“Shingairai Kwazvo”
1 Patakazvitsaurira kuna Jehovha, takavimbisa kumupa zvakanakisisa zvedu. Nenzira yakafanira, muapostora Petro akakurudzira Vakristu vezana rokutanga ramakore kuita unani hwavo mukuva nechokwadi pamusoro pechimiro chavo pamberi paJehovha. (2 Pet. 1:10) Zvirokwazvo tinoda kuita unani hwedu kuti tifadze Jehovha mukumubatira nhasi. Ikoku kunobatanidzei? Sezvo ukama hwedu naJehovha hunokura uye tinofungisisa pazvose zvaakatiitira, mwoyo yedu inotisunda kuita zvakanakisisa nguva dzose mubasa rake. Tinoda kuvandudza runako uye, pakunobvira, kuwedzera ukuru hweushumiri hwedu.—Pis. 34:8; 2 Tim. 2:15.
2 Imwe hama duku yaida kuita zvakawanda muushumiri yakawana kuti fundo yenguva dzose yeShoko raMwari yakakudza kuonga kwayo Jehovha uye yakaroverera mairi kushingaira kwakakura zvikuru. Ikoku kwakaisunda kunyorera basa reupiyona. Imwe hanzvadzi yaikuwana kwakaoma kutaura kuvasingazivikanwi yakashandisa dzimwe dzemharidzo dziri mubhuku raKurangarira uye nokukurumidza yakavamba kufarikanya budiriro huru zvikuru muushumiri hwayo. Yakakwanisa kuitisa fundo yeBhaibheri varoorani vaviri avo vakagamuchira chokwadi.
3 Farira Zvaunogona Kuita: Vamwe vedu tinotambura mamiriro ezvinhu akaoma akadai seutano husina kunaka, kushorwa nemhuri, urombo, kana kuti kusakendenga mundima. Zvimwe zvinetso zvakawanda zvinozivikanwa muaya mazuva okupedzisira zvingapinganidza basa redu. (Ruka 21:34; mashoko emuzasi; 2 Tim. 3:1) Ikoku kunoreva here kuti takundikana mutsauriro yedu kuna Jehovha? Kwete kana tichimubatira nounani hwedu.
4 Hakusi kuchenjera kuzvitonga tichitsamira paizvo vamwe vanokwanisa kuita. Panzvimbo pezvo, Magwaro anotikurudzira ku“ita kuti mumwe nomumwe aedze basa rake.” Kuzvipa zvizere kusvika kutambanuko yatinogona semunhu oga kunofadza Jehovha uye kunotipa “chikonzero chokufara.”—VaG. 6:4, NW; VaK. 3:23, 24.
5 Ngatiteererei mashoko aPetro oku‘ita unani hwedu kuti tiwanikwe naMwari pakupedzisira tisina ruvara uye tisina kusvibiswa uye tiri murugare.’ (2 Pet. 3:14) Mudzimu iwoyo uchatiita kuti tinzwe takachengeteka uye uchatiunzira rugare rwendangariro urwo Jehovha bedzi anogona kupa.—Pis. 4:8.