Kuzviisa Pasi Kwoumwari—Nei Uye Naani?
“Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—JEREMIA 10:23.
1. Zvimiroi zvokuzvimirira zvakakosheswa zvakapararira?
PAKATI pezvakatanhamara zvikurusa zvezvinyorwa zvavanhu pane Ziviso Yokuzvimirira, kupfurikidza nayo nyika 13 dzeBritain muNorth America muzana ramakore rechi 18 dzakazivisa kuzvimirira kwadzo kubva kunyika yavabereki vadzo, Britain. Dzaida rusununguko, uye kuzvimirira paudzori hwokumwe norusununguko zvakafambidzana. Kuzvimirira kwezvamatongerwe enyika uye kwezvemari kunogona kuva betsero huru. Munguva dzazvino uno dzimwe nyika dzokuEastern Europe dzakananga kukuzvimirira kwezvamatongerwe enyika. Zvisinei, kunofanira kubvumwa kuti munyika idzodzo kuzvimirira kwakadaro kwakauya nezvinetso zvakakomba zvakawanda.
2, 3. (a) Chimiroi chokuzvimirira chisingadikanwi? (b) Iri idi rakajekeswa sei pakutanga?
2 Kunyange zvazvo zvimiro zvakasiana-siana zvokuzvimirira zvingadikanwa, pane chimiro chimwe chokuzvimirira chisingadikanwi. Ndechipi ichocho? Kuzvimirira paMuiti womunhu, Jehovha Mwari. Ikoko hakusi chikomborero asi chituko. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti munhu haana kutongonzi aite nenzira yokuzvimirira paMuiti wake, seizvo mashoko omuporofita Jeremia anokorwa pamusoro apa anoratidza nenzira yakakodzera kwazvo. Namamwe mashoko, munhu akanzi azviise pasi poMuiti wake. Kuzviisa pasi poMusiki wedu kunoreva kumuteerera.
3 Idi iroro rakajekeswa zvakasimba kuvaviri vokutanga vohunhu kupfurikidza nomurairo waJehovha kwavari sezvakanyorwa pana Genesi 2:16, 17, kuti: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” Kuramba kuzviisa pasi poMuiti wake kwakaunzira Adhama navana vake vose chivi, kutambura, uye rufu.—Genesi 3:19; VaRoma 5:12.
4, 5. (a) Kuramba kwavanhu kuzviisa pasi paMwari kwakaguma nei? (b) Mutemoi wetsika usinganzvengeki?
4 Kuramba kwavanhu kuzviisa pasi paMwari wedu hakusi kuchenjera uyewo kwakaipa mutsika. Kwakaguma nokupararira munyika kwokusateerera mutemo, utsotsi, masimba masimba, uye utere hwevatano nemiuyo yahwo yehosha dzinopfuudzwa muvatano. Kunze kwezvo, denda ranhasi routsotsi hwavaduku hariparirwi here zvikurukuru nokuramba kwepwere kuzviisa pasi paJehovha, uyewo pavabereki vavo uye pemitemo yenyika? Uyu mudzimu wokuzvimirira unooneka nenzira yechienzi uye youchapa iyo vanhu vakawanda vanopfeka nayo uye mumutauro wakashata uyo vanoshandisa.
5 Asi hapana kutongopukunyuka mutemo wetsika woMusiki usingachinjiki wetsika, unoti: “Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti unodyarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama.”—VaGaratia 6:7, 8.
6, 7. Chii chiri chisakiso chikuru chokuramba kuzviisa pasi, sezvinoonwa kupfurikidza nemienzanisoi?
6 Chii chiri chisakiso chokutanga chokuramba kuzviisa pasi kwose ikoku? Kukataurwa zvakapfava, hudyire norudado. Ndicho chikonzero nei Evha, mukadzi wokutanga, akazvirega amene achinyengedzwa nenyoka ndokudya muchero wakarambidzwa. Kudai aiva nomwero uye anozvininipisa, muedzo wokuva akafanana naMwari—kuzvisarudzira amene chiri chakanaka uye chakashata—ungadai usina kumufadza. Uye kudai akanga asina udyire, angadai asina kuda chimwe chinhu chakanga charambidzwa nenzira yakajeka noMuiti wake, Jehovha Mwari.—Genesi 2:16, 17.
7 Isiri nguva refu pashure pokuwa kwaAdhama naEvha, rudado noudyire zvakaparira Kaini kuponda munun’una wake Abheri. Uyewo, udyire hwakaparira ngirozi dzakati kuita nenzira yokuzvimirira, dzichisiya nzvimbo yadzo yapakuvamba uye kupfeka miviri yohunhu kuti dzifarikanye mifaro yokunyama. Rudado noudyire zvakasunda Nimirodhi uye zvakaratidzira vabati ushe venyika vakawanda zvikurusa chifo chenguva yake.—Genesi 3:6, 7; 4:6-8; 1 Johane 3:12; Judhasi 6.
Chikonzero Nei Tichifanira Kuzviisa Pasi paJehovha Mwari
8-11. Ndezvipi zviri zvikonzero zvina zvakasimba zvokushandisa kwedu kuzviisa pasi kwoumwari?
8 Neiko tichifanira kuzviisa pasi poMuiti wedu, Jehovha Mwari? Kutanga kwazvose nemhaka yokuti ndiye Changamire weChisiko chose. Chiremera chose nenzira yakarurama chinogara muna iye. Ndiye Mutongi wedu, Mupi womutemo, uye Mambo. (Isaya 33:22) Kwakanyorwa zvakanaka nezvake, kuti: “Zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso paiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.”—VaHebheru 4:13.
9 Uyezve, sezvo Muiti wedu ari wamasimba ose, hapana munhu anogona kumushora nenzira inobudirira; hapana munhu anogona kufuratira musengwa wake wokuzviisa pasi Pake. Pakupedzisira, avo vanoramba vachaparadzwa sezvakaitwa Farao wekare uye sezvichaitwa Satani Dhiabhorosi munguva yakafanira yaMwari.—Pisarema 136:1, 11-15; Zvakazarurwa 11:17; 20: 10, 14.
10 Kuzviisa pasi musengwa wezvisikwa zvose zvakangwara nemhaka yokuti zviripo nokuda kwedonzo rokubatira Muiti wazvo. Zvakazarurwa 4:11 inozivisa, kuti: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.” Ndiye Muumbi Mukuru, uye anoita kuti midziyo yavanhu ibatire donzo rake.—Isaya 29:16; 64:8.
11 Hatifaniri kufuratira idi rokuti Muiti wedu ndowokuchenjera kwose, naizvozvo anoziva chakanakisisa nokuda kwedu. (VaRoma 11:33) Mitemo yake ndeye‘nakirwo yedu.’ (Dheuteronomio 10:12, 13) Kupfuura zvose, “Mwari rudo,” naizvozvo anongoda bedzi chiri chakanakisisa nokuda kwedu. Zvakawanda sei zvikonzero zvatinazvo zvokuzviisa pasi poMuiti wedu, Jehovha Mwari!—1 Johane 4:8.
Jesu Kristu, Muenzaniso Wakakwana Wokuzviisa Pasi Kwoumwari
12, 13. (a) Jesu Kristu akaratidzira sei kuzviisa pasi kwoumwari? (b) Mashokoi aJesu anoratidza chimiro chake chendangariro chokuzviisa pasi?
12 Pasina nepanikiro yose, Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, anotipa muenzaniso wakakwana wokuzviisa pasi kwoumwari. Muapostora Pauro anoonesa ikoku pana VaFiripi 2:6-8, achiti: “[Jesu], kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndichinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanika nomufananidzo womunhu, akazvininipisa[zve], akateerera kusvikira parufu, irwo rufu [padanda rokutambudzira, NW].” Apo aiva pasi pano, Jesu akataura ataurazve kuti aisaita chinhu oga; iye haana kuita nenzira yokuzvimirira, asi nguva dzose akaramba achizviisa pasi paBaba vake vokudenga.
13 Tinorava pana Johane 5:19, 30, kuti: “Zvino Jesu akapindura, akati kwavari: ‘Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo. Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.’” Nenzira yakafanana, akanyengetera anyengeterazve pausiku hwokushambadzwa kwake, achiti: “Kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”—Mateo 26:39, 42, 44; onawo Johane 7:28; 8:28, 42.
Mienzaniso Yakare Yokuzviisa Pasi Kwoumwari
14. Noa akaratidza kuzviisa pasi kwoumwari munzirai?
14 Pakati pemienzaniso yapakuvamba yavanhu yokuzviisa pasi kwoumwari paiva naNoa. Akaratidzira kuzviisa pasi kwake munzira nhatu. Yokutanga, kupfurikidza nokuva murume akarurama, asina mhosva pakati pavararami vapanguva imwe cheteyo vake, achifamba naMwari wechokwadi. (Genesi 6:9) Yechipiri, kupfurikidza nokuvaka areka. Iye “akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.” (Genesi 6:22) Yechitatu, kupfurikidza nokuzivisa nyevero yaMafashamo aiuya so“muparidzi wokururama.”—2 Petro 2:5.
15, 16. (a) Abrahama akagadza muenzanisoi wakaisvonaka mukuzviisa pasi kwoumwari? (b) Sara akaratidza sei kuzviisa pasi?
15 Abrahama aiva mumwe muenzaniso wakatanhamara wokuzviisa pasi kwoumwari. Akaratidzira kuzviisa pasi kupfurikidza nokuteerera murairo waMwari, wokuti: “Ibva panyika yako.” (Genesi 12:1) Ikoko kwakareva kusiya mhoteredzo yake yakanaka yomuUri (guta rakanga risati riri risingakoshi, sezvinoratidzirwa nezviwanikwa zvavanochera matongo) kuti afambe-fambe somudzungairi munyika yokumwe kwezana ramakore. Abrahama akaratidza kuzviisa pasi kwoumwari zvikurukuru kupfurikidza nokusangana nomuedzo mukuru wokuva anodisa kubaira mwanakomana wake Isaka.—Genesi 22:1-12.
16 Mudzimai waAbrahama Sara anotigovera mumwe muenzaniso wakaisvonaka wokuzviisa pasi kwoumwari. Kudzungaira munyika yechienzi pasina panikiro kwakauya nezvinetso zvakawanda, asi hapana patinorava nezvokunyunyuta kwake. Iye akagadza muenzaniso wakaisvonaka wokuzviisa pasi kwoumwari muzvinoitika zviviri apo Abrahama akamupa sehanzvadzi yake pamberi pavatongi vechihedheni. Nguva dzose dziri mbiri akabatira pamwe, kunyange zvazvo iye akadokuva mutezokadzi weimba yavo somuuyo. Chinopupurira kuzviisa pasi kwoumwari kwake inzira yake yokunongedzera mukati make amene kumurume wake, Abrahama, sa“tenzi wangu,” kuchiratidza kuti ikoko ndiko kwaiva chimiro chechokwadi chomwoyo wake.—Genesi 12:11-20; 18:12; 20:2-18; 1 Petro 3:6.
17. Nei kuchigona kutaurwa kuti Isaka akaratidza kuzviisa pasi kwoumwari?
17 Ngatiregei kufuratira muenzaniso wokuzviisa pasi kwoumwari wakagoverwa nomwanakomana waAbrahama Isaka. Gamuchidzanwa rechiJudha rinoratidzira kuti Isaka akanga ava namakore anenge 25 okukura apo Jehovha akaraira baba vake, Abrahama, kumupa sechibairo. Kudai Isaka akanga ada, aigona nenzira iri nyore kuva akadzivisa baba vake, avo vaiva nezana ramakore kupfuura zvaakanga akaita. Asi aiwa. Kunyange zvazvo Isaka akashamisika pamusoro pokusava nemhuka yechibairo, nenzira younyoro akabvuma kuiswa kwake nababa vake paatari uye ipapo kumusunga maoko namakumbo kudzivisa kana kuti kudzora kuita kusingadzivisiki kupi nokupi kungadai kwakaitika kudai banga rokuuraya naro rakanga rashandiswa.—Genesi 22:7-9.
18. Mosesi akaratidza sei kuzviisa pasi kwoumwari kwomuenzaniso?
18 Makore gare gare, Mosesi akagadza muenzaniso wakanaka nokuda kwedu mukuzviisa pasi kwoumwari. Zvamazvirokwazvo ikoko kunoratidzirwa kupfurikidza nokurondedzerwa kwake so“munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Kuita kwake nenzira yokuteerera mirairo yaJehovha kwamakore 40 murenje, kunyange zvazvo aitarisira vanhu vanopandukira vaisvika mamirioni maviri kana kuti matatu, kunopupurirazve kuzviisa pasi kwake kwoumwari. Nokudaro chinyorwa chinotaura kuti “Mosesi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.”—Eksodho 40:16.
19. Jobho akaratidza kuzviisa pasi kwake paJehovha kupfurikidza nokutaurai?
19 Jobho ndimumwe munhu akatanhamara akatigadzira muenzaniso wakaisvonaka mukuzviisa pasi kwoumwari. Pashure pokunge Jehovha abvumidza Satani kuparadza pfuma yose yaJobho, kuuraya vana vake, uye ipapo kumurova na“maronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake,” mudzimai waJobho akati kwaari: “Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako.” Kunyanguvezvo, Jobho akaratidza kuzviisa pasi kwake kwoumwari kupfurikidza nokutaura kwaari, kuti: “Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” (Jobho 2:7-10) Anoratidza chimiro chimwe chetecho chendangariro mashoko ake akanyorwa pana Jobho 13:15 (NW), anoti: “Kunyange kana akandiuraya, handaizomirira here?” Kunyange zvazvo Jobho akanga ari, kutaura idi, anoitira hanya zvikurusa pamusoro pokururamiswa kwake amene, hatifaniri kufuratira kuti pakupedzisira Jehovha akati kumumwe wavaifungidzirwa kuva vanyaradzi vake: “Ndakutsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaita muranda wangu Jobho.” Pasina panikiro, Jobho anotigovera muenzaniso wakaisvonaka wokuzviisa pasi kwoumwari.—Jobho 42:7.
20. Dhavhidhi akaratidzira kuzviisa pasi kwoumwari munzirai?
20 Kungodudza muenzaniso mumwe chetezve unobva muMagwaro echiHebheru, pana Dhavhidhi. Apo Mambo Sauro akavhima Dhavhidhi sokunge kuti aiva mhuka, Dhavhidhi akava namabanza maviri okugumisa madambudziko ake kupfurikidza nokuuraya Sauro. Bva, kuzviisa pasi kwoumwari kwaDhavhidhi kwakamudzivisa kuita kudaro. Mashoko ake akanyorwa pana 1 Samueri 24:6, kuti: “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.” (Onawo 1 Samueri 26:9-11.) Nenzira yakafanana akaratidza kuzviisa pasi kwake kwoumwari kupfurikidza nokugamuchira tsiuro apo akaita zvikanganiso kana kuti kutadza.—2 Samueri 12:13; 24:17; 1 Makoronike 15:13.
Muenzaniso waPauro Wokuzviisa Pasi
21-23. Muapostora Pauro akaratidzira kuzviisa pasi kwoumwari muzvinoitikai zvakasiana-siana?
21 MuMagwaro echiGiriki echiKristu, tine muenzaniso wakatanhamara wokuzviisa pasi kwoumwari mune muapostora Pauro. Iye akatevedzera Tenzi wake, Jesu Kristu, muna ikoku sezvaakaita muna mamwe mativi ose oushumiri hwake hwouapostora. (1 VaKorinte 11:1) Kunyange zvazvo Jehovha Mwari akamushandisa nesimba zvikuru kupfuura upi noupi wavamwe vaapostora, Pauro haana kutongoita nenzira yokuzvimirira. Ruka anotiudza kuti apo mubvunzo wakamuka kana vatendeuki Vamarudzi vaidikanirwa kudzingiswa, “idzo [hama dzapaAntiokia] dzakaronga kuti Pauro naBhanabhasi uye vamwe vadzo vakwire kuvaapostora navarume vakuru muJerusarema pamusoro pekakavadzano iyi.”—Mabasa 15:2, NW.
22 Nezvebasa roufundisi raPauro, tinoudzwa pana VaGaratia 2:9, kuti: “Vakati vaona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohane—avo vainzi mbiru—vakatibata isu tose naBhanabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa.” Panzvimbo pokuita nenzira yokuzvimirira, Pauro akatsvaka nhungamiro.
23 Nomutoo wakafanana, nguva yokupedzisira iyo Pauro aiva muJerusarema, akagamuchira zano rakapiwa navakuru imomo pamusoro pokuenda kutembere uye kutevera muitiro woMutemo kuti vose vagone kuona kuti iye akanga asiri muwi pakutenda kana toreva nezvoMutemo waMosesi. Sezvo kuita kwake kudaro kwakaratidzika kuva kwakaguma nengwavaira nenyongori yakanyandurwa kurwisana naye, kuzviisa pasi kwake kuvakuru ivavo yaiva mhosho here? Nyangwe, sezviri pachena kubva mune zvatinorava pana Mabasa 23:11, kuti: “Usiku hwakatevera, Ishe akamira naye, akati: ‘Tsunga mwoyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusarema, unofanira kupupura paRomawo.’”
24. Ndimamwe mativiizve okuzviisa pasi achakurukurwa munyaya inotevera?
24 Zvirokwazvo, Magwaro anotipa zvikonzero zvakasimba zvokuva kwedu vanozviisa pasi uye mienzaniso inoshamisa yaavo vakaratidzira kuzviisa pasi kwakadaro. Munyaya inotevera, ticharangarira nzvimbo dzakasiana-siana umo tinogona kuva vanozviisa pasi paJehovha Mwari, yamuro kukuva kwedu vakadaro, uye tuso dzinovapo somuuyo.
Waizopindura Sei?
◻ Chimiroi chokuzvimirira chisingadikanwi?
◻ Chii chiri chisakiso chikuru chokuramba kuzviisa pasi?
◻ Tinofanira kuzviisa pasi paJehovha nokuda kwezvikonzeroi?
◻ Magwaro anopa mienzanisoi yakaisvonaka yokuzviisa pasi kwoumwari?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Nimirodhi, mutongi wapashure pamafashamo wokutanga kupandukira kuzviisa pasi kwoumwari
[Mufananidzo uri papeji 13]
Noa, muenzaniso usina mhosva wokuzviisa pasi kwoumwari.—Genesi 6:14, 22