RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 4/15 pp. 28-30
  • Uri Kuita Unani Hwako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kuita Unani Hwako Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Unani Hwedu Hunogona Kuwedzerwa
  • Kuita Unani Hwedu Mukubetsera Vamwe
  • Kuita Unani Hwedu Mukuratidza Fariro Yomunhu Oga
  • Ita Unani Hwako
  • “Shingairai Kwazvo”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Kurarama Maererano Netsauriro Yedu “Zuva Rimwe Nerimwe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Wana Mufaro Unobva Pakupa Jehovha Zvakanakisisa Zvaunokwanisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 4/15 pp. 28-30

Uri Kuita Unani Hwako Here?

“NDICHAITA unani hwangu.” Kazhinji sei aya mashoko achiteverwa na“asi” nendaza refu yepembedzo dzokusazvishandisa amene! Zvakadiniko netsauriro yedu kuna Jehovha? Tiri kuzadzika chipikirwa chedu here chokupa zvakanakisisa zvikuru zvedu kwaari?

Kuita tsauriro kunoreva ‘kuzvipa umene chose chose kubasa kana kuti kukunamatwa kwomunhu woumwari kana kuti kumabasa anoyera.’ Jesu akaita zvakawanda kuratidza icho tsauriro kuna Jehovha inobatanidza kupfurikidza nokuti: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze [danda rake rokutambudzira, NW] anditevere.” (Mateo 16:24) Munhu akazviramba amene ndokuzvitsaurira amene kuna Mwari anoita kuitwa kwokuda kwoumwari chinorondwa chikurusa muupenyu hwake.

Savanhu vakazvitsaurira, tinofanira kuzviongorora timene kuti tione kana tiri kurarama mukuwirirana netsauriro yedu. Petro akaratidzira chikonzero nei tichifanira kuzvinzvera timene apo akakurudzira maKristu akazodzwa kuti: “Shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi.” (2 Petro 1:10) Hungu, kana tikaita unani hwedu, hatisati tichizoguma tava vakundikani vomudzimu.

Unani Hwedu Hunogona Kuwedzerwa

Mupfungwa huru zvikuru, vabatiri vose vakazvitsaurira vaMwari vanokarirwa kuita unani hwavo, kana kuti pavanogona napo, kuti vafadze Jehovha. Zvisinei, unani hwedu mukuita kuda kwaMwari hungakura. Nokuda kwomukomana ane makore matatu okukura, kuita kabasa kungava zvakanakisisa zvaanogona kuita kubetsera amai vake, asi sezvaanokura, achakwanisa kuita zvakawanda. Zvakafanana nokukura kwedu kwomudzimu—hwaichimbova unani hwedu hungasachava hwakadaro. Tinosundwa kuita zvakawanda nokuda kwaJehovha.

Kuonga kwedu Jehovha kwakawedzerwa kunowedzera kudisa kwedu kuita zvakawanda. Kuonga zvaakatiitira kunosimbiswa kupfurikidza nefundo yomunhu oga yeShoko rake, Bhaibheri. Somuenzaniso, apo tinosanoongorora ndokufungisisa pamusoro penzira iyo Jehovha akatumira nayo Mwanakomana wake kuzopa mweya wake kuti asunungure rudzi rwomunhu muchivi, tinosundwa kubatira Muvambi wegadziriro yorudzikinuro. (Johane 3:16, 17; 1 Johane 4:9-11) Kana tika“ravira [zvikuru] ndokuona kuti Jehovha akanaka,” mwoyo yedu inosundwa zvikuru kumubatira.—Pisarema 34:8, NW.

Mumwe mushumiri wenguva yakazara anonzi Jetter akaziva ikoku. Kuti agonzvera zvikuru chaakanga achifunda, iye akatsaura kamuri duku mumba make redonzo iroro. Iye akarironga kuti agogona kupa ngwariro achiita nzvero. Iye ane maWatch Tower Publications Index pamwe chete namabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi naMukai!, muchiNgezi paanogona kusvika pasherufu yamabhuku. “Apo ndinonzvera mashoko anofadza,” iye anodaro, “ndinodisa kuagoverana navamwe.”

Zvisinei, sezvo kudya zvokudya zvakaisvonaka panhambo nenhambo kusingasununguri munhu pachinodikanwa chezuva nezuva chokudya zvokudya zvenguva dzose, nzvero huru asi yapanhambo nenhambo muBhaibheri haisati ichidzima chinodikanwa chezuva nezuva chokupinza zvokudya zvomudzimu. Ruth anonzwisisa ichi chinodikanwa, nokuti kure shure kwaanogona kuyeuka, mhuri yake yairava Bhaibheri pamwe chete mangwanani ari ose namadekwana pashure pezvokudya. Zvino, pamakore 81 ezera, apedza anopfuura makore 60 ari mubasa romuushumiri hwenguva yakazara, achiri kurava Bhaibheri nguva dzose pashure pokumuka na 6:00 a.m. Nokukurumidza paanogamuchira magazini eNharireyomurindi naMukai!, Ruth anowana nguva yokuarava. Iye anopedza kurava nyaya kanenge katatu kana kuti kana asati aifunda muungano. “Kudya Shoko raMwari ndiko unoda kuti urambe wakasimba mukutenda,” iye anodaro. Kwakamubetserawo kupfuurira ari mubasa roufundisi kwamakore akawanda.

