RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 2/1 p. 21
  • Rutsungiriro Mubasa Razvo Roumwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rutsungiriro Mubasa Razvo Roumwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Mashoko Akanaka Anobva Norway
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Vakachinja Mararamire Avo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Makwai aJesu Anoteerera Inzwi Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 2/1 p. 21

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Rutsungiriro Mubasa Razvo Roumwari

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinorangarira zvakakomba zvikuru basa razvo roumwari rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (1 VaKorinte 9:16; Mabasa 20:26, 27) Varoorani vomuFrance vakanzwa simba reiri basa rokusvika munhu ari wose namashoko akanaka. Mundima mavo maiva nehositeri iyo yaichengeta vapoteri vezvamatongerwe enyika navashandi vaduku vokumwe. Varoorani vacho vanotsanangura, kuti: “Isu taishamisika kuti tingambogona sei kupinda mukati kutoti takokwa kupinda nomumwe munhu aigaramo. Naizvozvo takasarudza kuonana navanhu panze chaipo uye sezvinobvira kuwana kokero yokuvashanyira mukati. Rimwe jaya rakagamuchira magazini nokudisa ndokukumbira kushanyirwa.

“Takashanyira iri jaya, uye fundo yakatangwa nokukurumidza. Nguva imwe neimwe shamwari yake yaivapo, asi shamwari yacho haina kutongotaura shoko. Apo, pamugumo pefundo yechipiri, takabvunza kana iyewo angada kudzidza zvakawanda pamusoro peShoko raMwari, iye akapindura, kuti: ‘Zvokona neiko?’ Nokudaro fundo yechipiri yakatangwa. Takavakoka kumisangano kuvambira pakutanga, uye ivo havasati vapotsa mumwe chifocho. Fambiro mberi yavo yaiva pachena zvikuru, zvikurukuru pahositeri, apo ivo vakakurumidza kutanga kutaura pamusoro pezvinhu ivo vakanga vachidzidza, kuchiguma nefundo yechipiri inotangwa navaviri. Rimwe zuva boka rose raiva parupindo, rakagadzirira kuenda kumisangano, apo imwe shamwari yakasarudza kuuyawo. Iye aiva nembavarira zvikuru uye akada kuti shamwarikomana yake idzidze zvose pamusoro payo. Vose vari vaviri vakatanga kufunda.

“Fundo dzinosvika kushanu dzakanga dzichiitiswa. Imwe neimwe yakanga yakafanana nomusangano! Munhu ari wose akapinda fundo yomunhu ari wose zvake, uye vatsva vakakumbanirawo. Ivo vose vakataura pamusoro pezvokwadi, uye somuuyo, fundo yechitanhatu yakatangwa nomumwe murume, uyo akatanga kupindawo misangano nokupupurira kushamwarisikana yake.

“Chokwadika, kwose ikoku kwakanga kuri uchapupu hunoshamisa muhositeri. Kwakanga kusiri nyore kuti ava vanhu vaduku vapfeke hunhu hutsva. Ivo vaifanira kukurira kusvuta, udhakwa, masimba masimba, kusazvibata, uye boka rakashata. Satani akava nechokwadi chokuti dzaichimbova shamwari dzakaedza kudzivisa fambiro mberi yavo, dzichivanyengera kusvuta kana kuti kuva namapati emheremhere. Mumwe wavarume vanofarira akanga akabvunzira musikana aiva weboka rakati. Iye akaedza kumubvisa muzvokwadi. Zvisinei, iye pakupedzisira akatanga kufunda uye chibviro chenguva iyeyo akaita fambiro mberi yakanaka.

“Mukuwirirana namashoko azvino uno,” vanoshuma kudaro varoorani vacho, “rimwe ramajaya rakaenda kutorongo nokuda kwechimiro charo pakusatora rutivi. Murisingasviki gore, vamwe vatanhatu vakabhapatidzwa, vashanu vavo vakakurumidza kupinda mubasa roupiona hwebetsero. Muboka racho rose, vatanhatu zvino mapiona enguva dzose, vane basa roupiona chaihwo senharidzano yavo.”

Ava varoorani vakatuswa zvikuru sei nokuda kworutsungiriro rwavo mukuita basa ravo roumwari rokutsvaka vakafanana namakwai! Jehovha zvamazvirokwazvo akakomborera nhamburiko dzavo dzokutendeka. Nepo tingasava nezvinoitika zvakatanhamara zvakadaro, nguva dzose tinoda kuita nokutendeka basa redu roumwari rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo.—Mateo 24:14.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Varoorani vari muFrance pamwe chete namapiona enguva dzose matanhatu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe