Vakuru—Goverai!
IYE akanga ari murume anoshivirira, anozvininipisa, ane pfungwa huru yeruramisiro yakapfaviswa nezvinoitika zvake muupenyu. Nokudaro, varume, vakadzi, uye vana vanopfuura mamirioni matatu vakatarira kwaari nenzira ine chivimbo nokuda kwezano. Iye akaedza kusavaodza mwoyo. Kuvambira mangwanani kusvikira madekwana, iye aiteerera zvinetso zvavo uye aivabatsira nenzira yokushivirira kuona kuti mitemo yaMwari yaishanda sei kumugariro wavo. Hungu, kwenhambo pfupi, makore 3 500 apfuura, marudzi 12 aIsraeri akatongwa nomunhu mumwe chete—Mosesi.
Zvisinei, Jetero, mukarahwa waMosesi, akanga achiitira hanya. Mosesi aimbogona seiko kukarira kuchengeta muitiro wakadaro? Naizvozvo Jetero akazivisa, kuti: “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga.” (Eksodho 18:17, 18) Mushonga wacho? Jetero akapa zano Mosesi rokugovera mimwe yemitoro yake kuvamwe. (Eksodho 18:19-23) Zano rakanaka!
Mukati meungano yechiKristu nhasi, mune vakuru vakawanda avo, kufanana naMosesi, vari kuedza kutarisira zvinopfuura zvavanogona sezvinobvira kuita vari voga. Ivo vanoronga misangano pamwe chete nokugadzirira uye ipapo kupa mativi epurogiramu nomutoo une nhevedzano, unobudirira. (1 VaKorinte 14:26, 33, 40; 1 Timotio 4:13) Vakuru vanotarisirawo zvinodikanwa zvemitezo mimwe nemimwe yeungano. (VaGaratia 6:1; 1 VaTesaronika 5:14; Jakobho 5:14) Ivo vanotungamirira mubasa rinokosha zvikurusa rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo. (Mateo 24:14; VaHebheru 13:7) Ivo vanorongawo kuti migove yamabhuku iitwe kuti iwanike kuungano nokuda kwokuparadzira kuvokunze.
Mukuwedzera, vamwe vakuru vanogoverwa mativi papurogiramu yegungano redunhu nekokorodzano yoruwa. Ivo vanobatira mukurongwa kwegungano uye vanobatira mumatare anobata nechipatara. Vamwe vanobatsira nokuvakwa kweHoro dzoUmambo. Uye kwose ikoku kuri mukuwedzera kumitoro yavo yemhuri nechinodikanwa chavo chokuzvidyisa vamene mumudzimu. (Enzanisa naJoshua 1:8; Pisarema 110:3; 1 Timotio 3:4, 5; 4:15, 16.) Varume vechiKristu vakadaro vanoita sei kuti kwose ikoku kuitwe? Kufanana naMosesi ivo vanofanira kuva nebetsero. Ivo vanofanira kudzidza kugovera. Zvamazvirokwazvo, munhu asingagoveri murongi asina kunaka.
Ukoshi Hwokurovedza Vamwe
Kune zvimwe zvikonzero zvokugovera mutoro. Mumuenzanisiro waJesu wamatarenda, tenzi, asati aenda parwendo rurefu, akashevedza varanda vake ndokugovera kwavari mwero yakasiana-siana yomutoro. (Mateo 25:14, 15) Kupfurikidza nokuita saizvozvo, tenzi akakwanisa kuwana nharidzano dzinoverengeka. Kutanga, apo akanga asipo, varanda vake vakashanda munzvimbo yake uye basa riri madikanwa harina kumira apo akanga aenda. Chechipiri, sezvo zviito zvichipfuura zvinoita munhu, tenzi aigona kucherechedza mano noruvimbiko zvavaranda vake. Chechitatu, tenzi akapa varanda vake banza rokuwana ruzivo rwokuzviwanira runodikanwa zvikuru.
Uyu muenzanisiro une revo nokuda kwedu nhasi. Apo Jesu akabva pasi, akapa mutoro kuvadzidzi vake vakazodzwa. Vasara vaivava vachine mutoro wefariro dzomunyika yose dzoUmambo. (Ruka 12:42) Mukati moutarisiri hwomuzuva razvino uno hwavakazodzwa, chikomborero chaJehovha chave chiri pachena pasangano rake. Somuuyo, rakawedzera nenzira inoshamisa. Chokwadi, mumakore mashanu chete apfuura, vatsva vanosanopfuura mirioni imwe vakaratidzira tsauriro yavo kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura! Ikoku kwakaguma nezviuru zveungano itsva namazana amatunhu matsva.
Sezvo Jesu Kristu akagovera mitoro ku“muranda akatendeka naakachenjera,” ivowo vakagovera mitoro yeungano kuvakuru navabatiri vanoshumira va“mamwe makwai.” (Mateo 24:45-47, NW; Johane 10:16) Kunyanguvezvo, vamwe varume vakazvitsaurira vanodikanwa kuti vatarisire kukura kukuru. Vachabva kupiko? Vakuru vanofanira kuvarovedza. Asi vakuru vanogona sei kurovedza varume vakadaro kana vasingagoveri mitoro yakafanira kuvanhu vamwe navamwe vanoratidza vimbiso? Vakuru vanezve sei banza rokucherechedza mano noruvimbiko zvavarume vaduku?
Kugovera Kunorevei?
Kuvamwe, “kugovera” kunoreva kubvisa, kudzivisa, kuregeredza, kana kuti kukatanura mitoro yavo. Zvisinei, apo kunoshandiswa nenzira yakafanira “kugovera” inzira chaizvoizvo yokuita nayo mitoro. Chiito chechiShona “kugovera” chinorondedzerwa so, “kuronzesa kumumwe; kugadza somumiriri womunhu; kugovera mutoro kana kuti chiremera.” Kunyanguvezvo, mugoveri anoramba pakupedzisira ane mutoro wechinoitwa.
Vamwe vangadzivisa kugovera nemhaka yokuti vanotya kuti vacharasikirwa noudzori. Bva, kugovera hakusati kuchireva kurasikirwa noudzori. Kunyange zvazvo asingaoneki uye achitonga ari mumatenga, Kristu Jesu anodzora zvikuru ungano yechiKristu. Iyewo anoronzesa ungano kutarisiro yavarume vane ruzivo rwokuzviwanira.—VaEfeso 5:23-27; VaKorose 1:13.
Vamwe vangava vasingadi kugovera nemhaka yokuti vanonzwa kuti vanogona kuita basa racho nokukurumidza zvikuru ivo vamene. Zvisinei, Jesu akaona ukoshi hwokurovedza vamwe. Hakuna munhu pasi pano akadzidzisa nenzira inobudirira zvikuru kupfuura Jesu. (Johane 7:46) Bva, pashure pokupa miraidzo kuvane 70 vavadzidzi vake, akavatuma mubasa rokuparidzira. Kunyange zvazvo vasina kukwanisa kuenzana naJesu mumano okudzidzisa, ivo vakadzokera vafadzwa zvikuru nebudiriro dzavo. Jesu akafara navo uye akavarumbidza, nokuti aiziva kuti vaizopfuurira kwenguva refu nebasa racho pashure pokunge aenda uye pakupedzisira vaizoita zvinopfuura izvo iye aisambogona achishanda ari oga.—Ruka 10:1-24; Johane 14:12.
Kugovera kunorevawo kuwana betsero ine udzame huri madikanwa. Zuva rapamberi paapo Jesu aifanira kufa, iye akagovera Petro naJohane kuti vaite gadziriro dziri madikanwa nokuda kwechidyo chake chokupedzisira chePaseka. (Ruka 22:7-13) Jesu haana kufanira kunetseka pamusoro pokutenga gwaiana, waini, chingwa chisina kuviriswa, uye mirivo inovava; uyewo haana kufanira kuunganidza midziyo, huni, uye zvakafanana. Petro naJohane vakatarisira udzame ihwohwo.
Vakuru nhasi vanogona kufarikanya betsero dzakafanana kana ivo vakatevedzera muenzaniso waJesu. Somuenzaniso, uyo anotarisira mabhuku angakumbirwa kuodha migove inodikanwa nokuda kwenhimbe inouya. Iye angaraidzwa kukamuranisa zvinyorwa zvake kuti aone kuti zvinhu zvakafanana zvakashandiswa sei munhimbe dzakapfuura. Iye angarangarirawo mavara endima yeungano asati agadzirira fomu reodha rakafanira. Iye ipapo angapa fomu racho kumunyori weungano nokuda kwokunzvera. Apo bedzi mubatiri wamabhuku anenge adzidza basa rake, hakusati kuchifanira kuva kuri madikanwa kuti munyori anzverezve zvinyorwa zvomunguva yakapfuura chero bedzi hwerengedzo dziri pafomu reodha dzine mufungo. Nenzira yakajeka, ichi chiito chakapfava chokugovera chaizoita kuti kutumira odha yamabhuku kuve kuri nyore zvikuru uye kwakapfava zvikuru nokuda kwavose vanobatanidzwa.
Nemhaka yebetsero dzakadaro dzinobvira, munhu anogona sei kugovera nenzira inobudirira?
Nzira Yokugovera Nayo
Rondedzera basa racho. Kutanga kwazvose, jekesa kuti miuyoi inokarirwa. “Shambadzirai, kusvikira ndichiuyazve” ndizvo izvo “mumwe munhu mukuru” womumuenzanisiro waJesu wepondo akaudza varanda vake gumi. (Ruka 19:12, 13) Tenzi akakarira varanda kushambadza nenzira ine mhindu pondo yake uye ipapo kushuma mhindu dzavo pakudzokera kwake. Ivo vaiziva chavaifanira kuita. Iyi nheyo yaizoshanda sei pakuvaka Horo yoUmambo kwomuzuva razvino uno? Somuenzaniso, hama yakagoverwa kugadzira denga yaizoudzwa kazhinji kazhinji zvinhu zvokushandisa, pokuzviwana, uye nguva yokutanga basa, kana mugariro wokunze uchibvumidza. Nhungamiro dzakananga dzakadaro dzinoguma nokuronga kwakanaka.
Kunokosha kurondedzera kwete bedzi zvinobatanidza basa racho asiwo zvisarudzo izvo mumwe munhu anobvumirwa kuita uye zvinhui zvinofanira kunongedzerwa kuno mumwe munhuwo zvake. Mosesi akaudza vagadzwi vake kuti vaifanira kutonga mhaka duku, asi mhaka dzakaoma dzaifanira kuuya kwaari.—Eksodho 18:22.
Pakugovera mitoro, ngwarira kudzivisa kupa vanhu vaviri basa rimwe chetero. Apo anopfuura munhu mumwe anogoverwa mabasa mamwe chetewo, nyongano inovapo. Fungidzira chingagona kuitika kana pakokorodzano huru yeZvapupu zvaJehovha, ose ari maviri Bato Rokuchenesa neBato Rezvokudya akapiwa mutoro wokuchenesa panogoverwa zvokudya, kana kuti kana ose ari maviri Bato Ravarindiri neBato Roruombeko akagoverwa kutungamirira vacherechedzi mukati morubhapatidzo.
Sarudza varume vanokwanisa. Jetero akapa zano Mosesi, kuti: “Iwe umene unofanira kutsvaka varume vanokwanisa, vanotya Mwari pakati pavanhu vose, varume vakatendeseka navasingashatirwi, uye vagadze pavanhu.” (Eksodho 18:21, The New English Bible) Sezvinooneka, murume anofanira kutanga kusvitsa zvikwaniriso zvomudzimu. Kusarudza kana munhu “achikwanisa” kuita basa riripo, rangariro inofanira kupiwa kuzvinhu zvakadai samavara ohunhu, ruzivo rwokuzviwanira, rovedzo, uye mano. Nokudaro, muKristu ane chimiro choushamwari zvikuru, chinofadza, chinobetsera sezvingabvira angashanda zvakanaka pakaunda yamagazini kana kuti zvimwe somurindiri. Nenzira yakafanana, pakusarudza mumwe munhu wokubatsira munyori weungano, rangariro nenzira ine mufungo ingapiwa kukuti ane nhevedzano sei. Ko iye anopa ngwariro kuudzame here, akavimbika here, uye anogona kuchengeta chakavanzika here? (Ruka 16:10) Kupa rangariro kuzvinhu zvakadaro mukuwedzera kuzvikwaniriso zvomudzimu zviri madikanwa kungayamura mukuisa murume akarurama kubasa racho.
Govera zvinhu zvakakwana. Munhu anobatira achafanira kuva anoshandisa zvinhu zvakati kuti apedze basa rakagoverwa. Zvichida iye achada midziyo, mari, kana kuti batsiro. Govera zvinhu zvakakwana. Somuenzaniso, imwe hama ingakumbirwa kuita kugadzira kuri madikanwa paHoro yoUmambo. Sezvinooneka, iyo ingaudzwa chinofanira kuitwa, asi ingadawo mari shomanene yokutenga zvinhu zvakati. Zvichida ichada betsero. Naizvozvo vakuru vangakumbira vamwe kuibatsira kana kuti kuita chiziviso kuungano chinoti ‘Hama Nhingi achava achiita basa rakati nerakati pahoro, uye angava achisvika vamwe venyu achikumbira betsero.’ Mufungo wakadaro wapachine nguva mberi uchadzivisa munhu kugovera basa pasina kugovera zvinhu zvakakwana. “Usagovera zvisina kukwana” ndiyo nzira iyo mumwe mupi wezano anotarisira anotaura nayo.
Pakugovera mitoro, zivisa vamwe kuti munhu wacho ari kuita panzvimbo yako. Chiremera chokuita munzvimbo yako chinhuwo. Joshua akatumwa somutungamiriri mutsva waIsraeri pamberi pe“ungano yose.” Mosesi akaraidzwa ku“isa chakati kuti chechiremera [chake] paari.” (Numeri 27:18-23, NW) Mugadziriro yeungano, zvimwe chetezvo zvingaitwa nokungoisa chete pachikwangwani chamashoko ndaza yaavo vane mabasa akagoverwa.
Tsigira zvisarudzo zvavo. Zvino munhu akagoverwa anogona kupfuurira nebasa riripo. Yeuka, kunyanguvezvo, unogona kuva manyuko chaiwoiwo ekurudziro kwaari kana ukatsigira zvisarudzo zvakanaka zvaanoita. Somuenzaniso, iwe somukuru ungava nechisarudzo chako umene pamusoro penzira yokuisa nayo maikorofoni nefanicha pachikuva cheHoro yoUmambo, zvichida zvakati sianei nenzira iyo hama yakagoverwa inoita nayo. Zvisinei, kana hama inotarisira chikuva ichibvumirwa rusununguko rwakati mubasa rayo, sezvingabvira ichawana chivimbo noruzivo rwokuzviwanira. Kunze kwezvo, iye angatovandudza zvinhu. Mumwe mubvunzwi wezano webhizimisi akati: “Govera basa, kwete nzira yarinoitwa nayo. . . . Kazhinji kazhinji, unyanzvi hwokuzviitira hunosunungurwa.”
Kupfuurirazve, hama iri pabasa ine ruoko rwayo pabadza, sokunge zvakadaro, kazhinji kazhinji iri pedyo zvikuru nomugariro wakati uye nokudaro inganzwisisa zviri nani zvinetso zvinobatanidzwa naro. Iyo sezvingabvira ichapindura zvinetso nemishonga inoshanda chaizvoizvo. Iyo ingave ichibatawo nezvinhu zvisina kujeka kuvaoni. Naizvozvo, mumwe mutariri wechiKristu akati nezvomubetseri wake ane ruzivo rwokuzviwanira: “Kana iye akataura kuti ane zvinetso, ndinofanira kumuvimba.”
Hungu, zvinhu zvinokosha zvikurusa zvinowanika kuvakuru vechiKristu varume navakadzi vakazvitsaurira vanodisa uye vanokwanisa kubatsira munzira ipi neipi vanorairwa. Vakuru, zviyamurei mumene neichi chinhu chakaisvonaka! Kugovera chiratidzo chokuva nomwero uye kunogona kuderedza funganyo nekangaidziko. Hausati nokudaro uchizongogoneswa bedzi kuita zvakawanda asi uchapa vamwe banza rokuwana ruzivo rwokuzviwanira runodikanwa.