Jehovha Akanditarisira Zvakanaka
NDAKAVAMBA kubatira Jehovha nenzira yechienzi, kuti munzwisise nhau yacho. Ndakakurira munharaunda yomuruwa yakaisvonaka yokure kuchamhembe kweNew Zealand, inogarwa zvikurukuru navanhu veMaori vakafanana neni. Ndichifamba ndakatasva bhiza rimwe zuva, ndakasvikwa mumugwagwa nehama yangu yokunyama Ben. Makanga muri muna 1942, mumunakamwe (Southern Hemisphere, chirimo muNorthern Hemisphere). Ndakanga ndine makore 27 uye panguva yacho ndiri mutezo unoshingaira weChechi yeEngland.
Kwamakore akawanda Ben akanga ave achirava mabhuku aJudge Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society panguva iyeyo, uye zvino aiva netsamba muruoko rwake yakabva kuhofisi huru yeNew Zealand yeWatch Tower Society inomukumbira kukokera vanhu vomunzvimbomo kunzvimbo uko vaigona kuchengeta Chidyo chaShe chaMadekwana pamwe chete. Uyezve, Ben aifanira kuronga kuti mumwe munhu aitise munamato wacho. Achinditarira, Ben akati: “Iwe uri munhu iyeyo.” Ndichidada kuva anorangarirwa kuva anokwaniriswa—uye zvandaiva mudyi wezviratidziro muchechi—ndakabvuma.
Pamadekwana acho, vanhu vanenge 40 vakaungana mumusha maBen nokuda kwokuchengetwa kworufu rwaShe wedu, uye hapana mumwe wavo akanga ari Chapupu chaJehovha. Pakusvika kwangu hama yangu yokunyama yakandigamuchidza ndaza yehurukuro. Ndakabvisa rwiyo rwakakarakadzwa ndokukumbira mukuwasha waBen kuzarura nomunyengetero. Ipapo ndakapfuurira kupa mashoko akarongwa, ayo akanga akaumbwa nenhevedzano yemibvunzo pamwe chete nemhinduro dzakavakirwa paMagwaro. Mufundisi womunzvimbomo uyo akanga aripo akadzongonyedza nezvirambidzo, asi izvozvi zvakapindurwa nokurava nongedzero dzaMagwaro aiva mundaza.
Ndinoyeuka kuti mumwe wemibvunzo yaiva pandaza waiva nechokuita nenguva yegore apo chinoitika chacho chaifanira kuchengetwa. Kwakanga kuchigutsa sei apo vose vaivapo vakatarira panze napawindo ndokuona jenaguru. Nenzira yakajeka, musi wacho wakanga uri Nisani 14.
Ihwohwo hwaiva usiku hwakadini! Kuchengeta kwedu kwakagara maawa mana! Mibvunzo yakawanda yakamutswa ndokupindurwa muMagwaro mundaza yeSosaiti. Ndichitarira shure, ndinoziva kuti ndingadai ndisina kugona kupukunyuka chinoitika chacho pasina tarisiro yorudo yaJehovha—kunyange zvazvo panguva yacho ndakanga ndisiri mumwe weZvapupu zvake zvakazvitsaurira. Kunyanguvezvo, pausiku ihwohwo hweChirangaridzo muna 1942, ndakawana donzo rangu muupenyu.
Upenyu Hwapakuvamba
Ndakaberekwa muna 1914. Baba vangu vakanga vafa mwedzi mina pamberi pokuberekwa kwangu, uye ndinoyeuka somwana muduku ndichichiva vamwe vana vaiva navanababa vokuvada. Ndakapotsa ikoko zvikuru kwazvo. Nokuda kwamai vangu upenyu husina murume yakanga iri parapatiko yakaoma, hwakaitwa kuti huome zvikuru kupfurikidza nemiuyo inosvika kure yeHondo yeNyika I.
Sepwere, ndakaroora musikana muduku anonzi Agnes Cope, uye iye ave ari mukwanyina wangu muupenyu kwamakore anopfuura 58. Pamavambo takaparapatika pamwe chete kuti tibudirire muupenyu. Ndakakundikana somurimi nemhaka yokusanaya kwemvura kwakakomba. Ndakawana nyaradzo mumitambo, asi kutozosvikira pachinoitika cheChirangaridzo ichecho cha 1942, ndakanga ndisina donzo chairoiro muupenyu.
Kupupurira Kuhama Dzokunyama
Pashure peChirangaridzo ichocho, ndakafunda Bhaibheri nouchokwadi, ndichikurukura nedzakati kuti dzehama dzangu dzokunyama mabhuku eBhaibheri akabudiswa neWatch Tower Society. Muna September 1943 Zvapupu zvaJehovha zvakabva kunharaunda yakasiana zvakauya kuzoshanyira nzanga yedu iri yoga. Takava nekurukurirano yakakomba, yamaawa mana. Ipapo, pakuziva kuti vaizoenda mangwanani anotevera acho, ndakabvunza, kuti: “Chii chinondidzivisa kubhapatidzwa zvino?” Vaviri vehama dzangu dzokunyama neni takanyudzwa mumvura pa 1:30 mumangwanani.
Pashure paikoko, ndakafamba zvikuru kuzopupurira kuhama dzangu dzokunyama. Dzimwe dzakagamuchira, asi nokuda kwaidzodzi ndakavakira kurukurirano dzangu pana Mateo ganhuro 24. Dzimwe hadzina kugamuchira, uye muzvinoitika izvozvo ndakashandisa mashoko aJesu kuvaFarise akanyorwa muna Mateo ganhuro 23. Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, ndakadzidza kuva anongwarira zvikuru pakutaura, mukutevedzerwa kwaBaba vedu vokudenga vane mutsa navane rudo.—Mateo 5:43-45.
Pakutanga mudzimai wangu akashora chishuvo changu chokubatira Jehovha. Zvisinei, akakurumidza kundikumbanira, uye muna December 1943 akava mubetseri akazvitsaurira, akabhapatidzwa. Vakamukumbanira murubhapatidzo pazuva iroro rinokosha vaiva vamwe vashanu vakabva mumusha wedu weWaima, kuchisvitsa hwerengedzo yavaparidzi voUmambo munzvimbo imomo kuvapfumbamwe.
Zvikomborero Pasinei Zvapo Nechishoro
Mukati ma 1944 takashanyirwazve nehama dzakabva kunze, uye nguva ino dzakagovera rovedzo inodikanwa muushumiri hwapaimba neimba hwakarongwa. Sezvo kuvapo kwedu munzanga kwakava kwakajeka zvikuru, chishoro chakabva kuvamiriri vechiKristudhomu chakawedzera. (Johane 15:20) Kwaiva nebonderano dzinodzokororwa navafundisi vomunzvimbomo, kuchiguma nekurukurirano refu dzedzidziso. Asi Jehovha akapa rukundo, uye mimwe mitezo yenzanga, kubatanidza hanzvadzi yangu, vakapinda mutarisiro ine rudo yaJehovha.
Ungano yakaumbwa muWaima muna June 1944. Chitambudzo chorudzidziso noruvengo zvakakura. Zvapupu zvaJehovha zvakanyimwa pokuviga munzvimbo yamakuva yomunzvimbomo. Padzimwe nguva chishoro chakava namasimba masimba. Kwaiva nebonderano dzokunyama. Motokari yangu negaraji mayaigara zvakaroromeswa. Kunyanguvezvo, nechikomborero chaJehovha, muisingasviki mwedzi mitatu, takakwanisa kutenga rori. Uye ndaishandisa ngoro yaidhonzwa namabhiza kutakura mhuri yangu inokura kuenda kumisangano.
Chiverengero chinokura chavasonganiri chakareva kuti takava nokudikanwa kunokurumidza kwenzvimbo yokusonganira huru zvikuru, naizvozvo takasarudza kuvaka Horo yoUmambo muWaima. Iyi yakanga iri Horo yoUmambo yokutanga yakavakwa muNew Zealand. Mwedzi mina pashure pokunge miti yatemwa pana December 1, 1949, gungano netsauriro zvakabatanidzwa zvakaitwa muhoro itsva inogara vanhu 260. Mumazuva iwayo ichocho chakanga chiri chiitwa chinoshamisa, chakaitwa nebetsero yaJehovha.
Humwe Ufakazi Hwetarisiro yaJehovha
Sezvo chiverengero chavazivisi voUmambo kure kuchamhembe kweNew Zealand chakapfuurira kukura, vatariri vanofambira vakapa kurudziro yokubatira uko kushaiwa kwaiva kukuru. Mumhinduro, muna 1956, ndakatamisira mhuri yangu kuPukekohe, kumaodzanyemba kweAuckland. Takabatira ikoko kwamakore 13.—Enzanisa naMabasa 16:9.
Mienzaniso miviri yetarisiro yaJehovha mukati meiyi nguva inotanhamara muyeuko yangu. Apo ndaishandira kanzuro yenyika somuchairi werori nomushandisi womuchina, ndakakokwa kukosi yamavhiki mana yeChikoro Choushumiri hwoUmambo kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society muAuckland. Ndakakumbira rivhi ramavhiki mana nokuda kweiri donzo, uye injiniya mukuru akati: “Zvamazvirokwazvo. Ndinoshuva kuti kudai vanhu vakawanda vakafanana newe. Apo unodzokera, uya undione muhofisi yangu.” Apo gare gare ndakashanyira hofisi yake ndakagamuchira muripo wamavhiki mana andakanga ndisipo. Nokudaro, zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri yangu zvakatarisirwa.—Mateo 6:33.
Iwoyo wakanga uri muenzaniso wokutanga. Wechipiri wakaitika pashure pokunge mudzimai wangu neni tapinda mubasa roupiona hwenguva dzose muna 1968. Zvakare, takavimba naJehovha nokuda kwetsigiro, uye iye akatitusa. Mangwanani mamwe pashure pechisvusvuro, mudzimai wangu akavhura suo refirigi ndokuwana mukati musina chinhu asi magiramu 250 ebhata. “Sarn,” iye akadaro, “hatina chasara chokudya. Tichiri kubuda mubasa here nhasi?” Mhinduro yangu? “Hungu!”
Pashanyo yedu yokutanga, saimba akagamuchira mabhuku atakagovera uye nomutsa akatipa madhazeni mashomanene amazai somupiro. Munhu wechipiri akashanyirwa akatipa chipo chemirivo—kumaras (mbambaira), cauliflower, uye kerotsi. Zvimwe zvinhu zvokudya zvatakadzokera nazvo kumusha zuva iroro zvakanga zviri nyama nebhata. Akanga ari echokwadi sei muchinoitika chedu mashoko aJesu: “Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzicheki, hadziunganidziri mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa izvozvo. Imi hamudzipfuuri zvikuru here?”—Mateo 6:26.
Mugove Kune Imwe Nyika
Rarotonga muCook Islands! Uyu wakanga uri mugove wedu woupiona chaihwo muna 1970. Wakanga uchizova musha wedu kwamakore mana akatevera. Denho yokutanga muno kwakanga kuri kudzidza mutauro mutsva. Zvisinei, nemhaka yefanano pakati pechiMaori cheNew Zealand nechiMaori cheCook Islands, ndakakwanisa kupa hurukuro yangu yavose yokutanga mavhiki mashanu pashure pokusvika.
MuCook Islands, makanga mune vaparidzi voUmambo vashomanene, uye takanga tisina pokusonganira. Zvakare, mumhinduro kumunyengetero, Jehovha akagovera zvinodikanwa zvedu. Kurukuriranowo zvayo nomutengesi womuchitoro yakaguma nokurenda kwedu nzvimbo yakakodzera, uye mukati megore rimwe taiva nomusha muduku neHoro yoUmambo yokugara 140. Kuvambira panguva iyoyo zvichenda mberi takagamuchira chikomborero pashure pechikomborero, kurumbidzwo yaJehovha.
Wakaongwa zvikuru wakanga uri mutsa wechitsuwa chacho wakapiwa kwatiri. Kazhinji kazhinji, tiri muushumiri, taipiwa zvinwiwa zvinozorodza—zvinofarirwa zvikurusa mumugariro wokunze unopisa, unodziya. Kazhinji kazhinji taisvika pamusha ndokuwana mabhanana, mapopo, mango, uye maranjisi zvasiiwa nomunhu asingazivikanwi pasuo redu.
Muna 1971 mudzimai wangu neni, tichiperekedzwa navamwe vaparidzi vatatu vomuRarotonga, takafamba tichienda kuchitsuwa cheAitutaki, chakakurumbira nokuda kwegungwa racho duku rakaisvonaka. Takawana vadi veShoko raMwari pakati pavagari vemo vane mutsa ndokutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha ina, idzo takapfuudzira nokunyorerana pashure pokudzokera kwedu kuRarotonga. Pashure penguva yakati vadzidzi ivavo vapaAitutaki vakabhapatidzwa, uye ungano yakaumbwa. Muna 1978 Horo yoUmambo yechipiri muCook Islands yakavakwa imomo. Jehovha akaramba achiita kuti zvinhu zvikure mumhinduro kukusima kwedu nokudiridza.—1 VaKorinte 3:6, 7.
Ndakaropafadzwa kushanyira zvitsuwa gumi muboka reCook Islands, kazhinji kazhinji mumigariro inotambudza. Rumwe rwendo neigwa rwokuAtiu, kure namakiromita 180, rwakada anopfuura mazuva matanhatu nemhaka yemhepo huru negungwa rinovinduka. (Enzanisa na 2 VaKorinte 11:26.) Kunyange zvazvo migove yezvokudya yakanga yakaganhurirwa uye vazhinji vakandikomba vakanga vachirwara nechirwere chinoparirwa nokufamba nengarava, ndakaonga nokuda kwetarisiro yaJehovha, iyo yakaguma nokusvika kwakakotsekana kwandaienda.
Muna 1974 takarambidzwa mvumo yokugara muCook Islands uye naizvozvo taifanira kudzokera kuNew Zealand. Pakasvika nguva iyoyo pazvitsuwa zvacho pakanga pane ungano nhatu.
Mamwe Maropafadzo Ebasa—Uye Muedzo
Shure muNew Zealand, masuo matsva ebanza akazaruka. (1 VaKorinte 16:9) Sosaiti yaida mumwe munhu aigona kushandura Nharireyomurindi namamwe mabhuku eBhaibheri muchiMaori cheCook Islands. Ndakapiwa ropafadzo yacho, uye yaramba iri yangu kusvikira kuzuva razvino. Ipapo ndakaropafadzwa kuita shanyo dzedzokerero dzenguva dzose pahama dzangu dzomuCook Islands, kutanga somutariri wedunhu, ipapo somutsivi womutariri woruwa.
Paimwe yeshanyo idzodzo, Hama Alex Napa, piona chaiye weRarotonga, akaenda neni parwendo rwomugungwa rwamazuva 23 urwo rwakatiendesa kuManahiki, Rakahanga, uye Penrhyn—zvitsuwa zvokuchamhembe kweCooks. Pachitsuwa chimwe nechimwe, Jehovha akasunda mwoyo yavanhu vomunzvimbomo vane mutsa kutigovera pokugara nokugamuchira mabhuku akawanda eBhaibheri. (Enzanisa naMabasa 16:15.) Muizvi zvitsuwa, maoyster ane maparera, uye panhambo dzakawanda vanhu vakapa maparera somupiro kundyiko yebasa rokuparidzira munyika yose. Naizvozvo, sezvo taipa maparera omudzimu, taigamuchira chaiwoiwo.—Enzanisa naMateo 13:45, 46.
Rutivi rwuri rwoga irworwo rwenyika rwakaisvonaka sei! Fungidzira uchishambira norugare pamwe chete navana mugungwa! Chiono chakaisvonaka zvakadini matenga akapa usiku! Ndeechokwadi sei mashoko owezvamapisarema, anoti: “Musi mumwe unotaurira mumwe musi, uye usiku humwe hunopupurira humwe husiku njere.”—Pisarema 19:2.
Ipapo, makore mapfumbamwe apfuura, kwakauya muedzo chaiwoiwo weperero. Mudzimai wangu akapinzwa muchipatara nemhaka yeropa muuropi. Kuvhiyiwa kwaidikanwa, asi chiremba haasati aizobvuma kukuita pasina kushandisa ropa. Mudzimai wangu neni taisagona kubvuma nenzira yokutungamirirwa nehana muitiro waizopunza mutemo waMwari. Asi hana yomuvhiyi yakaraira kuti mutoo uri wose unobvira, kubatanidza ropa, ushandiswe kuponesa upenyu.
Utano hwomudzimai wangu hwakashata, uye akaiswa muwodhi yokutarisirwa zvikuru, neshanyo dzakaganhurirwa bedzi dzaibvumirwa. Iye akatambura kurasikirwa nokunzwa nemhaka yedzvinyiriro pamaruvhe. Wakava mugariro une ngozi. Pashure peshanyo imwe mumwe chiremba akanditevera kumotokari yangu, achitaura kuti banza bedzi romudzimai wangu rakanga riri rokuvhiya kune ropa uye achinditeterera kukubvuma. Kunyanguvezvo, mudzimai wangu neni takavimba naJehovha—kunyange kana kuteerera mutemo wake kungaguma nokurasikirwa namakore mashomanene mutsika ino iripo yezvinhu.
Kamwe kamwe, kwakava nevandudziko inoshamisa mumugariro womudzimai wangu. Ndakasvika rimwe zuva ndokumuwana akagara pamubhedha achirava. Pamazuva akatevera iye akavamba kupupurira kuvarwere navanamukoti. Ipapo ndakashevedzwa kuhofisi yomuvhiyi. “VaWharerau,” iye akadaro, “imi zvamazvirokwazvo muri murume ane mhanza yakanaka! Tinodavira kuti chinetso chomudzimai wenyu chapera.” Nenzira isingakarirwi, simba reropa rake rakanga radzikama. Pamwe chete, mudzimai wangu neni takaonga Jehovha ndokumutsidzira kutsunga kwedu kuita unani hwedu mubasa rake.
Zvino ndakagoverwazve kuCook Islands uye zvakare ndiri kubatira muRarotonga. Iropafadzo yakakomborerwa zvakadini! Mukutarira shure mudzimai wangu neni tinoonga nokuda kwetarisiro yaJehovha muanopfuura anodokusvika makore makumi mashanu tiri mubasa rake. Mune zvokunyama, hatina kutongova vasina zvinodikanwa zvoupenyu. Mupfungwa yomudzimu, zvikomborero zvave zvakawanda zvokusagona kuverenga. Chinokosha chiverengero chehama dzangu dzokunyama dzakagamuchira zvokwadi. Ndinogona kuverenga dzinopfuura 200 idzo zvino dziri Zvapupu zvakabhapatidzwa zvaJehovha, kubatanidza vazukuru vakananga 65. Muzukuru mumwe mutezo wemhuri yeBheteri yeNew Zealand, nepo mwanasikana mumwe nomurume wake navanakomana vaviri vari kuita basa rokuvaka kumapazu.—3 Johane 4.
Mukutarira mberi, ndinoda tariro yokurarama muparadhiso umo, mupasi rose, runako ruchapfuura kunyange urwo rwomupata wakaisvonaka wakasvibira umo ndakaberekerwa. Ichava ropafadzo yakadini kugamuchira vachidzoka amai vangu nababa murumuko nokuvaudza nezvorudzikinuro, Umambo, uye humwe ufakazi hwose hwetarisiro yaJehovha.
Kutsunga kwangu, kunotsigirwa nezivo yokuti Mwari anonditarisira, kwakaita sezvakataura wezvamapisarema paPisarema 104:33: “Ndichaimbira Jehovha panguva yose youpenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiripo.”—Yakataurwa naSarn Wharerau.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Horo yoUmambo yokutanga yakavakwa muNew Zealand, 1950