Chiziviso
Rubatsiro Nokuda kwaMatare oMutumbi Unodzora
Mitezo yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, panguva ino 12 muchiverengero, vanopfuurira kubatira nokutendeka mumigove yavo. Ivo vanoonga nguva dzose mitezo yakavimbika ye“boka guru” rinowedzera nokuda kwetsigiro yavo yokushingaira. (Zvakazarurwa 7:9, 15, NW) Nemhaka yewedzero huru munyika yose, kunoratidzika kuva kwakafanira panguva ino kugovera Mutumbi Unodzora rubatsiro rwokuwedzera. Naizvozvo kwakasarudzwa kukoka vabetseri vanoverengeka, zvikurukuru vanobva pakati peboka guru, kuti vagoverane mumisangano yerimwe nerimwe raMatare oMutumbi Unodzora, ndiko kuti, Matare Ravashandi, Rokubudisa, Rebasa, Rokudzidzisa, uye Rokunyora. Nokudaro, chiverengero chinopinda misangano yerimwe nerimwe ramatare iwaya chichawedzera kusvika kuvanomwe kana kuti vasere. Munhungamiro yemitezo yedare roMutumbi Unodzora, ava vabatsiri vachatora rutivi mukurukurirano uye vachaita migove yakasiana-siana inovapiwa nedare. Iyi gadziriro itsva inotanga kushanda pana May 1, 1992.
Kwamakore akawanda zvino, chiverengero chavakasarira veZvapupu zvakazodzwa chave chichiderera, apo chiverengero cheboka guru chakawedzera kupfuura kariro dzedu hurusa. (Isaya 60:22) Tinoonga sei Jehovha nokuda kweiyi futunuko inoshamisa! Apo zita idzva, Zvapupu zvaJehovha, rakagamuchirwa nomufaro muna 1931, chiverengero chapamusoro chavaparidzi voUmambo chakanga chiri 39 372, vazhinjisa vavo vaitaura kuva hama dzakazodzwa dzaKristu. (Isaya 43:10-12; VaHebheru 2:11) Makore ane makumi matanhatu gare gare, muna 1991, chiverengero chapamusoro chenyika yose chavaparidzi chakanga chiri 4 278 820, vane 8 850 vavo bedzi vakataura kuva vavakasarira vakazodzwa. Sezvaikarirwa nebetsero yaMagwaro, “boka guru” zvino rinopfuura vakasarira ve“boka duku” navanopfuura 480 kwa 1. (Ruka 12:32; Zvakazarurwa 7:4-9, NW) Mukutarisira fariro dzoUmambo dzinofutuka, vakasarira zvirokwazvo vanoda ndokuonga batira pamwe netsigiro zveboka guru.
Sezvinotsanangurwa muchinyorwa chino cheNharireyomurindi, pane boka rinobatira naIsraeri womudzimu nhasi iro rakaenzana navaNetinimi navanakomana vavabatiri vaSoromoni avo vakadzoka vachibva muutapwa hweBhabhironi navakasarira vechiJudha; vaisava vaIsraeri ivavo vakatopfuura vaRevhi vanodzokera. (Ezra 2:40-58; 8:15-20) “Vakapiwa” vanobva pakati peboka guru ranhasi varume vechiKristu vakakura mumudzimu avo vakava noruzivo rwokuzviwanira rwakati somuuyo wokutarisira mumabazu, mubasa rokufambira, uye pakati peungano 66 000 zvino dzakatangwa mupasi rose.
Misi ichangobva kupfuura iyi, Zvikoro zvoUshumiri hwoUmambo zvakaitwa munyika yose nokuda kwomuraidzo wavatariri navabatiri vanoshumira vavo vanobatsira. MuUnited States moga, vatariri 59 420 vakapinda. Ava “varume vakuru” nokudaro vakashongedzerwa kuita mitoro yavo nenzira inobudirira zvikuru.—1 Petro 5:1-3, NW; enzanisa naVaEfeso 4:8, 11.
Padzimbahwe reBrooklyn reZvapupu zvaJehovha, “vakapiwa” vakabatira kwamakore akawanda zvikuru. Ivava vanobatanidza vatariri vakakura mumudzimu vanobva muboka guru avo vakawana mano makuru noruzivo rwokuzviwanira. Nokudaro, Mutumbi Unodzora wakasarudza vashomanene vavatariri vakadaro kubatsira mumisangano yamatare oMutumbi Unodzora. Ivava havasati vari zvavo varume vane chinyorwa chirefu zvikurusa chebasa. Panzvimbo pezvo, ivo varume vakakura mumudzimu, vane ruzivo rwokuzviwanira vane zvikwaniriso zvinovakodzera nokuda kwokupa rubatsiro mumativi akati. Kugoverwa kwavo kushanda nedare rakati hakusati kuchivapa mugariro chaiwo. Sezvakataura Jesu pamusoro pavadzidzi vake, “imi mose muri hama.” (Mateo 23:8) Zvisinei, zvakawanda zvicharonzeswa kuava varume, uye somuuyo “zvakawanda zvichadiwa” kwavari.—Ruka 12:48, NW.
Tinofarira kufambira mberi kwesangano raJehovha nhasi. Mumakore gumi apfuura, mave mune inodokusvika wedzero ye 100 muzana muchiverengero cheavo vanoshumira mumunda, mutsinhirano nouporofita pamusoro paDhavhidhi Mukuru, Jesu Kristu: “Hakusati kuchizova nomugumo wewedzero yehurumende yake norugare.” (Isaya 9:7, King James Version) Nenzira imwe cheteyo iyo vaNetinimi vakashanda nayo pamwe chete navaprista mukugadzira masvingo eJerusarema, naizvozvo nhasi uporofita pamusoro pesangano raJehovha huri kuzadzika: “Vatorwa vachavaka masvingo ako.” (Isaya 60:10; Nehemia 3:22, 26) VaNetinimi vomuzuva razvino uno vanofanira kuongwa nokuda kweshingairo yavanoratidza mukuvaka kunamata kwechokwadi, vachibatsira “vaprista vaJehovha” mumubato upi kana upi kana kuti basa ringagoverwa musangano renyika yose raJehovha.—Isaya 61:5, 6.