Zvokwadi Inozara Mumusha Wemvura Zhinji
NDOKWECHIENZI sei! Nyika yakakurumbira nokuda kwemvura dzayo dzakawanda inowanwa kuva ine nyota! Nharaunda ine mvura yakawanda inowanwa kuva yakaoma uye yapera mvura! Inyota inogona bedzi kupedzwa nemvura dzezvokwadi inobva muShoko raMwari, Bhaibheri. Inhau yeRahbeh, musha muduku wavagari 2 200, uri mumakomo kuchamhembe kweLebanon, anenge makiromita 130 kubva Beirut.
Zita rokuti Rahbeh rinoreva “nzvimbo ine nzvimbo yakawanda” muchiArab, uye rinobva mumavambo echiSemiti anoreva “huru, yakapararira.” Nenzira yakafanira, musha wacho wakapararira pamakomo makuru maviri mamita 600 pamusoro pomwero wegungwa. Mukati menguva yechando nechirimo, sinou inogona kuonwa pamusoro pamakomo kumabvazuva, kuchiwedzera runako. Asi, kupfuura zvose, Rahbeh musha wemvura dzakawanda. Mune matsime 360, makuru namaduku, munharaunda macho, achigovera mvura inokosha nokuda kweminda yakaibvira yegorosi, apricots, mapear, mapichisi, uye magirepisi mumipata yakapoteredza.
Zvomunguva Yakare Nezvazvino Zvinosangana muRahbeh
Mumativi akawanda zvinhu muRahbeh zvakaramba zviri zvimwe chetezvo zvikuru chifo chenguva dzeBhaibheri. Dzimba dziri mumusha wacho dzakabatana zvikuru. Migwagwa mitete, inomonereka, uye yakazara nezvinofamba—mbongoro nemombe. Kunyange zvazvo mune motokari, mhuka dzine maruramiro okutanga kufamba muno. Kazhinji kazhinji zvikuru varidzi vadzo vanodzitakudza zvinhu mumunda ndokudzitumira kumusha dziri dzoga. Dzinotevera migwagwa mitete, dzichipinda nokubuda munzvimbo dzakaoma, uye kudzokera kumusha kwadzo. Ikoku kungagona kuva kwakafanana here neizvo Isaya airangarira apo akati: “Nzombe inoziva mwene wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo”?—Isaya 1:3.
Rahbeh inzvimbowo yemisiano. Muno uchawana vakapedza kufunda payunivhesiti pamwe chete navashandi vomumapurazi vasina kutongosvika kuguta. Mune dzimba dzakakombwa namabindu, uye mune tudzimba tune zvipfuyo zvinomhanya-mhanya. Zvinhu zvamagetsi zvinowanwa munodokuva mumusha uri wose, asi magetsi haasati achiwanika nguva dzose. Nemhaka yaikoku, misha yakawanda ine majenareta. Migwagwa mikuru yomusha yakakurwa, kunyange zvazvo nzira zhinjisa dzinotungamirira kuminda dzisina kukurwa uye dzakaipa. Nokudaro, nzira bedzi yokutakura nayo zvirimwa kubva kuminda iri kupfurikidza nezvipfuyo. Ungatoona mbongoro yakatakura jenareta ichienda kumunda kuzofambisa michina yapapurazi, iyo inoshandiswa parutivi chaipo peboka remhuka dzinodhonza mumunda.
Nenzira yakafanana, upenyu mumusha hahuna kuchinja zvikuru. Kana ukarara mumusha macho, ungamutswa namachongwe anokukuridza panguva yechipiri kana kuti yechitatu mumangwanani. Basa rezuva nezuva rinokurumidza kuvamba, naizvozvo usashamiswa kana ukanzwa mhere-mhere yavanhu vachishevedzana murima vachigadzirira mhuka. Panobuda zuva, unogona kuona vagari vomumusha vakawanda, nemhuka dzavo dzakatakudzwa, vachienda kuminda kana kuti kumisika kundotengesa zvinhu zvavo.
Sezvo zuva rinofambira mberi, vakomana navasikana vaduku vanobuda kundotamba mumigwagwa nenzvimbo dzavose. Kudanidzira kwavo nokuseka zvinozadza mhepo, zvikuru sezvazvakanga zvakaita muJerusarema rakare sezvinorondedzerwa nomuporofita Zekaria: “Nzira dzomuguta dzichazara navakomana navasikana vanotamba munzira dzaro.” (Zekaria 8:5) Uchawanawo vagari vomumusha vachiva vane ushamwari zvikurusa navanobvunzisa. Unokarirwa kukwazisa mugari womumusha ari wose unosangana naye, sezvo vachida kuziva kuti ndiwe ani, kwaunobva, chikonzero nei urimo, uye kwauri kuenda. Vanhu vanozivana zvikuru kwazvo.
Mvura Dzezvokwadi Dzinosvika Rahbeh
Munzanga yakadaro yakabatana, mashoko anotenderera nokukurumidza. Ikoku ndiko kwakaitika apo Asaad Younis akadzokera kuRahbeh achibva kuUnited States muna 1923. Ichishamisika kana Asaad akanga ava akapfuma muAmerica, shamwari yake Abdallah Blal akaenda kundomuona. Panzvimbo pokutaura pamusoro pemari, Asaad akamupa kopi yebhuku rinonzi The Harp of God ndokumuudza, kuti: “Heino pfuma yechokwadi.” Abdallah, aichimbova muPurotesitendi, akarava ichi chinyorwa chakavakirwa paBhaibheri uye akaororwa zvikuru. Kunyange zvazvo Asaad asina kuita zvakawanda pamusoro pamashoko acho, Abdallah akafadzwa nezvaakanga adzidza ndokubvuma pachena kuti akanga awana zvokwadi.
Nguva yakati gare gare, Abdallah akatamira kuTripoli, guta guru kuchamhembe kweLebanon. Ikoko, akakwanisa kuonana navaBible Students vanoverengeka, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyoyo, uye akaita imwe fambiro mberi mufundo dzake dzeBhaibheri. Iye gare gare akadzokera kuRahbeh kundoparadzira mashoko akanaka aakanga adzidza. Aipinza vagari vomumusha biyake mukurukurirano panhau dzakadai soUtatu, kana munhu ane mweya usingafi, hero yomwoto, uprista, Misa, uye kushandiswa kwemifananidzo, achigoverana navo izvo Bhaibheri rinodzidzisa zvomenemene.
Vamwe vavagari vomumusha vakaratidza fariro. Vatatu kana kuti vana vavo vakakumbanira Abdallah mubasa rokuparidzira. Ipapo ivo vakatanga kuva nemisangano yeSvondo. Iyoyi yaiumbwa nokuteerera mharidzo yakarekodhwa mugiramufomu kana kuti kurava muBhaibheri, kuchiteverwa nekurukurirano yeizvo vakanga vachangobva kunzwa. Gare gare, yamuro dzefundo yeBhaibheri dzakashandiswa, kubatanidza mabhuku The Harp of God, Riches, uye “Mwari Ngaave Wazvokwadi.” Vapindi vaisapfuura vanhu gumi, vazhinjisa vavo vaida kuziva zvikuru kupfuura kufarira. Vamwe vakaratidzika kuva vaiuya zvikurukuru nokuda zvokudya zvaipiwa pamugumo womusangano mumwe nomumwe.
Muma 1940, Abdallah Blal akapiwa mutoro wokutarisira boka muRahbeh. Iye akabvumikisa kuva mubatiri anoshingaira neakavimbika waJehovha, achigadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavamwe. Mumwe waivava, Hama Mattar, anoyeuka kuti vaiita sei basa ravo rokuparidzira: “Sezvo motokari dzakanga dzisingawaniki mumazuva iwayo, Hama Blal neni taienda netsoka kundopupurira mumisha iri pedyo. Ndaitakura giramufomu, apo Hama Blal aitungamira mukutaura. Taiwanzoenda kwamazuva maviri kana kuti matatu tisati tadzokera kumusha.” Hama Blal akabatira Jehovha nokutendeka kusvikira rufu rwavo muna 1979 pazera ramakore 98.
Fambiro Mberi Inounza Chishoro
Sezvo basa rakafambira mberi, hama dzakavamba kuwana chishoro. Muna 1950, pakusvudziro yomuprista womusha, nhimbe yechitambudzo yakatangwa pahama muRahbeh. Muprista akapomera hama kushatisa chechi nokuzvidza. Vamwe vagari vomumusha vakashatirwa kwazvo zvokuti vakataka hama, uye dzimwe hama dzakasungwa ndokupinzwa mutorongo. Zvisinei, nzvero yapashure yakabvumikisa pomero dzacho kuva dzenhema. Kunyange zvakadaro, hama dzakachengetwa mutorongo kwamazuva anoverengeka.
Mumwe mushori akaedza kuita kuti vagari vomumusha, vamwe vavo vangave vasina kukwanisa kurava zvakanaka, kusaina pepa rinopomera hama zvinhu zvakawanda, kubatanidza kuvhiringidza vanhu kupfurikidza nokushanyira nguva dzose misha yavo. Kuti awane vanhu vakawanda vokusaina pepa racho, iye akavaudza kuti changa chiri chikumbiro chokuti mushandi akati kuti adzorerwe kumusha. Apo vanhu vakawana kuti zvomenemene yakanga iri pomero paZvapupu, vakabvisa siginicha dzavo. Zvinoitika zvakadai saichochi zvakabetsera mukupa uchapupu hwakanaka kuvakuru vakuru vazhinji vomunharaunda.
Kunze kwokubata nechishoro chakananga chakadaro, hama dzakanangana neimwe mhinganidzo. Mumumwe musha muduku umo munhu ari wose anoziva munhu ari wose zvake, “kutya munhu kunouyisa musungo,” sezvinoonesa Bhaibheri pana Zvirevo 29:25. Kunoda ushingi kuti hama dziparidzire kuvavakidzani, shamwari, uye hama dzokunyama, avo vanovatsoropodza nguva dzose nokuvanyomba. Revo chaiyoiyo nokudaro inopiwa kumashoko aJesu ari pana Mateo 10:36, anoti: “Vavengi vomunhu vachava veimba yake.” Bva, chirevo chacho chinopfuurira kuti, “asi ani naani unovimba naJehovha uchachengetwa.” Kutenda netsungiriro zvehama zvakabereka miuyo yakatanhamara.
Zvokwadi Inozara muRahbeh
Mumakore apfuura vagari vomumusha vakasvika pakunzwisisa mufambiro wakaisvonaka weZvapupu zvaJehovha, uye vazhinji vakagamuchira zvokwadi. Hama dzakafadzwa zvikuru muna 1969 apo ungano yechipiri yakaumbwa muRahbeh. Idzo dzakapfuurira kushanda zvakaoma. Vazhinji vakatora ushumiri hwenguva yakazara, vamwe kunyange kutamira kundobatira mudzimwe ndima, kubatanidza guta reBeirut. Jehovha akakomborera basa radzo rakaoma, uye ungano yechitatu yakatangwa muRahbeh muna 1983. Munguvayo, hama dzakawanda dzakatamira kana kuti dzakaenda kundogara mumaguta. Zvisinei, kukura kwakapfuurira, uye ungano yechina yakaumbwa muRahbeh muna 1989, ichiteverwa neyechishanu muna 1990.
Pakasvika nguva ino inenge mhuri iri yose iri mumusha yaiva nehama yokunyama kana kuti shamwari yakanga iri Chapupu. Utsinye hwakambovapo hwakanga hwapera. Vanhu vakava vakarovedzana zviri nani neZvapupu. Kutaura idi, kutaura kwokuti “mukuru,” “piona,” “mutariri wedunhu,” “gungano,” uye “Armagedhoni” kwakava rutivi rwamashoko avagari vomumusha. Panhambo chaidzo, zvakadai seshanyo yomutariri wedunhu kana kuti Chirangaridzo, migwagwa ingava isina munhu uye Horo dzoUmambo dzakazara. Dzimwe ungano dzinotoisa magudzanzwi muberere nokuda kwenakirwo yavavakidzani.
Zvino mune vanopfuura vaparidzi voUmambo 250 muRahbeh. Ikoko kunoreva kuti mune Chapupu 1 nokuda kwavanhu vanenge 8 vari mumusha! Ungano imwe yavaparidzi 51 ine ndima yedzimba 76, uye vanoifukidza vhiki riri rose. Fungidzira chakaitika mukati memwedzi yaMarch naApril yegore rapera apo 98 vavaparidzi 250 vakatora basa roupiona hwebetsero, pamwe chete namapiona enguva dzose 13 muRahbeh. Ndima yacho yakafukidzwa kakawanda vhiki rimwe nerimwe. Kwakanga kusati kuri kwechienzi kuti imba imwe ishanyirwe navaviri kana kuti vatatu vavaparidzi pazuva rimwe chetero kana kuti kunyange panguva imwe cheteyo. Vazhinjisa vavagari vomumusha vazova vakarovedzana neshanyo. Asi apo munhu akanyunyuta, muparidzi akapindura, kuti: “Apo munogamuchira chikarakadzo chedu chokuva nefundo yeBhaibheri, ipapo muchashanyirwa kamwe bedzi pavhiki.” Ivo vanotaurawo kumunhu ari wose vanosangana naye muminda—vanhu vanorima, vanodyara, vanodiridza, kana kuti vakatasva mbongoro.
Chokwadi, zvokwadi yeBhaibheri yazozadza Rahbeh, musha wemvura dzakawanda. Handizvo zvoga. Sezvo Rahbeh yave iri manyuko emvura yakanaka nokuda kwemisha yakakomba yakawanda, yakagoverawo mvura inopa upenyu yezvokwadi yeBhaibheri. Vaparidzi vanobva Rahbeh vanoshanyira vanhu mumisha iri pedyo netsoka ndokuronga mapoka anofamba nemotokari ndokuita nzendo dzezuva dzokundoparidzira mumisha iri kure. Vamwe vaparidzi vanotama kundobatira mumamwe maguta. Nechikomborero chaJehovha, kuchava neimwe wedzero iyo ichapazve rumbidzo huru kuna Baba vokudenga, Jehovha Mwari.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Chiono chomumugwagwa muRahbeh