RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 9/1 pp. 24-25
  • Idya Zvokudya—Idya Chingwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Idya Zvokudya—Idya Chingwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Wakamboravira Chingwa Choupenyu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mufananidzo Wegorosi Nemasora
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • “Tichadyeiko?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri—Murimi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 9/1 pp. 24-25

Zviono zvomuNyika Yakapikirwa

Idya Zvokudya—Idya Chingwa

PANE imwe nhambo apo Jesu navadzidzi vake vakanga vari muimba, “vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa” nemhaka yeboka. (Marko 3:20) Imwe nguva Jesu akapinda mumusha womuFarise “kuzodya zvokudya.” (Ruka 14:1) Rudziiko rwezvokudya runouya kundangariro yako?

VaIsraeri vakare zvimwe vaizofunga nezvechingwa nemhaka yokuti kutaura hwechiHebheru nokwechiGiriki nokuda kwo“kudya zvokudya” kwaireva chaizvoizvo “kudya chingwa.” Ikoku kunonzwisisika, sezvo chingwa chaiitwa negorosi kana kuti nebhari rwaiva rutivi rukuru rwezvokudya zvavo.

Vanhu vazhinji nhasi vanofunga nezvamadziteteguru echiHebheru savafudzi uye nezvavadzidzi vaJesu savaredzi. Uye vamwe vakararama nenzira iyoyo asi zvamazvirokwazvo kwete vose. Gorosi raikosha muupenyu hwavazhinji. Sezviri pachena kwakanga kwakadaro naIsaka naJakobho padzimwe nguva, sezvatingagumisa kubva muna Genesi 26:12; 27:37; uye Gen. 37:7. Uye sezvo kurima raiva basa guru muGarirea munguva yaJesu, ko vamwe vakava vaapostora vangagona kuva vaiva varimi vegorosi here?

Kubvira ikoko kuripo, nokuti kurima gorosi kwakanga kwakapararira muNyika Yakapikirwa, uye nongedzero dzeBhaibheri kwakuri dzakawanda. (Dheuteronomio 8:7-9; 1 Samueri 6:13) Chii chaibatanidzwa?

Pashure pokunge bumharutsva muna October naNovember rapfavisa ivhu, murimi wegorosi airima uye ipapo aidyara mbeu dzake. Mvura dzapashure dzaibatsira zvirimwa zvake kukura uye ipapo, muna April naMay, kuibva pamberi pokupisa kwezhezha. Kukohwa gorosi kwaisanozivikanwa kwazvo zvokuti unorava nezvako sechiratidzo chomwaka. (Genesi 30:14; Vatongi 15:1) Unogona kuziva here apo mukati megore mufananidzo uri papeji yakanangana neyi wakatorwa?a Uye wakanga uri mwakai apo vadzidzi vaJesu vakatanha hura humbishi?—Mateo 12:1.

Kukohwa gorosi kwaireva basa rakawanda nokuda kwavarimi. Vacheki vaicheka madzinde nejeko ndokuasunga kuva zvisote, sezvo unoona pasi apa. Chokwadika, mamwe madzinde angafuratirwa kana kuti angadonhera pasi, chiri chikonzero nei Rute aigona kuunganidza nenzira inobudirira. (Rute 2:2, 7, 23; Marko 4:28, 29) Zvisote zvegorosi zvaitevera kuendeswa kuburiro, zvakadai seArauna. Chii chaiitika ikoko? Bhaibheri rinodudza “nhumbi dzokupura nadzo, namajoko enzombe.” (2 Samueri 24:18-22; 1 Makoronike 21:23) Zvisote zvegorosi zvaiparadzirwa paruware pakati sandara kana kuti pasi pakatsindirwa. Nzombe kana kuti imwe mhuka yaitenderera, ichitsika gorosi. Mhuka yacho ingava ichikweva chireyi chomuti icho chaizobetsera kupwanya dzinde ndokubvisa hura.—Isaya 41:15.

Ipapo hwakanga hwagadzirira kupepetwa, uko kwaiitwa kupfurikidza nokuhukandira mumhepo nefoshoro kana kuti foroko, sezvinoonwa pamusoro apa. (Mateo 3:12) Murimi angapepeta mumadekwana apo kamuferefere kaipeperesa hundi (hunye hunobva muhura) ndokuendesa dzinde kurutivi. Apo bedzi hura hwakanga hwaunganidzwa ndokupepetwa kubvisa hurungudo dzipi nedzipi, hwakanga hwagadzirira kuchengetwa—kana kuti kugadzira chokudya chiya choukoshi hukuru, chingwa.—Mateo 6:11.

Kudai iwe waiva mudzimai wapamba ane basa iroro, zuva rimwe nerimwe waizoshandisa duri nomutswi kudzvura hura kuva hupfu hwegorosi, zvichida upfu hwegorosi husina kuti tsetsekei. Kana kuti ungakuya “upfu hwakaisvonaka,” hwakadai souhwo Sara akashandisa kuita “zvingwa zviduku,” zvengirozi dzakapfeka miviri yavanhu kana kuti izvo vaIsraeri vaishandisa muzvipiriso zvezviyo kuna Jehovha. (Genesi 18:6; Eksodho 29:2; Revhitiko 2:1-5; Numeri 28:12) Sara akanyorovesa upfu nemvura ndokuva mukanyiwa.

Pasi, unogona kuona mikanyiwa nechingwa chimwe chakati sandara, chakatetepa chakaparadzirwa chakamirira kubikwa. Zvingwa zvikuru zvakadaro, zvakatenderera zvaigona kubikwa pamabwe kana kuti pasimbi, sezviri kuita mukadzi. Ikoku kunokubetsera kuisa muchiono izvo Sara akatevera kuitira vashanyi vengirozi uye izvo mhuri yaRoti yakaita gare gare here? Tinorava, kuti: “[Ngirozi] dzakatsaukira kwaari ndokupinda mumba make. Ipapo akadziitira mabiko, uye iye akabika zvingwa zvisina kuviriswa, uye dzakadya.”—Genesi 19:3, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Enzanisa ne 1992 Karenda reZvapupu zvaJehovha.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Garo Nalbandian

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe