RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 5/15 pp. 8-11
  • Kubatirei Jehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatirei Jehovha?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudikanwa Kwevavariro Yakafanira
  • Kubatira Nevavariro Dzakarurama
  • Basa Neropafadzo
  • Kuonga Kunogovera Sundo
  • Rumbidza Jehovha nokuva Mambo Kwake
  • Mufaro Negutsikano
  • Neiko Uchibatira Mwari?
  • Rumbidza Zita Dzvene raJehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Sarudza Kushumira Jehovha Uchiri Muduku
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Batira Jehovha Nomwoyo Unofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • “Zvisarudzirei . . . Wamuchashumira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 5/15 pp. 8-11

Kubatirei Jehovha?

“ZUVA raJehovha rava pedyo! ‘Dambudziko guru’ rava pedyo, uye hausati uchizoripukunyuka kana usati uchibatira Mwari.” Kudai mumwe munhu akakuudza izvozvo, waizoita sei?—Zefania 2:2, 3; Mateo 24:21.

Chokwadi, tinofanira kurangarira zuva raJehovha, kupukunyuka mudambudziko guru rava pedyo kunotsamira pabasa rokutendeka kuna Mwari. Asi aya maidi anofanira kuva zvikonzero zvikuru nei tichiita basa rinoyera kuna Jehovha Mwari here? Neiko iwe uchibatira Jehovha?

Kudikanwa Kwevavariro Yakafanira

Kana munhu asingabatiri Mwari nevavariro yakarurama, angarega kana kariro dzake dzikasazadzikwa mukati menhambo yakati yenguva. Somuenzaniso, vamwe vanhu vaikarira Jesu Kristu kudzokera muna 1843 kana kuti 1844, misi iyo yakapfuura pasina kuitika kwetariro dzavo. Chinofadza muna ikoku ndichakanyorwa naGeorge Storrs, mubudisi weBible Examiner uye muzivikanwi wapashure waCharles Taze Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society. MuBible Examiner yaSeptember 1846, Storrs akanyora, kuti:

“Musengwa wokubatira Mwari wakakwirira zvikuru kupfuura idiwo zvaro rokuti zuva rodokupfuura. . . . Kuita uko kuchaitika kana ’46 na ’47 akapfuura sezvaangapfuura, pasina kupupurira kusvika, kuchava kune ngwavaira kupfuura murangariro wose. Chinoitika chinobvumikisa ikoku—ndinoreva chinoitika cha ’43 na ’44. Varipiko voruzhinji zvikuru vaavo zvino, sezvinotaurwa, vaka‘nyandurwa kubatira Mwari’ sezvavanofanira kupfurikidza nedanidziro iyoyo yenguva yokuuya kwaShe? Uye ndinodzokorora—KUPI!!! Anenge mumwe mugumi wavo zvino vanowanwa vachifamba kuti vakudze kutaura kwavo kwechiKristu. Zvokona neiko? Ivo vakanyandurwa nevavariro dzakaipa. Udyire hwavo hwakanga huri chinhu chikuru chakafadzwa ndokunyandurwa. Ivo vakanga vakafanana zvavo nomutadzi anozvifunga amene kuva ava pedyo norufu ari pamubhedha wokurwara kana kuti mudutu mugungwa. Kana iye akafanira kufa, achava muKristu. Kudai aiziva kuti akanga asisiri mungozi, aizova akasiana senguva dzose.”

Kubatira Nevavariro Dzakarurama

Udyire norutyo rworuparadziko zvingasunda vamwe kuita kuda kwaJehovha zvachero. Vamwe vangafadzwa kwazvo netariro youpenyu muParadhiso zvokuti vangabatira Mwari nokuda kwechikonzero ichocho zvacho. Bva, kana vanhu vakasundwa zvikurukuru nevavariro dzakadaro vakafunga kuti zuva raJehovha nedambudziko guru zvakanga zvisiri pedyo kwazvo, ivo vangasadisa kubatira Mwari nokushingaira.

Chokwadika, hahusati huri udyire kufarira zvipikirwa zvaMwari nezvikomborero zvakadeya kutaurwa. Iye anoda kuti tive vanofara pamusoro pekariro dzakaiswa pamberi pedu savateveri voMwanakomana wake, Jesu Kristu. “Farai mutariro,” akadaro muapostora Pauro, achiwedzera, kuti: “Tsungirirai mudambudziko. Pfuurirai mumunyengetero.” (VaRoma 12:12, NW) Pamwe chete nomunyengetero, “mufaro waJehovha” unotibetsera kutsungirira miedzo ndokumirira nokushivirira kuzadzikwa kwezvipikirwa zvaMwari. (Nehemia 8:10) Munguva ino, tine zvikonzero zvakawanda zvokubatira Jehovha. Ndezvipi zviri zvimwe zvaizvozvi?

Basa Neropafadzo

SaChangamire weChisiko Chose, Jehovha anofanirwa uye anoraira kuzvipira kwapoga. (Eksodho 20:4, 5) Naizvozvo muKristu mumwe nomumwe ane mwero mumwe cheteyo womusengwa kuna Mwari kana dambudziko guru rikavamba mangwana, gore rinotevera, kana kuti gare gare. Iye anosungirwa kubatira Jehovha nenzira isina udyire nemhaka yokuda Mwari nomwoyo wake wose, mweya, ndangariro, uye simba. (Marko 12:30) MaKristu apakuvamba aifunga kuti zuva raJehovha rakanga rava pedyo, asi kariro yawo haina kuzadzikwa, uye akafa asina kuona chinoitika ichocho. (1 VaTesaronika 5:1-5; 2 VaTesaronika 2:1-5) Kana iwo akanga akatendeka kusvikira kurufu, zvisinei, vateveri ivavo vakazodzwa vaKristu pakupedzisira vakagamuchira tuso yorumuko kuupenyu hwokudenga.—Zvakazarurwa 2:10.

Zvapupu zvakabhapatidzwa zvaJehovha zvinofanira kumubatira mukutendeka nemhaka yokuti zvakagamuchira nokuzvidira musengwa wokuita kuda kwake. Imbofunga zvako! Kufanana nengirozi tsvene, isu tinogona kuita kuda kwaChangamire weChisiko Chose. (Pisarema 103:20, 21) Jesu akakoshesa zvikuru kwazvo ropafadzo yakadaro zvokuti iye akati: “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandikatuma, nokupedza basa rake.” (Johane 4:34) Kana isu tine mudzimu mumwe chetewo, tichazivisa nokushingaira rumbidzo dzaJehovha ndokuudza vamwe pamusoro pamadonzo ake, saanoziviswa muMagwaro. Neiyi nzira, tinoropafadzwawo kubetsera vamwe mumudzimu. Uye zvirokwazvo, kuita kuda kwaMwari nemhaka yorudo nokuda kwake iropafadzo inoshamisa, pasinei zvapo naapo zuva raJehovha rinovamba.

Kuonga Kunogovera Sundo

Kuonga rudo rwaMwari mukugovera chibairo chorudzikinuro choMwanakomana wake kunofanirawo kutisunda kubatira Jehovha. Pane imwe nguva takanga tisina Jehovha nemhaka yechivi. Zvisinei, Jesu akati: “Mwari akada nyika [yorudzi rwomunhu] zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, NW) Jehovha akatanga muna ikoku, sezvo Pauro akanyora, kuti: “Mwari anorumbidza rudo rwake amene kwatiri mukuti, tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaRoma 5:8, NW) Kuonga iyi ratidzirwo yorudo rwaMwari kunofanira kutisunda kumubatira nomwoyo wose.

Kuonga gadziriro dzaJehovha dzomudzimu nedzokunyama kunotipa chimwe chikonzero chokumubatira nokutendeka. Shoko raMwari inhungamiro yechokwadi—chiedza kunzira yedu. Zvinyorwa zvinogoverwa kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera” zvinotibetsera kutsinhiranisa upenyu hwedu nokuda kwoumwari. (Mateo 24:45-47, NW; Pisarema 119:105) Uye nemhaka yokuti tinotanga kutsvaka Umambo, Jehovha anotigoverawo mune zvokunyama. (Mateo 6:25-34) Iwe uri kuratidza kuonga kwako nokuda kweizvi zvinhu here?

Kuonga rusununguko rwakapiwa naMwari parudzidziso rwenhema kunogovera chimwe chikonzero chokubatira Jehovha nokutendeka. Mhombwe yorudzidziso Bhabhironi Guru “inogara pamusoro pemvura zhinji,” kureva “vanhu, navazhinji, namarudzi, nendimi.” (Zvakazarurwa 17:1, 15) Bva, iyo haisati ichigara pavabatiri vaJehovha, ichivapesvedzera nokuvadzora mune zvorudzidziso. Somuenzaniso, ivo vanoramba dzidziso yorudzidziso rwenhema yokuti mweya womunhu haufi. Ivo vanoziva kuti munhu akasikwa “mweya mupenyu,” kuti vakafa “havana chavanoziva,” uye kuti kuchava norumuko. (Genesi 2:7; Muparidzi 9:5, 10; Mabasa 24:15) Naizvozvo ivo havasati vachitya kana kuti kunamata vakafa. Ko kuonga rusununguko rwomudzimu rwakadaro kunokuita kuti udzivise kuwa pakutenda ndokunamatira kukunamatwa kwakachena kwaJehovha here?—Johane 8:32.

Kuonga tsigiro yezuva nezuva yaJehovha kunofanira kuwedzera kutsunga kwedu kumubatira nenzira yokuvimbika. Wezvamapisarema Dhavhidhi akazivisa, kuti: “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo anotitakurira mutoro zuva nezuva.” (Pisarema 68:19, NW) Pane imwe nzvimbo wezvamapisarema akati: “Nokuti baba vangu namai vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Hungu, munhu anobatira Jehovha nokutendeka anogona kukandira mutoro wake wokufananidzira, zvakadai sefunganyo nemiedzo, pana Mwari. Ko iwe unoratidza kuonga tsigiro isingakundikani yaJehovha here kupfurikidza nokumubatira nokutendeka?—Pisarema 145:14.

Rumbidza Jehovha nokuva Mambo Kwake

Chishuvo chokurumbidza Jehovha chinofanirawo kutisunda kumubatira. Zvisikwa zvokudenga zvinoratidzirwa sezvinorumbidza Mwari namashoko, anoti: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.” (Zvakazarurwa 4:11) Mambo Dhavhidhi akarumbidza Mwari kupfurikidza nokuti: “Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; . . . ushe ndohwenyu, Jehovha, . . . pfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; . . . saka zvino Mwari wedu, tinokuongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.” (1 Makoronike 29:10-13) Savabatiri vaJehovha, tinogona here kuita zvishomanene kumurumbidza mushoko nomuchiito tichimirira zadziko yezvipikirwa zvake?—1 VaKorinte 10:31

Sundo yakasimba yokutaura pamusoro poUmambo hwaMwari inogovera imwezve kurudziro yokubatira Jehovha. Vavariro yakanaka iyoyo inosanotaurwa mumashoko owezvamapisarema: “Mabasa enyu ose achakuongai Jehovha; navatsvene venyu vachakurumbidzai. Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu, nokuparidza simba renyu; kuti vazivise vanakomana vavanhu mabasa ake ane simba, nokubwinya kwoumambo hwoushe hwake. Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi, noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.” (Pisarema 145:10-13) Kuzivisa shoko roUmambo ibasa romuKristu uye basa rinokosha zvikurusa riri kuitwa muzuva redu. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Ko iwe une chishuvo chikuru chokurumbidza Jehovha ndokuudza vamwe pamusoro poUmambo hwake here?

Kutsveneswa kwezita raJehovha nokurevererwa kwouchangamire hwake zvinofanira kuva zvoukoshi hwakadaro kwatiri zvokuti tinoda kumubatira nokutendeka. Tinganyengeterera kutsveneswa kwezita raJehovha nokurevererwa kwouchangamire hwake. (Mateo 6:9) Tinogona kutsigira minyengetero yedu kupfurikidza nokupinda muushumiri hwechiKristu nguva dzose uye kupfurikidza nokuparadzira zvokwadi pamusoro pezvinhu zvinokosha zvikuru zvakadaro.—Ezekieri 36:23; 39:7.

Mufaro Negutsikano

Kupfurikidza nokubatira Jehovha nokutendeka, tinova negutsikano yokufadza mwoyo wake nokubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema. Kunyange zvazvo Satani achitaura zvenhema-nhema kuti vanhu vanobatira Mwari nokuda kwezvikonzero zvoudyire, basa redu rokuvimbika kuna Jehovha, rinopiwa nokuda kworudo, rinobvumikisa gakava romushori iyeyo kuva renhema. (Jobho 1:8-12) Ikoku kunotipa chikonzero chakanaka chokupfuurira kuita chinotaurwa pana Zvirevo 27:11: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.” Kupfuurirazve, apo tinobatira Jehovha nokuvimbika pasinei zvapo neizvo zvose Satani anoita kutidzivisa, nzira yedu yokuchengeta perero sezvingabvira ichasimbisa vatendi biyedu.—VaFiripi 1:12-14.

Mufaro negutsikano zvokugoverana mukukohwa kwomudzimu zvinofanira kutisundawo kubatira Jehovha nokutendeka. Jesu akawana mufarwa mukubetsera vanhu, zvikurukuru munzira dzomudzimu. Mateo 9:35-38 inoti: “Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Evhangeri youshe, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose. Asi wakati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asino mufudzi. Zvino akati kuvadzidzi vake: ‘Zvirokwazvo kucheka kukuru, asi vabati vashoma. Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.’” Kana basa rokucheka rikagara kwenguva refu kupfuura yataikarira, ikoku kuchatipa banza guru rokuwana mufaro negutsikano mukubetsera vamwe mumudzimu. Ikoku inzirawo yokuratidza nayo rudo rwomuvakidzani runokarirwa kwatiri.—Mateo 22:39.

Neiko Uchibatira Mwari?

Tarangarira zvishomanene bedzi zvezvikonzero zvakawanda zvakasimba zvokubatira nazvo Jehovha nokutendeka. Kwakanaka kupa mufungo wokunyengetera kuzvikonzero zvedu zvomunhu oga zvokubatira Mwari, nokuti mumwe nomumwe wedu achafanira kuzvidavirira kwaari. (VaRoma 14:12; VaHebheru 4:13) Uye avo vanopfuurira kuva nevavarirowo zvadzo dzoudyire havasati vachizofarikanya nyasha dzoumwari.

Chii chinogona kukarirwa kana tichiitira hanya zvikurukuru kutsveneswa kwezita raJehovha uye tichipa basa rinoyera kuna Mwari nevavariro dzisiri dzoudyire? Chokwadi, Jehovha achatikomborera noushumiri hwedu! (Zvirevo 10:22) Tichagamuchirawo upenyu husingagumi nemhaka yokuti takabatira Jehovha nokutendeka.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zviuru zvinobatira Jehovha muJapan

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kubatira Jehovha muCôte d’Ivoire

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

SIX SERMONS rakanyorwa naGeorge Storrs (1855)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe