RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 11/1 pp. 15-21
  • Dzidzo Ine Donzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzo Ine Donzo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Unyanzvi Hunodikanwa Kuva Vashumiri Vanobudirira
  • Betsero Dzokufunda Kwakakodzera
  • Dzidzo Yakakwana
  • Murangariro Wakadzikama Wedzidzo
  • Kuverenga Ndyiko
  • Vanhu Vakabatana, Vakadzidza
  • Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekuwedzera Dzidzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?
    Mukai!—1998
  • Dzidzo—Ishandise Kurumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kuchengeta Dzidzo Iri Munzvimbo Yayo
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 11/1 pp. 15-21

Dzidzo Ine Donzo

“Dzidzisa wakarurama, ipapo iye uchawedzerwa zivo.” —ZVIREVO 9:9.

1. Jehovha anokarirei kuvabatiri vake pamusoro pezivo?

JEHOVHA ndi“Mwari unoziva.” (1 Samueri 2:3) Iye anodzidzisa vabatiri vake. Mosesi akadeya kutaura kuti marudzi airarama panguva iyoyo aizoti nezvaIsraeri: “Rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.” (Dheuteronomio 4:6) MaKristu echokwadi nenzira yakafanana anofanira kuva anoziva. Anofanira kuva vadzidzi vakaisvonaka veShoko raMwari. Achiratidza donzo refundo yakadaro, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Nesuwo . . . hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwo[mudzimu, NW], kuti mufambe sezvinofanira [Jehovha, NW], muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo.”—VaKorose 1:9, 10.

2. (a) Chii chiri madikanwa kuwana zivo yakarurama yaMwari? (b) Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakatarisira sei iyi nhau?

2 Fundo nomurangariro wokuwana zivo yakarurama yaMwari namadonzo ake inoda chinenge hacho chitsama chiduku chedzidzo. Asi vanhu vakawanda vakasvika pakudzidza zvokwadi yeShoko raMwari vanogara munyika umo vakava nebanza duku kana kuti kusava naro rokugamuchira dzidzo yokunyika yakakodzera. Vakanga vane chinetso. Kuti ukurire ichi chinetso, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha kwamakore akawanda zvino wakarairidza kuti, kwaanodikanwa, makirasi okudzidza kurava nokunyora anofanira kurongwa mukati meungano. Anopfuura makore 30 akapfuura, pepanhau reBrazil Diário de Mogi rakabudisa nyaya ine musoro unoti “Zvapupu zvaJehovha Zvinorwa Hondo Yokurwisana Nokusagona Kurava Nokunyora.” Iro rakati: “Murairidzi akakwaniriswa anovamba . . . kudzidzisa vamwe nenzira yokushivirira kurava nokunyora. . . . Vadzidzi vacho, nemhaka yemigariro imene inovagombedzera savashumiri vaMwari, vanofanira kukudziridza zivo yavo yomutauro kuti vape hurukuro.” Zviuru zvavanhu munyika yose nokudaro zvakagoneswa kuva vadzidzi vakanaka veShoko raMwari. Zvakaita iyi dzidzo yokutanga zvichirangarira donzo rakanaka.

Unyanzvi Hunodikanwa Kuva Vashumiri Vanobudirira

3, 4. (a) Neiko maKristu echokwadi achifarira dzidzo? (b) Chii chakanga chiri mugariro muna Israeri, uye idzidzoi yokutanga inokosha mukati meungano dzedu nhasi?

3 MaKristu echokwadi anofarira dzidzo, kwete nemhaka bedzi yokuti vanofarikanya kuva vakadzidza, asi kuti vave vabatiri vanobudirira zvikuru vaJehovha. Kristu akapa maKristu ose basa roku“ita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” (Mateo 28:19, 20, NW) Kuti vadzidzise vamwe, ivo vamene vanofanira kutanga kudzidza, uye ikoku kunoda miitiro yakanaka yefundo. Vanofanira kuva namano okusanonzvera Magwaro. (Mabasa 17:11) Kuti vaite basa ravo, vanofanirawo kukwanisa kurava nokudekudza.—Ona Habhakuki 2:2; 1 Timotio 4:13.

4 Sezvatakaona munyaya yapfuura, pane chikonzero chakanaka chokudavira kuti, zvikurukuru, kunyange vanhu vaduku muna Israeri wakare vaiziva kurava nokunyora. (Vatongi 8:14; Isaya 10:19) Vashumiri vechiKristu nhasi vanofanira kuita zvinonyorwa zvakatsvinda sezvavanopupurira paimba neimba. Vanonyora tsamba, vanonyora zvinonyorwa pamisangano, uye vanowedzera zvinonyorwa zvinotsanangura kumashoko avo efundo. Kwose ikoku kunoda kunyora noruoko kunoravika. Kuchengeta zvinyorwa mukati meungano yechiKristu kunoraira inenge hayo zivo yokutanga yenhamba.

Betsero Dzokufunda Kwakakodzera

5. (a) Ndaapi ari mavambo eshoko rokuti “chikoro”? (b) Ibanzai iro vanhu vaduku vanofanira kubata?

5 Nenzira inofadza, shoko rokuti “chikoro” rinobva mushoko rechiGiriki rokuti skho·leʹ, iro pakuvamba raireva kuti “kusununguka” kana kuti kushandiswa kwenguva yokusununguka nokuda kwomubato wakakomba, zvakadai sokudzidza. Gare gare rakasvika pakuratidzira nzvimbo uko kudzidza kwakadaro kwaiitwa. Ikoku kunoratidzira kuti, pane imwe nguva, boka rakaropafadzwa bedzi—muGirisi nedzimwe nyika zhinjisa—raiva norusununguko rwokudzidza. Boka raishanda kazhinji kazhinji rairamba risingazivi. Nhasi, munyika zhinjisa vana navanhu vaduku vanopiwa nguva yokudzidza. Zvapupu zviduku zvamazvirokwazvo zvinofanira kutenga nguva yakafanira kuti zvive vabatiri vanoziva navanokwanisa vaJehovha.—VaEfeso 5:15, 16.

6, 7. (a) Ndedzipi dziri dzimwe dzebetsero dzedzidzo yakafanira? (b) Kudzidza mutauro wokumwe kunogona kuva kunobetsera munzirai? (c) Ndoupi uri mugariro nhasi pakati pavanhu vaduku vakawanda apo vanopedza chikoro?

6 Zivo yokutanga yenhau, mugariro wapasi, sayenzi, uye zvichingodaro ichagonesa Zvapupu zviduku kuva vashumiri vakadzikama. Kufunda kwavo kuchavadzidzisa kwete bedzi zvidzidzo zvakawanda asiwo muitiro wokudzidza. MaKristu echokwadi haaregi kudzidza nokufunda paanobva pachikoro. Zvaanowana mukufunda kwawo, zvisinei, zvichatsamira zvikuru pakuziva kwavo nzira yokufunda nayo. Kwose kuri kuviri kufunda kwokunyika nekwomuungano kunogona kuabetsera kukudziridza mano awo okufunga. (Zvirevo 5:1, 2) Apo anorava achakwanisa zviri nani kuziva chinokosha, chakafanirwa nokucherekedza nokudzidza nomusoro.

7 Kudzidza mutauro wokumwe, somuenzaniso, hakusati kuchizokudziridza bedzi simba rendangariro ravanhu vaduku asi kuvaitawo kuti vave vanobetsera zvikuru kusangano raJehovha. Mune mamwe amapazu eWatch Tower Society, chiverengero chakati chehama duku chakakuwana kuva kunobetsera kukwanisa kutaura kana kuti kurava chiNgezi nokudekudza. Uyezve, vashumiri vose vechiKristu vanofanira kuvavarira kutaura zvakajeka mumutauro wamai wavo. Mashoko akanaka oUmambo akafanirwa nokutaurwa nomutoo wakajeka, wakarurama mugirama. Maidi anoratidza kuti munyika nhasi, vaduku vakawanda pakupedza chikoro vachiri vane chinetso mukunyora nokutaura zvakarurama nomukuita kunyange nhamba dzakapfava zvikurusa; uye vane bedzi zivo isina kujeka zvikurusa yenhau nomugariro wapasi.

Dzidzo Yakakwana

8. Magwaroi ane chokuita nenhau yedzidzo yokunyika nokukwanisa kwomunhu kuzvitsigira amene?

8 Ino inoratidzika, naizvozvo, kuva nguva yakakodzera yokurangarira chimiro chendangariro chomuKristu kudzidzo yenyika. Inheyoi dzeBhaibheri dzine chokuita neiyi nhau? Kutanga, munyika zhinjisa kuzviisa pasi pa“Kesari” kwakakodzera kunoda kuti vabereki vechiKristu vaendese vana vavo kuchikoro. (Marko 12:17; Tito 3:1) Kana zviri Zvapupu zviduku, mubasa razvo rokuchikoro zvinofanira kuyeuka VaKorose 3:23, iyo inoti: “Zvose zvamunoita, muzviitei nomwoyo wose, sokuna [Jehovha, NW], musingaitiri vanhu.” Nheyo yechipiri inobatanidzwa ndeyokuti maKristu anofanira kukwanisa kuzvitsigira amene, kunyange kana ari vashumiri mapiona venguva yakazara. (2 VaTesaronika 3:10-12) Kana akaroora, murume anofanira kukwanisa kugovera nenzira yakakodzera mudzimai wake navana vapi navapi vangaberekwa, nezvomuraudzo zvishomanene zvokupa kuavo vanoshaiwa nokutsigira basa rokuparidzira romunzvimbomo nerenyika yose.—VaEfeso 4:28; 1 Timotio 5:8.

9, 10. (a) Ndeipi inoratidzika kuva kombamiro munyika dzakawanda? (b) Ndoupi uyo mushumiri piona angarangarira kuva muripo wakakwana?

9 MuKristu muduku anoda dzidzo yakawanda sei kuti aremekedze idzi nheyo dzeBhaibheri ndokuita misengwa yake yechiKristu? Ikoku kunosiana munyika nenyika. Zvikurukuru, zvisinei, kunoratidzika kuti kombamiro yavose munyika dzakawanda ndeyokuti mwero wokufunda unodikanwa kuwana miripo yakanaka zvino wakwirira zvikuru kupfuura zvawakanga wakaita makore mashomanene apfuura. Mishumo inogamuchirwa kubva kumapazu eWatch Tower Society ari mumativi akasiana-siana enyika inoratidzira kuti munzvimbo dzakawanda kwakaoma kuwana mabasa ane miripo yakanaka pashure pokupedza chete kufunda kuduku kunodikanwa nomutemo kana kuti mune dzimwe nyika kunyange pashure pokupedza sekondari kana kuti chikoro chapamusoro.

10 Chii chinorehwa ne“miripo yakanaka”? Hakusati kuchiratidzira mabasa anobhadharwa zvikuru. Webster’s Dictionary rinorondedzera “wakanaka” muaya mashoko akapoteredza so“wakakwana, unogutsa.” Chii chinganzi chaka“kwana,” somuenzaniso, nokuda kwaavo vanoda kuva vashumiri mapiona vamashoko akanaka? Vanhu vakadaro kazhinji kazhinji vanoda basa renguva isina kuzara kuti vadzivise kuisa “mutoro unodhura” pahama dzavo kana kuti mhuri yavo. (1 VaTesaronika 2:9, NW) Miripo yavo inganzi “yakakwana,” kana kuti “inogutsa,” kana chavanowana chichivabvumira kurarama zvakanaka chichivasiira nguva yakakwana nesimba kuti vaite ushumiri hwavo hwechiKristu.

11. Neiko vamwe vanhu vaduku vakarega basa roupiona, uye mubvunzoi unomutswa?

11 Ndoupi uri mugariro wacho kazhinji kazhinji nhasi? Kwakashumwa kuti mune dzimwe nyika vaduku vakawanda vane vavariro yakanaka vakasiya chikoro pashure pokupedza kufunda kuduku kunodikanwa kuti vave mapiona. Vakanga vasina basa kana kuti zvikwaniriso zvokunyika. Kudai vasina kubetserwa navabereki vavo, vaifanira kutsvaka basa renguva isina kuzara. Vamwe vakafanira kugamuchira mabasa ayo aida kuti vashande maawa marefu zvikuru kuti vawane mari yokurarama nayo. Vachiva vakaneta mumuviri, vakarega ushumiri hwoupiona. Chii icho vanhu vakadaro vanogona kuita kuti vazvitsigire vamene ndokudzokera mubasa roupiona?

Murangariro Wakadzikama Wedzidzo

12. (a) Pamusoro pedzidzo, mirangariroi miviri yokunyanyisa iyo muKristu achadzivisa? (b) Nokuda kwavabatiri vakazvitsaurira vaJehovha navana vavo, dzidzo inofanira kubatira donzoi?

12 Murangariro wakadzikama wedzidzo unogona kubetsera. Nokuda kwavanhu vaduku vakawanda venyika, dzidzo chiratidzo chomukurumbira, chimwe chinhu chokuvabetsera kuva vakatanhamara munzanga, chinokosha kumararamire oumbozha, okudisa zvenyika. Nokuda kwavamwe, kufunda ibasa rinofanira kupedzwa nokukurumidza sezvinobvira. Hapana mumwe weiyi mirangariro wakakodzera nokuda kwamaKristu echokwadi. Chii, ipapoka, chinganzi “murangariro wakadzikama”? MaKristu anofanira kurangarira dzidzo somutoo wokuwana nawo nharidzano inoshuviwa. Muaya mazuva okupedzisira, donzo rawo nderokubatira Jehovha zvikuru uye nenzira inobudirira sezvinobvira. Kana, munyika umo anogara, dzidzo yokuchikoro duku kana kuti kunyange yapamusoro ichizoabvumira bedzi kuwana mabasa anogovera mari isingakwani yokuzvitsigira amene samapiona, ipapo dzidzo yokuwedzera kana kuti rovedzo ingarangarirwa. Iyoyi yaizova nenharidzano yakananga yebasa renguva yakazara.

13. (a) Imwe hanzvadzi muPhilippines yakakwanisa sei kupfuuridzira basa rayo roupiona ichiita misengwa yayo yemhuri? (b) Inyeveroi yakakodzera nguva?

13 Vamwe vakatora makosi erovedzo ayo akazarura mabanza ebasa anovagonesa kupinda kana kuti kutangazve basa renguva yakazara. Imwe hanzvadzi muPhilippines yakanga ichishandira mhuri, asi yaida kupayona. Bazu racho rinoshuma, kuti: “Iye akakwanisa kuita ikoku nemhaka yokuti akagamuchira dzidzo yokuwedzera kuti akwanirise somutarisiri wamaakaundi wapamutemo.” Mushumo webazu mumwe chetewo wakati: “Tine vanoverengeka vari kufunda uye panguva imwe cheteyo vakakwanisa kuronga rudungwe rwavo kuti vapayone. Kazhinji kazhinji vanova vaparidzi vari nani sezvo vachifunda zvikuru, chero bedzi vasingavi vane gwinyiro zvikuru muzvinorondwa zvenyika.” Tsinhiro yokupedzisira inofanira kutipa chikonzero chokurangarira. Donzo rokufunda kwokuwedzera, uko ikoku kunoratidzika kuva kuri madikanwa, harifaniri kukanganwikwa kana kuti kuchinja kuva nharidzano yokudisa zvenyika.

14, 15. (a) Neiko mitemo yorumano isingafaniri kuitwa pamusoro pedzidzo? (b) Idzidzoi yokunyika iyo hama dzakati dzine mutoro dzakagamuchira, asi chii chakatsiva ikoku?

14 Munyika shomanene, masekondari anogovera rovedzo yebasa iyo inogona kugadzirira muKristu muduku nokuda kwebasa rakati kana kuti mubato panozosvika nguva yokupedza kufunda. Kunyange apo ikoku kunenge kusina kudaro, mune dzimwe nyika vaduku vanoda kutanga kuita zvinhu vane dzidzo yokutanga bedzi vanowana basa renguva isina kuzara rinovagonesa kuwana zvakakwana kuti vapayone. Naizvozvo hapana mitemo yorumano inofanira kuitwa mukutsigira kana kuti zvimwe kurwisana nedzidzo yokuwedzera.

15 Vakawanda avo zvino vari kubatira munzvimbo dzomutoro savatariri vanofambira, padzimbahwe reSosaiti, kana kuti murimwe ramapazu vakanga vane dzidzo yokutanga bedzi. Vaiva mapiona akatendeka, vasingatongoregi kudzidza, vakagamuchira rovedzo, uye vakaronzeswa mitoro mikuru zvikuru. Havazvidembi. Pane rumwe rutivi, vamwe vapanguva imwe cheteyo navo vavo vakasarudza kuwana dzidzo yapayunivhesiti ndokurega kufambira mberi mumudzimu, vakakundwa nouzivi hunoparadza kutenda no“uchenjeri hwenyika ino.”—1 VaKorinte 1:19-21; 3:19, 20; VaKorose 2:8.

Kuverenga Ndyiko

16. (a) Ndiani anosarudza kana imwe dzidzo ichishuviwa, uye chii chinofanira kurangarirwa zvikurusa? (b) Chii chinofanira kurangarirwa?

16 Ndiani anosarudza kana muKristu muduku achifanira kuwana imwe dzidzo kana kuti rovedzo? Nheyo yeBhaibheri youmusoro inoshanda pano. (1 VaKorinte 11:3; VaEfeso 6:1) Pahwaro ihwohwu vabereki zvirokwazvo vachada kutungamirira vana vavo muchisarudzo chebasa kana kuti mubato uye pakupedzisira muukuru hwedzidzo ichadikanwa. Munyika dzakawanda zvisarudzo zvedzidzo nezvomubato zvinofanira kuitwa pakuvamba mukati medzidzo yesekondari. Iyoyo ndiyo nguva apo vabereki vechiKristu nepwere vanofanira kutsvaka nhungamiro yaJehovha mukuita chisarudzo chokuchenjera, vachirangarira zvikurusa fariro dzoUmambo. Vanhu vaduku vane kombamiro dzakasiana-siana namano. Vabereki vakachenjera vacharangarira izvozvi. Basa rose rokutendeseka rinokudzwa, ringave ramaoko kana kuti romuhofisi. Nepo nyika ingasimudzira basa romuhofisi ndokuzvidza kushanda zvakaoma namaoko ako, Bhaibheri zvamazvirokwazvo haridaro. (Mabasa 18:3) Naizvozvo apo vabereki namaKristu maduku nhasi, pashure pokuyera nokungwarira uye nokunyengetera betsero nedzisiri betsero, vanosarudza vachitsigira kana kuti kurwisana nefundo dzapashure pesekondari, vamwe muungano havafaniri kuvatsoropodza.

17. Chisarudzoi icho vabereki vakati vari Zvapupu vanoitira vana vavo?

17 Kana vabereki vechiKristu vakasarudza nenzira ine mufungo kugovera vana vavo imwe dzidzo pashure pechikoro chapamusoro, iwayo maruramiro avo. Nhambo yeidzi fundo ingasiana mukuwirirana norudzi rwebasa kana kuti mubato unosarudzwa. Nokuda kwezvikonzero zvemari uye kuti vagonese vana vavo kupinda mubasa renguva yakazara nokukurumidza sezvinobvira, vabereki vechiKristu vakawanda vakavasarudzira purogiramu dzefundo dzenhambo pfupi muzvikoro zvinodzidzisa mabasa kana kuti zvinorovedza basa rounyanzvi. Mune zvimwe zvinoitika pwere dzakafanira kurovedzwa basa rakati asi nguva dzose dziine upenyu hwakazara hwebasa kuna Jehovha senharidzano.

18. Kana makosi okuwedzera akatorwa, chii chinofanira kurangarirwa?

18 Kana makosi okuwedzera akatorwa, zvamazvirokwazvo vavariro yacho haifaniri kuva yokukurumbira mune zvedzidzo kana kuti kuvavarira nokuda kwebasa renyika rine mukurumbira. Makosi anofanira kusarudzwa nokungwarira. Magazini ino yakaisa simbiso pangozi dzedzidzo yapamusoro, uye kwakadaro nenzira yakarurama, nokuti dzidzo yakakwirira zvikuru inoshora “dzidziso yakanaka” yeBhaibheri. (Tito 2:1; 1 Timotio 6:20, 21, NW) Uyezve, chifo chama 1960, zvikoro zvakawanda zvedzidzo yakakwirira zvakava nzvimbo yakanaka yokuwedzera kwokusateerera mutemo noutere. “Muranda akatendeka naakachenjera” haana kurumbidza zvakasimba kupinda murudzi rwakadaro rwemhoteredzo. (Mateo 24:12, 45, NW) Kunofanira kubvumwa, zvisinei, kuti mazuva ano vaduku vanosangana nengozi dzimwe chetedzi muzvikoro zvapamusoro namakoreji okudzidzira mabasa uye kunyange munzvimbo yebasa.—1 Johane 5:19.a

19. (a) Kungwarirai kunofanira kuitwa naavo vanosarudza kutora makosi okuwedzera? (b) Vamwe vakashandisa sei dzidzo yavo kukubetserwa kwakanaka?

19 Kana dzidzo yokuwedzera ikafanira kusarudzwa pairi, Chapupu chiduku chaizoita zvakanaka, kana kuchitongobvira, kuwana iyoyi chichigara pamusha, nokudaro chichikwanisa kuchengeta miitiro yechiKristu yenguva dzose yefundo, kupinda misangano, uye mubato wokuparidzira. Pakuvamba chimiro chakakodzera chinofanirawo kutorwa pamusoro penheyo dzeBhaibheri. Kunofanira kuyeukwa kuti Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzechiHebheru vaiva nhapwa muutapwa apo vakasungirwa kuita fundo dzapamusoro muBhabhironi, asi nguva dzose vakachengeta perero yavo. (Dhanieri, ganhuro 1) Zvichiisa fariro dzomudzimu pakutanga, Zvapupu zviduku muchiverengero chakati chenyika zvakatora makosi kuti zvizvishongedzere zvimene nokuda kwebasa renguva isina kuzara savatarisiri vamaakaundi, vatengesi, vadzidzisi, vashanduri, vaturikiri, kana kuti mune mamwe mabasa ayo akazvitsigira zvakakwana mubasa razvo guru rokupayona. (Mateo 6:33) Chiverengero chakati cheidzi pwere gare gare chakava vatariri vanofambira kana kuti vazvipiri vapaBheteri.

Vanhu Vakabatana, Vakadzidza

20. Mutsaukanoi wenyika usina nzvimbo pakati pavanhu vaJehovha?

20 Pakati pavanhu vaJehovha, kana mubato womunhu uri basa romuhofisi, ramaoko, kurima, kana kuti mabasa anoitirwa vamwe vanhu anobhadharwa, vose vanofanira kuva vadzidzi vakanaka veBhaibheri navadzidzisi vanokwanisa. Unyanzvi hunowanwa navose mukurava, kufunda, uye kudzidzisa hunokombamira kudzinga mutsaukano uyo nyika inoita pakati pavashandi vebasa ramaoko nevomuhofisi. Ikoku kunoguma nechinzwano nokuremekedzana kunooneka zvikurukuru pakati pavashandi vanozvipira mumisha yeBheteri napanzvimbo dzokuvakwa dzeWatch Tower Society, uko mavara omudzimu ari anokosha zvikuru neanodikanwa kuna vose. Pano, vashandi vomuhofisi vane ruzivo rwokuzviwanira vanoshanda nomufaro navashandi vebasa ramaoko vane unyanzvi, vose vachiratidzira rudo rwokuonga nokuda kwomumwe nomumwe.—Johane 13:34, 35; VaFiripi 2:1-4.

21. Chii chinofanira kuva vavariro yamaKristu maduku?

21 Vabereki, tungamirirai vana venyu kunharidzano yokuva mitezo inobetsera yechaunga chenyika itsva! MaKristu maduku, shandisai mabanza enyu edzidzo somutoo wokukushongedzerai nawo kubata zvizere zvikuru maropafadzo enyu mukubatira Jehovha! Savakadzidziswa, mose zvenyu bvumikisai kuva mitezo yakasanoshongedzerwa yechaunga choubati ushe hwaMwari mose muri muviri zvino uye nokusingaperi mu“pasi idzva” raMwari rakapikirwa.—2 Petro 3:13; Isaya 50:4; 54:13; 1 VaKorinte 2:13.

[Mashoko Omuzasi]

a Onawo Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 1, 1975, mapeji 542-4.

Edza Kuyeuka Kwako

◻ Neiko maKristu echokwadi achifarira dzidzo?

◻ Mirangariroi yokunyanyisa yedzidzo iyo maKristu echokwadi achadzivisa?

◻ Ingozii dzedzidzo yakawedzerwa dzinofanira kurangarirwa, uye kungwarirai kunofanira kuitwa?

◻ Mutsaukanoi wenyika usina nzvimbo pakati pavanhu vaJehovha?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kupfurikidza nokufunda nenzira yokushingaira, maKristu maduku anogona kuva mitezo inobetsera zvikuru yechaunga chenyika itsva

[Mufananidzo uri papeji 19]

Imwe dzidzo, kana ikasarudzwa, inofanira kusundwa nechishuvo chokubatira Jehovha zviri nani

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe