RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 4/1 pp. 24-27
  • “Vazivisi voUmambo” Vanoshanda Mumvura Dzakawanda dzeGuyana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vazivisi voUmambo” Vanoshanda Mumvura Dzakawanda dzeGuyana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • MuDemerara
  • Kubva kuGilead kuenda kuPomeroon
  • Kutsvaka “Murume weWatchtower”
  • Nzendo Dzavafundisi Kuenda Mukati
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 4/1 pp. 24-27

“Vazivisi voUmambo” Vanoshanda Mumvura Dzakawanda dzeGuyana

GUYANA.a Iri shoko rechiAmerindia rinoreva “nyika yemvura.” Iro rinorondedzera zvakakodzera sei nharaunda yeiyi nyika bedzi inotaura chiNgezi muSouth America. Nyika yacho ine nzizi dzakawanda nehova dzadzo dzinodiramo, idzo dzinomonereka dzichibva kuGuiana Highlands dzichipfuura nomusango romunzvimbo dzapasi dzinopisa kusvikira kuAtlantic Ocean. Idzi nzira dzomumvura dzinoumba mutoo woupenyu unokosha nokuda kwemisha yakawanda namapurazi zvakapararira mumahombekombe madzo.

Zvapupu zvaJehovha muGuyana zvinoziva kuti apo Jesu akadeya kutaura kuti “aya mashoko akanaka oumambo [aizo]paridzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose,” ikoko kwaizobatanidza kuparidzira mashoko akanaka kuvanhu vanogara muidzi ndima dziri mumahombekombe morwizi. (Mateo 24:14, NW) Nokudaro, kwamakore, mapoka eZvapupu, zvakawanda zvazvo mapiona, akashandisa magwa, makuru namaduku, kushanda mumvura dzeGuyana kuendesa mashoko akanaka kuvanhu.

Kubetsera nebasa racho, Watch Tower Society muGuyana yakashandisa, kusvikira pamusi uno, ngarava dzemiti shanu dzinonzi Kingdom Proclaimer I kusvikira kuKingdom Proclaimer V. Iwo magwa akareba mamita manomwe, asina denga, ane pasi pakaita saV, emiti anonzi balahoo, akagadzirwa ndokuchengetwa nemhuri yeZvapupu. Achinongedzerwa kwaari norudo neZvapupu zvomunzvimbomo seProclaimers, maviri okutanga akaregedzeswa basa pashure pamakumi amakore ebasa. Nhamba III, IV, uye V, zvisinei, dziri kushingaira mubasa munzizi dzePomeroon, Mahaica, uye Demerara.

MuDemerara

MuBritain namativi eEurope, shoko rokuti “demerara” ringayeuchidza shuga yebhuraundi, zvikurukuru inobva kuminda iri muurwu rwizi rune madhaka nevhu. Pamahombekombe yokumadokero, mugwagwa unobva kumhenderekedzo yegungwa unoguma apo kurimwa kwenzimbe kunogumira. Mberi kwaikoko, Zvapupu zvinotsamira pangarava dzeKingdom Proclaimer kuendesa shoko rinonaka roUmambo hwaJehovha kuvagari vomumahombekombe orwizi—maHindu, maMuslim, uye maKristu nezita chete.

Nhimbe dzokuparidzira muDemerara dzinogona kuva nzendo dzezuva rimwe kana kuti dzinogona kugara mavhiki anoverengeka, kubva panokwidzirwa nokuburutsirwa zvinhu kusvikira kunokwidzirwa nokuburutsirwa zvinhu, kuvambira mangwanani kusvikira kurufuramhembwe. Panzendo dzousiku humwe, mapiona haasati achingobika bedzi ndokudyira muigwa asi anorarawo mariri. Apo usiku hunosvika, Proclaimer anosungirwa pamumangrove kana kuti anosungirirwa panomira ngarava kana pachiwanika. Matanda maviri ane mamita 2,5 anomiswa mberi neshure kwengarava. Tambo inokakatwa zvakasimba pamusoro paaya matanda maviri akamira, uye tende huru inoiswa paari kuumba denga, kana kuti pamusoro. Mapuranga anotsiva mibhedha, uye gumbeze nejira zvinobatira semetiresi. Pasinei zvapo naikoko, hope hadzitani kuuya pashure pezuva refu.

“Munoshamba mumvura ine madhaka here?” mapiona anobvunzwa kudaro.

“Kwete kana tichigona kukudzivisai!” ndiyo mhinduro yacho. “Panguva ipi neipi tinopfuura pedyo nemvura yakanaka, tinozadza migomo yedu nemvura yokubikisa, yokunwa, uye yokushamba.”

Tsungiriro yavo inotuswa nezvinoitika zvakaisvonaka zvakawanda. Pane imwe nhambo, mumwe murume akasvika panokwidzirwa nokuburutsirwa zvinhu, akamira akatanyarara, maoko akagonyaniswa, uye akatitarira nefariro huru. “Kingdom Proclaimer V”! Iye akarava kudaro zvinonzwika zita riri pamberi pengarava. “Imi munofanira kuva Zvapupu zvaJehovha. Ndimi vanhu bedzi munoshandisa shoko rokuti ‘umambo’ neiyi nzira. Mune Horo yoUmambo yenyu uye zvino Kingdom Proclaimer.”

Kubva kuGilead kuenda kuPomeroon

Basa muRwizi rwePomeroon rine mugariro wakati sianei, seizvo Frederick McAlman anoyeuka. Gore rimwe pashure pokupedza kwake kufunda kuWatchtower Bible School of Gilead muna 1970, iye akauya kuCharity, musha womurwizi rwomuruwa makiromita 34 munyika macho pamhenderekedzo yokumabvazuva yePomeroon, umo makanga mune boka ravaparidzi voUmambo vashanu.

“Kwamakore marefu mashanu, takava no‘mufarwa’ wokukwasva Proclaimer II tichikwira nokudzika muPomeroon tisati tawana muchina wekare, unofambisa igwa une simba ramabhiza matanhatu,” anorondedzera kudaro Hama McAlman. “Tichikwasva mufungu, taiparidzira tichidzika kumahombekombe okumabvazuva kutozosvikira tasvika kuHackney, [makiromita 11] kubva kumadiro. Ikoko, tairara zvakanaka pamusha paHanzvadzi DeCambra, muchingi aibatira nharaunda yacho panguva iyoyo. Nokukurumidza mangwanani aitevera, taipfuurira kudzika kunodira rwizi rwacho tisati tayambukira kumahombekombe okumadokero. Ipapo taidzokera [makiromita 34] kuenda kuCharity.”

Muchina une simba ramabhiza matanhatu wakavabatira zvakanaka kwamakore gumi. Ipapo, muna 1986, wakatsiviwa nomutsva, une simba ramabhiza 15. Pashure pokubatira nokutendeka muPomeroon kwamakore anopfuura 21, Hama McAlman anogona kutarira nepfungwa yokuita chinhu paHoro yoUmambo ichangobva kuvakwa kuCharity, zvino inoshandiswa neungano yavaparidzi 43, avo vanokwira vachidzika rwizi. Avhareji yavanopinda misangano inopfuura 60, uye paChirangaridzo cha 1992 chorufu rwaJesu Kristu, ivo vakava neboka ravane 190!

Kutsvaka “Murume weWatchtower”

Muvhuro izuva romusika paCharity. Naizvozvo inguva yakanaka yokuparidzira mashoko akanaka, uye Zvapupu zvirimo namagazini eNharireyomurindi naMukai! Rimwe zuva mukuvamba kwama 1970, Monica Fitzallen anobva Warimuri paMoruka akauya kumusika ndokugamuchira magazini maviri kuna Hama McAlman. Asi apo akasvika kumusha, akaisa magazini acho pasi pebhokisi rezvipfeko zvake.

“Akagaramo kwamakore maviri ndisina kuarava,” Monica anoyeuka kudaro. “Ipapo ndakarwara uye ndakaradzikwa kwenguva yakati. Sezvo ndakanaya, ndakatanga kuongorora chinhu chiri chose chokurava mumba kuti ndizvichengete ndimene ndakabatikana. Pakupedzisira, ndakayeuka magazini maviri mubhokisi rezvipfeko ndokuvamba kuaongorora.” Iye akaziva kunzwika kwezvokwadi nokukurumidza.

Apo Monica akanaya, akakumbira murume wake, Eugene, kuwana basa muPomeroon kuti agowana murume akamupa magazini acho. Eugene akabvuma asi akangogona bedzi kuwana basa papurazi munharaunda yePomeroon kwevhiki rimwe, kuvambira paMuvhuro kusvikira paChitanhatu masikati makuru.

Pakasvika Chitanhatu ichocho, Monica akanga achiri akanga asati awana murume akamupa magazini. Panenge pamasikati makuru, iye akabvunza murume wake kana fungu ringavabvumidza kukwasva vachienda kuCharity kundowana “murume weWatchtower.” Sezvo akangopedza chete kutaura, vakanzwa tsoka munzira ndokuona chiso chinonyemwerera cheimwe hanzvadzi yakanga ichiuya kuzogovera makopi azvino uno amagazini. “Imi muri mumwe wavanhu veWatchtower here?” Monica akabvunza kudaro. Naizvozvo mibvunzo yakawanda yakatevera zvokuti hanzvadzi yaitofanira kudzokera kugwa kundotora betsero. Akabvumikisa kuva ani? Ndiani mumwe kunze kwaHama McAlman!

Fundo yeBhaibheri kupfurikidza nokunyorerana yakarongwa. Nguva pfupi gare gare, Monica akatumira tsamba yake yokurega kuChechi yeAnglican. Mumhinduro iye akawana tsamba yakabva kumuprista: “Usateerera maJW. Ivo havanzwisisi Bhaibheri. Ndichauya kuzokurukura nhau yacho newe.” Kusvikira pamusi uno, muprista haasati auya. Munguvayo, Monica akabhapatidzwa muna 1975. Gore rimwe gare gare, murume wake, zvino anonzi nenzira yorudo Sekuru Eugene nehama, akabhapatidzwawo pashure pokunge asanoongorora Magwaro. (Mabasa 17:10, 11) Kunyange zvazvo vachigara kunoita maawa 12 neigwa kubva kuungano iri pedyosa muCharity, ivo vanoramba vari vaparidzi voUmambo vanoshingaira kusvikira kuzuva rino.

Nzendo Dzavafundisi Kuenda Mukati

Mumakore achangobva kupfuura aya Watch Tower Society yave ichitsigira nzendo dzavafundisi dzenguva dzose mukati chaimo. Kupfurikidza namagwa akashongedzerwa nemichina inofambisa, vazvipiri vanodisa vakaravidza mufaro wokuendesa mashoko akanaka kuvanhu vanogara munzvimbo dzeAmerindia nomunzanga dziri dzoga dzokutema miti nokurima mudzimwe dzenzira dzomumvura. Mapiona mupfungwa yechokwadi yeshoko racho, ane ropafadzo yokuendesa “zita raJehovha” rinoponesa upenyu kuidzi nharaunda dziri kure kwenguva yokutanga. (VaRoma 10:13-15) Hama dzinofanira kutsungirira nhamo dzakawanda, pane dzimwe nguva kuchaira magwa munzira dzomumvura kusvikira kumazuva matatu akazara kuti dzisvike dzimwe dzeidzi nzvimbo. Asi miuyo yakasanokufanira.

Mumwe murume muduku, muPentecostal anogara pedyo nenzanga yokutema miti yeKwebanna muRwizi rweWaini, akawanwa parwendo rwokutanga rwavafundisi munharaunda iyoyo muna July 1991. Pashanyo yokudzokerera muna October, fundo yeBhaibheri yakatangwa. Kwenguva yokutanga, iye akaona muBhaibheri rake amene kuti zita raMwari ndiJehovha, kuti Jesu haasati ari Wamasimba ose, uye kuti dzidziso yoUtatu haisati iri yapaMagwaro. (Pisarema 83:18; 1 VaKorinte 11:3) Iye akava nembavarira kwazvo zvokuti, pashure pokunge hama dzaenda, akaunganidza vaPentecostal biyake ndokutanga kuvaratidza mumaBhaibheri avo vamene zvokwadi pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu. Apo voruzhinji vakaramba zvokwadi, iye akasarudza kuti yakanga yava nguva yokurega ndokubuda mu“Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 18:2, 4, NW) Apo hama dzakadzokera kuzomuona muna February 1992, akadziudza chakanga chaitika ndokuwedzera, kuti: “Ndinoda kukukumbanirai. Ndinoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndinoda kudzidzisa vanhu zvokwadi!”

Zvinoitika zvakafanana naizvozvo zvinobetsera kuchengeta hama dzichipfuurira muiri basa rinodenha. Avo vanoenda panzendo dzavafundisi vanofanira kurega zvinonyaradza zvomusha, kuratidzirwa kuhosha dzakadai semararia, uye kutsungirira ngozi dzoupenyu hwomusango. Asi avo vanosara vanorasikirwawo nezvimwe zvinhu. Mhuri dzinoshaiwa vadiwa vadzo, padzimwe nguva kwamavhiki panguva. Ungano dzinofanira kushanda dzisina vakuru navamwe varume vaduku vadzo sezvo, muzvinoitika zvakati, hama imwe bedzi inosiiwa kuti itarisire zvinodikanwa zveungano. Bva, pane mufaro wakadini nekurudziro apo ungano inonzwa zvinoitika zvavo zvinonyandura pakudzoka kwavo! Ndyiko inova isingakoshi.

Vazivisi voUmambo avo vanoshanda mumvura dzakawanda dzeGuyana namashoko akanaka vanofarikanya chinoitika chechienzi zvirokwazvo. Pamwe chete navashandi biyavo kupota nyika, idzo “dzinopa kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake” noushingi uye nokudisa.—VaHebheru 13:15, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Yaichimbova British Guiana, zita racho rakachinjirwa kuGuyana pashure pokunge nyika yawana kuzvitonga kubva kuBritain muna 1966.

[Mepu dziri papeji 24]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

HONDURAS

NICARAGUA

COSTA RICA

PANAMA

VENEZUELA

COLOMBIA

GUYANA

SURINAME

FRENCH GUIANA

BRAZIL

BOLIVIA

ATLANTIC OCEAN

[Mifananidzo iri papeji 26, 27]

Kuruboshwe: Kupupurira pazuva romusika

Pamusoro: Kukurukura mashoko akanaka muRwizi rweDemerara

Pamusoro kurudyi: Boka ravafundisi rinokwasva richidzokera kumusasa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe