatanidza basa rokuparidzira nokubatirwa kwavatendi biyake. Kunyange zvazvo mutariri ane mugove kupfurikidza nomudzimu mutsvene wokubatira somufudzi, ikoku hakusati kuchifanira kumuita kuti anzwe ari mukuru kuvamwe, nokuti iye amene rutivi rweboka raMwari ravakafanana namakwai. (1 Petro 5:4) Panzvimbo pezvo, iye anofanira kuva anoonga kuti Musoro weungano, Jesu Kristu, akamurangarira kuva akafanirwa nokushumira mitezo yeboka uye kuti Mwari akamukwanirisa kupfurikidza nokumupa mwero wakati wezivo, uchenjeri, uye nzwisiso. (2 VaKorinte 3:5) Sezvo mukuru ane chikonzero chokuva anoonga nokuda kwamaropafadzo ake akapiwa naMwari, mimwe mitezo yeungano inofanira kuonga ushumiri ihwohwu, kana kuti basa.

15. Chii chiri pfundo guru rezano raPauro riri pana 1 VaTesaronika 5:12, 13?

15 Zvapupu zvaJehovha zvinoonga sangano iro Mwari akaumba mumazuva ano okupedzisira, uye kuonga ikoko kunotisunda kuremekedza vakuru. Tinofanira kuva vanofara kubatira pamwe zvizere negadziriro dzavanoita nokuda kwebetserwo yedu. Pauro akati: “Zvino ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai munaShe, vanokurairai; muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo.” (1 VaTesaronika 5:12, 13) Kushandisa iri zano kunounza mufaro nechikomborero chaJehovha.

Kurumidza Kushandisa Zano

16, 17. Izanoi vakuru vangapa pamusoro peroorano, uye chii chingabva mukuritevera?

16 Pauro akakurudzira Tito ku‘ramba achipa zano nokutsiura nechiremera chakazara.’ (Tito 2:15) Nenzira yakafanana, vamiriri vaMwari nhasi vanotitungamirira kunheyo dzeBhaibheri nemitemo. Kune zvikonzero zvakanaka zvokugamuchira zano rinodzokororwa radzokororwazve rokushandisa zano nenhungamiro zvesangano raJehovha navakuru vakagadzwa.

17 Kuenzanisira: Vakuru vangakurudzira muKristu kutevera zano reBhaibheri rokuroora “bedzi munaShe.” (1 VaKorinte 7:39, NW; Dheuteronomio 7:3, 4) Ivo vangaonesa kuti kuroora munhu asina kubhapatidzwa kunogona kutungamirira kuzvinetso zvakakomba, kunyange sezvo Mambo Soromoni akakanganisa zvakakomba kupfurikidza nokutora vadzimai vokumwe, avo vakakombamirisa mwoyo wake kuvamwari venhema ndokubva kuna Jehovha. (1 Madzimambo 11:1-6) Vakuru vangatsanangurawo kuti Ezra akaita kuti varume vechiJudha vaendese vadzimai vavo vechihedheni, uye Nehemia akataura kuti avo vakaroora vasiri vatendi vakanga ‘vachiita ushati hukuru mukuita nokusatendeka mukurwisana naMwari.’ (Nehemia 13:23-27; Ezra 10:10-14; onawo Nharireyomurindi yechiNgezi, March 15, 1982, peji 31; November 15, 1986, mapeji 26-30.) Zvikomborero negutsikano zvokufadza Jehovha zvinobva mukushandisa zano rakadaro rapaMagwaro rinopiwa navakuru vane rudo.

18. Tichirangarira izvo Pauro akanyora pana 1 VaKorinte 5:9-13, tinofanira kuita sei kana mutezo wemhuri ukadzingwa?

18 Kwakafanirawo kuremekedza zvisarudzo zvokutonga zvavakuru. Pauro akaudza maKristu omuKorinte kuti “kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana uno ruchiva, kana unonamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.” Ivo vaifanira ‘kubvisa munhu akaipa pakati pavo vamene.’ (1 VaKorinte 5:9-13) Asi iwe waizoita sei kudai imwe yehama dzako dzokunyama ikadzingwa? Nepo kungava nedikanwo yeonano yakaganhurirwa yokutarisira zvinhu zvemhuri, songanirano yose yomudzimu nehama yokunyama yakadzingwa yaizofanira kugurwa. (Ona Nharireyomurindi, April 15, 1988, mapeji 26-31.) Zvirokwazvo, ruvimbiko kuna Mwari nesangano rake zvinofanira kutisunda kuremekedza zvisarudzo zvokutonga zvavatariri.

19. Chii chatinofanira kuita kana vakuru vakatiratidza kuti tiri kufamba munzira yakaipa mumudzimu?

19 Hakusi nyore kurambira panzira nhete inotungamirira kuupenyu. Kuti tiite saizvozvo, tinofanira kutevera nhungamiro inopiwa muShoko raMwari uye naavo vakaronzeswa mitoro yokufudza musangano rake. (Mateo 7:13, 14) Kudai takanga tichifamba tichibva muguta rimwe kuenda kune rimwe nemotokari ndokuenda kwakaipa, chiito chaizodikanwa kururamisa nzira yedu. Kukasadaro, hatisati taizosvika mugumo wedu. Nenzira yakafanana, kana vakuru vakatiratidza kuti tiri kufamba nenzira yakaipa mumudzimu, zvichida kupfurikidza nokunyenga asingatendi, tinofanira kukurumidza kushandisa zano ravo rapaMagwaro. Ikoku kwaizova nzira imwe yokuratidza nayo kuti tino“vimba naJehovha” chaizvoizvo.—Zvirevo 3:5, 6.

Ruremekedzo Kunyange Muzvinhu Zviduku

20. Kuzvibvunza timene mibvunzoi kunogona kutibetsera kuratidza ruremekedzo nokuda kwenhungamiro yavakuru kunyange muzvinhu zviduku?

20 Tinofanira kuratidza ruremekedzo nokuda kwenhungamiro yavakuru kunyange munhau duku. Naizvozvo tingazvibvunza timene kuti: ‘Ini ndinobatira pamwe here kana vakuru vakatikumbira kushanyira vanorwara kana kuti kurovedza vatsva muushumiri hwomumunda? Ini ndinogamuchira nokudisa here migove yemisangano ndokusanoigadzirira? Ini ndinogamuchira here apo vakuru vanopa nhungamiro pakuchengetedza zvigaro pakokorodzano, tsika yedu yomupfekero, zvichingodaro? Ini ndinobatira pamwe here apo ivo vanotikumbira kubatsira mukuchenesa Horo yoUmambo, kushuma basa redu romumunda nokukurumidza, kana kuti kusvika pamisangano nenguva?’

21. Kuratidza kwedu ruremekedzo nokuda kwavakuru kunoyeuchidza mashokoi aJesu?

21 Vatariri veungano vanoonga batira pamwe yedu uye kunoguma nezvakanaka zvakawanda. Kutaura idi, kuva kwedu vanoremekedza navanobatira pamwe kunyange muzvinhu zviduku kungasanoyeuchidza mashoko aJesu: “Munhu akatendeka muzviri zviduku akatendekawo muzvakawanda.” (Ruka 16:10, NW) Zvirokwazvo, tinoda kuva vanorangarirwa kuva vakatendeka.

Ramba Uchigamuchira Tarisiro Yorudo

22. Ndedzipi dziri dzimwe betsero dzinobva muutariri hworudo hwomuranda akatendeka navakuru veungano?

22 Betsero dzinobva mutarisiro yorudo yomuranda akatendeka navakuru veungano dzinobvumikisa kuti chikomborero chikuru chaJehovha chiri pasangano rake rapasi. Uyezve, nhungamiro younyanzvi inopiwa navakuru inobatanidza mano avo uye inosimudzira chinzwano pakati pedu. Inogumawo nenhamburiko yakabatanidzwa neinobudirira yokufambisira mberi fariro dzoUmambo. Zvamazvirokwazvo, muuyo mumwe wakanaka wokugamuchira kwedu kwokuonga tarisiro yaavo vanotungamirira ndeyokuti Mwari anokomborera basa redu rokuparidzira nokuita vadzidzi. (Mateo 28:19, 20) Batira pamwe yedu navakuru iri kutigadzirirawo nokuda kwoupenyu husingagumi mutsika itsva yezvinhu.

23. Nemhaka ya 1 Johane 5:3, chii chatinofanira kusundwa kuita?

23 Sezvo tichida Jehovha, kumuteerera hakusi basa risingafadzi. Muapostora Johane akanyora, kuti: “Rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.” (1 Johane 5:3) MaKristu akavimbika anoteerera nomufaro mirairo yaJehovha uye anosundwa kubatira pamwe naavo akaronzesa kutarisira ungano. Tinoonga sei kuva musangano raMwari nokuva ne“zvipo muvarume” zvakadaro! (VaEfeso 4:8, NW) Nechivimbo chakazara chokuti Mwari ari kutungamirira vanhu vake, ipapoka, nguva dzose ngativei vanoteerera avo vakaropafadzwa kutungamirira pakati peZvapupu zvaJehovha.

Ndedzipi Dziri Tsinhiro Dzako?

◻ Kuteererei avo vanotungamirira pakati pedu?

◻ Chimiroi chatinofanira kuva nacho pamusoro pebasa rinoitwa navakuru vanoshanda zvakaoma?

◻ Kukurumidzirei kushandisa zano rinopiwa navakuru?

◻ Ibetseroi dzinobva mumhinduro yedu yokuonga kutarisiro yorudo?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]

Iwe unobatira pamwe here navakuru kupfurikidza nokugamuchira migove yemisangano, nokubetsera kuchenesa Horo yoUmambo, nokushuma mubato wako webasa romumunda nokukurumidza, uye mudzimwe nzira?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Pauro akafadzwa nokuparidzira mashoko akanaka nokubatira vatendi biyake. Somukuru, unoonga here nokuda kwamaropafadzo ako akapiwa naMwari ebasa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe