Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Vakachinja Mararamire Avo
PASINA panikiro wakadziona dzichitaura navamwe mumigwagwa, dzichiita shanyo paimba neimba, kana kuti dzichipinda misangano yechiKristu muHoro dzadzo dzoUmambo. Tiri kutaura pamusoro pepwere dzakasanotsvinda dzeZvapupu zvaJehovha. Ungave wakagumisa kuti idzo Zvapupu nemhaka yokuti vabereki vadzo vakadzidzidzisa kuva dzakadaro, uye ndozvakwakaita nokuda kwavakawanda vadzo. Pano rumwe rutivi, pane vamwe vaava vanhu vaduku vane mugariro wekare wakasiana zvikuru uye vane mararamire ekare aiva akasiana zvikuru noupenyu uhwo vari kurarama zvino. Kutaura idi, avo vanoratidzwa papeji inotevera vaisimbosonganirana namapoka umo utsotsi uye kushandiswa zvisakafanira kwemirimo kwaiva zvinoitika zvezuva riri rose. Chii chakavaita kuti vachinje upenyu hwavo zvakakwana kudaro? Ngatishanyirei taundi riri muNorway tisangane navamwe vanhu vaduku vakaita chinjo dzakadaro.
Hwaro Hwechinjo
Apo Zvapupu zviviri zvakasangana naAnnette mubasa rapaimba neimba, aiva namakore 19. “Ndakanga ndaudzwa kakawanda kusatongotaura kuZvapupu zvaJehovha, asi ndaidisa kuziva uye ndakazvikoka kupinda,” anoyeuka. Akanga ave ari mushandisi wemirimo kubva paaiva namakore 11 uye akanga abatanidzwa mukupaza kunoverengeka uye kuba motokari.
Mashoko akanaka oUmambo akamufadza. Akakurudzirwa zvikuru netariro yorumuko, achiva akarasikirwa naamai vake paaiva namakore mashanu. Naizvozvo akagamuchira fundo yeBhaibheri yapachena uye akatanga kuuya kumisangano paHoro yoUmambo. Akaudza mukomana wake uye vamwe zvaakanga ari kudzidza. Kuita kwacho? Vakanga vasina chokuita nazvo uye vakapomera Annette kuti ari kurasiswa pfungwa. Kunyanguvezvo, vamwe vavo vaishora zvikurusa gare gare vakatanga kufunda Bhaibheri.
Somuenzaniso, rangarira Espen, murume muduku ane makore 20. Iye akanzwa pamusoro pamashoko akanaka oUmambo kumukomana waAnnette uye pakarepo akada fundo yeBhaibheri. Zvisinei, aimirira kubatira tongero yetorongo yemwedzi mina, sezvo akanga abatanidzwa mukuverevedza mirimo uye, kufanana naAnnette, mukupaza kunoverengeka. Aivawo mushandisi wefodya, mbanje, uye mimwe mirimo. Zvino, chii chaigona kuita kuti munhu akanga abatanidzwa muzvinhu zvakadaro ade kutanga kufunda Bhaibheri? Espen akatanga kuziva kusava namaturo uye kushaikwa kwedonzo mumararamire ake. Iye anorondedzera, kuti: “Ndakakweviwa nezvipikirwa zveBhaibheri zvenguva yemberi zvakandipa donzo muupenyu. Naizvozvo ndakatanga kufunda kuti ndiwane kana ndakanga ndaudzwa zvokwadi.”
Vamwe Vanoda Kufunda Bhaibheri
Panenge panguva ino, murume muduku aibva muboka rimwe chetero ravanhu vaduku akasvika pakunzwa mashoko akanaka, uye akatangawo kufunda uye kupinda misangano. Tevere, fundo yakatangwa neimwe yepwere idzodzi, uye iye akatanga kupinda misangano. Chinguvana pashure pezvo, mumwezve murume muduku akakumbanira shamwari dzake mukufunda Bhaibheri uye mukuita fambiro mberi yomudzimu. Ipapo imwe zvakare pwere iri muboka rimwe chetero yakaororwa nechinjo dzakanaka shamwari dzayo dzakanga dzichiita, uye mukati menguva pfupi, aida kufunda Bhaibheri.
Gilbert, muimbi muduku aibva muboka rimwe chetero, zvino akatanga kufunda Bhaibheri. Vabereki vake vose vari vaviri vakanga vafa nekenza, naizvozvo akanyaradzwa netariro yeBhaibheri yorumuko. (Johane 5:28, 29) Iyewo akanga achishandisa mbanje uye achirarama upenyu hwakaipa, uye aiva nezvishuvo zvokuva nomukurumbira munziyo dzerock. Zvisinei, sezvo nguva yakapfuura, akaita fambiro mberi yomudzimu yakaisvonaka uye nokukurumidza akasarudza kuva Chapupu chaJehovha. Pakupedzisira, munun’una waEspen akatanga kunzvera Bhaibheri uye kusonganirana neZvapupu.
Zvokwadi yeBhaibheri Inochinja Upenyu
Chinjo huru yakaitika muava vanhu vaduku vaichimbopfeka nenzira youchapa, kuva nebvudzi risina kukamurwa, uye kubatanidzwa mumirimo, kuba, uye dzimwe mhaka. Annette muparidzi akaisvonaka woUmambo uye abatira sapiona kwerinenge gore. Espen naGilbert vakabatira samapiona ebetsero, uyewo vabatiri vanoshumira. Ivo vose vari vaviri vakaroora mukati meungano yechiKristu. Vamwezve vana veboka rapakuvamba vazivisiwo vanoshingaira voUmambo!
Zvakadiniko netongero yemwedzi mina iyo Espen akanga achizobatira? Nemhaka yechinjo dzaakaita muupenyu hwake, tongero yake yakachinjirwa kumaawa 80 ebasa renzanga. Nebvumirano yamapurisa uye yavamwe, akapedza aya maawa achishanda paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunzvimbomo. Mapurisa akafadzwa zvikuru neiyi gadziriro.
Hungu, vamwe vanhu vaduku vakawanda munyika yose vane mugariro wekare woutsotsi. Asi zvokwadi yeShoko raMwari yakavapa mhinduro kumibvunzo inokosha uye tariro yechokwadi yenguva yemberi. Nokudaro, havachisiri matsotsi kana kuti vashandisi vemirimo, uye havafambi-fambi vakapfeka nenzira youchapa. Vachiva vakachinja mararamire avo, vakafanana chaizvoizvo navanhu vadudzwa pamusoro apa—Zvapupu zviduku zvakasanotsvinda, uye zvinoshingaira zvaJehovha. Vanoda kuzivisa kuna vamwe mushonga weBhaibheri unogarisa kuzvinetso izvo vanhu vaduku vakawanda vanazvo nhasi.—Ona 1 VaKorinte 6:9-11.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Pwere dzeNorway dzinogamuchira zvokwadi