Kuita Unani Hwedu Mukubetsera Vamwe

Kupfurikidza nefundo huru neyenguva dzose yeShoko raMwari, shingairo yedu yokubatira Mwari inokura, uye chimwe chinhu chiri mukati medu chinotikurudzira kuita zvakawanda. (Enzanisa naJeremia 20:9.) Shingairo yakadaro yakasunda Hirohisa kuita ushumiri hwake zvizere. (2 Timotio 4:5) Iye aigara mumusha une mubereki mumwe nehanzvadzi navanu’nuna vaduku vana. Apo akanga achiri wechiduku, Hirohisa aitsigira mhuri yake kupfurikidza nokumuka panguva yechitatu mumangwanani kuzoendesa mapepanhau. Iye aida kuita zvakawanda mukuudza vamwe pamusoro paJehovha, naizvozvo Hirohisa akakumbira nokuda kwebasa roupiona, seizvo ushumiri hwenguva yakazara hweZvapupu zvaJehovha hunodanwa. Kunyange zvazvo akanga ari muduku, akafarikanya kubetsera vamwe kumukumbanira mukuita unani hwavo kurumbidza Jehovha.

Kuita napatinogona napo mukubetsera vamwe kunobatanidza kuva vanobudirira muushumiri hwedu. Jesu akambokurudzira vadzidzi vake, kuti: “Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.” (Johane 13:17) Naomi muenzaniso wakaisvonaka wokushandisa zvikarakadzo zvinopiwa nesangano raJehovha zvokuvandudza ushumiri hwedu. Iye aiva nenguva yakaoma yokutaura navaeni paimba neimba uye aiwanzoshaya mashoko sezvo aimira pamagwatidziro. Vakuru vomuungano vakamukurudzira kushandisa zvikarakadzo zvinowanwa mubhuku raKurangarira muMagwaro, muchikamu chinonzi “Sumo Dzokushandisa muUshumiri hwoMumunda.”a Iye akadzidza nomusoro sumo dziri pasi pomusoro unoti “Mhuri/Vana” ndokudzishandisa kakawanda. Somuuyo, akakwanisa kupfuuridzira kurukurirano nomudzimai anotarisira imba uyo akanga ava namakore ari muma 30. Kunyange Naomi asati agona kuita shanyo yedzokerero, uyu mukadzi akauya kuHoro yoUmambo. Fundo yeBhaibheri yakarongwa. Mudzimai anotarisira mumba nomurume wake zvino maKristu akabhapatidzwa, anofarikanya upenyu hwemhuri hunofadza navana vavo.

Kuita Unani Hwedu Mukuratidza Fariro Yomunhu Oga

Tinogonawo kutevedzera muapostora Pauro, uyo akati: “Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka, kuti ndigova mugoverani wawo navamwe.”—1 VaKorinte 9:22, 23, NW.

Hatsumi anoratidzira ichi chimiro chendangariro. Apo Hatsumi akanga ari muushumiri hwapachena, mumwe mukadzi akati norupfave muintercom akanga akabatikana zvokusagona kutaura. Chimiro chenzwi chasaimba chakanga chiri chinyoro, naizvozvo Hatsumi akapfuurira kumushanyira. Saimba akangopindura bedzi neintercom, asingatongobudi kuzosangana naHatsumi. Ikoku kwakapfuurira kwamakore maviri nehafu.

Rimwe zuva Hatsumi akachinja nguva yeshanyo yake, achishanya mukupera kwamasikati. Hapana munhu akapindura. Sezvo akanga oenda, zvisinei, inzwi rakarovedzeka shure kwake rakabvunza, “Ndimi ani?” Mukadzi wacho akanga achangobva kunze. Pakunzwa zita raHatsumi, iye akapindura nokudisa kuti, “Haiwa, ndimi mave muchindishanyira. Ndinokuongai nokuda kwokundiitira hanya nguva dzose.” Nemhaka yokuti mukadzi wacho akanga agumisa fundo yake yeBhaibheri neZvapupu mune imwe nzvimbo, akanga ave akwenudzwa zvikuru zvokusagona kuzarurira Hatsumi suo. Fundo yeBhaibheri yakamutsidzirwa, uye saimba ari kufambira mberi zvakanaka zvikuru. Tinoitira hanya zvikuru zvakafanana here avo tinosangana navo muushumiri hwapaimba neimba?

Ita Unani Hwako

Jehovha anoonga nhamburiko yedu yokumubatira kusvikira kuunani. Iye akafanana nababa vane mwanakomana anouya kwavari nezvipo. Mumakore apfuura, chipo chacho chingasiana kuchitsamira pazera romwanakomana nemitoo. Kungofanana nababa vanofara kugamuchira zvipo zvipi nezvipi zvomwoyo wose izvo mwanakomana wavo anovapa, naizvozvo Jehovha anogamuchira nokudisa basa redu romwoyo wose mutsinhirano nokukura kwedu kwomudzimu.

Chokwadika, hapana donzo mukuenzanisa unani hwedu nouhwo hwavamwe. Muapostora Pauro anoti, tichava nechisakiso chomufaro pamusoro pedu timene, “kwete mukuenzanisa nomumwe munhu.” (VaGaratia 6:4, NW) Ngatipfuurirei kuteerera pangiro yomuapostora Petro, inoti: “Itai unani hwenyu kuti mugowanikwa pakupedzisira naye musina ruvara uye musina chamunopomerwa uye muri murugare.”—2 Petro 3:14, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Uri kuita napaunogona napo here mukushandisa zvikarakadzo zvoushumiri hwomumunda?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe