Paradhiso kana kuti Chirasiro—Ndechipi Chaunoda?
HAPANA munhu angadai akamukanganisa nokuda kwechinhu chipi nechipi kunze kweizvo akanga ari: mushanyi weEurope aida zororo uye aidisa kufarikanya mushana pachitsuwa cheparadhiso. Achidarika makomo ejecha makuru ari pedyo nemhenderekedzo yegungwa, iye akawana nokungwarira nzira yake mumarara amabhotoro, makeni, masaga epurasitiki, chingamu nezvinoputirisa siwiti, mapepanhau, uye magazini zvakaraswa. Ashatiriswa nenzira yakajeka, iye akashamisika kana iyoyi yakanga iri paradhiso yaakanga afamba kuti asvike.
Wati wambova nechinoitika chakafanana here? Neiko vanhu vachifunga pamusoro pokuva nezororo muparadhiso yakati, asi vangovako bedzi, sezvinooneka havazenguriri pamusoro pokuichinja kuva chirasiro chaichoicho?
Hamusati Muchingova Chete mu“Paradhiso”
Uku kuzvidzwa kuri pachena kworunako, rutsvindo, uye rucheno hakusati kuri kwechienzi ku“maparadhiso” uko vashanyi vakawanda vanodirana. Chaunga chazvino uno chinorwadziwa zvakakomba nezvinoshatisa munodokuva munzvimbo iri yose. Mabhizimisi akawanda anoshatisa pamwero mukuru kupfurikidza nokuparira matani ezvinhu zvine tsvina. Tsvina ine chepfu inobatwa zvisakafanira uye kurasika kwamafuta kwetsaona kunotyisidzira kuparadza nharaunda huru dzapasi redu, kuchidziita dzisina kukodzera nokuda kwoupenyu.
Hondo dzinoshatisawo. Sezvo nyika yakatarira ichitya, hondo yePersian Gulf ya 1991 yakawedzera ukuru hutsva. Mauto eIraqi akatungidza mwoto namaune matsime amafuta 600, kuchishandura Kuwait “kuva chiono chaapocalypse chehero,” seizvo pepanhau reEurope rakachirondedzera. Magazini yeGermany Geo yakadana inferno yacho kuti “ngwavaira yemhoteredzo hurusa yati yaitwa noruoko rwomunhu.”
Pamugumo wehondo yacho, basa rokuchenesa rakakurumidza kuvambwa. Kungodzima chete matsime amafuta anopfuta kwakabatanidza mwedzi yakawanda yebasa rakaoma. World Health Organization yakashuma kuti kushatisa kwakawedzerwa muKuwait kungaparira mwero worufu imomo kukura negumi muzana.
Vane Ngozi Zvishoma asi Vanoshatirisa Zvikuru
Nokuda kwomuenzaniso uri wose wakatanhamara nowakaipa wokushatiswa kwemhoteredzo kwomwero mukuru, kune zviuru zvemienzaniso yomwero muduku. Vanorasa-rasa marara na“vambarambadzi” vangava vashatisi vane ngozi zvishoma, asi ivo kunyanguvezvo vanobetsera kubira Pasi kubvira kwaro yokuva paradhiso.
Munzvimbo dzakati kumbarambadza kunozivikanwa navose kwazvo zvokuti vagari vemo vazova “vasingacherechedzi zvakambarambadzwa,” vasingatongozvionizve. Izvo zviri pazvitima zvinofamba napasi pevhu, pamadziro ezvivako, uye padzimba dzorunhare. Zvakambarambadzwa hazvisati zvichakaganhurirwazve kumadziro nezvimbudzi zvavose.
Mamwe maguta akazara nezvivako zvakakoromoka nezvisina vanhu. Nharaunda dzinogarwa dzakashatiswa nemisha noruvazhe zvisina kutsvinda. Motokari dzakasakara, michina yakaraswa, uye marara zvinozadza nhandare dzamapurazi idzo dzingagona nezvisizvo kuva dzinokwezva nenzira inofadza.
Mumapoka akati vanhu vanoratidzika kuva vasina hanya pamusoro pokuva nemiviri isina kuchena neisina kutsvinda. Kufamba wakapfeka zvouyanga uye usina kutsvinda zvingava zvisingagamuchiriki bedzi asi kunyange zvazvino uno. Avo vanokoshesa rutsvindo norucheno vanorangarirwa savechinyakare zvisina netariro yose.
Ibasa Hombe Rakadini!
Inhimbe yokuchenesa hombe yakadini yaizova iri madikanwa kushandura mhenderekedzo dzegungwa, masango, uye makomo zvomusha wedu wapasi kuva maparadhiso akapikichwa pamabutiro amagazini anopenya avashanyi—tisingadudzi chaizofanira kuitwa kumaguta, mataundi, uye mapurazi uye kuvanhu vamene!
Mushanyi adudzwa pamusoro apa akafadzwa nokuona boka ravachenesi richipfuura nomunharaunda yacho gare gare muzuva racho richibvisa zvidimbu zvikuru zvamarara. Ivo vakasiya shure, zvisinei, zvidimbu zvamagirazi akapunzika, zvivharo zvamabhotoro, zvibatiso zvamatini, uye zvigutsvani zvemidzanga zvakawanda zvokusagona kuverengwa. Naizvozvo kunyange pashure pokuchenesa, pakanga pachine ufakazi hwakawanda hwokuti nzvimbo yacho yakanga ichiri yakasanofanana zvikuru nechirasiro kupfuura paradhiso.
Kuchenesa pasi kudzivirira Pasi kuva chirasiro chapasi kwaizoda kubvisa zvisaririra zvose zvakadaro zveizvi zvakaipa. Pane kariro dzipi nedzipi here dzokuti kuchenesa kwakadaro kuchaitika? Kana zvakadaro, sei? Ndiani achakuita? Rini?