Rubhapatidzo “Muzita Ra”
IMWE fundo yezviuru zvamagwaro akare okunyika epapyrus akawanwa mujecha reEgipita pamavambo ezana rino ramakore kazhinji kazhinji inojekesa nenzira inofadza Magwaro echiKristu echiGiriki. Seiko? Kupfurikidza nokurangarira nzira iyo mashoko akati akashandiswa nayo, tinotungamirirwa kunzwisiso yakarurama zvikuru yamashoko mamwe chetewo mukurongwa kwawo kwapaMagwaro.
Mumwe muenzaniso kushandisa kwaJesu “muzita ra” apo akaraira vadzidzi vake asati akwira kudenga, kuti: “Endai naizvozvo mundoita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” Jesu akarevei?—Mateo 28:19, NW.
Nyanzvi dzakawana kuti mumanyoro okunyika kutaura kwokuti “muzita [in the name] ra,” kana kuti “muzita [into the name] ra” (Kingdom Interlinear), kunoshandiswa nenongedzero kukuripira “kuakaundi yomunhu upi noupi.” Purofesa wezvoumwari Dr. G. Adolf Deissmann aidavira kuti nemhaka youfakazi hwomupapyri, “mufungo unotsigira . . . kutaura kwokubhapatidza muzita [into] raIshe, kana kuti kudavira muzita [into] roMwanakomana waMwari, ndewokuti rubhapatidzo kana kuti kutenda kunoumba kuva waMwari kana kuti woMwanakomana waMwari.”—Mashoko akatsveyamiswa aDeissmann.
Nenzira inofadza, kutaura kwakafanana kwakashandiswa navaJudha vomuzuva raJesu, sezvinotsanangurwa muTheological Dictionary of the New Testament, kuti: “Kudzingiswa kwomuproserite kunoitwa . . . ‘muzita romuproserite,’ kumugamuchira muchiJudha. Kudzingiswa ikoku kunoitika . . . ‘muzita resungano,’ kumugamuchira musungano.” Ukama ipapo hunotangwa uye asiri muJudha anova muproserite muchiremera chesungano.
Naizvozvo nokuda kwomuKristu, rubhapatidzo pashure petsauriro runotanga ukama hwapedyo naJehovha Mwari, Mwanakomana wake Jesu Kristu, uye mudzimu mutsvene. Mutendeuki anoziva chiremera chavo chakatsaukana mukurarama kwake kutsva. Rangarira kuti ikoku ndokwechokwadi sei nokuda kwechimwe nechimwe chezvitatu zvadudzwa zita.
Kupfurikidza nokuziva chiremera chaMwari, tinoswedera pedyo naye ndokupinda muukama naye. (VaHebheru 12:9; Jakobho 4:7, 8) Tinova vaMwari savaranda vake, vakatengwa nomutengo wechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. (1 VaKorinte 3:23; 6:20) Muapostora Pauro akaudzawo maKristu omuzana rokutanga ramakore kuti vaiva vaJesu Kristu, kwete vavanhu vapi navapi vangave vakaendesa zvokwadi kwavari. (1 VaKorinte 1:12, 13; 7:23; enzanisa naMateo 16:24.) Rubhapatidzo muzita roMwanakomana runoreva kuziva iri idi, kugamuchira Jesu se“nzira, nezvokwadi, noupenyu.”—Johane 14:6.
Mudzimu mutsvene unokoshawo kuukama hwedu hwakarurama naJehovha naJesu Kristu. Rubhapatidzo muzita romudzimu mutsvene runoratidza kuti tinoziva basa romudzimu mukubata kwaMwari nesu. Tinoda kutevera nhungamiro yawo, tisingauzvidzi kana kuti kuita mukupesana nawo, tichidzivisa kushanda kwawo kupfurikidza nesu. (VaEfeso 4:30; 1 VaTesaronika 5:19) Mugariro womudzimu wokusava munhu haupariri chinetso pamusoro pokushandiswa kana kuti revo, sezvakaita kushandiswa kwa“muzita resungano” muchiJudha.
Panguva yetsauriro norubhapatidzo, naizvozvo, tinofanira kurangarira nokunyengetera chinobatanidzwa muukama hwedu hutsva. Kunoda kuzviisa pasi pokuda kwaMwari, kunoratidzirwa mumuenzaniso negadziriro yorudzikinuro zvaJesu Kristu, kuchaitwa kupfurikidza nomudzimu mutsvene sezvaunotungamirira vose vavabatiri vaMwari murudo nechinzwano munyika yose.