RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 2/15 p. 7
  • Farira Pasi Rakachena Riri Mberi!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Farira Pasi Rakachena Riri Mberi!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Paradhiso kana kuti Chirasiro—Ndechipi Chaunoda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kubvisa Zvinoshatisa Mumwoyo Nendangariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Jehovha Anoda Vanhu Vakachena
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Rucheno—Runombonyatsorevei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 2/15 p. 7

Farira Pasi Rakachena Riri Mberi!

TINOGONA kuva vanofara sei kuti Jehovha, Mwari wenhevedzano norucheno, achazadzika donzo rake rapakuvamba rokuita kuti pasi rive paradhiso yapasi! (Isaya 11:6-9) Iye anopikira, kuti: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; . . . harisati richizodzokera kwandiri risina miuyo, asi richaita zvamazvirokwazvo chandakafarira machiri.” “Hakubviriri Mwari kureva nhema,” naizvozvo aya haasati ari mashoko asina maturo.—Isaya 55:11; VaHebheru 6:18, NW.

Tinogona kunyaradzwa kuti Jehovha achapindira nenzira yorudo vanhu vasati vasvika panzvimbo yokusadzoka, mberi kwenzvimbo yacho kupunzika kwakakwana kwezvipenyu nemhoteredzo yazvo kwaizova kusingadzivisiki!—Zvakazarurwa 11:18.

Jehovha achabvisa vashatisi vasingapfidzi, vakaipa navanhu vanofuratira nenzira yokupandukira nheyo dzake dzenhevedzano norucheno. Hakuna munhu achabvumidzwa kupinza mungozi Paradhiso inodzorerwa.—Zvirevo 2:20-22.

Mukati mokutonga kwoUmambo hwaMwari, munhungamiro yaKristu Jesu, vanhu vachadzidziswa nzira yokubvisa nayo zvisakiso zvipi nezvipi zvinosara zvinoshatisa muviri. Ipapo—kwete zvino—ndipo apo kuchava kuri madikanwa kuti vose vavabatiri vaMwari vabatanidzwe nenzira yokushingaira mugadziriro dzomunhu oga nedzeboka idzo dzichagovera kukucheneswa kwapasi kusina muenzaniso.—Enzanisa naEzekieri 39:8-16.

Vapukunyuki vomugumo wetsika yakaipa yazvino yezvinhu vachatsigira iyi gadziriro yokuchenesa yomuviri nokuzvipira kumwe cheteko nembavarira zvavanotora nazvo rutivi munhimbe yokuchenesa yomudzimu yanhasi.—Pisarema 110:3.

Pasi racheneswa rinosungirwa kuuya, rinotungamirirwa nenhimbe yokuchenesa hurusa yenguva dzose, inoitwa noUmambo hwaMwari. Zvisaririra zvose zvokushatisa zvichabviswa. Hakusati kuchizova nezvinombarambadzwa kupi nokupi. Hakusati kuchizovazve namarara amabhotoro, makeni, masaga epurasitiki, chingamu nezvinoputirisa siwiti, mapepanhau, uye zvakaraswa zvokuzadza mhenderekedzo yegungwa ipi neipi kana nzvimbo yeparadhiso.

Farira pasi rakachena riri mberi!

[Mufananidzo uri papeji 7]

Uchave uchitora rutivi here mukuchenesa pasi kunouya?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe