RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 4/1 pp. 28-31
  • Iva Anofara uye Akarongeka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Anofara uye Akarongeka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Akarongeka uye Anofara
  • Usava Ane Utsinye Kwauri Umene
  • Imbwa Mhenyu kana kuti Shumba Yakafa Here?
  • Bata Nenzira Inotusa Newe Umene
  • Bata Nenzira Inotusa Navamwe
  • Kutarisira Munhu Mumwe Nomumwe
  • Garai Pedyo Neboka
  • Vabatiri vaMwari—Vanhu Vakarongwa uye Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Vanofara Vaya Vanoshumira “Mwari Anofara”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Kufudza Boka raMwari Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvaungaita Kuti Uwane Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 4/1 pp. 28-31

Iva Anofara uye Akarongeka

KUVA vakarongeka kunotiita kuti tiite zvinhu zvakanaka. Kuva vanosanoita kunotibetsera kushandisa zvakanakisisa nguva nepfuma. (VaGaratia 6:16; VaFiripi 3:16; 1 Timotio 3:2) Asi kune zvakawanda kuupenyu kupfuura kuronga nokusanoita. Wezvamapisarema akafuridzirwa akanyora, kuti: “Vanofara vanhu vana Mwari ari Jehovha!” (Pisarema 144:15, NW) Denho kuva vanofara pamwe chete nokurongeka muzvose zvatinoita.

Akarongeka uye Anofara

Jehovha Mwari ndiye muenzaniso mukurusa wokuronga kwakanaka. Zvisiko zvake zvose, kuvambira kumasero mamwe namamwe kusvikira kuzvisikwa zvipenyu zvakaoma kunzwisisa, kuvambira pamaatomu maduku kusvikira kumakwara enzou mahombe, zvinoratidza nhevedzano noururami. Mitemo yake yechisiko chose inoita kuti tironge upenyu hwedu nechivimbo. Tinoziva kuti zuva richabuda mangwanani mamwe namamwe uye kuti zhezha richatevera nguva yechando.—Genesi 8:22; Isaya 40:26.

Asi Jehovha anopfuura kuva Mwari wenhevedzano. Iye ndiyewo “Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11, NW; 1 VaKorinte 14:33) Mufarwa wake unoonwa muzvisiko zvake. Vana vekatsi vanotamba, kuvira kwezuva kwakaisvonaka, zvokudya zvinonzwisa nzara, nziyo dzinokurudzira, basa rinonyandura, uye zvimwe zvinhu zvakawanda zvinoratidza kuti iye airangarira kuti tifarikanye upenyu. Mitemo yake hadzisati dziri ganhuriro dzinotambudza asi dziviriro dzomufarwa wedu.

Jesu Kristu amene anotevedzera Baba vake. Iye ndiye “Mambo anofara oga bedzi” uye anozvibata zvomenemene sezvinoita Baba vake. (1 Timotio 6:15, NW; Johane 5:19) Apo akashanda naBaba vake mubasa rokusika, aipfuura kungova zvake “mhizha” inosanoita. Iye akanga achifara muizvo akaita. Iye akanga “achifara pamberi [paJehovha] nguva yose, achifara nenyika inobereka zvibereko yapasi rake, uye zvinhu izvo [iye] aida vakanga vari vanakomana vavanhu.”—Zvirevo 8:30, 31, NW.

Tinoda kuratidzira mutsa, mufaro, uye kuda zvakafanana nokuda kwavanhu muzvose zvatinoita. Pane dzimwe nguva, kunyanguvezvo, munhamburiko yokusanoita, tingakanganwa kuti “kufamba nenzira ine nhevedzano . . . nomudzimu” waMwari kunobatanidza kubereka zvibereko zvomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22-25, NW) Naizvozvo tinoita zvakanaka kubvunza kuti, Tinogona sei kuva zvose zviri zviviri vakarongeka uye vanofara mumubato wedu timene nomukutungamirira basa ravamwe?

Usava Ane Utsinye Kwauri Umene

Rangarira zano rakanaka rakanyorwa pana Zvirevo 11:17. Kutanga munyori akafuridzirwa anotiudza kuti “munhu une ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka.” Ipapo iye anoti mukupesana: “Asi usine tsitsi unotambudza nyama yake.” New International Version inokutaura neiyi nzira: “Munhu ane mutsa anozvibetsera amene, asi munhu ane utsinye anozviunzira amene kuvadziko.”

Tingava sei vane utsinye kwatiri timene tisingazivi? Nzira imwe iri kupfurikidza nokuva nevavariro yakanaka asi isina kurongeka chose chose. Nemiuyoi? Imwe nyanzvi inoti: “Kukanganisa kweyeuko, chinyorwa chakaiswa pasipo, murairo usina kunzwisiswa zvakakwana, runhare rwakanyorwa zvisina kururama—izvozvi hudzame huduku hwekundikano, makonye anodya jira rokusaneta ndokuparadza vavariro dzakanakisisa.”—Teach Yourself Personal Efficiency.

Ikoku kunobvumirana nomunyori akafuridzirwa uyo akati: “Naiye une usimbe pakubata kwake, munun’una womuparadzi.” (Zvirevo 18:9) Hungu, vanhu vasina kurongeka, vasingasanoiti vanogona kuparira ngwavaira noruparadziko kwavari vamene navamwe. Nemhaka yaikoku, vamwe vanowanzovadzivisa. Somuuyo weregeredzo yavo, ivo vanounza kuzviparadzanisa pavari vamene.

Imbwa Mhenyu kana kuti Shumba Yakafa Here?

Asi tinogona kuva vane utsinye kwatiri timenewo kupfurikidza nokugadza mipimo yakanyanyokwira. Tinogona kuvavarira, anodaro munyori ari pamusoro apo pamusoro pokusanoita, “mupimo wokukwana usingabviri kuwana zvakazara.” Muuyo wacho, iye anoti, “kuzvipinza timene pakupedzisira mukusafara nokuora mwoyo.” Munhu anoda zvakakwana angava akasanorongeka naanosanoita, asi haasati achizotongova anofara zvirokwazvo. Gare gare iye anowana bedzi kusafara.

Kana tichida kuva vanoda zvakakwana, tinoita zvakanaka kuyeuka kuti, “Imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.” (Muparidzi 9:4) Tingasazviuraya timene chaizvoizvo kupfurikidza nokuvavarira kusiri kwapachokwadi nokuda kwokukwana, asi tinogona kuzvikuvadza timene zvakakomba kupfurikidza nokuneta. Ikoku, chinoti chimwe chiremera, kunobatanidza “kuneta kwomuviri, kwemirangariro, kwomudzimu, kwoungwaru, uye pakati pavanhu.” (Job Stress and Burnout) Kuzvinetesa timene kupfurikidza nokuvavarira kusvika nharidzano dzisingasvikiki zvirokwazvo kuva noutsinye kwatiri timene uye nenzira isingadzivisiki kunotibira mufarwa.

Bata Nenzira Inotusa Newe Umene

Yeuka: “Munhu une ngoni, unoitira mweya wake zvakanaka.” (Zvirevo 11:17) Tinobata nenzira inotusa nesu timene apo tinogadza nharidzano dzechokwadi nedzine mufungo, tichirangarira kuti Mwari anofara, Jehovha, anoziva ganhuriro dzedu. (Pisarema 103:8-14) Tinogona kuva vanofara kana isuwo tikaziva ganhuriro idzodzo uye ipapo “kuita unani hwedu,” mukati mamano edu, kuti tiite misengwa yedu zvakanaka.—VaHebheru 4:11; 2 Timotio 2:15, NW; 2 Petro 1:10.

Chokwadika, nguva dzose pane ngozi yokuenda kukumwe kunyanyisa—kunyanyova nomutsa kwatiri timene. Usakanganwa mhinduro yaJesu kuchikarakadzo chomuapostora Petro, “Ivai nomutsa kwamuri mumene, Ishe,” apo, kutaura idi, chiito chakasimba chaidikanwa. Kufunga kwaPetro kwakanga kune ngozi kwazvo zvokuti Jesu akati: “Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri, nemhaka yokuti unofunga, kwete mifungo yaMwari, asi iyo yavanhu.” (Mateo 16:22, 23, NW) Kubata nenzira inotusa nomweya wedu timene hakusati kuchibvumira chimiro chendangariro chokusangwarira, chokuzvigutsa. Ichocho chinogonawo kutibira mufarwa wose. Kuva nomufungo, kwete kunyanyisa, ndiko kwatinoda.—VaFiripi 4:5.

Bata Nenzira Inotusa Navamwe

Vanyori naVaFarise vomuzuva raJesu sezvingabvira vaifunga kuti vaisanoita zvikuru uye vakarongeka. A Dictionary of the Bible rinoti nezvenzira yavo yokunamata: “Murairo weBhaibheri uri wose wakanga wakapoteredzwa nemirau miduku yakawanda. Hapana bvumiro yaiitwa yokuchinja migariro; teerero yakazara kuMutemo muudzame hwawo hwose yaidiwa norumano kumuJudha ari ose . . . Udzame hwapamutemo hwaiwanziridzwa kutozosvikira rudzidziso rwava bhizimisi, uye upenyu mutoro usingashiviririki. Vanhu vaideredzerwa kutsika dzokusafunga. Inzwi rehana raidzvinyirirwa; simba rokurarama reshoko rouMwari rakaitwa risingashandi ndokudzorwa pasi pemitemo yakawanda isingagumi.”

Hakushamisi kuti Jesu Kristu akavashurikidza nokuda kwaikoku. “Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura,” iye akadaro, “vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.” (Mateo 23:4) Vakuru vane rudo vanorega kuremedza boka nemitemo nemirairo miduku zvakawanda. Ivo vanobata nenzira inotusa neboka raMwari kupfurikidza nokutevera muenzaniso womutsa, unozorodza waKristu Jesu.—Mateo 11:28-30; VaFiripi 2:1-5.

Kunyange apo mitoro yokuronga inowanziridzika, vakuru vanoitira hanya havasati vachizotongorasikirwa nechiono cheidi rokuti ivo vari kubata navanhu—vanhu avo Mwari anoda. (1 Petro 5:2; 3, 7; 1 Johane 4:8-10) Ivo havasati vachizotongova vakabatikana kwazvo nezvinhu zvokuronga kana kuti miitiro zvokuti vanokanganwa basa ravo guru savafudzi, vachengeti, uye vadziviriri veboka.—Zvirevo 3:3; 19:22; 21:21; Isaya 32:1, 2; Jeremia 23:3, 4.

Kubatikana kwakakomba namarudungwe nenhamba, somuenzaniso, kungatsvikinyidzira kunze kuitira vanhu hanya. Rangarira muchairi webhazi uyo anofunga kuti basa rake guru kunamatira nenzira yokusanoita kurudungwe rwake chauya chauya. Iye anopedzwa nechishuvo chokubva pamugumo mumwe wenzira yake kuenda kumumwe munguva chaiyoiyo yakagoverwa. Sezvineiwo, mumurangariro vake, vakwiri vanodzonyongedza. Ivo vanononoka uye havana kurongeka uye nguva dzose vanosvika panomira bhazi apo chaipo anenge avakuenda. Panzvimbo pokuyeuka kuti donzo rose rebasa rake kubatira zvinodikanwa zvavatakurwi vake, iye anovaona sedzongonyedzo kukusanoita uye anovadzivisa.

Kutarisira Munhu Mumwe Nomumwe

Sundo isina tsitsi nokuda kwokusanoita kazhinji kazhinji inofuratira zvinodikanwa zvavanhu. Vanhu vasina simba, vasingasanoita vangaonwa semhinganidzo. Apo ikoku kunoitika, miuyo inotyisa inogona kutevera. Somuenzaniso, munyika yeguta yakare yeGirisi yeSparta, vana vasina simba nendonda vaisiiwa vari pachena kuti vafe. Ivo havasati vaizova varwi vakasimba, vanosanoita kuti vadzivirire nyika yakasimba, inosanoita. “Apo mwana aiberekwa,” anodaro muzivi Bertrand Russell, “baba vaimuunza pamberi pavakuru vemhuri yake kuti aongororwe: kana akanga akasimba, aidzorerwa kuna Baba kuti arerwe; kana akanga asina, aikandirwa mugomba rakadzama remvura.”—History of the Western Philosophy.

Rumano norutsigo, kwete mufarwa, zvakaratidzira nyika yakadaro ino utsinye. (Enzanisa naMuparidzi 8:9.) Pasina panikiro zviremera zveSparta zvairangarira kuti zvaiva nechisakiso chakanaka pachikonzero chokusanoita, asi mufambiro wazvo wakanga usina ngoni dzose kana kuti mutsa. Nzira yazvo yakanga isiri nzira yaMwari. (Pisarema 41:1; Zvirevo 14:21) Mukupesana, vatariri muungano yechiKristu vanoyeuka kuti makwai ose aMwari anokosha mumeso ake, uye vanobata nenzira inotusa nerimwe nerimwe rawo. Vanotarisira kwete chete 99 akasimba asiwo risina simba kana kuti rakavhiringidzwa mundangariro.—Mateo 18:12-14; Mabasa 20:28; 1 VaTesaronika 5:14, 15; 1 Petro 5:7.

Garai Pedyo Neboka

Vakuru vanogara pedyo neboka riri mutarisiro yavo. Nzvero yazvino uno mumitoo yebhizimisi, kunyanguvezvo, ingakarakadza kuti nokuda kwokusanoita kukurusa manija kana kuti mutariri anofanira kusanyanyova noushamwari naavo anotarisira. Mumwe munzveri anorondedzera miuyo yakasiana yakawanwa nomumwe murwi wamauto anorwira mudenga apo akanga ari pedyo kana kuti zvimwe kure navaduku vake: “Apo aiva noukama hwapedyo zvikuru navarwi [vake], vairatidzika kuva vanonzwa vakachengeteka uye havana kunetseka zvikuru pamusoro pokusanoita kwamapoka avo. Nokukurumidza apo akava asingasonganiri zvikuru naanofunga nezvenzvimbo yakakwirira, vatungamiriri vake vaduku vakavamba kunetseka kana chinhu chipi nechipi chakanga chakaipa . . . uye vakanangidzira funganyo dzavo mukupa ngwariro huru kubasa ravo. Somuuyo, pakanga pane wedzero inocherechedzwa mukusanoita kwomusasa.”—Understanding Organizations.

Ungano yechiKristu, kunyanguvezvo, haisati iri sangano rehondo. Vakuru vechiKristu vamene vanotarisira basa ravamwe vanotevedzera Jesu Kristu. Nguva dzose akanga ari pedyo navadzidzi vake. (Mateo 12:49, 50; Johane 13:34, 35) Iye haana kutongoshandisa zvisakafanira funganyo dzavo kuti awane kusanoita kukuru. Iye akavaka zvisungo zvakasimba zvokuvimbana nechivimbo pakati pake amene navateveri vake. Zvisungo zvapedyo zvechidakadaka chikuru zvakaratidzira vadzidzi vake. (1 VaTesaronika 2:7, 8) Apo kuva pedyo kwakadaro kunovapo, boka rinofara, rinosundwa zvizere norudo rwaMwari, richagamuchira zvakanaka nhungamiro pasina manikidziro uye vachaita unani hwavo mubasa rokudisa kwaari.—Enzanisa naEksodho 35:21.

Magwaro akawanda anosimbisa mavara echiKristu akafanana nomufarwa norudo nokuda kwouhama. (Mateo 5:3-12; 1 VaKorinte 13:1-13) Vashomanene zvikuru vanosimbisa kudikanwa kwokusanoita. Chokwadi, pane kudikanwa kwokuronga kwakanaka. Vanhu vaMwari nguva dzose vave vakarongeka. Asi funga kuti kazhinji kazhinji sei vanyori vamapisarema, somuenzaniso, vanorondedzera vabatiri vaMwari savanofara. Pisarema 119, iro rine zvakawanda zvokutaura pamusoro pemitemo, zviyeuchidzo, uye mirau zvaJehovha rinovamba, richiti: “Vakaropafadzwa avo vane nzira yakarurama, vanofamba mumurau waJehovha. Vakaropafadzwa vanochengeta zvipupuriro zvake, vanomutsvaka nomwoyo wose.” (Pisarema 119:1, 2) Unogona here kusangana nedenho yokuva zvose zviri zviviri akarongeka uye anofara?

[Mufananidzo uri papeji 28]

“Armillary sphere”—chinhu chakare chokumirira madenderedzwa amatenga

[Mufananidzo uri papeji 31]

Jehovha, soMufudzi ane rudo, ndiMwari kwete chete wenhevedzano asiwo womufarwa

[Kwazvakatorwa]

Garo Nalbandian

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe