RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 6/15 pp. 3-4
  • Pane Nzira Here Yokubuda Nayo Mumugariro Wokutadza Womunhu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pane Nzira Here Yokubuda Nayo Mumugariro Wokutadza Womunhu?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chivi Chinogona Kubviswa Here?
  • Apo Chivi Chinenge Chisisikozve
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Nyika Isina Chivi—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Nei Tichida Kudzikinurwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Rudzikinuro Mutsinhano Navazhinji
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 6/15 pp. 3-4

Pane Nzira Here Yokubuda Nayo Mumugariro Wokutadza Womunhu?

AINE vana vake vechiduku vana, Chisako aisichenesa zvimbudzi zvavose muguta riri makiromita 600 kubva pamusha wake. Paakanga achiita kudaro, aiimba sutra, iyo aisanzwisisa revo yayo. Waiva mumwe wemiitiro yeboka rorudzidziso raitsvaka kuwana chiri pamusimboti chaiwoiwo wamarudzidziso ose.

“Pasinei zvapo nemiitiro yokuzvinyima inopfuuridzirwa,” Chisako anoyeuka kudaro, “ndaisagona kuchinja hunhu hwangu. Pasi mumwoyo mangu, ndaisagona kukanganwira vamwe uye ndaisagona kuratidza rudo nevavariro yapachokwadi.”

Kunyange munyika dzokuMabvazuva, umo vanhu vazhinjisa vasina murangariro wechivi sounodzidziswa muBhaibheri, vazhinji vanonzwa marwadzo ehana pamusoro pekombamiro dzavo dzokutadza, sezvakaita Chisako. (VaRoma 2:14, 15) Ndiani asina kutambura kunzwa kusingafadzi nokuda kwokusaratidza mutsa kune mumwe munhu ari mumugariro unonzwisa urombo kana kuti asina kunzwa kuzvidemba kunoodza mwoyo nokuda kwamashoko aisatongofanira kuva akataurwa? (Jakobho 4:17) Uye rudzi rukuru rwakaipa rwegodo harusi mukati mavaduku navakuru zvakafanana here?

Neiko vanhu vane kunzwa kwakadaro kwokunetseka? Nemhaka yokuti, kana vachikuziva kana kuti kwete, vane pfungwa yomukati yechakaipa, yechivi. Zvamazvirokwazvo, kana vanhu vachiziva nezvedzidziso yeBhaibheri yechivi kana kuti kwete, vose vanotapurwa nekombamiro dzokutadza. Imwe nyanzvi paiyi nhau yakambogumisa, kuti: “Vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.

Chivi Chinogona Kubviswa Here?

Vanhu vazhinji nhasi, zvikurukuru vari muchiKristudhomu, vakabatikana kuedza kubvisa kunzwa kwechivi nokuva nemhaka muhana dzavo. “Shoko rimene rokuti ‘chivi’ . . . rodokuva ranyangarika,” akadaro Dr. Karl Menninger mubhuku rake rinonzi Whatever Became of Sin? Zvisinei, kudzivisa shoko rokuti “chivi” hakubetseri kupfuura kuda kwomurume akwegura kudzivisa shoko rokuti “kukura.” Tinofanira kunangana neidi rokuti tine kombamiro dzokutadza uye tinofanira kununurwa mumugariro iwoyo unosuruvarisa. Asi naani?

Muapostora wechiKristu Pauro akabvunza mubvunzo iwoyo pashure pokubvuma kombamiro dzake amene dzokutadza pasinei zvapo nokuda kuita zvakasiana: “Ndiri munhu ari pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?” Ipapo Pauro akapfuurira kupindura, kuti: “Mwari ngaaongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu.” Neiko? Nemhaka yokuti Mwari akanga aronga nokuda kwokukanganwirwa kwechivi kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu.—VaRoma 7:14-25.

Zvisinei, vazhinji vavasati vari maKristu vane 3 500 000 000 venyika (kaviri chiverengero cheanonzi maKristu) vanowana mufungo worudzikinuro wakaoma zvikuru kunzwisisa. Somuenzaniso, dzidziso yorudzikinuro yakava chigumbuso chikurusa kumumwe muMuslim anogara muJapan uyo akafunda Bhaibheri kwechinguvana. Nokuda kwevokuMabvazuva vazhinji pfungwa yokuti munhu mumwe aigona kufira vose ndeyechienzi.

Ikoku kunonzwisisika, sezvo kunyange vamwe vari muchiKristudhomu vachiwana iyi dzidziso huru yakaoma kunzwisisa. “Dzidziso yoRutsikinuro,” yakabvuma kudaro New Catholic Encyclopedia, “murutivi rwakati haiwanwi uye inopfuurira kuzvipa imene sechinetso mudzidziso.”

Tambanuko yevhiringidziko yacho pamusoro pedzidziso iyoyi inosanoratidzirwa mumashoko omunyori worudzidziso N. H. Barbour, anoti: “Rufu rwaKristu rwakanga rusati rwuri chigadzikiso chechirango chezvivi zvomunhu kupfuura kubaya pini mumuviri wenhunzi ndokuiparira kutambura norufu zvaizorangarirwa nomubereki wapasi sokugadzikiswa kwakarurama kwechikanganiso mumwana wake.” Akanga akabatanidzwa panguva iyeyo naBarbour akanga ari Charles T. Russell, uyo akaona dikanwo yokukurumidzira yokudzivirira dzidziso yorudzikinuro. Akazviparadzanisa amene naBarbour uye muna 1879 akavamba kubudisa magazini itsva, iyo gare gare yakava magazini yauri kurava. Kubvira pamavambo ayo, Nharireyomurindi yave iri murwiri wechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu.

Asi dzidziso iyoyi inogona kumbova inogamuchirika kune avo vasina ruzivo rwechi“Kristu” here? Kuti tiwane, ngatisanonzverei iyi dzidziso yomunhu mumwe anofira vose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe