RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 9/15 pp. 28-31
  • Unogona Kugonana Nekangaidziko!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kugonana Nekangaidziko!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Dzokugonana Nadzo Nekangaidziko
  • Vakasimba Pasinei Zvapo Nekangaidziko
  • Sununguko Mukangaidziko—Nokukurumidza!
  • Nei Tichifanira Kuva Vanonzwisisa Pane Zvatinotarisira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Unogona Kukurira Kusava Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Nzira Yokuwana Nayo Tariro Kana Wakaora Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Nei Mubereki Wangu Asingandidi?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 9/15 pp. 28-31

Unogona Kugonana Nekangaidziko!

RANGARIRA mugariro unosuruvarisa womurume akati ane makore 23 okukura. Iye anongova bedzi nedzidzo yakaganhurirwa uye ari kushandira mubhadharo wakadereresa. Mifungo yeroorano noupenyu hunogutsa zvinoratidzika kuva zvisingarangaririki nokuda kwake. Hakushamisi kuti amai vake vanoti: “Iye anosuruvara zvikuru kwazvo uye anokangaidzika.” Chinoitika chouyu murume muduku muenzaniso chaiwoiwo weiyo yamamirioni avamwe. Nokuda kwechikonzero chakati, vanhu vari mumifambiro yose youpenyu vanokangaidzwa.

Kangaidziko “ipfungwa huru inopfuurira kana kuti mugariro wokusachengeteka, kuora mwoyo, uye kusagutsikana kunobva muzvishuvo zvakakundikaniswa, rwisano dzomukati, kana kuti zvimwe zvinetso zvisingapedzwi.” (Webster’s Third New International Dictionary) Tinotambura kangaidziko apo tinoedza zvakaoma zvikuru kuita chimwe chinhu asi tisingabudiriri. Tinonzwa tichidziviswa panzvimbo iri yose, sokunge tiri kurovera musoro wedu parusvingo rwamabwe, pasina banza rebudiriro. Tose zvedu tinoziva kunzwa kwacho.

Vashandi pamabasa anoratidzika kuva asingatusi vangava nemirangariro yokusava namaturo. Vakasaongwa, vadzimai kana kuti vanamai vanorwisana nefunganyo dzezuva nezuva namabasa anonetesa vanganzwa vasingagutswi, vasingaongwi. Vanhu vaduku vanonangana nemiedzo kuchikoro vanganzwa vakangaidzika munhamburiko yokuwana dzidzo. Mitezo yamapoka avashoma inganetseka mukati, ichipwiswa kuti ivo ndivanyajambwa vorusaruro rusina kururama. Vanhu vamabhizimisi avo vanoedza nenzira yokutendeseka kugovera zvinhu zvakanaka kana kuti mabasa vangaparadzwa navakwikwidzani vakaipa navasina kutendeseka. Izvozvi nezvinoitika zvakafanana zvinoparira kangaidziko ndokusiya vazhinji vane mirangariro yokusava netariro.

Mumwe murume akachenjera uyo akararama mazana amakore apfuura akakwanisa kutaura kangaidziko dzake zvatinogona kunzwisisa. Mambo waIsraeri Soromoni akati: “Ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata—tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva. Nokuti munhu unowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomwoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva? Nokuti mazuva ake ose inhamo bedzi, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku mwoyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo.” (Muparidzi 2:11, 22, 23) Mashoko aSoromoni anotaura kusava netariro uko vazhinji kwazvo vanonzwa mukuedza kugonana nekangaidziko dzinovabira upenyu hunotusa.

Vanhu vanokangaidzika vanotova vasina tariro. Muzvinoitika zvakakomba vamwe vakarega parapatiko yacho, vachibuda muchaunga kuti vararame upenyu hwakaipa. Kuti vawane chavanonzwa kuti vane maruramiro acho, vamwe vakatendeukira kuutsotsi namasimba masimba. Dzvinyiriro dzisina tsitsi dzakaparadza roorano nezvisungo zvemhuri.

Vazhinji vedu tingatofanira kuita nhamburiko huru mukutsvaka nzira dzokugonana nadzo nekangaidziko. Pasinei zvapo nezvatinoita, zvinhu zvingaratidzika kuva zviri kuipa zvikuru. Zvirevo 13:12 inoti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” Garikano yedu yomuviri neyomudzimu ingapinzwa mungozi. Ko mugariro wacho hauna tariro here? Tinofanira here kurarama nekangaidziko yenguva dzose samatsive nokuda kwokusakwanisa kwedu kana kuti zvikanganiso? Ko nhano dzinoshanda dzingaitwa here kuti tigonane nekangaidziko kuti tifarikanye upenyu hunogutsa zvikuru? Ngationei.

Nzira Dzokugonana Nadzo Nekangaidziko

Apo tinenge tine chinetso uye tichida zano, nguva dzose tinoenda kumunhu anoziva, ane ruzivo rwokuzviwanira watinogona kuvimba. Zvirevo 3:5, 6 inorumbidza, kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Zano rinoshanda rinogona kuwanwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Rangarira mienzaniso yenzwisiso rinogovera.

Kangaidziko ingava nechokuita nokuwana chokurarama nacho. Somuenzaniso, basa redu rokunyika ringave richigutsa, asi mibhadharo yakaderera ingava manyuko okuora mwoyo. Tinoda mhuri dzedu uye tinoda zvakanakisisa nokuda kwadzo. Zvisinei, kunoratidzika kuva kusina mugumo kukufunganya pamusoro pokuita misengwa yedu yezvemari. Tingashanda nguva yomuraudzo uye kunyange kutora basa rechipiri. Pashure penguva yakati upenyu hunoratidzika kuva denderedzwa rinofinha rokudya, kurara, uye kushanda. Bva, mapepa ezvikwereti anotutirana, zvikwereti zvinowedzera, uye kangaidziko inokura.

Donzo guru rebasa rokunyika nderokugovera zvinodikanwa zvedu. Asi ndizvakawanda sei zvatinoda? Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.” Tiri kuedza here kuwana zvinopfuura izvozvo uye kuwiriranisa izvo vamwe vanazvo kana kuti vanokwanisa kuita? Kana zvakadaro, tingave tichiwana miuyo muchimiro chekangaidziko. Pauro akanyevera, kuti: “Asi vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.” (1 Timotio 6:7-10) Kuyerwa kwokutendeseka kwezvirondwa zvedu zvokunyama kungazivisa zvisingakoshi. Gadziridzo shomanene dzine mufungo kurutsuta namararamire ane mwero zvikuru zvingava zvingabetsera zvikuru mukuderedza kangaidziko yedu.

Zvishuvo zvomuzvarirwo zvinodzvinyirirwa zvakaparira kangaidziko huru. Somuenzaniso, ndokwomuzvarirwo kuti mukadzi muduku ave nesundo yakasimba yokuroorwa ndokuva nechengeteko nechidakadaka chinodziya zvinouya noupenyu hwemhuri. Iye angaita nhamburiko huru kuzviita amene anokwezva zvikuru nefashoni dzazvino uno kana kuti zvinowedzera runako uye angava muravi anoshingaira wezvinyorwa zvinogovera zano kuvakasiiwa navadiwa. Mukadzi wacho angapinda nhandaro pashure penhandaro achikarira kusangana nomumwe munhu akakodzera—zvose pasina maturo. Makore anopfuura, uye kangaidziko inova isingatsungiriki. Mukupererwa nezano rose iye angaedzwa kuroorwa nomumwe munhu asina kukodzera. Zvakatoipa zvikuru, kuti agutse chishuvo chake chechidakadaka, iye angabatanidzwa mumufambiro woutere.

Muchinoitika chakadaro, shiviriro nechisarudzo chakanaka zvinokosha. Roorano kumunhu asina kukodzera—zvikurukruru uyo asina kutenda muna Jehovha—yaizova mhosho yakakomba. (1 VaKorinte 7:39; 2 VaKorinte 6:14, 15) Utere nenzira isingadzivisiki hunotungamirira kuchisiri chimwe chinhu kunze kwenhamo nokusava netariro. (Zvirevo 6:32, 33) Kuzvinzvera kwokutendeseka, kunobatanidzwa nenzira ino mufungo yokubata nenhau yacho, kunogona kubetsera. “Mudzimu wakanyarara nomunyoro” unogona kukwezva rudzi rwakarurama rwomukwanyina weroorano zviri nani zvikuru kupfuura zvinogona kuita zvipfeko zvezvitaira kana kuti mafuta echienzi. (1 Petro 3:3, 4, NW) Panzvimbo pokuvimba nezano rinowanzova risina nzwisiso kana kuti rokuda mufarwa renyanzvi dzenyika, kunokosha kuenda kuMuvambi weroorano kudzidza chinoda kuva mudzimai anodikanwa. (Zvirevo, ganhuro 31) Varume vasina kuroora navakadzi vasina kuroorwa vanofanira kuedza kuratidzira mavara avaizoda mumukwanyina. Kuchenjera sei kutsvaka songaniro yakanaka navanhu vanoremekedza nheyo dzeBhaibheri. Kana tikashandisa idzodzi muupenyu, kariro dzedu dzeroorano inofadza dzichava dziri nani zvirokwazvo. Kunyange kana roorano ikasaitika nokukurumidza, kuita mutsinhirano naMagwaro kuchaunza mufaro ndokuita upenyu hwokusaroora kana kuti kuroorwa kuva hunotusa zvikuru.

Mutwaro unorema wemisengwa ungatisvitsa papfundo rokutsamwa. Kungava nedzvinyiriro inobva kumativi ose. Tinoitira hanya zvinodikanwa zvikuru zvemhuri yedu, uye mushandirwi wedu angasatongogutswa. Hama dzokunyama dzingatikarira kupa betsero nguva iri yose pakunova nenjodzi. Nemhaka yedzvinyiriro dzakawanda, ndaza yezvinhu zvomunhu oga zvinoregeredzwa inoda ngwariro yedu. Kungaratidzika kuti nguva yedu namasimba zvinofanira kunangidzirwa munzira dzakawanda dzakasiana-siana zvose nokukurumidza. Kangaidziko ingava kushatirwa, uye tinganzwa tichida kurega. Naizvozvo, chii chatinofanira kuita?

Tingava vakachenjera kuyerazve zvokutanga zvedu. Sezvo tichigona kuita bedzi zvakati, hakubviri kuita chinorairwa chiri chose navamwe. Tinofanira kushomekesa zvinhu kusvikira “kuzvinhu zvinokosha zvikuru.” (VaFiripi 1:10, NW) Pashure pokurangarira zvose, “imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.” (Muparidzi 9:4) Mimwe misengwa yakakomba uye haigoni kuiswa parutivi, nepo iyo yakakomba zvishoma ingafanira kumira. Tingave takatakura mutoro wakazara wamabasa anofanira kugoveranwa navamwe. Mimwe mitoro inofanira kubviswa chose chose kana isingakoshi. Kunyange zvazvo ikoku pakutanga kungaparira vhiringidzo kana kuti kungaodza vamwe mwoyo, tinofanira kuremekedza ganhuriro dzedu timene dzomuviri nedzomurangariro.

Hosha inonetesa inogona kuunza kangaidziko inorwadza, nokuti ingatiisa pamubhebha wokurwara kwamazuva kana kuti mavhiki panguva. Marwadzo akakomba anogona kutiita vanosiririsa. Tichitsvaka mushonga, tingabva pana chiremba mumwe tichienda kumumwe kana kuti tingadya mishonga yakawanda kana kuti mavhitamini nekariro yokuti zvingaita zvakanaka. Bva, tingapfuurira kutambura uye tingavamba kushamisika kana upenyu hwakafanira parapatiko yacho.

Ichi chingava chinetso chinogona kupedzwa bedzi munyika itsva yaMwari. (2 Petro 3:13; enzanisa naIsaya 33:24.) Sezvo vanhu vasina kukwana, vanachiremba nemishonga zvinongogona bedzi kuita zvakati. Panguva yakati tingafanira kugamuchira kutambura kwedu sorutivi rwoupenyu. Muapostora Pauro aiva no“munzwa munyama,” zvichida kurwadza kwameso ake kana kuti rumwe rutivi rwomuviri wake, waitambudza kwazvo zvokuti iye akanyengetera anyengeterazve nokuda kwezorodzo. (2 VaKorinte 12:7-10) Asi Mwari haana kuporesa Pauro, uye zvichida muapostora wacho aifanira kurwisana nokurwadza kwacho kutozosvikira parufu rwake. Iye akagara nokutambura kwake, haana kukumbira kunzwira urombo, uye haana kutongorasikirwa nomufaro wake. (2 VaKorinte 7:4) Kunyange zvazvo murume akarurama Jobho akatambura kurwadziwa kukuru, iye akachengeta kutenda kwake muna Jehovha, uye ikoku kwakatungamirira kutuso huru. (Jobho 42:12, 13) Kana isu tiri vabatiri vaMwari, tinogona kuwana simba rokupfuurira kupfurikidza nokurangarira iyi mienzaniso nokunyengeterera betsero yaJehovha.—Pisarema 41:1-3.

Vakasimba Pasinei Zvapo Nekangaidziko

Vanhu vaJehovha vanogona kuva vakasimba mumudzimu pasinei zvapo nekangaidziko dzipi nedzipi. Somuenzaniso, kunyange zvazvo tingafanira kutsungirira chirwere, tinogona kuramba “takasimba mukutenda” kupfurikidza nokushandisa zvakazara gadziriro dzomudzimu dzaMwari. (Tito 2:1, 2, NW) Nepo tingava varombo mune zvokunyama nenzira inokangaidza, tinogona kuva vakapfuma zvinoshamisa mumudzimu.

Kupfurikidza nokuvimba naMwari nokuda kwouchenjeri nesimba, tinogona kugonana nekangaidziko dzingatanga mumigariro yemhuri. Somuenzaniso, rangarira Abhigairi, mudzimai waNabhari. Iye akanga “ane hasha uye akaipa mumiitiro yake,” uye zita rake rimene rinoreva “Asina pfungwa; Benzi.” Kunofanira kuve kwaikangaidza sei kugara nomurume akadaro! Bva, Abhigairi akaramba “akanaka muchisarudzo” uye haana kuora mwoyo. Zvamazvirokwazvo, mashoko ake namabasa zvakanga zviri zvokuchenjera kwazvo mukati menjodzi imwe zvokuti akapwisa Dhavhidhi kusadzorera kutuka kwaNabhari kwokusaonga kupfurikidza nokudeura ropa nokukundikana kuvimba naJehovha.—1 Samueri 25:2-38, NW.

Kunyange kana mugariro unobatanidza mumwe munhu anosonganirana neungano yechiKristu uchitiparira kangaidziko, tinogona kutsungirira musimba iro Jehovha anopa. Ikoku kunoratidzwa neidi rokuti mufambiro unokangaidza nenzira inobvira waDhiotrefe hauna kuregedzesa murume woumwari Gayo kuita zvakanaka uye nokudaro achiwana mufarwa netuso dzomudzimu dzakapfuma.—Mabasa 20:35; 3 Johane 1-10.

Kangaidziko ingagona kuvapo kana tichishuva kubatira vatendi biyedu muungano asi tichipfuurwa apo vamwe vanogadzwa savakuru kana kuti vabatiri vanoshumira. Panzvimbo pokubvumira kuora mwoyo kutikurira, zvisinei, ngatitsvakei kuzvisimbisa timene mumudzimu ndokubvumira mudzimu waMwari kubereka zvibereko zvawo zvakaisvonaka matiri kumwero mukuru zvikuru. (VaGaratia 5:22, 23) Mukati mamakore 40 ayo Mosesi akapedzera muMidhiani, Mwari akakudziridza maari kusvika kumwero mukuru zvikuru unyoro, shiviriro, uye mamwe mavara aidikanwa kuti agonane nenhamo nekangaidziko zvaaizonangana nazvo somutungamiriri wavaIsraeri. Nenzira yakafanana, Jehovha angave ari kutigadzirira nokuda kwamaropafadzo ebasa omunguva yemberi atingagamuchira kana tikaramba takasimba mumudzimu uye tisingateri kukangaidziko.

Sununguko Mukangaidziko—Nokukurumidza!

Chipi kana chipi chiri rudzi rwadzo, ko kangaidziko dzedu dzichazomboguma here? Kwatiri, mugariro wedu ungaratidzika kuva usina tariro asi kwete kuMusiki wedu, Jehovha Mwari. Iye haatapurwi nekangaidziko. Kupfurikidza nomuporofita Isaya, Mwari akati: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” (Isaya 55:11) Sezvo Jehovha ane simba guru nechiremera, hapana chinhu chisingabviri naye. (Marko 10:27) Zvipikirwa zvake zvokuunza zvikomborero zvisingagumi kuvanhu vake zvine chokwadi chokuzadzikwa.—Joshua 21:45.

Panikiro nokusava nechokwadi zvinhu zvikuru mukangaidziko. Mukupesana, zvisinei, “kutenda ikariro yechokwadi yezvinhu zvinokarirwa.” (VaHebheru 11:1, NW) Kutenda muna Mwari kunogovera vimbiso yokuti tariro dzedu dzose dzakavakirwa paBhaibheri dzichazadzikwa zvizere. Musoro wose weBhaibheri unosimbisa chipikirwa chaJehovha chokutonga kwoUmambo, mahuri pasi richava paradhiso yakakwana umo vanhu vakarurama vachararama nomufaro nokusingaperi. (Pisarema 37:11, 29) Chinhu chiri chose chakashata—kubatanidza kangaidziko—chichava chaenda, nokuti Mwari acha‘gutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose.’—Pisarema 145:16.

Kutozosvikira zvikomborero izvozvo zvava chinhu chaicho, tose zvedu tichava nomugove wedu wekangaidziko. Asi tariro yapaMagwaro inogona kutipa ushingi noutsungi zvokupfuurira. Zano rakanaka ratinowana muBhaibheri rinogona kutiratidza nzira yokushandisa nayo chisarudzo chakanaka nokuva nomufungo nenzira ichaunza gadzikano kuupenyu hwedu norugare kumwoyo yedu. Pasinei zvapo nokuodzwa mwoyo kwedu, tinogona kuwana “rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose.” (VaFiripi 4:6, 7, NW) Naizvozvo hondo yokurwisana nekangaidziko haisati iri isina tariro. Nebetsero yaJehovha tinogona kugonana nayo nhasi ndokuikurira mangwana.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 31]

Mwari anogona kukubetsera kugonana nekangaidziko, kunyange sezvo akabetsera Jobho, Mosesi, Abhigairi, uye Pauro

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe