RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 6/15 pp. 4-7
  • Rudzikinuro Mutsinhano Navazhinji

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzikinuro Mutsinhano Navazhinji
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kufukidza Nokusunungura
  • Rudzikinuro Runowirirana
  • Munhu Mumwe Mutsinhano Navazhinji
  • Gadziriro Yorudzikinuro Newe
  • Rudzikinuro Runowirirana Nokuda Kwavose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Jehovha Anoita Urongwa Hwekuti “Adzikinure Vanhu Vazhinji”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 6/15 pp. 4-7

Rudzikinuro Mutsinhano Navazhinji

PANA March 31, 1970, ndege yejeti yakapambwa pedyo neMount Fuji muJapan. Mitezo mipfumbamwe yeboka inozivikanwa seJapanese Red Army Faction yakatora vakwiri vanopfuura 120 nemitezo yeboka ravashandi senhapwa ndokuraira rwendo rwakakotsekana kuenda kuNorth Korea.

Apo ndege yacho yakamhara muSeoul, Republic of Korea, mutevedzeri wegurukota reJapan rezvokutakurwa kwezvinhu Shinjiro Yamamura akazvipira kuisa upenyu hwake mungozi nokuda kwenhapwa. Vachibvuma kumugamuchira sevimbiso yekotsekano yavo vamene, vapambi vakasunungura nhapwa dzose kunze kwavashandi vomundege. Ipapo vakaenda nendege kuPyongyang, uko vakatera kuzviremera zveNorth Korea. VaYamamura nomuchairi wendege gare gare vakadzokera kuJapan vasina kukuvadzwa.

Muchinoitika ichochi, munhu mumwe akabatira setsinhano nokuda kwoupenyu hwenhapwa dzinopfuura 120. Ikoku kungatibetsera kuona kuti munhu mumwe aigona sei kupa upenyu hwake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji. Asi kuti tinzwisise dzidziso yeBhaibheri yorudzikinuro, tinofanira kusanonzvera iyi nhau zvikuru.

Kutanga, tinofanira kunzvera mavambo echivi. “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika norufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti vose vakanga vatadza,” rinotsanangura kudaro Bhaibheri. (VaRoma 5:12, NW) Ikoko kwakaitika sei? Munhu anodudzwa ipapo akanga ari Adhama, munhu wokutanga akasikwa. Unogona kurava nhauro yenhau yokusikwa kwake uye chakatungamirira kukutsauka kwake pamupimo waMwari. Ikoku kwakarongwa mumaganhuro matatu okutanga ebhuku reBhaibheri raGenesi.

Nhauro iyoyo inozivisa kuti kwakanga kune mupesvedzeri seri kwezviono apo Adhama akatanga kuita chivi. Kuti agutse chishuvo chake amene chesimba, mupesvedzeri iyeyo akaronga kudzora Adhama navana vapi navapi vaangava navo. Mupesvedzeri wacho akanga ari Satani Dhiabhorosi. Iye anodanwawo kunzi “nyoka yapakuvamba” nemhaka yokuti iye akashandisa nyoka mukutungamirira Adhama kuchivi. (Zvakazarurwa 12:9, NW) Kunyange zvazvo Musiki ane rudo worudzi rwomunhu akanga audza Adhama kuremekedza maruramiro Ake okusarudza chiri chakanaka nechiri chakashata, nyoka yakanyengedza mudzimai waAdhama, Evha, kuti asateerere Mwari. Ipapo akanyengera murume wake kuti asateerere. Kupfurikidza nenzira iyoyo, Adhama akazivisa kuzvimirira pana Mwari, akava anotadza nenzira yamaune, uye aigona kupfuudzira bedzi rudzi irworwo rwoupenyu kuvana vake.

Tichiri kutambura miuyo yacho. Seiko? Eya, Musiki akanga azivisa zvakarurama kuti kana Adhama naEvha vakasarudza namaune kusateerera, muuyo wacho waizova rufu. Kupfurikidza nokutadza, naizvozvo, Adhama akatengesa rudzi rwose rwomunhu muuranda kuchivi norufu.—Genesi 2:17; 3:1-7.

Rudzi rwomunhu rwaigona seiko kutsikinurwa mumugariro wokutadza iwoyo? Jesu Kristu akauya kupasi “kuti ape mweya wake rudzikinuro mutsinhano navazhinji,” uye ikoku kwakazarura nzira yokudzikinura rudzi rwomunhu.—Mateo 20:28, NW.

Kufukidza Nokusunungura

Bhaibheri rinoratidza kuti muitiro wokutsikinura rudzi rwomunhu wakabatanidza matanho maviri: (1) kudzikinura uye (2) kusunungura. Pamusoro peshoko rechiGiriki (lyʹtron) rinoshandurwa kuti “rudzikinuro,” nyanzvi yeBhaibheri Albert Barnes akanyora, kuti: “Shoko rokuti rudzikinuro rinoreva chaizvoizvo mutengo unoripirwa nokuda kwokutsikinurwa kwenhapwa. Muhondo, apo vasungwa vanotorwa nomuvengi, mari inorairwa nokuda kwokusunungurwa kwavo inonzi rudzikinuro; ndiko kuti, iyo ndiyo mutoo uyo vanosunungurwa kupfurikidza nawo. Naizvozvo chinhu chipi nechipi chinosunungura munhu upi noupi mumugariro wechirango, kana kuti kutambura, kana kuti chivi, chinonzi rudzikinuro.”

Hungu, “chinhu chipi nechipi chinosunungura munhu upi noupi” chinogona kunongedzerwa kwachiri selyʹtron. Naizvozvo iri shoko rechiGiriki rinosimbisa chiito kana kuti muitiro wokusunungura.a

Muapostora Pauro akashandisa shoko rine chokuita naro rokuti an·tiʹly·tron kusimbisa ukoshi hwomutengo wakaripirwa sorudzikinuro. Pana 1 Timotio 2:6 (NW), iye akanyora kuti “[Jesu] akazvipa amene” so“rudzikinuro runowirirana nokuda kwavose.” Richitsinhira pamusoro paikoku, Greek and English Lexicon to the New Testament yaParkhurst inoti: “Kunoratidzira zvakakodzera mutengo uyo nhapwa dzinotsikinurwa kupfurikidza nawo pamuvengi; uye rudzi rwuya rwetsinhano umo upenyu hwomunhu hunotsikinurwa noupenyu hwomumwe.” Simbiso pano iri parudzi runowirirana kana kuti kubviswa kwomutengo worudzikinuro unoripirwa mukudzikamisa zviyero zveruramisiro. Chibairo chorudzikinuro chaJesu chaigona sei kurangarirwa kuva “rudzikinuro runowirirana”?

Rudzikinuro Runowirirana

Adhama akatengesa rudzi rwose rwomunhu, kubatanidza isu, muchivi norufu. Mutengo, kana kuti chirango, waakaripira wakanga uri upenyu hwake hwakakwana hwohunhu, hune bviro yokurarama nokusingaperi. Kufukidza ikoku, humwe upenyu hwomunhu hwakakwana—rudzikinuro runowirirana—hwaifanira kuripirwa. Zvisinei, hapana munhu akaberekwa navanhu vasina kukwana aigona kugovera upenyu hwakakwana hwohunhu hwaidikanwa. (Jobho 14:4; Pisarema 51:5) Muuchenjeri hwake, zvisinei, Mwari akazarura nzira yokubuda nayo muiyi migariro yakaoma. Iye akatamisira upenyu hwakakwana hwoMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kubva mumatenga kuenda kunhumbu yemhandara, achimurega achiberekwa somunhu akakwana. (Ruka 1:30-38; Johane 3:16-18) Iyi dzidziso yokuberekwa kwaJesu nemhandara haisati iri nhau yakatangwa kuti irumbidze muvambi worudzidziso. Panzvimbo pezvo, inotsanangura nhano ine mufungo mugadziriro yaMwari yorudzikinuro.

Kuti aite kutsikinura, Jesu aifanira kuchengeta chinyorwa chakachena nguva yose yaakanga ari pasi pano. Akaita ikoku. Ipapo akafa rufu rwechibairo. Nenzira iyoyi, Jesu akaripira mutengo woupenyu hwake hwakakwana hwohunhu sorudzikinuro kununura rudzi rwomunhu. (1 Petro 1:19) Naizvozvo tinogona kutaura nenzira yakarurama kuti “munhu mumwe akafira vose.” (2 VaKorinte 5:14, NW) Hungu, “vose sezvavanofa muna Adhama, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu.”—1 VaKorinte 15:22.

Munhu Mumwe Mutsinhano Navazhinji

Munhau yokupamba yadudzwa pakuvamba, nhapwa dzakanga dzisina nzira yokuzvisunungura dzimene nayo, kunyange kudai dzakanga dzakapfuma. Betsero yokunze yaidikanwa, uye munhu anobatira setsinhano aifanira kusvitsa migariro yakati. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nenzira huru zvikuru kwazvo pamusoro porudzikinuro runodikanwa kutsikinura rudzi rwomunhu. Wezvemapisarema akanyora, kuti: “Ivo . . . vachizvikudza pamusoro pokuwanda kwepfuma yavo; hapana ungatongodzikinura hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro pamusoro pake; (nokuti rudzikinuro rwemweya yavo runokosha, runofanira kuregwa nokusingaperi).” (Pisarema 49:6-8) Zvamazvirokwazvo, kwakanga kune dikanwo yebetsero yokunze nokuda kworudzi rwomunhu. Upenyu hwomunhu mumwe hwaizova hwakakwana kutsikinura rudzi rwose rwomunhu chero bedzi aisvitsa migariro yaidikanwa kudzikamisa zviyero zvaMwari zveruramisiro. Jesu Kristu ave ari munhu bedzi akakwana anosvitsa zvikwaniriso zvacho.

Jehovha Mwari akagovera nokuda kworununuro rworudzi rwomunhu kupfurikidza nokuripirwa kworudzikinuro kupfurikidza naJesu Kristu. Asi Mwari akaita zvakawanda. Iye akapa tongero yorufu pana Satani Dhiabhorosi, uyo akapinza rudzi rwomunhu muchivi. (Zvakazarurwa 12:7-9) Jehovha achapfigira nokukurumidza ane mhaka iyeyo uye pakupedzisira achaita rutongeso kupfurikidza noku‘mukandira mudziva romwoto nesuferi,’ kufananidzira ruparadziko rusingagumi. (Zvakazarurwa 20:1-3, 7-10, 14) Nokubviswa kweichi chisikwa chomudzimu chakaipa uye kupfurikidza nokushandiswa kworudzikinuro, rudzi rwomunhu ruchafarikanya rununuro kwete bedzi mukubata kwechivi norufu asiwo mupesvedzero yaSatani. Vadarozvo kusunungurwa uye norunako rwechibairo chorudzikinuro chaKristu rwashandiswa zvakazara, rudzi rwomunhu runoteerera ruchafambira mberi kukukwana kwohunhu.

Gadziriro Yorudzikinuro Newe

Pakudzidza pamusoro pechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu, vazhinji vari muMabvazuva vakaonga zvikuru izvo Mwari akavaitira. Kazuo muenzaniso. Upenyu hwake hwakanga hwakanangidzirwa pakufema ndokudhakwa nepaint thinner. Pakuchaira mupesvedzero yayo, aiparadza aparadzazve motokari dzake. Nhatu dzeshamwari dzake dzakazviuraya pashure pokunge dzaparadza utano hwadzo. Kazuo akaedzawo kuzviuraya. Gare gare, akavamba kufunda Bhaibheri. Asundwa nezvokwadi yaakadzidza, akasarudza kuchenesa upenyu hwake. Akarwisana nomuitiro wake wokushatisa muviri wake nepaint thinner, uye kwakanga kune mhinganidzo dzakawanda. Akanga ava pakati pezvishuvo zvake zvenyama nokushuva kuita chakarurama. Akafara sei kukwanisa kunyengetera kuna Mwari nokuda kwekanganwiro kupfurikidza norunako rwechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu! Kupfurikidza nomunyengetero uye nebetsero yakabva kushamwari dzechiKristu, Kazuo akakurira chinetso chake uye zvino ari kubatira Jehovha somushumiri anofara nehana yakachena.

Unoyeuka Chisako here, adudzwa pamavambo enyaya yatangireyi? Kupfurikidza nefundo yeBhaibheri, akasvikawo pakunzwisisa gadziriro yorudo yorudzikinuro. Akaororwa zvikuru apo akadzidza kuti Mwari akapa Mwanakomana wake kusunungura rudzi rwomunhu muchivi. Chisako akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Kunyange zvino, pazera ramakore 77, anopedza maawa 90 mwedzi uri wose achiudza vamwe pamusoro porudo rukuru rwaJehovha nomutsa usakafanirwa waanoratidza.

Rudzikinuro runofanira kuva runokosha kwauriwo. Kupfurikidza narwo, Mwari achazarura nzira inoenda kurusununguko rwechokwadi rworudzi rwomunhu—rusununguko muchivi norufu. Nguva yemberi yakaisvonaka youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi iri mberi nokuda kwaavo vanogamuchira chibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. Tapota onana neZvapupu zvaJehovha ndokuzvinzverera umene nzira yaunogona kufarikanya nayo rusununguko muchivi norufu kupfurikidza negadziriro yorudo yorudzikinuro.

[Mashoko Omuzasi]

a MuMagwaro echiHebheru, pa·dhahʹ namashoko ane chokuita naro anoshandurwa kuti “kutsikinura” kana kuti “mutengo wokutsikinura,” kusimbisa kusunungura kwaibatanidzwa.—Dheuteronomio 9:26.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

Courtesy of the Mainichi Shimbun

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe