Icho Kuzviisa Pasi Kwoumwari Kunoda Kwatiri
“Naizvozvo muzviise pasi paMwari.”—JAKOBHO 4:7.
1. Chii chinogona kutaurwa nezvorudzi rwaMwari rwatinonamata?
JEHOVHA ndiMwari anoshamisa zvakadini! Haaenzaniswi, haana waanoenzana naye, haafananidzwi, akasiana munzira dzakawanda kwazvo! Iye ndiye Wokumusorosoro, Changamire Wechisiko chose maari chiremera chose chechokwadi chinogara. Iye anobva kukusingaperi kusvikira kukusingaperi uye ane mbiri kwazvo zvokuti hakuna munhu anogona kumuona ndokurarama. (Eksodho 33:20; VaRoma 16:26) Iye ane simba guru nouchenjeri, akakwana chose chose mururamisiro, uye rudo rumene runotorwa somunhu. Iye ndiye Musiki wedu, Mutongi wedu, Mupi womutemo wedu, uye Mambo wedu. Chipo chakanaka chiri chose nechipiwa chakakwana chiri chose chinobva kwaari.—Pisarema 100:3; Isaya 33:22; Jakobho 1:17.
2. Kuzviisa pasi kwoumwari kunobatanidza zvinhui?
2 Nemhaka yamaidi iwaya ose, hakugoni kuva nomubvunzo pamusoro pomusengwa wedu wokuzviisa pasi pake. Asi ikoku kunobatanidzei nokuda kwedu? Chiverengero chakati chezvinhu. Sezvo tisingagoni somunhu oga kuona Jehovha Mwari, kuzviisa pasi pake kunobatanidza kuteerera inzwi rehana yakadzidziswa, kubatira pamwe nesangano raMwari rapasi, kuziva zviremera zvenyika, uye kuremekedza nheyo youmusoro mukati meboka remhuri.
Kuva Nehana Yakanaka
3. Kuti tichengete hana yakanaka, tinofanira kuteerera rudzii rwezvirambidzo?
3 Kuti tichengete hana yakanaka, tinofanira kuteerera zvisingamanikidzirwi kuteerera—ndiko kuti, mitemo kana kuti nheyo izvo vanhu vasingagoni kumanikidzira kuteerera. Somuenzaniso, murairo wechigumi weMirairo Gumi, wakanangidzirwa mukurwisana nokuchiva, wakanga usingamanikidzirwi kuteerera nezviremera zvavanhu. Sezvineiwo, ikoku kunopupurira mavambo oumwari eMirairo Gumi, nokuti hakuna boka ravanhu rinoita mitemo ringadai rakaita mutemo waisagona kumanikidzirwa kuteererwa kupfurikidza nezvirango kana ukapunzwa. Kupfurikidza nouyu mutemo, Jehovha Mwari akapa muIsraeri mumwe nomumwe mutoro wokuva mupurisa wake amene—kana iye aizova nehana yakanaka. (Eksodho 20:17) Nenzira yakafanana, pakati pamabasa enyama ayo aizodzivisa munhu kugara nhaka Umambo hwaMwari pane “godo” uye “shanje”—kuita mukurwisana nezvirambidzo zvawo kusingamanikidzirwi kuteerera navatongi vavanhu. (VaGaratia 5:19-21) Asi kuti tive nehana yakanaka, tinofanira kudzivisa izvozvi.
4. Kuti tichengete hana yakanaka, tinofanira kurarama mukuwirirana nenheyoi dzeBhaibheri?
4 Hungu, tinofanira kurarama mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri. Nheyo dzakadaro dzinogona kupetwa mumirairo miviri iyo Jesu Kristu akadudza mumhinduro kumubvunzo pamusoro pokuti ndoupi wakanga uri murairo mukurusa webumbiro romutemo waMosesi. “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose. . . . Unofanira kuda muvakidzani wako sewe umene.” (Mateo 22:36-40, NW) Anoratidzira chinobatanidzwa muwechipiri weiyi mirairo mashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 7:12: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murairo navaporofita.”
5. Tinogona sei kuchengeta ukama hwakanaka naJehovha Mwari?
5 Tinofanira kuita chatinoziva kuti chakarurama ndokudzivisa kuita chatinoziva kuti chakaipa, kana vamwe vachicherechedza kana kuti kwete. Ikoku kwakadaro kunyange zvazvo tingakwanisa kusarangwa nokusaita chatinofanira kuita kana kuti zvimwe kuita chatisingafaniri. Kunoreva kuchengeta ukama kwakanaka naBaba vedu vokudenga, tichirangarira nyevero iyo muapostora Pauro anotaura pana VaHebheru 4:13: “Hakune chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.” Kupfuurira mukuita zvakarurama kuchatibetsera kurwisana namazano amanomano aDhiabhorosi, kudzivisa dzvinyiriro dzenyika, uye kurwisa kombamiro yakagarwa nhaka kuudyire.—Enzanisa naVaEfeso 6:11.
Kuzviisa Pasi Pesangano raMwari
6. Mikotoi yekurukurirano iyo Jehovha akashandisa munguva dzapamberi pechiKristu?
6 Jehovha Mwari haana kukusiira chose chose kwatiri kuti tisarudze somunhu oga kuti tichashandisa sei nheyo dzeBhaibheri kuupenyu hwedu. Kuvambira pamavambo enhau yorudzi rwomunhu, Mwari akashandisa vanhu semikoto yekurukurirano. Nokudaro, Adhama akanga ari mutauriri waMwari kuna Evha. Murairo pamusoro pomuchero wakarambidzwa wakapiwa kuna Adhama Evha asati asikwa, naizvozvo Adhama anofanira kuva akazivisa Evha pamusoro pokuda kwaMwari nokuda kwake. (Genesi 2:16-23) Noa akanga ari muporofita waMwari kumhuri yake nokunyika yapamberi pamafashamo. (Genesi 6:13; 2 Petro 2:5) Abrahama akanga ari mutauriri waMwari kumhuri yake. (Genesi 18:19) Muporofita waMwari nomukoto wekurukurirano kurudzi rwaIsraeri akanga ari Mosesi. (Eksodho 3:15, 16; 19:3, 7) Pashure pake, kusvikira kuna Johane Mubhapatidzi, vaporofita vakawanda, vaprista, uye madzimambo vakashandiswa naMwari kutaura kuda kwake kuvanhu vake.
7, 8. (a) Nokuuya kwaMesia, ndivanaani vakashandiswa savatauriri vaMwari? (b) Kuzviisa pasi kwoumwari kunodei kuZvapupu zvaJehovha nhasi?
7 Nokuuya kwaMesia, Jesu Kristu, Mwari akamushandisa uye vaapostora vake navadzidzi vapedyo kubatira savatauriri Vake. Gare gare, vateveri vakatendeka vakazodzwa vaJesu Kristu vaifanira kubatira so“muranda akatendeka naakachenjera” mukutaura kuvanhu vaJehovha nzira yokushandisa nayo nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo. Kuzviisa pasi kwoumwari kwakareva kuziva chombo Jehovha Mwari akanga achishandisa.—Mateo 24:45-47, NW; VaEfeso 4:11-14.
8 Maidi anoratidza kuti nhasi “muranda akatendeka naakachenjera” akabatanidzwa neZvapupu zvaJehovha uye anomirirwa noMutumbi Unodzora weizvi Zvapupu. Boka irorowo rinogadza vatariri munzvimbo dzakasiana-siana—zvakadai savakuru navamiriri vanofambira—kuti vatungamirire basa pamwero womunzvimbomo. Kuzviisa pasi kwoumwari kunoda kuti Chapupu chakazvitsaurira chimwe nechimwe chizviise pasi paava vatariri mukuwirirana naVaHebheru 13:17: “Teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsirii chinhu.”
Kugamuchira Chirango
9. Kuzviisa pasi kwoumwari kazhinji kazhinji inhau yechii?
9 Kuzviisa pasi kwoumwari kazhinji kazhinji inhau yokugamuchira chirango chinobva kuavo vanobatira savatariri. Kana nguva dzose tisingazvipi timene chirango chiri madikanwa, tingafanira kupiwa zano ndokurangwa naavo vane ruzivo rwokuzviwanira nechiremera chokuita saizvozvo, zvakadai savakuru vedu veungano. Kugamuchira chirango chakadaro inzira youchenjeri.—Zvirevo 12:15; 19:20.
10. Musengwai uyo avo vanopa chirango vanawo?
10 Sezvinooneka, vakuru vanopa chirango vanofanira ivo vamene kuva mienzaniso yokuzviisa pasi kwoumwari. Seiko? Mukuwirirana naVaGaratia 6:1, ivo havasati vachifanira kuva bedzi nomutoo wakaisvonaka wokupa zano asi vanofanira kuva vomuenzaniso: “Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, imi [mune zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu akadaro nomudzimu wounyoro, NW]; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuedzwawo.” Namamwe mashoko, zano romukuru rinofanira kutsinhirana nomuenzaniso wake. Kwakadaro kuri mutsinhirano nezano rinopiwa pana 2 Timotio 2:24, 25 napana Tito 1:9. Hungu, ava vanopa tsiuro kana kuti ruramiso vanofanira kungwarira zvikuru kusatongova nehasha. Vanofanira nguva dzose kuva vanyoro, vane mutsa, asi vakatsiga mukutsigira nheyo dziri muShoko raMwari. Ivo vanofanira kuva vasina rusaruro, vanozorodza kuavo vanotambura nokuremedzwa.—Enzanisa naMateo 11:28-30.
Kuzviisa Pasi Pezviremera Zvikuru
11. Chii chinodikanwa kumaKristu muukama hwawo nezviremera zvenyika?
11 Kuzviisa pasi kwoumwari kunotidawo kuti titeerere zviremera zvenyika. Tinopiwa zano pana VaRoma 13:1, kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakune simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.” Aya mashoko anoda kuti, pakati pezvimwe zvinhu, titeerere mitemo yokufamba nokuva vanongwarira pamusoro pokubhadhara mitero nemiripo, seizvo muapostora Pauro anotaura pana VaRoma 13:7.
12. Kuzviisa kwedu pasi paKesari kune mwero mupfungwai?
12 Nenzira yakajeka, kunyanguvezvo, kuzviisa pasi kwose kwakadaro paKesari kunofanira kuva kuno mwero. Tinofanira nguva dzose kurangarira nheyo iyo Jesu Kristu akataura, sezvakanyorwa pana Mateo 22:21: “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Mashoko omuzasi kuna VaRoma 13:1 muOxford NIV [New International Version] Scofield Study Bible anoti: “Ikoku hakusati kuchireva kuti iye anofanira kuteerera mirau youtere kana kuti inorwisana nechiKristu. Muzvinoitika zvakadaro ibasa rake kuteerera Mwari panzvimbo pavanhu (Mabasa 5:29; cp. Dhan. 3:16-18; 6:10ff).”
Kuzviisa Pasi Kwoumwari Mukati Meboka Remhuri
13. Kuzviisa pasi kwoumwari muboka remhuri kunodei kumitezo yaro?
13 Mukati meboka remhuri, murume nababa anobatira somusoro. Ikoku kunoda kuti vadzimai vateerere zano rinopiwa pana VaEfeso 5:22, 23: “Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wekereke.”a Kana vari vana, ivo havaiti mitemo yavo vamene asi vane musengwa wokuzviisa pasi kwoumwari pavose vari vaviri baba namai, sezvo Pauro anotsanangura pana VaEfeso 6:1-3: “Imi vana, teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. ‘Kudza baba vako namai’—ndiwo murairo wokutanga une chipikirwa—‘kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.’”
14. Kuzviisa pasi kwoumwari kunodei kumisoro yemhuri?
14 Chokwadika, kunokuita kuve nyore zvikuru kuti vadzimai navana vape kuzviisa pasi kwoumwari kwakadaro apo varume namadzibaba vamene vanoratidzira kuzviisa pasi kwoumwari. Ivo vanoita ikoku kupfurikidza nokushandisa umusoro hwavo mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri, dzakadai seidzo dzinowanwa pana VaEfeso 5:28, 29 uye 6:4: “Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida; nokuti hakune munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke.” “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwa[Jehovha, NW].”
Yamuro Kukuratidzira Kuzviisa Pasi Kwoumwari
15. Chiberekoi chomudzimu chichatibetsera kuratidzira kuzviisa pasi kwoumwari?
15 Chii chichatibetsera kuratidzira kuzviisa pasi kwoumwari muidzi nzvimbo dzakasiana-siana? Yokutanga, kune rudo rusina udyire—rudo nokuda kwaJehovha Mwari uye nokuda kwaavo akaisa pamusoro pedu. Tinoudzwa pana 1 Johane 5:3, kuti: “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.” Jesu akataura pfundo rimwe chetero pana Johane 14:15: “Kana muchindida, muchachengeta mirairo yangu.” Zvirokwazvo, rudo—chibereko chikurusa chomudzimu—ruchatibetsera kuonga zvose izvo Jehovha akatiitira uye nokudaro ruchatibetsera kushandisa kuzviisa pasi kwoumwari.—VaGaratia 5:22.
16. Rutyo rwoumwari nderwebetseroi mukuratidza kuzviisa pasi kwoumwari?
16 Yechipiri, kune kutya kwoumwari. Kutya kutsamwisa Jehovha Mwari kuchatibetsera nemhaka yokuti “kunoreva kuvenga zvakaipa.” (Zvirevo 8:13, NW) Nenzira isingapanikirwi, kutya kutsamwisa Jehovha kuchatidzivisa kubvumirana pane zvisina kufanira nemhaka yokutya munhu. Kuchatibetserawo kuteera mirairo yaMwari pasinei zvapo nokuti zvitambudzoi zvinofanira kukurirwa. Uyezve, kuchatidzivisa kutera kumiedzo kana kuti mirangariro kuchakaipa. Magwaro anoratidza kuti kwakanga kuri kutya Jehovha kwakagonesa Abrahama kuedza kupa mwanakomana wake anodiwa Isaka sechibairo, uye kwakanga kuri kutya kutsamwisa Jehovha kwakagonesa Josefa kudzivisa nenzira inobudirira zvikarakadzo zvoutere zvomudzimai waPotifari.—Genesi 22:12; 39:9.
17. Ibasai rinoita kutenda mukushandisa kwedu kuzviisa pasi kwoumwari?
17 Yamuro yechitatu kutenda muna Jehovha Mwari. Kutenda kuchatigonesa kuteerera zano rinopiwa pana Zvirevo 3:5, 6, rinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Zvikurukuru kutenda kuchatibetsera apo tinoratidzika kuva tinotambura nenzira isina kururama kana kuti kunzwa kuti tinosarudzwa nemhaka yedzinza redu kana kuti rudzi kana kuti nemhaka yerwisano yakati yohunhu. Vamwe vangarangarirawo kuti vakafuratirwa nenzira isina kururama apo vasina kurumbidzwa kubatira somukuru kana kuti mubatiri anoshumira. Kana tine kutenda, tichamirira Jehovha kuti aruramise zvinhu munguva yake yakafanira. Munguva ino tingadikanirwa kusakurira tsungiriro yokushivirira.—Mariro 3:26.
18. Ndeipi iri yamuro yechina mukuratidzira kwedu kuzviisa pasi kwoumwari?
18 Yamuro yechina kuzvininipisa. Munhu anozvininipisa haana chitambudzo mukuratidzira kuzviisa pasi kwoumwari nemhaka yokuti ‘mukuzvininipisa kwendangariro, iye anorangarira kuti vamwe vakuru kwaari.’ Munhu anozvininipisa anodisa kuzvibata amene so“muduku.” (VaFiripi 2:2-4; Ruka 9:48) Asi munhu anodada anoshatirirwa kuzviisa pasi uye anotambudzika pakuri. Kwakataurwa kuti munhu akadaro angaisva zvake aparadzwa nerumbidzo kupfuura kuponeswa netsoropodzo.
19. Muenzanisoi wakaisvonaka wokuzvininipisa uyo aichimbova purezidhedhi weWatch Tower Society akagovera?
19 Muenzaniso wakaisvonaka wokuzvininipisa nokuzviisa pasi kwoumwari wakambogoverwa pane imwe nguva naJoseph Rutherford, purezidhendi wechipiri weWatch Tower Bible and Tract Society. Apo Hitler akarambidza basa reZvapupu zvaJehovha muGermany, hama ikoko dzakamunyorera dzichibvunza chadzaifanira kuita nemhaka yechirambidzo pamisangano yadzo nomubato wadzo wokuparidzira. Iye akadudza ikoku kumhuri yeBheteri ndokubvuma zvakajeka kuti akanga asingazivi chokuudza hama dzeGermany, zvikurukuru nemhaka yezvirango zvakakomba zvaibatanidzwa. Iye akataura kuti kana munhu upi noupi achiziva chokudziudza, aizofara kuchinzwa. Mudzimu wokuzvininipisa wakadini!b
Betsero Dzinobva Mukuratidzira Kuzviisa Pasi Kwoumwari
20. Zvikomboreroi zvinobva mukuratidzira kuzviisa pasi kwoumwari?
20 Kungasanobvunzwa kuti, Ndedzipi dziri betsero dzokuratidzira kuzviisa pasi kwoumwari? Dzakawanda, zvamazvirokwazvo. Tinonzvenga funganyo nevhiringidziko idzo dziri mugariro waavo vanoita nokuzvimirira. Tinofarikanya ukama hwakanaka naJehovha Mwari. Tine songaniro yakanakisisa nehama dzedu dzechiKristu. Kupfuurirazve, kupfurikidza nokuzvibata kwedu timene nenzira yapamutemo, tinodzivisa kuva nenhamo isiri madikanwa nezviremera zvenyika. Tinofarikanyawo upenyu hwemhuri hunofadza savarume navadzimai, savabereki navana. Uyezve, kupfurikidza nokuchengeta kuzviisa pasi kwoumwari, tinoita mutsinhirano nezano rinopiwa pana Zvirevo 27:11: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.”
[Mashoko Omuzasi]
a Mushumiri piona akarumbidza ruremekedzo netsigiro yorudo zvomudzimai wake kuna piona asina kuroora. Piona asina kuroora akafunga kuti shamwari yake inofanirawo kuva yakataura chimwe chinhu pamusoro pamamwe mavara omudzimai wake. Asi makore gare gare, apo piona asina kuroora amene akaroora, akaziva kuti tsigiro yorudo yomudzimai inokosha sei kumufarwa weroorano.
b Pashure pomunyengetero nokufundwa kweShoko raMwari kwakawanda, Joseph Rutherford akaona zvakajeka mhinduro yaaifanira kupa kuhama dzomuGermany. Kwakanga kusati kuri kwake kudziudza chadzaifanira kana kuti kusafanira kuita. Idzo dzaiva neShoko raMwari raidziudza zvakajeka zvadzaifanira kuita pamusoro pokusangana pamwe chete nokupupurira. Naizvozvo hama dzeGermany dzakapinda pasi pevhu asi dzakaramba dzichiteerera mirairo yaJehovha yokusangana pamwe chete nokupupurira pamusoro zita rake noUmambo.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Varumei avo Mwari akashandisa semikoto yekurukurirano, uye chii icho vabatiri vake vaifanira kuita kwavari?
◻ Kuzviisa pasi kwoumwari kunoshanda muukamai hwakasiana-siana?
◻ Mavarai achatibetsera kuratidza kuzviisa pasi kwoumwari?
◻ Kuzviisa pasi kwoumwari kunoguma nezvikomboreroi?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Mwari akashandisa gadziriro yetembere yeJerusarema kutaura kuda kwake kuvanhu vake
[Mifananidzo iri papeji 18]
Nzvimbo umo tinogona kuratidzira kuzviisa pasi kwoumwari