Vaiziva Zita raMwari
BHUKU rokutanga rinozivikanwa kuva rakanyorwa ndokubudiswa munyika dzeAmerica dzeEngland rakanga riri Bay Psalm Book. Chinyorwa charo chokutanga chakatsikirirwa naStephen Daye muMassachusetts Bay Colony mukati megore ra 1640. Chinyorwa chapakuvamba ichocho chaiva nebhuku reBhaibheri raMapisarema, rakashandurwa kubva muchiHebheru kupinda mumutauro wechiNgezi sowaitaurwa nokunyorwa panguva iyoyo.
Rutivi runokosha rweBay Psalm Book rwakanga rwuri kushandiswa kwezita roumwari mundima dzakati. Nokudaro, munhu upi noupi airava chinyorwa ichocho kudzokera shure kure samakore 350 apfuura aiziva zita roMusiki wedu. Muchinyorwa ichocho, somuenzaniso, Pisarema 83:17, 18 rinorava, kuti: “Ngavavhiringidzwe nguva dzose, uye ngavatambudzwe zvinotyisa: zvirokwazvo, ngavanyadziswe, uye ngavaparadzwe. Kuti vanhu vagoziva; kuti imi mune zita rinonzi IEHOVAH ndimi bedzi, muri pamusoro papasi rose wokumusorosoro zvikuru.”
Chokwadika, Mwari wokumusorosoro anoda zvakawanda kupfuura kuziva kwedu kuti zita rake ndiJehovha (Iehovah). MuBay Psalm Book, Pisarema 1:1, 2 rinotaura kuti “akakomborerwa munhu” asingafambi muzano ravakaipa, “asi mumutemo waIehovah, ndimo mune mufaro wake wokushuva.” New England Psalms yakavandudzwa ya 1648 inoti: “Asi anoisa mufaro wake wose mumutemo waJehovha.”
Pano New World Translation of the Holy Scriptures yezana ramakore rechi 20 inorava, kuti: “Anofara munhu asina kufamba muzano ravakaipa, uye asina kumira munzira yavatadzi, uye haana kugara muchigaro chavatuki. Asi mufaro wake uri mumutemo waJehovha, uye anorava mumutemo wake nenzwi rakaderera masikati nousiku.”
Kuti afare zvirokwazvo, munhu anofanira kuramba zano ravakaipa. Iye haafaniri kutevera muenzaniso wavatadzi uye haagoni kukumbanira boka ravatuki vasina umwari. Pakati pezvimwe zvinhu, iye anoda kudzivisa songaniro yaavo vane zano nomufambiro zvingagona kumunyengedza kupinda muutere hwevatano, kushandiswa kwemirimo kusakafanira, uye mimwe mibato inopesana nemitemo yaMwari. Hungu, mufarwa wechokwadi unotsamira pakudzidza pamusoro paMwari wechokwadi, ane zita rinonzi Jehovha, uye kushandisa mutemo wake sezvaunoziviswa muBhaibheri.