Vari Kuwana Mufarwa Wechokwadi mu“Paradhiso”
PARADHISO! Shoko iroro rinowanzouya kundangariro apo vanhu vanofunga nezveHawaii—uye nokuda kwezvikonzero zvakanaka. Mumugove mukuru muno mune mugariro wokunze une mwero, matenga ebhuruu, michindwi inovheya, miferefere inozorodza, uye mhenderekedzo dzegungwa dzine jecha—zvinhu izvo vazhinji vangarangarira kuva zveparadhiso.
Mativi iwaya akakweva vanhu vanobva kure napedyo. Ivo vakauya vachibva Asia, Pacific, maAmerica, uye kunyange nzvimbo dzakafanana nezvitsuwa zveCaribbean neEurope. Vazhinji vakatamira muno nokuda kwomugariro wokunze une mwero wegore rose. Vamwe vakauya vachitsvaka chengeteko yezvemari—uye mufarwa, chokwadika. Muuyo wacho muvhenganiswa wamarudzi namapoka edzinza, nemhatsa yakaisvonaka yetsika nepfungwa dzorudzidziso.
Kune, zvisinei, rumwe rutivi rwenhau yacho. Kufanana nenzvimbo dzakaisvonaka dzakawanda kwazvo dziri pasi pano, Hawaii inotambudzwa noutsotsi, mirimo, usindimari, shatiso, uye zvimwe zvinetso zvakawanda zvinodzvinyirira mhuri yomunhu pasinei zvapo nouko munhu angagara. Kupfurikidza neregeredzo yohunhu noudyire, zvitsuwa zveHawaii zviri kubirwa pashoma napashoma runako rwazvo rwomuzvarirwo. Vanhu vanoda paradhiso, asi havasati vari vose vanogara muno vanoitira hanya zvakakwana kuita toti zvedu kuchengeta izvi zvitsuwa zviri paradhiso. Kunoda chinopfuura chiono chakaisvonaka nomugariro wokunze wakanaka kuita paradhiso.
Kune, zvisinei, boka rinokura ravanhu rinogara muno vari kufarikanya mufarwa wechokwadi muuyu mugariro weparadhiso. Ivo ndivanhu vamwe navamwe vari kugamuchira zvokwadi yeBhaibheri uye vari kufunga zvakakomba chipikirwa chinoshamisa chaMwari, chinoti: “Ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” Ava vanhu vari kutarira nomufaro kunguva yemberi vachirangarira aya mashoko omuapostora Petro: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira mukuwirirana nechipikirwa chake, uye muna izvozvi kururama kuchagara.” (Isaya 65:17; 2 Petro 3:13, NW) Ndivanaani vari ava vanhu? Vakasvika sei pakudzidza nezvetariro inoshamisa inopiwa muBhaibheri? Uye ichinjoi dzakaparirwa muupenyu hwavo?
Rutyo Rworufu Runokurirwa
Isabel nomurume wake, George, ndeverudzi rwechiFilipino. Iye akarerwa kuti atevere rudzidziso rwavabereki vake rweRoma Katurike, kunyange zvazvo akanga asina kutongonzvera Bhaibheri. Isabel akanga adzidziswa kuti mweya womunhu haufi. Akaita seiko kuiyi dzidziso yenhema? Eya, iye aitya mufungo wokufa nemhaka yokuti aiva nepfungwa yokuvigwa ari mupenyu nokusingaperi mubhokisi, mweya wake sezvinofungidzirwa usingakwanisi kunzvenga. Muna 1973, kunyanguvezvo, Isabel akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Apo akadzidza kuti mweya womunhu hausati uri usingafi uye kuti Mwari achaparadza rufu kupfurikidza norumuko, akafadzwa zvikuru ndokunzwa asunungurwa zvikuru kwazvo. (Ezekieri 18:4, 20; Johane 5:28, 29) Zvokwadi yeBhaibheri yakamuorora kwazvo zvokuti iye akafambira mberi nokukurumidza.
Zvakadiniko naGeorge? Iyewo akagara mukurukurirano dzeBhaibheri asi bedzi nepfungwa yokubvumikisa Zvapupu kuva zvisina kururama. Zvisinei, iye aisagona kuwana chipi nechipi chakaipa muizvo iye nomudzimai wake vakanga vachidzidziswa. Kutaura idi, nokukurumidza pashure pokunge vatanga kufunda, nhau yeropa yakamuka. Kusvikira panguva iyoyo, George akanga ave achida kudya zvokudya zvakagadzirwa neropa. Asi apo iye akaona kuti Bhaibheri rinoshurikidza zvakajeka kudyiwa kweropa, iye akarega. (Genesi 9:3, 4; Revhitiko 17:10-12; Mabasa 15:28, 29) Iye akapfuurira kutora rutivi mufundo yeBhaibheri uye akafara kuti pakupedzisira akanga awana zvokwadi. Nhasi, George, Isabel, uye vana vavo vana vari kufarikanya mufarwa wechokwadi wokurarama mukuwirirana nemipimo yaMwari.
Vakakwezviwa nechiKristu Chechokwadi
Mumwe murume wechiJapan anonzi George nomudzimai wake wechiPutukezi, Lillian, vari mumakore avo ama 60. Vose vari vaviri vakaberekerwa ndokurererwa muHawaii. Sezvo George asina kupiwa muraidzo upi noupi worudzidziso navabereki vake, haana kutongorangarira rudzidziso zvakakomba. Bva, nguva dzose aidavira Mwari. Kune rumwe rutivi, vabereki vaLillian vakamurera murudzidziso rwavo, somuRoma Katurike.
Kunyange zvazvo George akanga asiri muravi weBhaibheri anodisa, akanga ave achirava magazini eNharireyomurindi naMukai! kwamakore 30. Iye nokudaro akanga adzidza zvakawanda zvikuru pamusoro peBhaibheri. Zvaaiva musvuti nomunwi mukuru, zvisinei, ainonoka kuita chinjo muupenyu hwake. Sezvo makore akapfuura, George akapfuurira kurava magazini uye panhambo nenhambo aipinda misangano yechiKristu paHoro yoUmambo. Neiko? Nemhaka yokuti, sokutaura kwake, “mamwe marudzidziso anonyengera kwazvo” mukufuratira zvinhu zvakawanda zvakashata zvinoshurikidzwa muBhaibheri. Iye aigona kuona kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakasiana.
Chii chakakwezva mudzimai akazvipira waGeorge, Lillian, kuzvokwadi yeShoko raMwari kunyange zvazvo iye akanga apesvedzerwa zvikuru norudzidziso rwavabereki vake? Eya, hama yake yokunyama yakamukoka kumisangano kuHoro yoUmambo. “Ndakafarikanya mugariro wemhuri unofadza nenyemwerero dzoushamwari,” Lillian akayeuka kudaro. Rudo rwechokwadi rwaakaona ruchiratidzwa pakati pavanhu vaJehovha rwakamupwisa kuti iyi izvokwadi. (Johane 13:34, 35) Iye akagamuchira fundo yeBhaibheri, pakupedzisira akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha Mwari, uye akabhapatidzwa mwedzi mishomanene pashure pokunge murume wake anzarwo.
George haasati achasvuta kana kuti kudhakwa, uye Lillian akarasa zvidhori zvake zvose zvorudzidziso. Nemwoyo yakazara norudo, ivo vari kugoverana zvavakadzidza navamwe, kubatanidza vazukuru vavo 25 uye vazukuru chibvi 4. Ingotarira zvako zviso zvavo, uye ona kuti George naLillian vakava vanofara sei!
Rugare Nomufarwa Zvakawanwa
Patrick, murume weIrish wezera rapakati, uye mudzimai wake wechiJudha, Nina, vose vari vaviri vakatamira kuHawaii vachibva kuUnited States yokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero. Kare, ivo vakanga vararama anonzi mararamire akasununguka emirimo, kuedza rudzidziso, uye tsika dzakashata. Ivo vakapedzawo makore akawanda semitezo yesekete, vachivavarira kuwana kuziva kwakakwirira kupfurikidza nemirimo, fungisiso, uye mudzidzisi wavo voga. Pashure penguva yakati Patrick akafinhwa negodo, gakava, uye kurwisana kwenguva dzose pakati pemitezo yesekete yaitaura kuva yakasvika ‘mwero wakakwirira zvikuru wokuziva.’ Iye akasiya boka racho ndokudzokera kuHawaii, uko akambogara, achikarira kuwana rugare rwendangariro. Pashure paikoko, Patrick akapwisa Nina, panguva iyeyo musikana wake, kuti ashanye. Pakupedzisira, ivo vakaroorana ndokugara muHawaii.
Nina naPatrick vaisaziva kuti kutsvaka kwavo rugare nomufarwa pakupedzisira kwaizotungamirira kufundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Asingatendi kuvapo kwaMwari akasimba upenyu hwake hwose, Nina akavamba kuwana mhinduro dzinogutsa dzeBhaibheri kumibvunzo inokatyamadza yakadai sechikonzero nei uipi huripo uye nei zvinhu zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka. Kutsvaka zvokwadi kwaPatrick kwamakore gumi nenzira yakafanana kwakava nomugumo unofadza. Nokukurumidza, izvo iye naNina vakanga vachidzidza muBhaibheri zvakavamba kuchinja murangariro wavo wetsika. Pashure peparapatiko refu neyakaoma, Patrick akakwanisa kukurira kupindwa muropa kwake nefodya kwasimba zvikuru. Kwaanodokuva makore gumi zvino, iye nomudzimai wake vakararama upenyu hwakachena, hwetsika dzakanaka mukuwirirana nemipimo yaMwari. Nemwoyo yakachena nehana dzakachena, ivo vari kufarikanya rugare rwavave vachitsvaka.
Kurega Zvinhu Netuso
“Zvishandisei mumene nesimba kuti mupinde nesuo rakamanikana, nemhaka yokuti vazhinji, ndinokuudzai, vachatsvaka kupinda asi havasati vachizokwanisa.” (Ruka 13:24, NW) Mashoko iwayo aJesu Kristu anoratidza zvakajeka kuti hakusi nyore kubatira Mwari ndokurarama mukuwirirana nemipimo yapaMagwaro. Munhu ari wose anoshuva kuita saizvozvo haasati achingofanira bedzi kuita nhamburiko inodikanwa asiwo kurega zvinhu zviri madikanwa. Ikoku zvamazvirokwazvo kwave kuri chinoitika navanhu vadudzwa munhauro ino. Asi ivo vakatuswa nenzira inoshamisa sei!
Somuenzaniso, rangarira Patrick naNina, vachangobva kududzwa. Ivo vakaita chinjo huru yokubva mumararamire umo ivo vaiita zvitsama zvikuru zvemari kuayo oushumiri hwechiKristu hwenguva yakazara hunotsigirwa nebasa rokunyika renguva isina kuzara. Bva, ivo vanopwiswa kuti mhindu dzomudzimu dzinopfuura zvikuru kurega kupi nokupi zvokunyama kwavakaita. Uye ivo vanofara zvirokwazvo.
Nemhaka yezera ravo, chinjo hadzina kuuya zviri nyore nokuda kwaGeorge naLillian. Kugoverana mumisangano yechiKristu noushumiri kunoda nguva, ngwariro, uye nhamburiko yomuviri. Kumufaro wavo mukuru, zvisinei, utano hwavo hwakavandudzika, uye upenyu hwavari kurarama zvino hunogona bedzi kurondedzerwa sohunonakidza, hwakazara, uye hunofadza.
Kana ari George naIsabel, denho yavo hurusa iri mukurovedza vana vavo nokuvabetsera kupinda munzira yokuupenyu. Nguva yakawanda nenhamburiko zvinodikanwa kugadzirira vaduku vana nokuda kwemisangano yechiKristu kana kuti kuvaita kuti vaende navo muushumiri hwechiKristu. Pane imwe nguva dzvinyiriro yenguva dzose yakaparira George naIsabel kuregeredza mumiitiro yavo youbereki. Asi hurukuro yeBhaibheri ino musoro unoti “Kumutsidzira Mudzimu Wokuzvibaira” yakavasunda kupetazve ruviri nhamburiko dzavo dzokupa vana vavo vana ngwariro yose nerovedzo zvinodikanwa ‘kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.’ Chokwadika, nhamburiko dzakadaro dzakatuswa zvikuru.—VaEfeso 6:4.
Hachisati chiri chiono chakaisvonaka, mugariro wokunze wakanaka, kana kuti nhano youmbozha youpenyu zvinounza mufarwa wechokwadi kuava vanhu navamwe vazhinji. Panzvimbo pezvo, izivo yokuti vari kushandisa upenyu hwavo mukuwirirana nokuda kwaMwari uye vari kurarama mukuwirirana nemipimo yeShoko rake, Bhaibheri. (Muparidzi 12:13) Uyezve, mufarwa wechokwadi unobuda mumwoyo yavo sezvo vanorangarira nguva inofadza apo paradhiso yapasi ichadzorerwa mupasi rose.—Ruka 23:43.
[Mufananidzo uri papeji 25]
George, Isabel, uye vana vavo vanowana mufarwa mukurava Bhaibheri
[Mufananidzo uri papeji 26]
George naLillian vanowana mufarwa muushumiri hwechiKristu
[Mufananidzo uri papeji 27]
Patrick naNina vari kufarikanya rugare rwechokwadi mubasa raJehovha