Kubvisa Zvinoshatisa Mumwoyo Nendangariro
JEHOVHA haana kupa vanhu chishuvo chetsvina kana kuti nyongano. Musha wavo wapasi wakarongedzerwa kuva paradhiso yorucheno, yenhevedzano, uye yorunako. Mwari haana kuronga kuti rishate kuva chirasiro chinosemesa.—Genesi 2:8, 9.
Zvisinei, pashure pokunge vanhu varamba nhungamiro youmwari, ivo vakavamba kuvaka rudzi rwavo vamene rwenhevedzo yenyika. Vasina betsero youchenjeri hwoumwari uye vasina ruzivo rwokuzviwanira, ivo vakamanikidzirwa kudzidza nokuedza. Nhau yenyika inosimbisa zvokwadi yeBhaibheri yokuti vanhu havagoni kuzvitonga vamene nenzira inobudirira; kwezviuru zvamakore “munhu akatonga munhu kusvikira kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW; Jeremia 10:23) Chinetso chazvino uno chokushatisa, muzvimiro zvacho zvose, muuyo wokutonga zvisakafanira kwavanhu.
Kugamuchira Murangariro waMwari
Vanhu vanoshuva kufadza Mwari vanoedza zvakaoma kurarama mukuwirirana nemipimo yoMusiki yorucheno. Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvakatarisana nechinetso apo kokorodzano yamarudzi ose yakarongwa kuitwa muPrague, Czechoslovakia, pakati pa 1991.a Vanhu vanenge vane 75 000 vaizova vachipinda, boka iro Strahov Stadium yaigona kukwana zvakanaka. Asi nhandare yacho yakanga isina kushandiswa kwamakore mashanu. Yakanga yashata, nyajambwa anosemesa wemigariro yokunze. Vane 1 500 veZvapupu zvaJehovha vakapedza maawa anopfuura 65 000 vachiivandudza nokuipendazve. Pakasvika nguva yekokorodzano iyi nhimbe yokuchenesa yakanga yaita nhandare nzvimbo yakafanira mokunamatira Mwari wechokwadi, Jehovha.
Chiiko chinosunda Zvapupu zvaJehovha kuva zvakasiana, apo nyika yose zvayo inoratidza kukoshesa kuduku kwakadaro nokuda kworucheno nenhevedzano? Kuonga zano reBhaibheri rokuti maKristu anofanira kubvisa mavara akaipa, akadai soudyire, kusarangarira, makaro, uye kushaikwa kworudo. “Bvisai hunhu hwekare nemiitiro yahwo,” Bhaibheri rinodaro. Hutsive “nohunhu hutsva uhwo kupfurikidza nezivo yakarurama huri kuvandudzwa mukuwirirana nomufananidzo woUyo akahusika.” Hunhu hunoratidzirwa norudo rworucheno, nhevedzano, uye runako hahuna nzvimbo yekombamiro dzinoshatisa.—VaKorose 3:9, 10, NW; 2 VaKorinte 7:1; VaFiripi 4:8; Tito 2:14.
Hunhu hutsva hunoda kuti maKristu angwarire zvinoshatisa, kwete kushatisa zvisiri madikanwa kana kuti kufuratira nenzira yokusateerera mitemo inorwisana nokushatisa iyo hurumende inoita. Hunoabetsera kudzivisa kugamuchira chimiro chendangariro chokukanda, choudyire, uye chenungo icho chinotungamirira kukurasa tsvina. Kupfurikidza nokusimudzira ruremekedzo nokuda kwezvinhu zvavamwe, hunobvisa kushandisa zvinombarambadzwa senzira yokuratidzira nayo mifungo nemirangariro, somufaro usina mhaka, kana kuti sechimiro chokunyora chakasiana. Hunoda kuti misha, motokari, zvipfeko, uye miviri zvichengetwe zvakachena.—Enzanisa naJakobho 1:21.
Pamusoro pavanhu vasingadisi kupfeka uhu hunhu hutsva, mhaka inogona kuwanwa ina Mwari here yokuvadzivisa paupenyu muParadhiso yake inouya? Haisva. Ani naani achange ane kombamiro dzinoshatisa mumwoyo make kana kuti ndangariro aizotyisidzira runako runodzorerwa rweparadhiso yePasi, kurusuruvaro rukuru rwaavo vanoshuva kuichengeta. Chisarudzo chaMwari cho“kuparadza avo vanoparadza pasi” chiri zvose zviri zviviri chakarurama nechorudo.—Zvakazarurwa 11:18, NW; Zvak. 21:8.
Tinofanira Kutora Rutivi Rwokushingaira Here?
Ikoku kunoreva here, zvisinei, kuti maKristu anodikanirwa kusimudzira gadziriro dzinorwisana nokushatisa kana kuti dzokuchenesa?
Kushatisa nenzira yakajeka kunokuvadza kuutano nekotsekano yavanhu. Jehovha ane itiro hanya yakafanira pamusoro pezvinhu zvakadaro, sezvatinogona kuona mumitemo iyo iye akapa vaIsraeri. (Eksodho 21:28-34; Dheuteronomio 22:8; 23:12-14) Asi hapana nguva apo akavaraira kunyengetedza mamwe marudzi pamusoro pezvinhu zvekotsekano yavanhu; uyewo maKristu omuzana rokutanga ramakore haana kumboudzwa kuita saizvozvo.
Nhasi, zvinhu zvemhoteredzo zvinogona kusatana kuva nhau dzezvamatongerwe enyika. Kutaura idi, mamwe mabato ezvamatongerwe enyika akaumbwa nenzira yakananga nokuda kwedonzo rokupedza zvinetso zvemhoteredzo. MuKristu anozvirega amene achipesvedzerwa kutsigira mune zvamatongerwe enyika haasati achisiri asingatori rutivi mune zvamatongerwe enyika. Jesu akavanzarika nokuda kwavadzidzi vake nheyo, inoti: “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” MuKristu anozvidza chinodikanwa ichocho anopinda mungozi yokuva anotsigira “vatongi vetsika ino yezvinhu, avo vachaparadzwa.”—Johane 17:16; 1 VaKorinte 2:6, NW.
Jesu haana kuedza kupedza zvinetso zvose zvenzanga zvezuva rake; uyewo haana kuudza vadzidzi vake kuita saizvozvo. Murairo wake kwavari wakanga uri: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” Iye haana kuvaraira pamusoro pemiitiro yemhoteredzo.—Mateo 28:19, 20, NW.
Achitsanangura chinofanira kuva nenzvimbo yokutanga muupenyu hwomuKristu, Kristu akati: “Rambai, ipapoka, muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Mateo 6:33, NW) Apo Jehovha, kupfurikidza noUmambo hwouMesia, anoita kuti nheyo dzake dzakarurama dziteererwe pamwero wapasi, zvinetso zvemhoteredzo zvichapedzwa zvechigarire uye kugutsikano yavose.
Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvine chimiro chakadzikama. Nemhaka yaVaRoma 13:1-7, kwakafanira kuti izvo zviteerere nenzira yokutungamirirwa nehana mitemo yehurumende inodzora mhoteredzo. Mukuwedzera, rudo rwoumwari rwomuvakidzani runozvisunda kuratidza ruremekedzo nokuda kwezvinhu zvavamwe—zvavose kana kuti zvomunhu oga—kupfurikidza nokusazvishatisa uye kupfurikidza nokusarasa tsvina nokusasarura. Asi hazvirairwi nenzira yakajeka kuti zvitungamirire mugadziriro dzenyika dzokuchenesa. Izvo nenzira yakarurama zvinoisa kuparidzira shoko roUmambo hwaMwari pakutanga, zvichiziva kuti iyi ndiyo nzira yokuita nayo chakanaka chinogarisa.
Kuchenesa Kwomudzimu
VaIsraeri vakare vainyeverwa vanyeverwazve nezvemiuyo kana vakashatisa pasi kupfurikidza nokudeura ropa, kupfurikidza nokugamuchira mararamiro outere, kana kuti kupfurikidza nokuratidza ruzvidzo nokuda kwezvinhu zvinoyera. (Numeri 35:33; Jeremia 3:1, 2; Maraki 1:7, 8) Nenzira inokosha, ivo vakashurikidzwa nokuda kwouku kushatisa kwomudzimu, kwete nokuda kwokushatisa kupi nokupi kwomuviri uko vangavewo vakava nemhaka yako.b
Naizvozvo, ndiko kusvibisa kwomudzimu kana kuti kusachena uko muKristu nhasi anovavarira zvikurukuru kudzivisa. Anoita ikoku kupfurikidza nokupfeka “hunhu hutsva,” uhwo hunobvisa kombamiro dzinoshatisa mumwoyo nendangariro. Vanopfuura mamirioni mana veZvapupu zvaJehovha vari kubetserwa nouku kuchenesa kwomudzimu, vachiwana mukati mamapoka avo rucheno rworudzidziso norwetsika, pamwe chete norucheno rwomuviri runokosha.—VaEfeso 4:22-24, NW.
Nhasi ndiyo nguva yenhimbe yokuchenesa kwomudzimu. Nhimbe yokuchenesa mumuviri mupasi rose ichatevera munguva yakafanira uye ichaponesa musha wedu pakuva chirasiro chenyika yose kupfurikidza nokuripa mhoteredzo isina zvinoshatisa yayakafanirwa nayo.—Muparidzi 3:1.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwomushumo uno udzame paiyi nhevedzano yekokorodzano dzokuEastern Europe, ona Mukai! waDecember 8, 1991.
b VaIsraeri vakanga vakarovedzana nomuitiro wokunyungudutsa. Zvisaririra zvakawanwa zvemimwe yemigodhi yavo yomukore, uye mukore wainyungudutswa kugadzira zvinhu zvetembere. (Enzanisa na 1 Madzimambo 7:14-46.) Kunoratidzika kuva kusingabviri kuti uyu muitiro wokunyungudutsa waigona kuva wakapfuuridzirwa pasina kuparira mwero wakati wokushatisa muchimiro choutsi, dross, uye slag, zvichida nemimwe miuyo. Bva, Jehovha sezviri pachena akanga achidisa kushivirira mwero muduku wokusachena kwomunzvimbomo muiyi nharaunda yakanga isina kugarwa zvakakwana neiri yoga.