Murume Akadzidza
“TARIRAI kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa, havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa.” (1 VaKorinte 1:26) Sokuratidzira kunoita aya mashoko, kune ngozi mukunyura muuchenjeri hwenyika kana kuti kuva nenzvimbo yomunzanga yakakwirira. Zvinhu zvakadaro zvinogona kuva mhinganidzo kukugamuchira kwomunhu mashoko akanaka.—Zvirevo 16:5; Marko 10:25.
Kunyanguvezvo, muzuva raPauro vamwe avo vakanga vakachenjera nenzira yokunyama vakagamuchira zvokwadi, uye mumwe waivava akanga ari Pauro amene. Akasanofunda uye achiratidzika kuva anobva mumhuri yakatanhamara, Pauro akanga ari muparidziri weevhangeri anoshingaira. Iye nokudaro akaratidza kuti vakaropafadzwa munyika ino vanogona kubatira Jehovha kana mwoyo wavo wakarurama. Ivo vanogona kunyange kushandisa mano avo okunyika mubasa raJehovha.—Ruka 16:9.
Akaberekerwa muTarso
Pauro akaberekerwa muTarso, “guta rakakurumbira,” sokurirondedzera kwaanoita gare gare. (Mabasa 21:39) Zvimwe makanga muri imomo umo akawana zivo yemitauro—zvikurukuru kunzwisisa chiGiriki—icho chakanga chichikosha mubasa rake roufundisi. Upenyu muTarso hwaizodai hwakaratidzira Pauro kwete bedzi kunzira dzechiJudha asiwo kutsika yaVamarudzi, ruzivo rwokuzviwanira rwaakashandisa mumakore apashure somuapostora kumarudzi. Iye aiziva nzira yokutaura nayo zvokwadi nenzira yavaigona kunzwisisa. (1 VaKorinte 9:21) Somuenzaniso, rangarira hurukuro yake kuvaAtene inoshumwa muna Mabasa ganhuro 17. Ipapo, iye akabatanidza nenzira younyanzvi nongedzero kurudzidziso rweAtene uye kunyange kunokorwa kwamashoko muimwe yenhetembo dzavo ndokuapinza mukupa kwake zvokwadi.
Mugari Wemo weRoma
Pauro akanga ane imwe betsero yokunyika. Iye akanga ari mugari wemo weRoma, uye akashandisawo ikoku nokuda kwokufambisirwa mberi kwamashoko akanaka. MuFiripi, iye neshamwari dzake vakarohwa ndokuiswa mutorongo vasina kutongwa. Kwakanga kusati kuri kwapamutemo kuita ikoku kumugari wemo weRoma, uye apo Pauro akaunza iri idi kungwariro yezviremera, zvakamubvumira kuti agare ndokushumira ungano asati aenda kune nzvimbo yaaienda inotevera.—Mabasa 16:37-40.
Gare gare, pakuoneka pamberi paGavhuna Festo, Pauro akashandisa kuva kwake mugari wemo weRoma kuti akwidze nhau yake kuna Kesari. Nokudaro, iye akadzivirira mashoko akanaka pamberi pechiremera chikurusa choUmambo hweRoma.—Mabasa 25:11, 12; VaFiripi 1:7.
Pauro akagamuchira rovedzo nenzira inoshanda iyo yakabvumikisa gare gare kuva inobetsera. Iye akadzidziswa kugadzira tende, sezvingabvira nababa vake. Nemhaka yaikoku, iye aigona kuzvichengeta amene ari muushumiri apo mari yakanga yava shoma. (Mabasa 18:1-3) Iye akagamuchirawo dzidzo huru yorudzidziso. Iye akarerwa so“muFarise, mwanakomana wavaFarise.” (Mabasa 23:6, NW) Zvamazvirokwazvo, iye akadzidza pamakumbo aGamarieri, mumwe wavakakurumbira zvikurusa wavadzidzisi vechiJudha. (Mabasa 22:3) Dzidzo yakadaro, zvichida yakaenzana nedzidzo yakanaka yokuyunivhesiti nhasi, inokarakadza kuti mhuri yake yakanga yakatanhamara chaizvo.
Murangariro Wakafanira
Mugariro waPauro nerovedzo zvakagovera nguva yemberi yakajeka muchiJudha. Iye aigona kuva akabudirira zvikuru. Zvisinei, paakangogamuchira bedzi kuti Jesu akanga ari Mesia, nharidzano dzaPauro dzakachinja. Pakunyorera vaFiripi, iye akaratidza dzimwe dzedzaichimbova betsero dzake dzenyika ndokuti: “Izvozvo zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurasikirwa hako nokuda kwaKristu. Hungu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurasikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu.”—VaFiripi 3:7, 8.
Uyu murume akadzidza haana kutarira shure nokupanga paizvo aigona kuva akaita nedzidzo yake yenyika; uyewo haana kushandisa “kudzidza [kwake] kukuru” kuti atyisidzire vamwe. (Mabasa 26:24; 1 VaKorinte 2:1-4) Panzvimbo pezvo, achiisa kutenda kwakazara muna Jehovha Mwari, iye akanongedzera kukariro dzake dzomunguva yakapfuura, achiti: “Ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 3:13, 14) Pauro aikoshesa zvinhu zvomudzimu.
Kunyanguvezvo, Pauro akashandisa rovedzo iyoyo yomunguva yakapfuura mubasa raJehovha. Apo akati nezvavaJudha, “ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari,” iye akataura kubva muruzivo rwokuzviwanira rwomunhu oga. (VaRoma 10:2) SomuFarise anoshingaira, iye zvamazvirokwazvo akanga ane shingairo nokuda kwaMwari uye nokuda kwaMagwaro. Pashure pokunge Pauro ava muKristu, shingairo yake yakadzikamiswa nezivo yakarurama, uye iye aigona kushandisa dzidzo yake yapakuvamba nokuda kwedonzo rakarurama. Mubhuku raVaHebheru, somuenzaniso, iye akashandisa zivo yake huru yenhau yaIsraeri nokunamata kwapatemberi kuratidzira ukuru hwetsika yechiKristu.
Nhasi vamwe vakachenjera nenzira yokunyama vanogamuchirawo mashoko akanaka. Vanhu vane marudzi ose ezvikwaniriso zvedzidzo, pamwe chete nemitezo yamarudzi ose amabasa ounyanzvi namabasa, vakagamuchira zvokwadi ndokushandisa rovedzo yavo yomunguva yakapfuura mubasa raJehovha. Kunyanguvezvo, ipi kana ipi ingava dzidzo yawo yokunyika, maKristu haatongokanganwi idi rokuti zvikwaniriso zvinokosha ndezvomudzimu. Izvozvi ndizvo “zvinhu zvinokosha zvikuru” nemhaka yokuti zvinogona kutitungamirira kuupenyu husingaperi.—VaFiripi 1:10, NW.